Kubatsira Vanhu Vasingaoni
Pasi rese, zvinofungidzirwa kuti pane vanhu vasingaoni zvachose vanosvika 43 miriyoni, uye vasinganyatsooni zvakanaka vanosvika 295 miriyoni.a Zvinosuwisa kuti vakawanda vavo vanobatwa zvisina kunaka.
Mwari anonzwa sei nezvevanhu vasingaoni? Bhaibheri rinotii nezvavo? Zvapupu zvaJehovha zviri kuvabatsira sei mazuva ano?
Mwari anonzwa sei nezvevaya vasingaoni?
Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovhab ane hanya chaizvo nevanhu vasingaoni. Anoda kuti vabatwe zvakanaka uye kuti vabatsirwe nezvaanodzidzisa. Anovapawo tariro yakazonaka yeramangwana.
Rugwaro: “Ngaatukwe munhu anoita kuti bofu rirasike nzira.”—Dheuteronomi 27:18.
Zvarunoreva: Kare, Mutemo waMwari waakapa vanhu vake waichengetedza vanhu vasingaoni kuti vasaitirwa utsinye.
Rugwaro: “Mwari haasaruri.”—Mabasa 10:34.
Zvarunoreva: Mwari anokoshesa vanhu vasingaoni sekungokoshesa kwaanoita vanhu vanoona zvakanaka.
Rugwaro: Jesu “akaita kuti mapofu akawanda atange kuona.”—Ruka 7:21.
Zvarunoreva: Jesu paaiva panyika akaporesa vamwe vanhu vaisaona vakatanga kuona. Zvaakaita izvi zvinoratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari mune ramangwana.
Rugwaro: “Maziso emapofu achasvinudzwa.”—Isaya 35:5.
Zvarunoreva: Jehovha anovimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga panyika, vaya vasingaoni vachatanga kuona.
Zvapupu zvaJehovha zviri kuvabatsira sei?
Pasi rese, seZvapupu zvaJehovha tinoudzawo vanhu vasingaoni mashoko etariro. Tinozviita sei?
Tinobudisa maBhaibheri, mabhuku ekushandisa pakudzidza Bhaibheri uye mavhidhiyo kuti zvishandiswe nevanhu vasingaoni zvachose uye vasinganyatsooni zvakanaka. Izvi zvinosanganisira mabhuku ebraille, emabhii makuru, uye zvekuteerera zvakarekodhwa.
Tinogara tichiungana tichinamata uye munhu wese akasununguka kuuya kusanganisira vaya vasingaoni.
Tinopa munhu wese mukana wekudzidza Bhaibheri achibatsirwa nemumwe munhu.c
Zvese izvi tinozviita tisingabhadharisi. Nei tichidaro? Nekuti Jesu akarayira kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.
Isu Zvapupu zvaJehovha tinoda chaizvo vanhu vasingaoni. Vaya vanoda kunamata nesu vanowana shamwari dzakanaka uye dzinobatsirana. Inzwa zvakataurwa nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvisingaoni.
Talita Alnashi, wekuSweden akazvarwa asinganyatsooni. Ona zvakaitwa nevabereki vake kuti vamudzidzise Bhaibheri uye kuti iye nemhuri yake vakaratidzwa sei rudo uye kuti vakatsigirwa sei neshamwari dzavo.
James Ryan, wekuUnited States akazvarwa ari matsi uye akazova bofu akura. Ona kuti chii chiri kumubatsira kuti afare muupenyu.
Cynthia Pablo, wekuPhilippines imatsi uye haaoni. Vaanonamata navo vakamubatsira sei panguva yeCOVID-19? Inzwa zvavakaita munyaya inoti “Congregation Supports Deaf and Blind Sister During Pandemic.”
Zvii zvatinobudisa kuti tibatsire vanhu vasingaoni kuti vadzidze Bhaibheri?
Mabhuku eBraille. Tinobudisa maBhaibheri ebraille mumitauro yakawanda, ringava Bhaibheri rese rakazara kana kuti mamwe mabhuku aro. (Kuti uone mitauro yacho, ona bhokisi rakanzi “Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva reBraille.”) Tinobudisawo mabhuku edu akawanda mubraille. Kune vaya vanoda kudzidza braille, takabudisa bhuku rinonzi Dzidza Kuverenga Braille. Rinobatsira munhu asingaone kuti agone kuverenga braille achibatsirwa nemunhu anoona.
Unogona kuwana mabhuku akaprindwa ebraille kana ukakumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti ukakumbira kushanyirwa.
Dhaunirodha mafaira emanotetakerd pawebsite inonzi jw.org.
Mabhuku ane mabhii makuru kana kuti zvekuverenga pamafoni zvekuti unokwanisa kukudza mavara acho. Mabhuku akaprindwa emabhii makuru aripo anogona kushandiswa nevanhu vasinganyatsooni zvakanaka. Website yedu inonzi jw.org yakagadzirwa nenzira yekuti zvinhu zviripo zvirambe zvichibuda zvakanaka kunyange ukakudza zvinhu zvacho. PaJW Library munhu anokwanisawo kukudza kana kudzikisa mavara ebhuku raanenge achiverenga.
Unogona kuwana mabhuku akaprindwa emabhii makuru kana ukataura nemumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti ukakumbira kushanyirwa nemumwe wavo.
Pawebsite inonzi jw.org unogona kudhaunirodha mabhuku emabhii makuru akangofanana neakaprindwa.
Zvekuteerera zvakarekodhwa. Tinorekodha Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumitauro inopfuura 200. Tinorekodhawo mabhuku edu akawanda anotsanangura zviri muBhaibheri. Zvakarekodhwa zvacho zvinowanzonge zvichitsanangurawo mifananidzo inenge iri munyaya dzacho.
Unogona kudhaunirodha kana kuti kuteerera zvinhu zvakarekodhwa zviri pawebsite inonzi jw.org uye paJW Library.
Pawebsite inonzi jw.org, unogona kudhaunirodha mafaira anoshandiswa nemapurogiramu anoverengera vanhu, akadai semascreen reader uye madigital talking book player.e
Mavhidhiyo ane mashoko anotsanangura zvinenge zvichibuda. Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mavhidhiyo anenge aine mashoko anotsanangura zvinenge zvichibuda mumavhidhiyo acho uye izvi zviri kuitwa mumitauro inopfuura 100. Mavhidhiyo aya anobatsira vanhu kuti vanzwisise uye vashandise zvinotaurwa neBhaibheri.
Ona mavhidhiyo ane mashoko anenge achitsanangura zvinenge zvichibuda ari muzvikamu zvinotevera:
Misangano yevhiki nevhiki nemimwewo mikuru. Pasi rese tinoungana vhiki rega rega kuti tidzidze uye tinamate Mwari. Tinewo misangano mikuru yatinoita gore rega rega kuti tidzidze Bhaibheri. Pamisangano mikuru yatinoita iyo inenge iine mavhidhiyo, tinoedza kuti pave nemavhidhiyo ane mashoko anenge achitsanangura zviri kuratidzwa kuitira vaya vasingaoni. Kana zvichikwanisika, tinoita kuti pave nemunhu anoturikira vaya vasingaoni uye matsi pamisangano yedu yevhiki nevhiki nemimwewo mikuru. Hatisaruri uye tinogamuchira munhu wese.
Dzidza nezvemagungano atinoita gore negore.
Pinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu, unowa ndiwo musangano unokosha kupfuura mimwe yese yatinoita pagore.
José Luis Ayala anogara kuMexico. Akazvarwa ari matsi uye akazova bofu ava nemakore 29. Ona kuti misangano yedu inomubatsira sei muupenyu hwake uye kuti yakamubatsira sei kuti ave nyanzvi pakudzidzisa Bhaibheri.
a “Kusaona zvakanaka” kuri kutaurwa munyaya ino ndekwemunhu ane dambudziko rekuona risingarapiki uye risingachinji kunyange akashandisa zvinhu zvakadai semagirazi. Dambudziko racho rinomukanganisa kuita zvinhu zvaanofanira kuita zuva nezuva.
b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”
c Unogona kukumbira kuratidzwa kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvinoitwa sei.
d Notetaker mudziyo wemagetsi wekuti munhu anokwanisa kuenda nawo kwese kwaanoenda. Mudziyo wacho unonyora mavara ebraille uye unenge uchiudza munhu zvaari kuita pamuchina wacho. Manotetaker anobatsira kuti munhu asaunganidze mabhuku akawanda akaprindwa ebraille.
e Mascreen readers uye madigital talking book players anoverengera munhu zvinenge zviri pascreen. Anogona kuridzawo mashoko akarekodhwa kare. Munhu anenge achishandisa midziyo iyi anokwanisa kutoenda pachikamu chebhuku chaanenge achida asingatangire kwekutanga kwebhuku racho.