Murangariro weBhaibheri
Mwari Anopa Tuso Here?
HUNGU, anodaro. Udyire here, naizvozvo, kubatira Mwari netuso mumurangariro? Aiwa, nokuti iye amene anogadza tuso pamberi pavabatiri vake vakatendeka. Kutaura idi, saMwari weruramisiro norudo, Jehovha anozvisunda amene kutusa avo vanomubatira. Shoko Rake, pana VaHebheru 11:6, rinoti murutivi: “Munhu anosvika Mwari anofanira kuva nokutenda muzvinhu zviviri, kutanga kuti Mwari ariko uye chechipiri kuti Mwari anotusa avo vanomutsvaka.”—Phillips.
Kuratidzira kutenda kwapachokwadi muna Mwari kunowana ushamwari hwake, uye uhwu ushamwari hunotungamirira kutuso. Mwari anokomborera avo vanotsvaka mutsa wake zvapachokwadi.
Tuso Mabasa Orudo
Jehovha anoda kuti tizive kuti iye rudzi rwaMwari uyo anotusa avo vanomuda. Somuenzaniso, vabereki vanorangarira vanotsvaka nzira dzokutusa nadzo mwana wavo uyo anoita nokuzvidira mabasa omumba mukusundwa norudo rwokuda vabereki. Vabereki vacho vangagovera zvinongopfuura zvinodikanwa zvoupenyu, vachitusa mwana nechipo chaicho. Padzimwe nguva chipo chingava kunyange mari inoiswa mubhangi kuti igovere chengeteko yomunguva yemberi yomwana. Nokudaro, Mwari haana kufanana navanhu vasingaongi kana kuti kurangarira avo vanoita zvinhu mukusundwa norudo kana kuti ruvimbiko. Jehovha anonzwira tsitsi uye anoswedera pedyo kushamwari dzake. Kana ukanamatira zvakasimba kukutenda maari, “ha[a]ngatongokuregeri, ha[a]ngatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.
Mwari anoonga uye anoda vose vaavo vanomuitira kunyange basa dukusa, achivapa mimwe mikana yokumuziva. Mashoko aJesu ari pana Mateo 10:40-42 anoenzanisira pfundo racho: “Unokugamuchirai imi, unondigamuchireni; nounogamuchireni, unogamuchira wakandituma. Unogamuchira muporofita muzita romuporofita, uchapiwa mubayiro womuporofita; nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubayiro wowakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubayiro wake.”
Jesu akatumwa naBaba vake, Jehovha. Nokudaro, munhu anogamuchira nenzira yomutsa vadzidzi vaKristu—vangava vaporofita, varume vakarurama, kana kuti vaduku—ari kugamuchira Kristu pamwe chete naMwari, uyo akatuma Kristu. Zvirokwazvo munhu iyeyo achakomborerwa; haasati asingazopiwi tuso. Chokuchengetera chake chepfuma yezvinhu zvokumudzimu chichava chakazara zvikuru. Neiko? Nemhaka yokuti Jehovha anoyeuka kunyange chiito chidukusa chebasa rinoitwa mukutsigirwa kwoUmambo hwake, uye chiito ichocho hachisati chisingazotuswi.—VaHebheru 6:10.
Nenzira inofadza, Petro, mudzidzi waJesu, akabvunza Jesu zvakananga kana paizova netuso nokuda kwake navaapostora biyake, kuti: “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?” (Mateo 19:27) Jesu haana kurangarira mubvunzo wacho sousina kukodzera asi akapa mhinduro yakanaka, achiti: “Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvine zana, akagara nhaka youpenyu husingaperi.”—Mateo 19:29.
Tuso Dzazvino Nedzenguva Yemberi
Mhinduro iyo Jesu akapa inoratidza kuti vateveri vake vanotuswa mose muri muviri zvino nomunguva yemberi. Tuso imwe chete yazvino kuva kwavo rutivi rwemhuri iri kukura yamarudzi ose yehama nehanzvadzi dzokumudzimu. Nepo chechi dzechiKristudhomu dziri kugomera pamusoro pemitezo iri kuderera nokushayiwa tsigiro, horo dzokusanganira dzeZvapupu zvaJehovha dziri kupfachuka nenzira yokufananidzira. Mazana ezviuru eZvapupu zvitsva ari kubhapatidzwa gore rimwe nerimwe.
Bva imwe tuso rugare rwendangariro negutsikano nomufaro izvo ushamwari naMwari nezivo yake zvinounza. Hungu, “kunamata Mwari . . . nezvatinazvo” ibetsero huru. (1 Timotio 6:6) Kunoratidzira mamiriro endangariro anofadza zvirokwazvo apo munhu anenge achikwanisa kutaura, sezvakaita muapostora Pauro, kuti: “Ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo,” ndiko kuti, kugutsikana.—VaFiripi 4:11.
Chinguvana rufu rwake rusati rwaitika, Pauro akanyora nezvetuso yomunguva yemberi ye“kapoka kaduku” kavateveri vaJesu vakazodzwa—tuso yorumuko rwokuupenyu hwokudenga, kuti: “Kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.”—Ruka 12:32; 2 Timotio 4:7, 8.
Mamiriyoni avateveri vaJesu avo vari “mamwe makwai” ake anokarira tuso yomunguva yemberi youpenyu husingaperi papasi rakashandurwa kuva paradhiso. (Johane 10:16) Uye Jesu akavimbisa kuti vateveri vake avo vanofa vacha“ripirwa pakumuka kwavakarurama.”—Ruka 14:14.
Isa Muchiono Tuso Yacho
Kwakakodzera kuedza kuisa muchiono zvikomborero zvakadaro, kunyange zvazvo pasina anoziva kuti zvichava zvakaita sei chaizvoizvo. Hausati uchikwanisa here kurangarira mufarwa unorondedzerwa pana Isaya 25:8, wokuti: Acha“paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose”? Edza kufunga mashoko aIsaya 32:17, anoti: “Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda kusingaperi.” Hungu, vanhu vose vachave vachishanda pamwe chete muushamwari hwechokwadi. (Isaya 65:21-25) Kunyange nhasi, basa rokushingaira rinoguma nemisha yakaisvonaka nezvinhu zvorunako rwakanakisisa. Ipapo, munyika itsva yaMwari, vanhu vane utano pasi pemamiriro ezvinhu akakwana vachave vachikwanisa kuita chipi nechipi chinodikanwa kuita kuti upenyu hufadze.—Pisarema 37:4.
Tuso idzo Mwari anopa hadzisati dziri nemhaka yebasa rakafanirwa nokukudzwa kurutivi rwedu asi dzinobva murudo rwake sechipo pasinei zvapo nomumiriro wedu wechivi wakagarwa nhaka. (VaRoma 5:8-10) Kunyanguvezvo, pane batano pakati petuso inokarirwa nomufambiro wedu. Tinofanira kutsvaka Jehovha zvapachokwadi nokutenda kwokusatya netsungiriro. (VaHebheru 10:35-39) Mumamwe mashoko, “zvose zvamunoita, muzviitei nomwoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu; muchiziva kuti muchapiwa naShe mubayiro wenhaka.” Hungu, anopa tuso.—VaKorose 3:23, 24.