Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Mitambo Inofadza Inotyisa Ndinofanira Kuzvipinza Mungozi Here?
“IYI ichava nhambo inotyisa zvikurusa youpenyu hwako,” unoudzwa kudaro sezvaunomira pachikuva uchidedera. Kuverenga uchidzika kunovamba: “5, 4, 3, 2, 1—SVETUKA!” Kuwa kwacho kunokuparira kumira kufema kamwe kamwe. Unowa nokuchimbidzika wakananga runoratidzika kuva rufu rwakajeka, asi kamwe kamwe unonzwa kudhonza kwakamwe kamwe kwetambo inotatamuka. Unokurirwa kamwe kamwe nokunzwa kwokununurwa. Wapukunyuka!
Bungee jumping.a Mutambo wacho wakakwezva vatori rutivi vanofungidzirwa kuva miriyoni imwe kusvika kumaviri muUnited States moga. Unongova mumwe wemitambo yakawanda iyo yakawedzera zvikuru munguva ichangobva kupfuura iyi mumukurumbira—kukwira matombo, paragliding, white-water rafting, uye sky surfing, kungodudza hedu mishomanene. “Ma 90 igumi ramakore remitambo inofadza inotyisa,” anodaro mumwe musimudziri webungee-jump.
Mibato ine ngozi haisati iri nharaunda imwe bedzi yevakabudirira. Vanotsvaka mufaro vomuguta vanopinda muzviito zvine ngozi zvakadaro (uye zvisiri zvapamutemo) zvokusatya zvakadai seelevator surfing (kukwira pamusoro pezvikwidziso zvinofamba), tunneling (kumhanya nokukurumidza nomumikoto yezvivako zvikuru), subway surfing (kukwira pamusoro pemotokari dzinofamba napasi pevhu), uye stair diving (kuita mutserendende pamatanhiko akaiswa girizi).
Chii Chiri Kukwezva Kwacho?
“Ndichaedza chinhu chipi nechipi icho chinondityisa,” anodaro Norbert muduku. “Ndinofarikanya mitambo yose—baseball, basketball—asi kusvetuka pamabhiriji kwakandipa mufaro unotyisa! Kwakasiyana chose chose.” Douglas muduku anobvumirana nazvo. “Mitambo yenguva dzose inofadza, asi yakarongwa kupedza donzo,” anodaro. “Wakaganhurirwa nguva dzose. Ndinoda kunzwa kwokuwa. Uye mwero wacho . . . Hautongovi nokunzwa ikoko nemimwe mitambo.”
Mitambo inofadza inotyisa inopfuura kudenha mano ako okumhanya; inoita kuti unangane norufu! Vatori rutivi vanoratidzika kuva vanofarikanya kunzwa kwokufara kunoparirwa. Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti vanhu vakati vakarongerwa kugara nhaka kuva vanhu voRudzi rwaT, kana kuti vokutsvaka zvinofadza zvinotyisa. Zvisinei, pwere zhinjisa dzinopinda murudzi rwakati rwokuzvipinza mungozi; inzira dzavo dzokuedza ganhuriro nokukudziridza kuzvivimba.
Nomutoo usingafadzi, pwere kazhinji kazhinji hadzishandisi kusarudza kwakanaka mukuita kudaro. “Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo,” anodaro Zvirevo 20:29. Asi mamwe anoratidzika kuva anofunga kuti simba rawo harina kuganhurirwa. Dr. David Elkind anotaura kuti vechiduku kazhinji kazhinji vanodavira kuti “ndivo chaivo navakasiyana—vanohesvurwa kubva kumitemo yebviro iyo inoshanda kuvamwe. Ndouku kudavira mukuva chaivo, mukuva vakabatikana mukusatapurika, uko kunobetsera zvikurusa kuzvisarudzo zvavechiduku kuzvipinza mungozi.” Dr. Robert Butterworth anocherekedza nomutoo wakafanana, kuti: “Apo unoita chimwe chinhu chakadai seskydiving, kunokupa pfungwa yokufuratira bviro, inodzora jambwa rako.”
Zvisinei, kuzvipinza mungozi kunogonawo kunyandurwa nesundo dzine rima. Mubhuku rake rinonzi Childstress!, munyori Mary Susan Miller anoratidza kuti vaduku vazhinji vasingatyi ngozi vanozvipinza mungozi dzoupenzi nemhaka bedzi yokuti havagoni kugonana nenhamo dzoupenyu hwavo. Mitambo inofadza inotyisa nokudaro ingawadzanyura miitiro yokuzviparadza kana kuti kunyange miitiro yokuzviuraya. “Vanozviisa namaune mumigariro ine ngozi,” anodaro Miller, “sokunge kufuratira jambwa kuti vaite basa racho nokuda kwavo.”
Kune Ngozi Chaizvoizvo Here?
Chipi nechipi chingava fariro yavo, mitambo inofadza inotyisa inogona kuva ine ngozi. ‘Kudarika mugwagwa kunogona kuvawo kune ngozi,’ vamwe vanotaura kudaro. Asi mumwe munhu ari kudarika mugwagwa haasi kutsvaka ngozi namaune kana kuti zvinofadza zvinotyisa. Uye nepo mitambo mizhinji, yakadai sebungee jumping, ine zvinyorwa zvakanaka zvekotsekano, zvinhu zvinogona kuva zvakaipa. Mark Bracker, M.D., akakududza muiyi nzira: “Nemizhinji yeiyi mitambo ine ngozi huru, apo chimwe chinhu chinoipa chinogona kuva ngwavaira. Kana mufaro unotyisa uri mukuru zvikuru, ngozi yacho inowanzova huru zvikuru, kungava kusvetuka kubva mundege kana kuti hang gliding kana kuti kukwira mudhudhudhu.” Imwe pwere ine makore 20 okukura inoita zvebungee yakasvetuka kubva pabharuni rinopeperetswa nemhepo inopisa raibhururuka mamita 58 pamusoro papasi. Chii chaiva chinetso? Tambo yayo yakanga yakareba mamita 79! Yakasvetuka ndokufa zvakashatisisa.
Sezvinobvumwa, mimwe mibato, yakadai sokutasva mudhudhudhu, ingafarikanywa mumutoo wakati kotsekanei uye une mwero. Asi imwe nyanzvi mumishonga yemitambo inoti pamusoro pavatsvaki vezvinofadza zvinotyisa: “Sezvo unyanzvi hwavo hunoramba huchiva nani, vanotanga humwe hwakaoma zvikuru, uye vanoguma nekuvadziko.” Imwe pwere yakabvuma kuti: “Ndiri mupindwi muropa. Kwakaoma zvikuru zvino kuwana mwero iwoyo worutyo nomufaro.”
NdeyavaKristu Here?
Ko Bhaibheri rinorambidza chose chose here mitambo yose? Aiwa. Kunyanyisa kwoupenzi uko kunorambidzwa. Sezvakanyorwa pana Muparidzi 7:17, Soromoni akabvunza, kuti: “Uchafireiko nguva yako isati yasvika?”
‘Upenyu hupfupi. Tamba zvakasimba,’ kunokurudzira kudaro kumwe kuzivisa kweshangu dzavamhanyi. Asi tine mutoro kwatiri timene, kuavo vanotida, uye kuMusiki wedu kuti tikoshese upenyu hwedu. Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. (Pisarema 36:9) Munguva dzeBhaibheri zvirango zvakakomba zvaigona kupiwa kana upenyu hwakanga hwatorwa netsaona. (Eksodho 21:29; Numeri 35:22-25) Vanhu vaMwari vaikurudzirwa nokudaro kudzivisa ngozi dzisiri madikanwa.—Enzanisa naDheuteronomio 22:8.
Nenzira yakafanana nhasi vaKristu vane mutoro wokuratidza ruremekedzo nokuda kwoupenyu. Kwaizova kwakakodzera kuronda mubato wemitambo iyo ingakuratidzira kungozi dzisiri madikanwa here? Apo Satani Dhiabhorosi akaedza kuedza Jesu, akataura kuti ngirozi dzaizobata Jesu kudai aizozviwisira amene pasi kubva pamusoro petemberi. Jesu akapindura, kuti: “Usaidza Ishe, Mwari wako.”—Mateo 4:5-7.
Kunze kwezvo, sezvaunganzwa wakasimba une utano, hausati uri asingatapurwi. Hakusi kwechokwadi kurangarira kuti: ‘Hakugoni kuitika kwandiri.’ Bhaibheri rinotinyevera kuti ‘nguva nezvisingadeyi kuonwa zvinotiwira tose.’—Muparidzi 9:11.
Tanga Wafunga Usati Waita Chiito
Kune mufungo kufunga zvakakomba pamusoro pemiuyo inobvira yokusvetuka pakireni, kusvetuka mundege, kana kuti kuita chinhu chipi nechipi icho chingaratidzika kuva chakanyanyisa kuva nengozi. Usangotsamira bedzi pakunzwa kana kuti mishumo yembavarira yedzimwe pwere. (Zvirevo 14:15) Wana maidi acho.
Somuenzaniso, ndoupi chaizvoizvo uri mwero wetsaona nokuda kwomutambo wakati? Kungwarirai kwekotsekano kunoitwa? Imwe nyanzvi inoti pamusoro pescuba diving: “[Vanhu vanofunga kuti] kubva pakati pemhepo kuenda mumvura kune ngozi. . . . Asi kunongova kune ngozi bedzi kana ukakuita pasina murairidzo wakakodzera.” Naizvozvo unofanira kubvunzawo kuti, Irovedzoi nezvishandiso zvinodikanwa nokuda kwouyu mutambo? Pane betsero here dzine mufungo, dzakadai sokurovedza? Pane ngozi dzipi nedzipi here dzingangomuka, kana kuti nharidzano huru yomutambo wacho ndeyokuzvidza rufu here?
Kana zvapashure zviri chinoitika chacho, ungazvibvunza umene nei kuzvipinza mungozi kuchifadza zvikuru kwauri. Kunongova kuita kukufinhwa here kana kuti nhamo? Ipapo kuregererei kutsvaka nzira yakakotsekana, yakanaka zvikuru yokubata nayo nokunzwa kwakadaro?b Bhuku rinonzi Teenage Stress rinotiyeuchidza kuti kuzvipinza mungozi “mutoo une ngozi uye usingabudiriri pakupedzisira wokugonana norutivi rwakaipa rwenhamo.”—Enzanisa naZvirevo 21:17.
Pashure pokusanonzvera nhau—uye kutaura zvinhu navabereki vako—kungasanogumiswa kuti kungava kuri nani kuti udzivise mitambo inofadza inotyisa zvakanyanyisa. Vabereki vako vangasarudza kuti uronde mibato iyo inoratidzika nomutoo womuzvarirwo kuva inotyisidzira upenyu zvishoma, yakadai sokuchovha bhasikoro, skating, skiing, uye snorkeling, kungodudza mishomanene. Chokwadika, kunyange mibato yakati kotsekanei inogona kuva ine ngozi kana kungwarira kwakakodzera kukasaitwa.
Ikoku kwakaitika kuboka duku repwere dzechiKristu idzo dzakasarudza kufamba rwendo rurefu. Dzakachinja nzira ndokuvamba kukwira mapeto akamanikana pamawere akatenuka zvikuru. Isati iri nguva refu dzakazviwana dzimene dzodokuva dzabatwa, dzisingakwanisi kuenda mberi zvakakotsekana kana kuti zvimwe shure. Pwere yakanga ichitungamirira boka ipapo yakanzwa ruzha rwakamwe kamwe. Vaviri vavakumbaniri vayo vakanga vawa ndokufa. Kunosuruvarisa sei!
Naizvozvo tapota iva anongwarira! ‘Fara muupwere hwako,’ uchifarikanya simba noumhare zvawakakomborerwa nazvo. (Muparidzi 11:9) Asi usati wagamuchira kokero yokuita chimwe chinhu chine ngozi, ita izvo Brian muduku anoita. Anoti: “Ndinozvibvunza ndimene kuti, ‘Jehovha aizonzwa sei pamusoro pako? Kucharatidzira sei mafungire angu kana toreva nezvechipo choupenyu icho akandipa?’” Hungu, rangarira ngozi dzacho, nzvera sundo dzako. Upenyu hunokosha zvikuru zvokusagona kuita neimwe nzira.
[Mashoko Omuzasi]
a “Bungee jumping” mutambo umo vasvetuki, vakasungirirwa kutambo refu inotatamuka inonzi bungee, vanosvetuka kubva pamabhiriji, makireni, uye kunyange pamabharuni anopeperetswa nemhepo inopisa. Ikoku kunobvumidza kunodokuva kuwa kwakasununguka tambo yacho isati yakakata, ichimisa kurovera.
b Kana wakaora mwoyo kana kuti uri kurwisa sundo dzokuzviparadza, kuregererei kutaura kuno mumwe munhu ndokuwana betsero panzvimbo pokuzvipinza mungozi dzisiri madikanwa?—Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Kuzviuraya Ndiyo Mhinduro Here?” muchinyorwa chedu chaMukai! yaApril 8, 1994.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Pwere dzechiKristu dzinofanira kuronda mitambo inofadza inotyisa yakafanana ne“bungee jumping” here?