RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 10/8 pp. 21-23
  • Kuitira Weti Pamubhedha—Kubetsera Mwana Wako Kukukurira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuitira Weti Pamubhedha—Kubetsera Mwana Wako Kukukurira
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvisakiso Zvinobvira
  • Mutoo Wokubata Nakwo
  • Icho Chinogona Kubetsera
  • Kana Mwana Wenyu Akabatwa Zvisina Kufanira
    Mukai!—1993
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Kirechi—Kusarudza Yakanakisisa Nokuda Kwomwana Wako!
    Mukai!—1988
  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 10/8 pp. 21-23

Kuitira Weti Pamubhedha—Kubetsera Mwana Wako Kukukurira

Kana iyi vhiringidziko ichikutapura kana kuti mudikanwi, uchava anonyaradzwa kuziva kuti hauzati uri woga bedzi uye kuti inogona kurapwa

“KWAKASHATSA kuyaruka kwangu!” ‘Kusukwa kusingaperi kwamagumbeze namapejama zvakashatswa!’ “Nyadzi” noku“tsveruka!”

Uku ndiko kudanidzira kwokushungushidzwa mwoyo kunobva kuvabereki navana nomutoo wakafanana avo vari vanotambudzwa nechinetso chokuitira weti pamubhedha. Inhamo inotambudza iyo, kuna avo vanobatanidzwa, haisati iri nyore kukurukura nomutoo wapamhene.

Asika, kuitira weti pamubhedha kwakapararira. Kunotapura vana vanamamirioni mashanu anorangarirwa muUnited States moga bedzi, naizvozvo inyaya yengwariro huru nenzvero. Chii chinokuparira?

“Kuita weti kusi kwokuzvidira kwousiku” ndikwo chiratidzo chezvokurapa chinoiswa pakuitira weti pamubhedha. Kunoreva kurashika kweweti kusikwokuzvidira kunoitika pausiku pazera apo, mumuzvarirwo, kudzorwa kwokuita weti kwomunguva yousiku kwaizokarirwa. Ko vana vazhinji vanokudziridza uku kudzora pazerai? Kune mhatsa yakati kuti yomuraramiro, asi mwana 1 mu 5 anoita weti kanopfuura kamwe pavhiki pazera ramakore 3, 1 muvane 10 pazera ramakore 5, asi 1 bedzi muvane 35 pazera ramakore 14.

Idzi nhamba dzinoenzanisira kuti chinetso chokuitira weti pamubhedha pakupedzisira chinokurirwa panhambo yakati yenguva. Chokwadi, mumwe munzveri akawana kuti 75 muzana yaavo vari mufundo imwe vakarapwa panhambo yamakore mashanu. Vakomana vanotapurwa kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura vasikana, uye kunoratidzika kuti nyongano inoitika mumhuri, nomubereki, mukoma, kana kuti hanzvadzi ichivawo yakatapurwa.

Zvisakiso Zvinobvira

Padzimwe nguva, kunyange zvazvo kusingawanzoitiki, kuita weti kwokusazvidira kunoparirwa nehosha, yakadai sehosha yedundira, diabetes, kuita kwomuviri kuzvokudya, kana kuti vhiringidziko isati iri yenguva dzose yomuviri yedundira, itsvo, kana kuti gadziriro yetsinga. Sezvinobvira hosha ndiyo chisakiso kana kudzora kwamasikati kuchishaikawo. Apo kuitira weti pamubhedha kunopfuura zera ramakore mashanu kana kuti matanhatu, kunzvera kwokurapa kungakumbirwa kuona kana hosha iripo kana kuita weti mumasikati kuchiitikawo uye kana kuitira weti pamubhedha kuchiitika pashure penhambo yokushaya weti.

Nepo munguva yakapfuura vamwe vairangarira kuita weti kwokusazvidira sokuratidzirwa kwevhiringidziko yegadziriro yetsinga, vanamazvikokota vokurapa zvino vobvuma kuti hakuzati kuri kwoune uye hakuzati kuri chiratidziro chevhiringidziko yepfungwa. Chisakiso chokuitira weti pamubhedha neimwe nzira hachizivikanwi, kunyange zvazvo dzidziso zhinji dzakakarakadzwa, dzakadai senzvimbo duku yedundira, shwiro inononozeka yokudzora kwedundira, muitiro wemhuri, nevhiringidziko yemitoo yokurara. Unopfuura mumwe weiyi migariro ungavamo mumwana akati kuti.

Kana mwana akava nokudzora kwousiku kwokuita weti kwemwedzi mitanhatu kana kuti inopfuura dzokonokei ovambazve kuitira weti pamubhedha, hosha yomuviri kana kuti vhiringidziko yepfungwa ingava zvikurukuru chisakiso. Zvinhu zvakadai sokusvika kwomucheche mutsva, baba wokurera mutsva, kutamira kumusha mutsva, kana kuti imwe vhiringidziko yemhuri kunogona kuvamba kuitira weti pamubhedha zvakare. Zvisinei, kazhinji kazhinji zvikuru vhiringidziko dzepfungwa dzakadai sokunzwa kwokuva nemhaka, kuperevedza, shaikwo yokuzvirangarira, nokufunganya zvinomuka nemhaka yokuitira weti pamubhedha.

Mutoo Wokubata Nakwo

“Chinhu chakaipisisa chaunogona kuita ndechokuvatyisidzira. Kunova kwakaipisisa kana ukatyisidzira; hakuzati kuchiva kuri nani zvikuru,” anodaro Lorraine, uyo aiitira weti pamubhedha kutozosvikira pazera ramakore 19. “Hakubetseri kutsamwira mwana,” anotsanangura kudaro mumwe mai ane mwanakomana wake wezera ramakore masere, Julien, anotapurwa.

Chirango, kunyadzisa, nokuderedza kubata kusingabudiriri zvokuti mwana haakwanisi kudzora kuitira weti pamubhedha. Uku kuita kunongobatira bedzi kuwedzera kuva nemhaka nokuvhiringidzika asi hakuna muuyo unobetsera pachinetsocho. Panzvimbo pakwo, vabereki vanofanira kutamburira kuderedza simba repfungwa romwana. “Edzai kuderedza kuvhiringidzika uye ivai vanonzwisisa,” anopangira kudaro Lorraine. “Musaedza kubatanidza nyadzi dzipi nedzipi kwakuri—mwanayo anotonzwa kuva nemhaka.”

Mitoo mizhinji yokurapa iriko, asi hakuna nomumwe unodeya kuzivikanwa kuva woukoshi mumwana anopiwa. Naizvozvo, mhuri ingava inonangana nokuedza mitoo yakasiana-siana munhevedzano. Zera romwana anobatanidzwa ringavawo rinotema kurapa kunoshandiswa. Sezvo kuita weti kwokusazvidira kuchiva kunongoerekana kwamira kwoga, vamwe vabereki vanosarudza havo kumirira. Mukusavapo kwechinetso chipi nechipi chomuviri kana kuti vhiringidziko yepfungwa mumwana, kungava kwakanakisisa kumirira. Idi nderokuti, mwana angave achitambudzwa nemitoo yokuedza nokurapa.

Kunyange zvazvo zvakadaro, kuitira weti pamubhedha kunoparira basa rakawedzerwa, manikidziro yepfungwa, nevhiringidziko nokuda kwavose vanobatanidzwa. Mibato yakadai sokushanya kwousiku kushamwari nehama dzokunyama ingadziviswa. “Uri kuva nezvinetso zvizhinji kwazvo zvefambidzano,” Lorraine akacherekedza kudaro, “zvokuti kunosiya chiratidzo chakwo pauri.”

Naizvozvo, kurega kusvikira kunguva isingazivikanwi kurapa hakuzati kuri kuchenjera. Lorraine anokurudzira, kuti: “Usakurega kuchiitika. Munguva ino, unogona kuva anokuvadzwa nakwo. Unogadza muenzaniso.” “Unova muitiro,” vanodaro mai vaJulien.

Icho Chinogona Kubetsera

Musati mavamba muitiro wokurapa, ngwariro inofanira kurangarirwa kusimbisira kuti kurapakwo hakuzati kuchiparira kuvadziko huru kupfuura chinetso chokutanga. Vamwe vakuru vakuru vanorangarira kuti kurapa hakuzati kuchifanira kutangwa kutozosvikira mwana ava nezera ramakore matanhatu kusvikira kumasere. Kuitira weti pamubhedha hakuzati kuchiwanzova kunotambudza kumwana pamberi pezera. Kunze kwezvo, vana vakura vanoratidza davidzo iri nani zvikuru kukurapwa.

Mitoo yakati kuti yokubetsera mubereki kugonana nakwo inobatanidza kushandiswa kwechifukidziro chepurasitiki chemetiresi kana kuti zvinyangadwiswo kudzivirira matiresi uye kuita kuti mwana abetsere nokuchenura. Kupfeka andaweya yakati kobvumarei mukuwedzera kumapajamasi kuchadzivisa weti zhinjisa kubudira pamabhedhishiti. Vana vakura vangaronga wachi ine bhero kuti vagomuka ndokuenda kuchimbudzi kuitira weti pamubhedha kusati kwaitika. Kupa zano nokusimbisira iko kwoga bedzi kungaparira vandudziko. Kubetsera mwana kunzwisisa chinetso nokumubatanidza mumutoo wokurapa kunowedzera bviro yorubudiriro.

Ganhuriro dzakapfava dzakadai sokurambidzwa kwezvinwiwa pashure pezvokudya zvamadekwana (zvikurukuru zvinwiwa zvine caffeine, kubatanidza necolas), kusimbisira kuti mwana anoenda kuchimbudzi pamberi pokundovata, nokumumutsa pakati pousiku kundoita weti, uyewo kumurumbidza nokuda kwokusaita weti usiku, kungaderedza kana kuti kubvisa kuitira weti pamubhedha. Kana mwana akachengeta chinyorwa chokusaita weti usiku, ikoku makuri kumene kunogona kuva rukurudziro uye kungaparira vandudziko. Uyewo, kurovedza mwana nomutoo unofambira mberi kuita weti kashoma mukati mezuva kwakabetsera.

Mumwe mutoo wakatanhamara zvikuru ndiko kushandiswa kwegadziriro yebhero reweti. Madonhwe mashomanene eweti pajira rinotapurwa neweti rinoiswa pasi pomwana pausiku achanyandura bhero kumutsa mwana. Rubudiriro mukuderedza kuita weti kwokusazvidira kupfurikidza nouyu mutoo runoshumwa kuva rwakakwira ne 60 muzana kusvikira ku 90 muzana, kunyange zvazvo kumutsidzira kuchishumwa mu 10 muzana kusvikira ku 45 muzana yaavo vanorapwa. Kurapwazve kungaparira kuporeswa.

Mubatanidzwa weiyi mitoo, inonzi “Rovedzo Yomubhedha Wakaoma,” yakaparira kupera kwokuitira weti pamubhedha munenge muna vana vose vakarapwa. Sezvineiwo, 20 kusvikira ku 30 muzana yavana vanotambura kumutsidzirazve kana kurapwa kwaregwa asi kurapwa kunodzokororwa kwavana ivava kungaparira rubudiriro rwechigarire.

Murimo unonzi imipramine wakaratidzirwa kuva unoderedza kuitira weti pamubhedha, asi dzimwe tapuro dzinozivikanwa uye mwero wokumutsidzira wakakwirira. Kunyanyoshandisa murimo kwetsaona norufu zvinoparirwa neimipramine zvakashumwa, naizvozvo ngwariro inopangirwa pakushandisa uyu mutoo. Tarisiro inopfuurira yokurapa inorumbidzwa apo uyu murimo uri kushandiswa.

Vamwe vakashandisa mimwe mitoo yokurapa. “Ndingakarakadza kuenda kuwezvoruzivo rwamapfupa. Ndinogona kuona vandudziko mumwanakomana wangu munhambo bedzi yemwedzi miviri nehafu,” vanodaro mai vaJulien. Fundo dzokurapa kweacupuncture nokuda kwokuita weti kwokusazvidira dzinoratidzira mwero worubudiriro we 40 muzana. Uye tsamitombo dzinoronga zvirimwa zvakasiana-siana nemitombo yakaderedza nomutoo unomukurumbira kuitira weti pamubhedha. Mune dzimwe nzvimbo, kune makiriniki anokwanisa kwazvo chinetsocho.

Kuna vazhinjisa, chinetso chinongonyangarika hacho, kana kuti chinopedzwa pashure pokurapwa. Uye sokucherekedza kunoita Lorraine: “Vanhu vanosununguka zvikuru kuwana kuti kuno mumwe munhu akava nechinhu chimwe chetecho.” Uku kusimbisira kunova pamwe chete nokumwe kwokurapa kunowanika kungava chinhu chikurusa kukubetsera mwana wako kukurira chinetso chokuitira weti pamubhedha.—Yakapirwa nachiremba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe