RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfs nyaya 23
  • Jehovha Akandibatsira Kurera Vana Vangu 5

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akandibatsira Kurera Vana Vangu 5
  • Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchata Uye Kupikiswa
  • Kudzidzisa Vana Vangu
  • Taiva Nechinangwa Chekupayona
  • Matambudziko Akakura
  • Ndanonokerwa Kuti Ndivaudze Kuti, “Tavazve Pamwe Chete!”
    Mukai!—2010
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
  • Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimushumire Nemwoyo Wese
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 1
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
lfs nyaya 23
Carol Appleby.

CAROL APPLEBY | NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akandibatsira Kurera Vana Vangu 5

Ndinogara muNorth Yorkshire kuEngland, pedyo neguta reMalton uye ndiko kwandakaberekerwa. Nzvimbo yacho yakanaka uye ine makomo, masango, minda yakasvibira, nzira dzinomonereka, dzimba dzakavakwa nematombo uye misha inoyevedza. Yaiva nzvimbo yakanaka yekuti ndigare ndichirera vana vangu. Asi zvakanga zvisiri nyore, regai ndikuudzei kuti nei ndadaro.

Ndakakurira papurazi rainge risina kunyanya kukura ndichigara naamai, baba, hanzvadzi dzangu mbiri, mukoma uye munin’ina wangu. Taiva nehuku, nguruve uye mombe. Taiva nebasa rakawanda rekuita asi taifara.

Carol akagara pedyo nedhadha.

Ndiine makore 14 ndiri papurazi

Taienda kuchechi yeMethodist. Baba vangu vaigona kuimba saka vaiva mukwaya yechechi uye vaienda kune mamwe machechi aiva kwataigara vachinoimba. Ndaiwanzoenda navo. Machechi acho ainge akakura uye akavakwa nematombo saka munguva yechando maitonhora. Baba vangu vainomira pamberi pevanhu vese voimba. Mabhenji ekumberi aigarwa nevanhu vairemekedzwa saka ndaigara kumashure asi ndainakidzwa nekuvateerera vachiimba.

Amai vababa vangu vaitishanyira musi weSvondo wega wega. Asi vakazofa pandaiva nemakore anenge 16. Ndakarwadziwa zvisingaiti. Ndaida kuziva kuti vakanga vaenda kupi uye kuti ndaizovaonazve here. Izvi zvakaita kuti ndiende kunobvunza mumwe mukadzi aiti anokwanisa kutaura nevanhu vakafa uye ndakaenda kanopfuura kamwe chete. Mumba make maitonhora uye mainge makasviba, maitotyisa. Ndaingoda kuziva kuti ambuya vangu vakanga vaenda kupi, asi mukadzi uyu haana kukwanisa kundibatsira.

Papera makore, imwe hama yababa vangu aiva Chapupu chaJehovha akandikoka kumisangano. Ndakabvuma kuenda kunyange zvazvo ndakanga ndanzwa kuti Zvapupu zvinodzidzisa zvinhu zvisinganzwisisiki. Pamusangano wacho mumwe mukadzi aiva neushamwari akandibvunza kana ndaida kudzidza Bhaibheri naye. Ndiwo matangiro andakaita kuziva nezvaJehovha. Pakutanga ndaishandisa Bhaibheri rangu reKing James Version nekuti amai vangu vakanga vandiudza kuti Zvapupu zvinoshandisa shanduro isina kururama. Ndakazoona kuti kwaiva kunyepa.

Ndakafarira zvandaidzidza, kunyanya pandakazoziva kuti ambuya vangu vainge “vakarara” muguva uye kuti ndaikwanisa kuzovaonazve pachamutswa vanhu!a Pandakaramba ndichidzidza ndakaona kuti ndaiva murima chaimo, hapana chandaiziva nezvaMwari kana Bhaibheri. Kunyange baba vangu vakanga vava nemakore akawanda vachienda kuchechi naivowo hapana chavaiziva. Taiimba rwiyo rwekuti “Nditungamirirei, Haiwa Jehovha Mukuru” kakawanda, asi taisaziva wacho wataiimba nezvake.

Kuchata Uye Kupikiswa

Mukomana wangu, Ian, akatanga kufarirawo zvandaidzidza achibva atanga kudzidza Bhaibheri. Akatanga kushandisa zvaaidzidza achibva atorega kuputa. Takachata muna September 1971. Asi pasina nguva kutenda kwedu kwakaedzwa vamwene vangu pavakangoerekana vafa. Veukama neshamwari dzepedyo vaida kuti tiungane navo pane zvimwe zvinhu zvavakanga varonga zvisinei nechekuita nemariro. Pavaiungana, vakawanda vacho vaiputa uye vaidhakwa. Izvi zvakaisa Ian pamuedzo wekudzokerazve kumaitiro ake ekare.

Ian akatadza kukunda muedzo wacho achibva atangazve kuputa. Akatanga kurega kudzidza Bhaibheri uye akanga asingachapindi mimwe misangano. Asi inini ndaifarira kudzidza kwandaiita, kupinda misangano uye kuenda kunoparidza. Ndakabhabhatidzwa musi wa9 March 1972. Ian akauya kuzoona ndichibhabhatidzwa. Asi nekufamba kwenguva akatanga kupikisa chokwadi. Akatanga nekusada kuona mabhuku edu mumba uye akazotanga kundirambidza kuenda kunoparidza. Akanga ava kundimanikidzawo kuti ndiende naye kubhawa rekwataigara kuti tinopemberera Krisimasi nemazuva ekuzvarwa. Dzimwe nguva ndaienda naye kuti ndimuratidze kuti ndaimuremekedza semusoro wemhuri asi ndaingwarira kuti ndisaita zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naJehovha.b Ndaienda muchimbuzi ndonyengetera ndanyengeterazve kuna Jehovha kuti andibatsire kuti ndirambe ndakavimbika kwaari uye ndiine hana yakachena. Ndainyatsoona kuti Jehovha aigara achindibatsira.

Ini naIan takaita vana vakomana vatatu: Philip, Nigel naAndrew. Kakawanda murume wangu ainge asipo pamba nekuti aiita basa rekudhiraivha marori anoenda kure. Ndaiedza kuva mudzimai akanaka uye kuita zvese zvandinogona pakushumira Jehovha. Paainge asipo ndaienda kunoparidza uye paainge aripo pakupera kwevhiki ndaigara pamba ndichitandara naye. Ndaisaudzawo vana vedu zvinhu zvakaipa zvaaiita.

Ndakava neshamwari dzakawanda muungano uye vamwe vavo ndaienda navo kuti vanoona amai nababa vangu. Vabereki vangu vakazotanga kufarira shamwari dzangu. Imwe hama yemuungano medu payakafa, amai vangu vakauya kumariro acho paImba yeUmambo. Pasina nguva amai, baba, hanzvadzi yangu Stanley nemudzimai wake Averil, vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vakabhabhatidzwa.

Stanley naAveril vaiva nemwana mukomana nemusikana. Ini nemuroora wangu tainakidzwa nekuenda kunoparidza nevana vedu. Tese tainge tisina mota saka taifamba makiromita akawanda netsoka tichipusha vana vedu mumapurema, asi taifara. Andrew aigara mupurema, Nigel aigara nechepamusoro mupurema yacho uye Philip aifamba akabatirira purema yacho.

Carol aina baba vake nevanakomana vake vaviri, vakamira pedyo nematende avo.

Tiri pagungano naPhilip, Nigel uye baba vangu

Kudzidzisa Vana Vangu

Ini naIan takazoita vamwe vana vaviri: Caroline naDebbie. Ndaiva ndakatsunga kudzidzisa vana vangu kuti vade uye vashumire Jehovha. Ndaiedza kushandisa mazano ese ari muBhaibheri anobatsira vabereki. Ndakanga ndazvitsaurira kuna Jehovha uye ndaida kuti vana vangu vaone kuti ndairarama zvaienderana nemhiko yangu.

Rimwe remavhesi andakatanga kubata nemusoro ndi1 VaKorinde 15:33, iyo inoti: “Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.” Pane rimwe gungano, imwe hanzvadzi yakataura kuti inoudza vana vayo kuti vasatambe nevavanodzidza navo kana chikoro chapera. Ndizvo zvandaidawo kuti vana vangu vaite asi zvainge zvakaoma! Dzimwe nguva vanakomana vangu vaienda kunotamba bhora nevamwe vavaidzidza navo ndisingazvizivi. Vakawanda vavo vaiva netsika dzakanaka asi vakanga vasinganamati Jehovha. Izvi zvaioneka pane zvavaitaura nezvavaiita.

Mumwe musi ndakaudza vana vangu kuti kana vaida kutamba bhora kana vapedza chikoro ndaizotamba navo. Hazvina kufamba mushe nekuti bhora racho ndaisarigona! Asi handina kukanda mapfumo pasi, ndakaramba ndichiedza kubatsira vana vangu kuti vaone kuti vaifanira kusarudza shamwari nekuchenjera uye vakazoona zvimwe zvinhu zvinonakidza zvavaigona kuita zvaisada kuti vatambe nevanhu vasinganamati Jehovha.

Rimwe vhesi randakabata ndi1 Johani 2:17, iyo inoti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nekuchiva kwayo, asi munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.” Ndaiziva kuti nyika yaSatani ichapfuura, saka ndaida kubatsira vana vangu kuti vave nezvinangwa zvekunamata vofadza Jehovha. Paiuya matambudziko, kunyange madiki, ndainyengetera kuti Jehovha andibatsire uye ndaiwana mazano eBhaibheri aindibatsira. Pandairatidza vana vangu zvinodzidziswa neBhaibheri, vaiona kuti handisi ini ndaivaudza zvekuita asi ndiJehovha. Ndaisangovaudza zvavanofanira kuita asi ndaiedzawo kuita zvandaitaura uye izvozvo zvakavabatsira. Semuenzaniso, kubva vachiri vadiki mumwe nemumwe wavo aiva nevanhu vaaidzidzisa Bhaibheri saka zvaiita kuti vafarire basa racho.

Ndaiziva kuti kupinda misangano kwaikosha chaizvo. Pane pamwe pandakaona kuti pamisangano yepakati pevhiki vana vangu vainge vakaneta. Saka musi wataiva nemisangano, ndaivatora kuchikoro ndovapa zvekudya zvakareruka tobva tamborara. Izvi zvakagadzirisa dambudziko racho! Taingorega kuenda kumisangano kuImba yeUmambo kana paine arwara. Pakadaro taidzidza zvanga zviri papurogiramu yemusangano wacho tiri tega kumba. Vanhu vaizoona TV kana tapedza. Dzimwe nguva Ian aingoerekana adzoka kumba. Taiita chipatapata kuviga mabhuku tobva tabatidza TV.

Taigara tichiitawo kunamata kwemhuri. Dzimwe nguva taitaura nezveBheteri uye kuti idhipatimendi ripi ravaizoda kushandira paBheteri.

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Vana vangu—Philip, Caroline, Debbie, Andrew naNigel

Taiva Nechinangwa Chekupayona

Mwanakomana wangu mukuru, Philip, paakanga ava nemakore 16 akawana basa rekugadzira mota. Akawanawo rekugeza mahwindo raisada kuti ashande mazuva ese. Akanga asingadi iri rekugeza mahwindo uye aiti kana akashanda rimwe racho aizokwanisa kuwana mari yekubatsirawo pamba. Ndakamuudza kuti basa rekuriritira mhuri raiva rababa vake uye kuti taitowana zvataida kuti tirarame. Ndakamubatsira kuona kuti kana akaita basa rekugeza mahwindo aigona kubva atotanga kupayona.

Philip akatanga kupayona paakangopedza chikoro uye ini ndakatora upiyona hwebetsero. Mwanakomana wangu wechipiri, Nigel, akatangawo kupayona paakangopedza chikoro uye ini ndakabva ndavawo piyona wenguva dzese. Ndakafunga kuti ndikapayona kwegore ndinogona kushanda nevana vangu muushumiri ndozopinda chikoro chemapiyona. Ndakazopinda chikoro chemapiyona pamwe chete naNigel.

Kubva pandakatanga kupayona, ndainakidzwa nebasa racho uye ndaiziva kuti zvandaiita izvi zvaibatsira vana vangu. Ndinotenda Jehovha kuti ndava nemakore 35 ndichipayona. Kudai Ian akazviziva angadai akandirambidza. Asi aisazviziva nekuti ndaiparidza pakati pevhiki paanenge ari kubasa, kupera kwevhiki paanenge aripo ndogara pamba.

Mwanakomana wangu Nigel akazonyorera kushanda paBheteri achibva adaidzwa. Akawana shamwari dzakanaka ikoko uye akadzidza zvinhu zvakawanda zvakamubatsira kuti akure pakunamata. Philip naAndrew vakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri.c Ndinoona sekuti vakaenda kuchikoro ichocho vangori vakomana vakazodzoka vava varume vakakura pakunamata. (1 Petro 5:10) Jehovha anodzidzisa vanhu vake zvemhando yepamusoro. Ndinotenda Jehovha nesangano rake nekudzidzisa kwaakaita vana vangu.

Carol ari kufamba achinyemwerera.

Achienda kunoparidza

Matambudziko Akakura

Muupenyu hwangu ndakasangana nematambudziko akakura. Rakakurisa racho, kusiyiwa kwandakaitwa nemurume wangu. Pashure pemakore 33, akandisiya achibva anogara nemumwe mukadzi. Rimwe racho kwaiva kuona vabereki vangu vachikwegura. Ndakarwadziwa baba vangu pavakafa muna March 1997. Amai vangu vakabva vasara vachigara vega apa vaisagona kudhiraivha. Vainzwa kusurukirwa chaizvo saka ndaiwanzovafonera ndovati, “Munoda kuenda neni here kunoona zvidzidzo zveBhaibheri?” Padarika makore vakatangawo kupayona. Izvi zvakachinja upenyu hwavo nekuti vakanga vava nezvekuita. Vakanakidzwa nekupayona kwemakore 10 kusvikira pavakazofa.

Zvakanga zvisiri nyore kurera vana 5 kuti vakure vachida Jehovha. Ndaiziva kuti vana vangu vaifanira kuzvisarudzira kuti vanoda here kushumira Jehovha. Ndaisakwanisa kuvamanikidza asi ndine zvandaigona kuita. Saka ndakabvuma kutungamirirwa naMwari uye ndakashanda nesimba pakudzidzisa vana vangu nezvandaitaura uye zvandaiita. Ndinofara chaizvo kuti vana vangu vakasarudza kushumira Mwari.d Chokwadi, Jehovha akandibatsira kuvarera.

Carol ari kutorwa pikicha nevana vake 5.

Ini nevana vangu

a Onai vhidhiyo inonzi Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

b Onai mamwe mashoko 5 pakanzi “Mazororo Nemhemberero” mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

c Chikoro ichi chava kunzi Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo.

d Iye zvino, Philip ari kushanda semurayiridzi wezvikoro zvesangano kuIreland. Nigel ari kushanda paImba Yemagungano kuEngland. Andrew mukuru muungano uye ava nemakore 30 achipayona. Caroline akapayona kwemakore 5 uye Debbie anogara pamba uye anobatsira Carol muushumiri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe