RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 10/8 pp. 15-17
  • Ko Ndinofanira Kutiza Pamusha Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Ndinofanira Kutiza Pamusha Here?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro Wakafanira Unodikanwa
  • Kurangarira Mwari
  • Kunogadzikisa Zvinetso Here?
  • Kuwana Rudo Nokunzwisisa
  • Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo Zvemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kuziva Zvinodikanwa Zvavabereki Vako
    Mukai!—1994
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 10/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ko Ndinofanira Kutiza Pamusha Here?

“INI ndichatiza. Ndichavaratidza.” Ndiwo manzwire aunoita here? Kupwere zhinji, iyoyo haisati iri tyisidziro isingashandi. Havazati vachingova bedzi mazana kana kuti zviuru asi vanosanopfuura vechiduku vane mirioni vanotiza chaizvoizvo pamisha gore rimwe nerimwe.

Asika neiko uchida kubva pamusha? Zvikonzero zvingava zvakawanda. Ungave uchinzwa kuti hakuna munhu anokunzwisisa. Ungave uchinzwa kuti haushaiwi uye haudiwi. Zvamazvirokwazvo ungave wakabatwa zvisina kufanira. Zvimwe unonangana nechinetso chausingagoni kugadzikisa. Pamusha pano mumwe munhu wausingagoni kufambidzana naye. Ungave uchinzwa wakaneta nezvokuva anoudzwa zvokuita uye uchida kurarama upenyu hwako umene. Kana kuti ungave uchifinhwa uye uchida kuva anofara zvikuru. Chipi kana chipi chingava chikonzero, hauzati uchifara pamusha. Ko kutiza kunogadzikisa chinetso ichocho here? Ko chinhu chipi nechipiwo zvacho chinogona kuitwa here?

Murangariro Wakafanira Unodikanwa

Sepwere, une mugove unobva kuna Mwari woku“kudza baba vako namai vako.” (VaEfeso 6:2) Unofanira “kuteerera vabereki vako muchinhu chiri chose.” (VaKorose 3:20) Pane ruramisiro here yokusiya mugove iwowo? Zvakadiniko kana mugove wapamusha ukaratidzira kuva wakakura zvikuru kupfuura waunogona kugonana nawo?

Kuti migariro yakadaro iripo hakugoni kurambwa. Vamwe vabereki havana mufungo mune zvavanoraira zvavo. Vamwe vanoshora mwana kuva akashata kana kuti asina maturo. Vamwe vanonyanyokubatikana nefariro dzavo vamene nemifarwa uye vachipa ngwariro duku kuvana vavo. Vamwe vakanyanyopindwa muropa nokunwa, mirimo, kana kuti vatano, uye kunyange kutyisidzira vana vavo. Vamwe vanozvidza pachena zvose zviri zviviri mitemo yomunhu neyaMwari. Upenyu humene hwako hungava mungozi!

Asika panhambo nenhambo, haizati iri migariro yakadaro yakakomba inoparira kutiza kwowechiduku. Kazhinji kazhinji, kutiza kunomutswa nepokanidzano navabereki pamusoro pokuzvibata kwako umene nechimiro chendangariro. Ko wakauya usiku panzvimbo penguva yakagadzwa navabereki vako here? Wakaita chimwe chinhu chavasingatenderi here—chakadai sokunwa zvinwiwa zvinoraradzisa kana kuti kuva pamwe chete neshamwari dzakati kuti? Wakakundikana kuita basa rinodikanwa here? Wave uchiita zvisina kutsarukana muchikoro here? Uri kutya kuva anorangwa here? Unoda rusununguko rwakawanda rwokuita zvinhu uri woga zvako here? Ko unonzwa kuti haugoni kutongofadza vabereki vako here?

Kurangarira Mwari

Mumigariro iyi, kutiza kungave kuita chiito kukunzwa kwokushatirwa nokuvhiringidzika—kutamburira kubva pachiremera chomubereki “chinodzvinyirira nechisingateri.” Kunogonawo kuva kuratidzirwa kwechisimbwa, chishuvo chokuva nezvinhu nenzira yako umene. Asika unofanira kurangarira chaizvoizvo zvinopfuura zvishuvo zvako umene chaizvoizvo kana kuti kunyange zvaunorangarira kuva zvakanaka.

Vabereki vako vangakurambira chishuvo chako nemhaka yomusengwa wavo wakapiwa naMwari savabereki. Waonaka, sezvo iwewo une mutoro kuna Mwari, ivo vanawowo. Vanganzwa chaizvoizvo musengwa wo“kukurera muchirango nokuraira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Naizvozvo vangaomerera pakuti uende navo kumisangano yorudzidziso nemibato. Uye vachiziva kuti “songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera,” vangatsvaka kuganhurira songaniro yako navamwe vakati kuti veshamwari dzako. (1 VaKorinte 15:33) Zvimwe vanocherekedza zvinetso zvausingaoni chaizvoizvo. Mumurangariro wavo nokufunga pamusoro pezvinhu zvingave zvisingawirirani nezvako. Asika ikoko chikonzero chakanaka chokupanduka ndokutiza here?

Kwakanaka kurangarira kuti apo Mwari akakuraidza ku“kudza baba vako namai vako,” iye akawedzera, kuti: “Kuti kugosanokunakira uye ugorarama kwenguva refu pasi pano.” Hungu, havazati vari vabereki vako bedzi bedzi vaunotsvaka kufadza kupfurikidza nokuvateerera. Ndokuna Mwariwo uyo wauri kuratidzira ruremekedzo neteerero. Unoziva kuti, kunyange zvazvo ungave wakakombanira neimwe nzira, kuchengeta mirau nemirairo yavabereki inzira yokuratidzira kurangarira kwako norudo nokuda kwaMwari uye kuti iye achakutusa nokuda kwokuita kudaro.—VaEfeso 6:1-3; 1 Johane 5:3.

Naizvozvo kungada kuzvishandisa nesimba kwakati kuti kwako umene—kuzviisa pasi pavabereki vako nezvikumbiro zvavo. Nzwisisa kuti ivo vakava noruzivo rwokuzviwanira rwakawanda muupenyu. Uyewo, kwakanakisisa kusazvienzanisa iwe umene navamwe vane vabereki vangave vasina hana dzakarereudzirwa kumitemo yaMwari. Kurangarire serovedzo nokuda kwoupenyu hwemberi, nokuti kunyange somukuru hausati uchizogarova anokwanisa kuita zvaunoda kuita. Avo vakakupoteredza vanofanira kurangarirwawo. Zvimwe zviito zvichaunza zvinetso zvakawedzera kana kuti mitoro isingadikanwi gare gare. Hakuna munhu anogara akasununguka kuita zvinomufadza. Unowana ikoku kuchiitika zvino muchikoro. Kuchaitikawo munzvimbo yebasa.

Naizvozvo apo vabereki vako vanoomerera pane chimwe chinhu chaunorangarira kuti chakasiana nezvaunoda kuita, kwakanaka kurangarira nheyo inotaurwa pana VaKorose 3:23, 24: “Chiri chose chamuri kuita, chibatei nomweya wose sokuna Jehovha, uye kwete sokuvanhu, nokuti munoziva kuti muchagamuchira tuso yakafanira kuna Jehovha.” Hungu, usarashikirwa nechiono cheidi rokuti Jehovha achakutusa kana uchiteerera uye uchizviisa pasi pavabereki vako. Mberi kune tuso huru youpenyu husingagumi, hwakakwana nokuda kwaavo vanotsungirira.—Isaya 65:21-23; Zvakazarurwa 21:3-5.

Kunogadzikisa Zvinetso Here?

Rumwe rutivi rwokurangarira nderwokuti kutiza chigadzikiso chaichoicho chomugarirowo here. Chokwadi, kungakubvisa machiri kwechinguvana. Asi kutiza hakuzati kuchigadzikisa zvinetso. Pakupedzisira, zvichatofanira kunanganwa nazvo, munzira dzakasiana. “Kutiza kunongokuparira bedzi zvinetso zvakawanda,” anorangarira kudaro Amy, uyo akatiza pazera ramakore 14. “Hakuzati kuchizvibvisa.” Ko zvino chii chinogona kuitwa?

Kuwana Rudo Nokunzwisisa

Kutanga, rangarira chakaparira chinetsocho. Ukama hwababa nomwana hunogona kuva husingarevi chinhu mumakore okuyaruka. Neiko? Pepanhau rinonzi Adolescence rinotsanangura, kuti: “Kuyaruka inhambo yokuchinja nokushanduka kukurusa, nepo vabereki vavechiduku vachibatanidzwawo muzvinoitika zvavo vamene zvokushanduka sezvavanosvika zera rapakati, uye kubatanidzwa kweidzi nhambo mbiri dzokukura dzinogona kuva dzinodzvinyirira zvikurukuru kuna vose vanobatanidzwa.” Naizvozvo iwe ungave usati uriwe bedzi ari kupfuura nomunhambo inodzvinyirira yokuchinja uye uri kushaya nzwisiso. Mhuri zhinjisa dzinogona kubudirira pasina njodzi kana kunzwa kworudo noruremekedzo zvichikurukurwa.

Naizvozvo, huregererei kuita nhamburiko hurusa dzokuona seri kwezvisarudzo zvako umene ndokuratidzira rudo, uchiziva kuti “rudo harutongokundikani” uye kuti irwo rwuno“fukidza zvivi zvizhinji.” (1 VaKorinte 13:8; 1 Petro 4:8) Kupa rudo kunoparira rudo runobva kuna vamwe.

Wati waita chimwe chinhu chisino kururama uye zvino wotya miuyo yokuita kwavabereki vako here? Kwakanakisisa kunangana nomugarirowo ndokutsvaka betsero huru. Kutanga, edza kuutaura navabereki vako. Mukuwedzera, pwere dzechiKristu dzine chimuko chikuru mukuti dzingatendeukira kuvakuru veungano nokuda kwebetsero mukugadzikisa zvinetso ndokururamisa zvinhu. Chinhu chinokosha hachizati chiri chokutiza asi chokutarisira chinetsocho nomutoo woungwaru. Nenzira iyi unogona kuchikanganwa, panzvimbo pokuti urambe uchichifunga.

Asi zvakadiniko kana mugariro wako pamusha uri uyo muuyo usingadikanwi, kana kuti uri usina kunyanyonaka nokuda kwako? Zvakadiniko kana uchibatwa zvisina kufanira pamusha? Ko zvino kutiza ndiko chigadzikiso here? Nyaya inotevera ichapindura iyi mibvunzo.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mhuri dzinowanzonzwa shungu hurusa nokuitira hanya apo mutezo unotiza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe