Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kufemba Guruu—Kunogona Kundikuvadza Chaizvoizvo Here?
“KUNOFADZA—kungofanana nokuona mifananidzo inosetsa.” Anodaro Sveta, musikana ane makore 13 okukura wokuMoscow, Russia.a Asi Sveta haasi kutaura nenzira yembavarira pamusoro pefirimu yazvino uno kana kuti vhidhiyo. Ari kurondedzera chinoitika chake nomuitiro wokushandisa zvisina kufanira murimo kuri kwakakurumbira pakati pezviuru zvepwere munyika yose—kufemba guruu.
Guruu rinongova chimwe bedzi chezvinhu zvizhinji izvo dzimwe pwere dziri kufemba, kunyanguvezvo. MuBritain, somuenzaniso, zvinonakisa mhepo, mafuta okubatidzisa mwoto, uye “zvimwe zvinhu 20 kusvikira ku 30 zvakarovedzeka zvomumba . . . zviri kushandiswa zvisina kufanira,” mukuwirirana nemagazini inonzi Young People Now. Ikoku kunobatanidza “masipureyi okubvisa marwadzo, porichi yefanicha, nezvokunamisa matayi.” Chokwadika, dzimwe pwere dzinofemba kunyange mweya unobva muzvokudzimisa mwoto! Kwakarurama zvikuru naizvozvo kudana iyi tsika inokuvadza asi yakakurumbira kuti “kushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa” kana kuti “kushandisa zvisina kufanira zvinhu zvinochinja,” seizvo dzimwe nyanzvi dzinokudana.
Vangave vachishandisa zvisina kufanira guruu kana kuti porichi yefanicha, vafembi vanotsvaka miuyo yakafanana. Mukuwirirana namamwe manyuko, vanoda “‘kufara’ kana kuti ‘kudhakwa’ kwakafanana nokudhakwa kunoparirwa nechinwiwa chinodhakisa.” Zvinonyungudutsa zvakachipa uye zvinowanika zvikuru kupfuura mirimo inopinda muropa neinokuvadza yakadai secocaine. Magazini yeBritain inonzi New Scientist nokudaro yakashuma, kuti: “Zvinonyungudutsa zvava zvakare murimo wavarombo, vaduku navakadzingwa pamba: vana vomumugwagwa veGuatemala navagari vomuruzevha muNorth America, uyewo vanhu vaduku mumahositeri nenzvimbo dzokurara usiku muBritain.” Zvimwe zviremera zvinodavira kuti muBritain, musikana mumwe chete nomukomana mumwe chete muvane gumi vechiduku akafemba zvinonyungudutsa. Uye tapuro dzacho dzinokuvadza zvirokwazvo.
Bhukwana rinonzi Drug Misuse rinotsanangura kuti “mweya wezvinonyungudutsa unofemwa unokweviwa nomumapapu ndokukurumidza kusvika uropi.” Zvinonyungudutsa zvinotapura gadziriro huru yetsinga dzokunzwa, uye kufanana nechinwiwa chinodhakisa, zvinogona kubudisa pfungwa yechinguvana yokunzwa mufarwa. Muvamwe vashandisi, zvinoparira kunyange mhatsa yezviono zvechinguvana—uye hazvisati zviri zvose zviri zvinofadza seizvo zvarondedzerwa naSveta pamavambo. “Ndakaona makonzo mazhinji,” inodaro pwere inonzi David iyo yakafemba guruu pazera ramakore 14. “Pakanga pane zviuru zvawo—maduku achibuda mune makuru. Ndakafunga kuti akanga achidya shamwari yangu.” Pwere yechiJapan inonzi Kazuhiko, iyo yakavamba kufemba guruu pazera ramakore 17, inoyeuka, kuti: “Ndakaona pasi richitsemuka uye zvikara zvichindidenha.”
Nei, ipapoka, kufemba zvinhu zvinonyungudutsa kuchifadza zvikuru kudzimwe pwere? Lee, uyo akatanga kufemba guruu apo akanga ane makore 13, anoti: “Zvikurukuru, chikonzero nei vanhu vachikuita kuedza kupukunyuka kubva muuchokwadi.” Hungu, nokuda kwedzimwe pwere, kuva dzinofara nezvinonyungudutsa inzira yokukanganwa nayo zvinetso. Dzimwe dzinoshuva mufaro wacho; dzinofunga kuti chiono chinotyisa chakafanana nefirimu inotyisa inofadza. “Zvimwe zvikonzero,” rinodaro Bato reZvoutano reIreland, “zvinobatanidza chishuvo chokuda kuziva, kuita kudzvinyiriro yeboka ravaenzani, kuedza kuwana mugariro, kuti dzitsive kuzviremekedza kwakaderera nokunzwa kwokusakwana.”
Rufu Rwakamwe Kamwe
Chipi nechipi chingava kufadza kwako, kufemba zvinonyungudutsa muitiro unouraya! Kwakaparira nzufu dzine 149 muBritain muna 1990, uye pane dzimwe nguva kunouraya munongova mumaminiti bedzi. “Rufu rwakamwe kamwe rwokufemba” runodanwa kudaro. Rachel, somuenzaniso, aiwanzodira zvinoyerera zvokudzimisa kunyora kwetapureta paruoko rwehembe yake ndokuzvifemba muchikoro. Rimwe zuva akazvifemba apo akanga achifamba nebhazi. Akaburuka bhazi ndokuwira pasi. Akasimuka kwechinguvana ndokuwazve—akafa! Rachel akanga ane makore 15.
Rinotyisa zvikurukuru iidi rokuti zvinonyungudutsa zvinogona kukuuraya nguva yokutanga chaiyo iyo unozvishandisa zvisina kufanira! Re-Solv, sangano reBritain rakagadzwa kurwisa kushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa, rinoshuma kuti “18% yenzufu dzose dzokushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa pakati pa 1971 na 1989 vakanga vari ‘vafembi’ venguva yokutanga.” Mudukusa akafa akanga achingova bedzi namakore mapfumbamwe okukura. Kufanana nokushandisa zvisina kufanira chinwiwa chinodhakisa, kushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa kunogona kutaurwa kuva kunoruma ‘senyoka uye kubudisa uturu semvumbi.’—Zvirevo 23:32.
Vafembi vanogonawo kufa somuuyo wetsaona iyo inoitika apo vanenge vakadhakwa nezvinonyungudutsa. Vamwe vakawa muzvivako kana kuti kunyura. Vamwe vakava vasingazivi ndokudzipwa pakurutsa kwavo vamene. Vamwe vakatofa somuuyo wokufemba vakaputira misoro yavo nepurasitiki; vakava vanodhakwa zvakanyanyisa zvokusagona kubvisa purasitiki yacho, uye vakafa nokushaya mhepo yokufema. Bva vamwe vakatsva kusvikira vafa apo zvinonyungudutsa zvakabatira mwoto.
Kushatiswa Kwomuviri Nedzimwe Ngozi
Kunyange zvazvo miuyo mikuru yakadaro isingaitike kuvose, imwe nyanzvi inonyora, kuti: “Anoshandisa zvisina kufanira wenguva dzose anoziva kuti ari ‘kushatisa’ muitiro wake uye anotambura marwadzo echipfuva, kurasikirwa nedzikamo, kutemwa nomusoro, kurasikirwa neyeuko uye zvizhinji zvikuru zvezvimwe zviratidzo izvo anowanzosabvuma.” Lee (anokorwa mashoko pakuvamba) anoyeuka, kuti: “Ndakatemwa nomusoro zvakashatisisa zvandisina kumbova nako muupenyu hwangu.” Sangano rinonzi Re-Solv rinotaura kuti kufemba zvinonyungudutsa kunogonawo kukuvadza itsvo nechiropa, kunogona kuunza kuvadziko yendangariro, uye kuparira kuora mwoyo.
Ipapo pane ngozi dzetsika. Vamwe vafembi vakava mbavha kuti vatsigire tsika yavo. Kana kuti rangarira icho chakashumwa muDaily Yomiuri yeJapan: “Imwe chete yepwere nhatu dzakapomerwa mhaka yokupondwa kwomusikana wechiduku [yakataura] kuti haina kunzwa pfungwa yokuva nemhaka pakuuraya musikana wacho nemhaka yokuti yakanga yakadhakwa ne[zvinonyungudutsa] panguva yacho.”
Pakupedzisira, kushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa kunogona kuguma nokutsamira kwemirangariro pazvinonyungudutsa—kupindwa muropa. “Vane gumi muzana vaavo vakashandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa vakava vafembi venguva dzose,” inodaro Glasgow Herald yeScotland. Ikoku kunogona bedzi kudzivisa kukura kwemirangariro nokwomudzimu kwomumwe. Rangarira mashoko eBhaibheri ari pana 1 VaKorinte 14:20: “Musava vana pakuziva, asi . . . pakuziva muve vakuru.” Mumwe anokura sei muna ikoku? Bhaibheri rinotsanangura pana VaHebheru 5:14: “Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” Akapindwa muropa anokundikana kukudziridza masimba ake okunzwisisa. Panzvimbo pokutarisana nezvinetso, anoedza kuzvipukunyuka kupfurikidza nokupinda mumugariro wokusaziva unoparirwa nomurimo. Magazini inonzi Young People Now yakataura kuti vafembi venguva dzose va“nobatwa savechiduku—vasingakwanisi kupinda muukuru.”
Usakuedza!
Ungaziva vamwe vaenzani avo vakaedza kufemba zvinonyungudutsa, uye kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuva nechishuvo chokuda kuziva. Asi Bhaibheri rinoti: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinte 7:1) Kuedzerei chimwe chinhu chinoshatsa muviri wako kana kuti chinokuparira kurasikirwa nokudzora ndangariro yako, kunyange kwechinguvana? Zano reShoko raMwari nderokuti “tisvinuke.” (1 VaTesaronika 5:6) Uku kutaura kunoreva chaizvoizvo kuti “ngativei vakapengenuka.” Panzvimbo pokushatisa mano ake okufunga anokosha, muKristu anoadzivirira nokuchenjera.—Zvirevo 2:11; 5:2.
Kazuhiko anoti: “Ndinodemba kuti ndakatanga tsika yacho.” Lee anobvuma, achiti: “Upenzi zvikuru. Chinhu chine ngozi zvikuru kwazvo chokuita.” Zvidzivisire umene marwadzo mazhinji norusuruvaro, uye usatongoedza kufemba zvinonyungudutsa. Ita seizvo Bhaibheri rinotaura: “Munhu wakangwara unovona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”—Zvirevo 22:3.
Kunyanguvezvo, kushandisa iri zano kungasava kuri nyore. “Dzvinyiriro yeboka ravaenzani” inotaurwa kuva chimwe chezvikonzero zvinozivikanwa zvikuru nei pwere dzichibatwa mukushandisa zvisina kufanira zvinonyungudutsa. “Mukoma wangu akandiita kuti ndifarire kufemba guruu,” anodaro David muduku. “Shamwari dzangu dzakakusuma kwandiri,” anowedzera kudaro Kazuhiko. Hungu, seizvo 1 VaKorinte 15:33 inotaura, “songaniro dzakashata dzinoodza tsika dzakanaka.” Kuregererei vaenzani vachiparadza upenyu hwako? Jehovha Mwari, Baba vedu vokudenga, vanopa zano, kuti: “Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe.”—Zvirevo 1:10.
Nokuchenjera, ita kuti vabereki vako vazive kana vamwe vari kukumanikidzira kushandisa mirimo. Vanogona kubetsera kusimbisa kutsunga kwako kuti uti aiwa. Kuno rumwe rutivi, zvimwe uri kuedzwa kuedza kufemba zvinonyungudutsa nemhaka yokuti unonzwa wamanikidzirwa kana kuti wakurirwa nezvinetso. Betsero iri nani zvikuru nokuda kwenhamo kutaura zvinetso zvako navabereki vako kana kuti mumwe mukuru, anonzwira tsitsi. Unoda nhungamiro, kwete kupukunyuka kunoparirwa nomurimo. Unogonawo kushandisa gadziriro yomunyengetero kukubetsera kugonana nako. “Vimba na[Mwari] nguva dzose,” anodaro wezvamapisarema. “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.”—Pisarema 62:8.
Kufemba zvinonyungudutsa kungaratidzika kuva kunofadza, asi hakusati kuchizopedza zvinetso zvako. Zvamazvirokwazvo, kunogona kuparadza upenyu hwako. Ngwarira. Usatongokuedza.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Usabvumira dzvinyiriro yavaenzani kukunyengera kupinda mumuitiro unouraya