DZIDZA KUBVA KUNA JESU
“Muchanzwa Nezvehondo”
“Kubva pandakava mutapi wenhau kuma1960, ndanyora nezvehondo dzakarwiwa munyika dzakasiyana-siyana pasi rese dzinopfuura 40. Ndakaona kunetsana kwaiita United States neSoviet Union kuchiramba kuchiwedzera uye kukazongoerekana kwapera. Asi gore ra2025 raita kuti ndinetseke zvandisati ndamboita. Chimwe chaita kuti ndinetseke chaizvo ndechekuti kune hondo dzakawanda chaizvo dziri kurwiwa. Chimwewo chikonzero ndechekuti imwe yehondo idzi inogona kukanganisa chaizvo nyika dzakawanda uye zvinhu zvakadaro hazvisati zvamboitika.”—John Simpson, mutapi wenhau dzepasi rese wenhepfenyuro yeBBC.
Vanhu vari kunetseka chaizvo nehondo dziri kuitika pasi rese. Vakawanda vanonetseka kuti zvinhu zvichanaka here. Jesu akadzidzisei?
Zvakadzidziswa naJesu
Jesu akataura nezvezvinhu zvatiri kuona zvichiitika mazuva ano. Akaudza vateveri vake kuti: “Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo.”—Mateu 24:6.
Kunyange zvazvo hondo uye mhirizhonga zvatiri kuona mazuva ano zvichitirwadza, tine tariro yekuti zvinhu zvichanaka. Chii chinoita kuti tive netariro? Jesu akadzidzisa kuti hondo idzo dzinokanganisa vanhu vakawanda pamwe chete nezvimwe zvinhu zvinorwadza zviri kuitika uye maitiro evanhu, zvaizova “chiratidzo” chekuti “nyika yava kumagumo kwayo.” (Mateu 24:3; Ruka 21:7) Izvi zvinoreva kuti nerimwe zuva, Jesu achaita kuti kusazombova nehondo zvakare. Achazviita sei?
Zvichaitwa naJesu
Munguva pfupi iri kuuya, Jesu, Mambo weUmambo hwaMwari, achagumisa “hondo munyika yese.”—Pisarema 46:9.
Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti ramangwana iri rine runyararo richavapo sei, uye kuti upenyu huchange hwaita sei, verenga nyaya inoti “Hondo Uye Kurwisana Zvichapera Sei?”