Zvinotsigira Kunamata Satani Mirimo Nenziyo dzeHeavy-Metal
CARL A. RASCHKE, mutungamiriri weUniversity of Denver Institute of Humanities, akanyora, kuti: “Hakusi tsaona kuti mirimo, [nziyo] dzeheavy metal, utsinye, uye masimba masimba asingadzoreki zvose zvazova zvinomirira fungu iroro riri pamusoro pokuparadzwa kwomunhu sezvatinonanga kugumi ramakore rechitatu reNhambo yaSatani.” Akatiwo: “Ungataura kuti heavy metal rock noKunamata Satani zvine ukama humwe chetehwo kune chimwe nechimwe uhwo nziyo dzeevhangeri nechiKristu zvinahwo. Vanhu vashomanene zvikuru vanotendeudzirwa kuchiKristu nokungoteerera bedzi nziyo dzeevhangeri munhepfenyuro. Asi heavy metal itsigiro ine simba zvikuru. Inoisa pamutemo mibato yakashata iyo vana vatoveri mairi.”
Iyi ipomero yakasimba mukurwisana neizvo vazhinji zvikuru vepwere dzanhasi vanorangarira sevaraidzo dzenguva dzose kubva mufunganyo dzoupenyu—nziyo dzeheavy-metal nemirimo. Idzi pomero dzinoruramiswa here? Kunogona here kunzi mirimo nenziyo dzeheavy-metal zviratidzo zvinobvira zvoKunamata Satani? Rangarira tsinhiro dzaavo vakanangana namasimba masimba avanamati vousatani naavo vakavanzvera.
“Shoko rinonyandura renziyo dzeheavy metal, sezvingava zvisingashamisi, ndero‘rudzidziso’—mupfungwa yokuti rinozivisa simba rakakwirira rinonzvera chisiko chose. Simba racho, zvisinei, harisi Mwari,” akanyora kudaro Raschke, mubhuku rake rinonzi Painted Black. “Kunovambwa . . . neDhemoni Guru rimene.” Mukuwedzera, akati: “Simba namasimba masimba zvousatani ndechimwe chinhu kwachiri uko vechiduku vanoshayira tariro, uye nehana yakatsva, vanogona kukweviwa nyore nyore. . . . Vaduku vakatambudzwa navakabatwa zvisina kufanira, kupfurikidza neizvo zvavakadzidza nokuva nouipi, vanodavira kuti Simba Rakakwirira rinofanira kuva uipi. Heavy metal inosimbisa iyi ‘dzidziso’ ndokuipinza munziyo.”
Mukuwirirana naDr. Paul King weUniversity of Tennessee, uyo akapupurira pamberi peUnited States Senate pamusoro penziyo dzeheavy-metal, chisarudzo chenziyo chechiverengero chikuru chavechiduku vakavhiringidzika ndeicho “chemisoro isingagamuchirwi navoruzhinji yamasimba masimba, ruvengo, kupanduka, vatano yakashata, kubatwa zvisina kufanira kwavakadzi, uye kurumbidzwa kwaSatani. Apo muraramire womuyaruki unobatanidza mirimo, ichi chisarudzo chinotova chinobvira zvikuru.” Nziyo dzeheavy-metal dzinorumbidza nokukudza simba rouipi, King akadaro. Munziyo dzeheavy-metal, “mabasa akaipa anorumbidzwa kumwero mitsva mukati mekonzati,” akadaro.
Rangarira zvibereko zveshoko rokusafunga reheavy metal mumativi enyaya dzinotevera.
Gore rakapera muNew Jersey, U.S.A., vakomana vaviri vamakore 15 okukura vakauraya nomutoo woutsinye chipfuyo chokutamba nacho chemhuri imbwa yeLabrador yainzi Princess. “Yakanga iri chibayiro chaSatani,” vakataura kudaro. Vakarembedza imbwa yacho necheni yayo, vakaibanha kusvikira yafa, vakadimbura rurimi rwayo ndokurushandisa mutsika yousatani. Vakarovera muviri wakadzunhwa wembwa yacho pahochekeso yesimbi huru ndokuuturika muchivanze chomuvakidzani. Zviratidzo zvousatani zvakawanwa pamusoro wembwa yacho, pentagram (nyeredzi ine mativi mashanu akapinza mudenderedzwa—chiratidzo choUsatani) yakatarwa pavhu pasi pomuviri wembwa yacho. Pausiku hwokuuraya kwacho, vakanga vachiteerera Deicide (zvinoreva kuponda kwaMwari), bhendi redeath-metal, iro muimbi waro anotungamirira anoganza nemhaka yokutambudza nokuuraya mhuka.
MuCalifornia, vaduku vaviri vanodanana, avo, mukuwirirana neshamwari, vakanga vachipengeswa nokunamata Satani, vakauraya nomutoo woumhuka amai vomusikana wacho kupfurikidza nokuvabaya nokuvarova nechimonyeso. Munharaunda imwe cheteyo, imwe pwere yakanyengetera kuna Satani ipapo ndokuuraya baba vayo nokupfura. Mapurisa ainzvera mhaka yacho akapwiswa kuti nziyo dzeheavy-metal ndidzo dzakanga dzine mutoro. “Zvikurukuru, nziyo dzinodzidzisa kuti haufaniri kuteerera vabereki vako, uye kuti unofanira kurarama upenyu nenzira yaunoda,” chakadaro chimwe chiremera chamapurisa.
MuEngland vananyajambwa vokubatwa chibharo kune nhevedzano neboka vakashuma kumapurisa kuti mumwe wavabati chibharo vacho akanga ane nyora dzechiratidzo chebhendi reheavy-metal iro mashoko enziyo dzaro ane mashoko okubata chibharo namasimba masimba.
MuArkansas, U.S.A., muduku wokumaruwa akaedza kuuraya vabereki vake kupfurikidza nokuvarova netsvimbo uye ipapo kuvacheka-cheka nebanga rokuchekesa nyama. Mapurisa akawana mukaseti pureya yake tepu yakaiswa kuti igozviridza yoga rwiyo rwebhendi reheavy-metal, runonzi “Altar of Sacrifice,” umo mashoko acho anozhamba, kuti: “Muprista mukuru akakumirira, banga riri muruoko, achidurura ropa remhandara yakachena. Kuuraya kwaSatani, rufu rwomutambo, pindura kurayira kwake kuri kose. Pinda nyika yaSatani . . . Dzidza mashoko anoera erumbidzo, ‘Rumbidza Satani.’”
Kana ari mashoko edzimwe nziyo dzinoimbwa nemitezo inozhamba yamabhendi eheavy-metal—kazhinji kazhinji anowiriraniswa nokuimba kwavo pamakonzati mukupenga kusingadzoreki, kana kuteerera makaseti etepu kwamaawa mazhinji—ipesvedzeroi iyo mashoko akadaro anova nayo papwere dzinopesvedzereka? Rangarira, somuenzaniso, aya mashoko: “Satani tenzi wedu mukuremadza kwakaipa anotitungamirira nhano yokutanga iri yose,” uye “Durura ropa rako, riyeredzere kwandiri. Bata ruoko rwangu uye rega upenyu hwako huende . . . Wadurura ropa racho. Ndine mweya wako.”
“Kana tichitogamuchira kuti mabhuku outere angasunda mubati zvisina kufanira womwana,” akanyora kudaro Carl Raschke, “kuregererei kurangarira pfungwa yokuti mashoko iwayo anozhamba kuti uraya, dzunha, remadza, tambudza, paradza chose anganyandura zvomenemene mumwe munhu ane pfungwa dzakavhiringidzika kuita chaizvoizvo mabasa iwayo?”
Murangariro wavanzveri kunzvimbo iri yose kuti kushandisa mirimo zvisina kufanira noKunamata Satani zvinofambidzana. Aichimbova mutevedzeri womufeyi David Toma anotaura kuti haana “kutongosangana nomunamati waSatani akanga asingasvuti mirimo.” Kushandiswa kwomurimo, yakashuma kudaro magazini inonzi ’Teen, kunoomesera vaduku “avo vanotendeukira kukunamata dhiabhorosi, kuchikuita kurambe kwakaoma zvikuru kusiyanisa chiri chaichoicho zvomenemene neicho chinongoratidzika bedzi kuva chaichoicho pachinorangarirwa muvhiringidziko yemirimo nechinwiwa chinodhakisa.”
“Heavy metal yakabatana zvikuru nokushandiswa kukuru kwomurimo kufanana nokubatana kwakaita marotari navabhejeri vakapindwa muropa,” akadaro Raschke. “Muyaruki anotsamira pamakemikoro anogamuchira muraramire wokuzvitutumadza, woutsinye, woumbavha nowevatano yokunyanyisa—zvose zvinotsigirwa nokuchema nokudzvova kwamapoka emetal.”
Pasina panikiro, muduku anova nyajambwa nyore nyore kupesvedzero yaSatani apo kuva akanaka mundangariro kunokukurwa muuropi hwake uye mifungo yokushatisa neyamasimba masimba inotora nzvimbo yayo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Munhu anogonakuva nyore nyore nyajambwa wepesvedzero yaSatani apo kuva akanaka mundangariro kunokukurwa muuropi uye kushatisa namasimba masimba zvinopinda
[Mufananidzo uri papeji 7]
Uri kuzadzandangariro yako nechii?