RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 136
  • Wana Nguva Yekuziva Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wana Nguva Yekuziva Mwari
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakataurwa naJesu
  • “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”​—⁠Mateu 5:⁠3.
    “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—Mateu 5:3.
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Unogona Kuwana Mufaro Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • NezvaMwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 136
Mapikicha evechidiki vemunyika dzakasiyana-siyana vachiverenga Bhaibheri, vachinyora pasi nguva yekudzidza, uye vachinyengetera.

DZIDZA KUBVA KUNA JESU

Wana Nguva Yekuziva Mwari

Upenyu hwako hunochinja kana ukawana nguva yekudzidza nezvaMwari uye yekuva neushamwari naye. Paunoita izvozvo, unenge uchizadzisa chido chauinacho chekumuziva. Funga zvakadzidziswa naJesu nezvenyaya iyi.

Zvakataurwa naJesu

“Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—Mateu 5:3.

  • Tese tinoda kupindurwa mibvunzo yakaita seiyi: Tiri kumboraramirei? Nei vanhu vakawanda vachitambura? Chii chinoitika kuvanhu pavanofa? Kana tichida kufara muupenyu tinofanira kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi.

“Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.”a—Mateu 4:4.

  • Sezvo tichifanira kudya zvekudya kuti tirarame, tinofanirawo kudya zvekudya zvekunamata kuti tizive Mwari. Jesu akataura zvakajeka kuti tinofanira kugara tichivimba naMwari kuti ndiye achagutsa chido chedu chekumuziva.

“Shoko renyu ichokwadi.”—Johani 17:17.

  • Jesu akadzidzisa kuti nzira inonyanya kukosha kana tichida kuziva Mwari ndeyekudzidza Shoko rake Bhaibheri.

Tinokukurudzira kuti uwane nguva yekudzidza nezvaMwari kuti umuzive uye izvozvo zvichaita kuti uwane mufaro wechokwadi. Izvi ndizvo zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira:

  • Verenga Bhaibheri usingabhadhari.

  • Kumbira kuitiswa kosi yeBhaibheri usingabhadhari uchibatsirwa nemumwe munhu.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe