RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 5/8 pp. 16-18
  • Fodya Isina Utsi Haikuvadzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Fodya Isina Utsi Haikuvadzi Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Mashoko
  • Mashoko Akashata
  • Kupindwa Muropa!
  • Chenjera
  • Gadzirira Kurwisana Nezvipingamupinyi
    Mukai!—2010
  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?
    Mukai!—2000
  • Pane Chakaipa Here Kuna Mwari Kana Ndikasvuta Fodya?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kusvuta Kwakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 5/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti. . .

Fodya Isina Utsi Haikuvadzi Here?

‘APO Cord ane makore 13 okukura akatamira pakati pakadziva kumadokero eUnited States, akakurumidza kuwana kuti akanga asina chinozivisa vanhurume vari mugiredhi rechisere: nhekwe yefodya yomumhino, rudzi rwefodya isina utsi. Vazhinjisa veshamwari dzake itsva vaive “vatsuni,” kana kuti vashandisi vefodya yomumhino, uye Cord akanga achida kutevedzerawo. Naizvozvo apo mumwe wevakomana vacho akamupa kapakiti kefodya yomumhino, akakatora ndokuisa imwe yefodya yomumhino pakati pemuromo wake wezasi nematadza nokusakendenga kwomushandisi wenguva refu.’—magazini inonzi Listen.

Cord muduku sezvinobvira haatongori oga. Dr. Christopher A. Squier, purofesa wehosha dzomumukanwa, anotaura kuti nhamba inowedzera yevechiduku vechirume vari kutanga kutsunya. Kunyange zvazvo kutengeswa kwefodya isina utsi kwakanga kusisawedzeri mukupera kwama1980, “kushandiswa kwefodya yomumhino yakanyorova,” vanodaro Dr. Squier, “kuri kuwedzera zvekare.”a Vanzveri vanoshuma, somuenzaniso, kuti 1 muvadzidzi vechirume vepachikoro chepamusoro 5 vari vose muUnited States uye 1 mumajaya 3 ari ose muSweden—mamiriyoni evanhu vaduku—ava kushandisa fodya isina utsi zvino. Nei uku kuri kuitika?

“Kwakakotsekana kupfuura kuputa.” “Hakuna ufakazi hwokuti kune ngozi.” “Shamwari dzangu dzinoishandisa. Haisi kuvakuvadza.” “Shomanene apo neapo haisati ichizondikuvadza.” “Hapana munhu akambofa nayo.” Maererano neAmerican Cancer Society, izvi ndizvo zvimwe zvezvikonzero izvo vanhu vaduku vanopa kazhinji kazhinji sechikonzero nei vari kutendeukira kufodya isina utsi.

Chii chakaita kuti vanhu vaduku vafunge kuti kutsuna kwakakotsekana pane kuputa? Ndozvazvakaita chaizvoizvo here?

Kuwana Mashoko

Kwemakore indasitiri yefodya ine simba yakagombedzera pwere nokushambadzira kwairatidzira kuti fodya isina utsi yaidokuva isina ngozi sekutsenga chingamu uye inokosha seshangu dzemitambo dzakasimba. Kutaura kwakadai sokuti “Tora chihomwe chefodya yomumhino panzvimbo pokupugura utsi,” “Ndinowana mufaro chaiwoiwo wefodya pasina kunyange kutungidza,” uye “Kunongoda kushunya chete” kuratidza nokuchenjera kuti kushandisa fodya yomumhino kuri nani pane kuputa.

Pashure pokunge kutaura kwakadaro kwemuTV nemuredhiyo kwarambidzwa muUnited States, indasitiri yefodya yakapfuurira kushambadzira nenzira inokwezva mashoko ayo kupfurikidza nokushambadzira nemagazini. Mapikicha anovaima evanhu vakasimba zvikuru vari kuva nenguva yakanaka yokuvhima, vachikwira matombo, uye kukwasva mvura chena—nhekwe yefodya yakaiswa nenzira inooneka muhomwe yavo yeshure—yaipa shoko rinonzwika nerakajeka, rokuti: “Fodya isina utsi yakaisvonaka, ndeyomusikirwo, uye isuo rokuenda kukuva murume!”

Mushumo wa1994 wachiremba mukuru anovhiya weU.S., une musoro wokuti Preventing Tobacco Use Among Young People (Kudzivisa Kushandisa Fodya Pakati Pavanhu Vaduku), unotaura kuti vazhinji vevanhu vaduku zvino vanodavira kuti “zvinogadzira fodya isina utsi zvakakotsekana uye zvinogamuchirika munzanga.” Imwe nzvero pakati pavadzidzi vechikoro chepamusoro yakaratidza kuti “inenge 60 muzana yevashandisi vepachikoro chesekondari uye 40 muzana yevashandisi vepachikoro chepamusoro vaidavira kuti kwakanga kusina ngozi kana kuti ngozi duku mukugaroshandisa fodya isina utsi.” Uye kunyange vashandisi vapachikoro chepamusoro avo vakaziva kuti fodya isina utsi ingava inokuvadza “havaoni ngozi yacho kuva yakakura.” Mashoko okushambadza acho ari kusvitsa shoko rawo. Asi mashoko okushambadza acho ndeechokwadi here?

Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Kana kuti sokutaura kunoita chimwe chirevo, kuti: “mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuziva.” (Zvirevo 13:16; 14:15) Chii, ipapo, icho maidi anoratidza pamusoro pefodya isina utsi?

Mashoko Akashata

Nepo mashoko okushambadza angaratidza kuti kushandisa fodya isina utsi kuchanatsa mukurumbira wako uye kuti kwakakotsekana nokuda kwomuviri wako, maidi anoratidzira zvakapesana zvikuru. Kutanga, kushandisa fodya isina utsi hakusati kuchizokuita kuti utarisike zviri nani munzira ipi neipi. Kana usingakudaviri, ingoisa rurimi rwako mudama rako chete ndokutarisa muchionioni. “Zvakanaka”? Sezvinooneka nyangwe nepaduku pose. Uye ndizvo bedzi zvainokuita pachitarisiko chako! Zvainokuita mukati zvakatonyanya kuipa zvikuru.

Somuenzaniso, avo vanogara vachitsenga kana kuti kuhwira vanogona kuva nemiromo yakatsemuka, mazino akatindivara, kunhuwa mukanwa, uye matadza ane maronda—hapana chinhu chinosetsa. Mukuwedzera, kukwanisa kwavo kuravidza kunhuwidza kunoderera nepo kurova kwemwoyo kwavo nesundo yeropa zvichiwedzera—mashoko akashata zvirokwazvo. Mashoko akashata chaiwoiwo, zvisinei, ndeokuti nzvero dzakaitwa muEurope, India, uye United States dzinoratidzira kuti fodya isina utsi inoparira kenza mumatama, mumatadza, uye pahuro. Zvakawanikwa izvi hazvishamisi nyanzvi. Imwe fundo inoti: “Fodya yebute ine mwero wakakwirira zvikurusa wezvinoparira kenza pachigadzirwa chipi nechipi chinopinzwa mumuviri.” Hakushamisi kuti “vanoshandisa fodya yomumhino kwenguva refu vane bviro yengozi yokuva nekenza yomumuromo huru zvikuru ne50% kupfuura vasingashandisi.”

Apo kenza yomumuromo inodzika midzi, mugumisiro wacho iguva. Hahusi utano hwomusvuti bedzi hunokuvadzwa asi upenyu hwake kazhinji kazhinji hunopfupikiswa. Chimwe chinyorwa chakabva kuAmerican Cancer Society chinorondedzera iyi nyaya inosuruvarisa: ‘Sean akavamba kushandisa fodya isina utsi pazera ramakore 13. Akafunga kuti kwakanga kwakakotsekana zvikuru kupfuura kuputa. Pashure pemakore mashanu okuhwira nhekwe yose kana kuti kupfuura pazuva, akaita ronda parurimi rwake. Yakanga iri kenza yomumuromo. Vanachiremba vakabvisa rutivi rwerurimi rwake, bva kenza yacho yakapararira kusvikira kuhuro yake. Kumwezve kuvhiya kwokubvisa nyama kwakaitwa pasina yamuro—pazera remakore 19 akafa. Asati afa Sean akanyora mashoko akapfava papepa, okuti: “Usahwira fodya yomumhino.”

Kupindwa Muropa!

Pashure pokunge Cord muduku, adudzwa pakuvamba, arava nhoroondo inokatyamadza iyi pamusoro paSean, akanzwisisa pakupedzisira zvaibatanidzwa. Akasarudza kurega. Kuedza kurega, zvisinei, kwakanga kwakaoma. “Ndinonzwa sokuti ndinofanira kuisvuta chete,” Cord akaudza magazini inonzi Listen. “Kunyange zvino, mwedzi inoverengeka pashure pokunge ndarega chaizvoizvo, ndinozviwana ndimene ndichitsvangadzira muhomwe mangu ndichitsvaka nhekwe yangu. Ndinotsenga machingamu akawanda. Ikoko kunobetsera, asi hakubvisi havi yacho.”

Ca-A Cancer Journal for Clinicians inosimbisa, kuti: “Mukunzverwa kwevechiduku vakaedza kurega kushandisa fodya isina utsi, chikamu chiduku muzana bedzi vakakwanisa kuita kudaro.” Chii, zvisinei, chinokuita kuti kuve kwakaoma kwazvo kurega kushandisa fodya isina utsi? Murimo mumwe chetewo unokuita kuti kuve kwakaoma kwazvo kurega kuputa: chikakananda.

Chikakananda, murimo unowanwa mumidzanga pamwe chete nomufodya isina utsi, muchetura une simba unoita kuti mushandisi anzwe kunyandurwa kukuru. Anenge maminiti 30 ari ose, mushandisi anofanira kuhwirazve kudzivisa kunzwa ikoko kuguma. Chikakananda chinokupinda muropa. Vamwe vashandisi vanopindwa muropa kwazvo zvokuti vanochengeta chitsama chefodya yomumhino mumuromo mavo masikati nousiku—kunyange vakarara.

Mukupesana neizvo vanhu vaduku vangafunga, kuhwira hakuderedzi kupinda kwechikakananda. Nhekwe imwe yefodya isina utsi pazuva inogovera chikakananda chakawanda semidzanga 60! “Vashandisi vefodya isina utsi,” unodaro mushumo unoti Preventing Tobacco Use Among Young People (Kudzivisa Kushandisa Fodya Pakati Pavanhu Vaduku), ‘vanopinza inenge chikakananda chakawanda sezvinoita vaputi—zvichida chakawanda zvokupeta kaviri.’ (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Kunze kwechikakananda, fodya isina utsi ine manitrosamine (mishonga inoparira kenza ine simba) akawanda kupfuura midzanga nekagumi.

Chenjera

“Hapatongorina panikiro kuti izvi zvinhu zvine ngozi,” akadaro Dr. Roy Sessions, chiremba wokuvhiya musoro nemutsipa. “Zvinoparira kupindwa muropa uko vanhu vazhinji vanorangarira kuva kwakaoma zvikuru kubuda makuri kupfuura kuputa.” Nyanzvi yekenza yematadza Dr. Oscar Guerra yakagumisa kuti: “Muviri haudi zvawo chinhu chacho.” Nyanzvi munyika yose dzinobvuma, kuti: “Kuhwira kukuru kupfuura kutambudzika kushomanene. Inogona kukuhwira iwe!

Pwere dzechiKristu dzinotova nechikonzero chinomanikidza chikuru kupfuura kuitira hanya utano chokudzivisa zvigadzirwa zvefodya—chishuwo chavo chokufadza Jehovha Mwari. Shoko rake rinorayira, kuti: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.”—2 VaKorinte 7:1.

Magazini inonzi Aviation, Space, and Environmental Medicine inopedzisa nhau zvakaisvonaka, ichiti: “Fodya muti unovava unongodyiwa nezvisikwa zviviri bedzi—gonye duku rakasvibira nemunhu. Gonye duku rakasvibira harizivi chiri nani chipi nechipi.”

Asi iwe unoziva. Naizvozvo chenjera—usatanga.

[Mashoko Omuzasi]

a Marudzi maviri efodya isina utsi anoshandiswa nevazhinji: fodya yebute neyokutsenga. Kune fodya yomumhino yakaoma neyakanyorova. Pakati pevanhu vaduku, fodya yomumhino yakanyorova—fodya yakanyatsochekwa ndokusanganiswa nezvinotapirisa, zvinonakisa, uye zvinonhuwirisa, munhekwe kana kuti mumapaketi akaita setii-bhegi—ndirwo rudzi rwakakurumbira zvikurusa rwefodya isina utsi. “Kutsuna” kunonongedzera kukuisa yashunyiwa—uwandu hwefodya inobatwa pakati pechigunwe nemunwe wokutanga—pakati pemuromo kana kuti dama nematadza.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

‘Asati afa Sean akanyora mashoko akapfava, okuti: “Usahwira fodya yomumhino”’

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kutsenga fodya kwakavamba kukwira mumukurumbira pakati pepwere. Unofanira kukuedza here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe