PETER HAMADEJ | NYAYA YEUPENYU
Jehovha Akatibatsira Kuita Zvisarudzo Zvakanaka
Ndakazvarwa muna 1952 kuKarlovy Vary,a guta riri kumavirira kwenyika yaimbonzi Czechoslovakia, pedyo nebhodha reGermany. Ini nemukoma wangu Milan, taiitirwa utsinye kuchikoro sezvo taiva vanhu vekuGermany. Izvi ndizvo zvakazoita kuti semhuri titamire kuFrankfurt, Germany, muna 1966.
Vabereki vangu vaiva Zvapupu zvaJehovha ndichiri mudiki chaizvo, asi pandakanga ndava kakomana vakabva vabviswa muungano yechiKristu. Saka ndakangokurawo ndiri munhu asina zvinangwa pakunamata.
Nekufamba kwenguva, vabereki vangu vakazodzoka kuna Jehovha. Milan akabva atangawo kunamata achibva asarudza kubhabhatidzwa pagungano rakaitwa kuHannover. Ndiwo musi wandakasarudzawo kubhabhatidzwa! Ndakanga ndiine makore 15. Asi ndichangobhabhatidzwa, ndakakumbira vabereki vangu kuti ndiende kuBerlin, kwandakatanga kudzidzira zvekudhirowa.
Ndichidzidza nezvekudhirowa kudaro, ndakatanga kufunga nezvemibvunzo miviri yandaida kuwana mhinduro dzacho yekuti: Kune Musiki here? uye Bhaibheri ishoko raMwari zvechokwadi here? Zvidzidzo zvangu zvekudhirowa zvakaita kuti ndione kuti unyanzvi hunoratidzwa nemunhu paanodhirowa kana kupenda mufananidzo uye kunaka kwaunenge wakaita hazvitomboenzane nekunaka kwakaita zvinhu zvakasikwa naMwari. Ndakasvika pakuona kuti kana mifananidzo yakapendwa isingangoerekani yavapo, zvinorevawo kuti zvinhu zvinenge zvichitevedzerwa pakupenda kwacho zvinewo akaita kuti zvivepo!
Ndakawana mhinduro yemubvunzo wangu wechipiri pandakatsvakurudza kuti zvinhu zvakaitika kare zvinoratidza sei kuti uprofita huri muBhaibheri ndehwechokwadi. Zvishoma nezvishoma ndakatanga kuzvionera ndega kuti Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi.—1 VaTesaronika 2:13.
Mumwe wemifananidzo yandakapenda muna 1980
Ndaigara ndichikurukurawo nemumwe mukuru uyo aindibatsira chaizvo. Kutenda kwandaiita muna Jehovha kwakatanga kuwedzera, uye ndakanga ndisisanyanyi kukoshesa zvekudhirowa muupenyu hwangu. Muna 1972, ndakaita chimwe chezvisarudzo zvakanaka chaizvo muupenyu hwangu. Ndakatanga kupayona muBerlin. Pakutanga, ndaingoda kupayona kwemwedzi mitatu.
Kuwedzera Ushumiri Hwangu
Kupayona muBerlin kwainge kwakaoma chaizvo. Mashoko akanaka akanga aparidzwa muguta iri kwemakore anoda kutosvika 100, asi vanhu veko vaisanyanya kufarira. Pandakatanga kudzidza nemunhu Bhaibheri zvakaita kunge chishamiso chaicho! Ndakabva ndava nechokwadi chekuti ndinogona kuparidza chero kupi zvako ndichibatsirwa naJehovha. Saka ndakaramba ndichipayona.
Papera rinenge gore, hofisi yebazi yakandikumbira kana ndaikwanisa kudzidza chiSerbo-Croatianb kuti ndiparidzire vanhu vekuYugoslavia vaishanda muGermany. Ndakabvuma, uye ndakabva ndanzi ndinoshandira kuFrankfurt. Ndiri ikoko, ndakadzidza chiSerbo-Croatian naHans naSonja Smode, avo vakanga vachangobva kugirajuweta kuChikoro cheGiriyedhi. Pashure pemwedzi mitatu tiri pamwe chete, ndakabva ndanzi ndinoshanda sapiyona chaiye kuStuttgart. Makore maviri akazotevera, kubva muna 1973 kusvika muna 1975, ndakatama kakawanda uye ndakashanda nevanhu 5 pabasa racho.
Ndakazonzi ndiende kunoshanda neboka rechiSerbo-Croatian raiva kuKarlsruhe. Ndiko kwandakaona munhu wandaizoshanda naye kweupenyu hwese, piyona chaiye aishanda nesimba ainzi Lenka. Hazvina kumbotora nguva kuti titange kudanana uye takabva tachata. Pasina nguva muna 1978, takakokwa kuti tizoita basa remudunhu muungano dzaiva muEurope yese.
Ndiina Lenka
Chisarudzo Chainge Chakaoma Kuita
Kwemakore anenge 10, takashanyira mapoka neungano dzaiva muEurope yese. Tainakidzwa nebasa redu, asi nekufamba kwenguva zvakanga zvava kutiremera. Mudzimai wangu Lenka akasvika pakunzwa kuti haachazvikwanisi uye akatanga kufunga kuti aisava nekutenda kwakasimba, saka akaramba achizvimanikidza kushanda. Kuramba achishanda kwaaiita kwainge kusina kunaka, asi taisaziva kuti todii. Takanyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire kuziva zvekuita.
Tiri mubasa remudunhu
Minyengetero yedu yakapindurwa patakaenda kwachiremba. Akatibatsira kuti tinzwisise kuti pazvinhu zvese zvatinoita, tine patinogumira. (Mika 6:8) Takabva taona kuti taifanira kumira basa remudunhu, asi zvainge zvakaoma. Takataura nevatariri vakakura pakunamata vaiva paBheteri nezvemamiriro edu ezvinhu. Takashamisika pavakatikumbira kuti tirambe tichishanda basa renguva yakazara sevashanduri vemutauro wechiSerbo-Croatian pabazi rekuAustria. Kuchinja uku kwakabatsira Lenka kuti atange kunzwa zviri nani. Jehovha akatibatsira kuti tisamhanya pakuita zvisarudzo achishandisa hama dzakatipa mazano.—Zvirevo 15:22.
Kusangana Nematambudziko Panguva Yehondo
Pashure pekushumira kuVienna kwemakore maviri, ini naLenka takaendeswa kubazi rekuZagreb, Croatia, iro raiona nezvebasa raiitwa munyika yaimbova Yugoslavia. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vemuYugoslavia vaiva netsika nezvitendero zvakasiyana-siyana, vaigarisana zvakanaka. Izvi zvakazochinja muna 1991 pavakatanga kurwisana. Mwedzi mishoma kurwisana kwacho kusati kwatanga, Dare Renyika yedu rainge riri kutoronga gungano renyika dzakawanda raizoita kuti Zvapupu zvinobva munzvimbo dzakawanda dzeYugoslavia zviungane pamwe chete.
Lenka achishanda semushanduri pabazi reVienna, muAustria
Takanyengetera tikakurukura nezvenyaya yacho, uye takasarudza kuenderera mberi nekugadzirira gungano racho. Takashandawo pamwe chete nevakuru vakuru vemunzvimbo yacho kuti tive nechokwadi chekuti vaenzi vaibva kune dzimwe nyika vainge vakachengeteka. Takafara chaizvo kuti pagungano iri pakauya hama 5 dzemuDare Rinotungamirira! Purogiramu yegungano racho yainyatsoenderana nezvaidiwa nehama nehanzvadzi.
Pashure perinenge gore hondo yatanga, Dare Renyika yedu rakagamuchira mashoko ekuti hama dzaiva muSarajevo nedzimwe nzvimbo dzeBosnia dzakanga dzava kupererwa nezvekudya, huni uye mishonga. Masoja eSerbia akanga akomba maguta aigara hama idzi uye hapana aikwanisa kudzibatsira. Takanyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha kuti atibatsire kuziva zvataifanira kuita kuti tidziyamure.
Tichitungamirirwa nebazi reAustria, takaronga basa rekuyamura kunyange zvazvo rainge riine ngozi. Musi wa26 October 1993, muVienna makasimuka marori ainge akatakura matani 16 ezvinhu zvekuyamura hama dzedu dzaiva muBosnia.c
Pataiedza kuendesa zvinhu zvekuyamura Zvapupu muSarajevo
Pataifamba nemairwiwa hondo, takanyatsoona kuti ruoko rwaJehovha “haruna kupfupika zvekuti rungatadza kuponesa.” (Isaya 59:1) Hatifi takakanganwa rwendo runotyisa rwatakaita tichibva kuZenica kuenda kuSarajevo. Tasarirwa nemakiromita 40 chete kuti tipinde muSarajevo, takashandisa nzira yemusango yataifanira kufamba makiromita 140.
Patakanga tava kuda kupinda muguta racho rainge rakakombwa nemasoja, ndakakumbira kutaura nemukuru wavo, uye takatozoziva kuti ndiye aiva mukuru wemasoja ese. Akatiudza kuti aisava nechokwadi chekuti taizobudirira. Asi paakazonzwa kuti taiva Zvapupu zvaJehovha, akandibvunza kana ndaiziva imwe hama yainzi Hajrudin. Ndakamuudza kuti aiva shamwari yedu. Mukuru mukuru wacho akabva ati: “Ishamwari yanguwo. Takadzidza tese kuchikoro. Ndakawedzera kumufarira kubva paakava Chapupu.”
Pashure pekutibvunza zvimwe zvatinotenda, mukuru mukuru uyu akatibvumira kushandisa kamwe kamukoto kaisazivikanwa nevakawanda kuti tiendesere hama dzedu dzemuSarajevo zvinhu zvekuyamura. Akatoita kuti mota dzemasoja dzaiendesa zvinhu dzimbomira kuendesa zvinhu zvemauto kweusiku huviri kuitira kuti masoja acho atakure zvinhu zvekuyamura achifamba nemukoto iwoyo. Kweusiku ihwohwo huviri, musoja mumwe nemumwe aitakura zvinhu zvairema makirogiramu anenge 27. Taisazombokwanisa kuzviita zvese izvi tiri tega.
Pashure pemakore mashoma hondo yapera, ndakaenda kumukoto uya waisazivikanwa nevakawanda ndiine imwe hama inonzi Halim Curi, aishumira semukuru kuSarajevo
Masoja acho aisvika achibatsira hama dzedu kuti dziendese zvinhu zvacho panzvimbo yakachengeteka kuti zvizoendeswa kuhama nehanzvadzi pamwe nevavakidzani vavo. Vanhu vakanga vasiri Zvapupu vakabayiwa mwoyo nemabasa ekuyamura aya zvekuti vakapfugama pamwe chete nehama dzedu kuti vanyengetere vachitenda Jehovha.—2 VaKorinde 9:13.
Kakawanda, kusava nedivi ratinotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika kwakatibatsira kuti tipfuure pese paiva nemasoja. Taifanira kupfeka mabheji airatidza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha, asi izvozvo handizvo zvega zvairatidza kuti hatipindiri mune zvenyika. Taifanira kutoshanda nesimba kuti tirambe tisina wataitsigira pamafungiro edu uye pamanzwiro edu. Saka takasarudza kusanyanya kuteerera nhau, tichiziva kuti zvinhu zvinotyisa zvaitaurwa nemativi acho ese maviri zvaizoita kuti tive nemaonero akarerekera kune rimwe divi kana kuti kutopedzisira tava kurivenga.
Kubva kuma1990, ndakashanda muDare Rebazi remuCroatia uye ndikazoshandawo mune rekuCzech-Slovak. Zvandakasangana nazvo mumabasa angu andakaita zvakandidzidzisei nezvekuita zvisarudzo? Chekutanga ndechekuti, Jehovha anogona kushandisa chero munhu kuti agadzirise dambudziko, kunyange mukuru wemasoja. Ndakadzidzawo kuti ndisavimbe nemafungiro angu, asi ndivimbe nezvinotaurwa naJehovha achishandisa sangano rake.
Matambudziko Eutano
Muna 2023, pandakaenda kwachiremba sezvandaigara ndichiita, ndakaudzwa kuti ndaiva nekenza yainge yakaipisisa. Sezvo ndakanga ndisati ndamborwara zvakanyanya, takavhunduka chaizvo. Ini naLenka takaramba tichikumbira Jehovha kuti atibatsire kuita zvisarudzo zvakanaka, uye takaitawo zvaienderana nezvatainyengeterera. Takatsvakurudza uye takataura navanachiremba. Pashure pekunge takasarudza nzira yandaizorapwa nayo, takanzwa kugadzikana.
Takazviudzawo kuti hatidi kuzvidya mwoyo tichifunga kuti chii chichaitika mangwana. (Mateu 6:34) Tine zvikonzero zvakawanda zvekuti tirambe tichifara. Semuenzaniso, pataifanira kuenda kuGermany kunorapwa, takanyora tsamba kumhuri yedu yeBheteri yemuBratislava, Slovakia, tichivaudza zvatakanga tava kusangana nazvo. Shamwari dzedu dzakatitumira mameseji akawanda, dzaitinyengeterera uye dzaitiudza kuti dzinotida chaizvo. Jehovha anogona kutibatsira achishandisa vanhu vatinonamata navo uye anoita kuti tive nerugare “runopfuura kunzwisisa kwese.”—VaFiripi 4:7.
Chokwadi ndechekuti mukurarama kwatinoita, munhu anogona kungoerekana abatwa nechirwere chakaipisisa kana kufa. (Muparidzi 9:11; Jakobho 4:14) Saka ini ndinotenda chaizvo kuti Jehovha akandibatsira kubva ndichiri mudiki kuti ndiite chisarudzo chakanaka chekumushumira nemwoyo wangu wese. Hapana chimwe chinhu chandingadai ndakaita chaizoita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa!d
a Karlovy Vary inozivikanwawo nezita rechiGerman rekuti, Karlsbad.
b Serbo-Croatian ndiwo waiva mutauro waishandiswa munyika yaimbova Yugoslavia.
c Kuti unzwe zvakawanda nezvebasa iri rekuyamura rakaitwa, verenga nyaya yakanzi “Kuyamura Mhuri Yedu Yavatendi muBosnia,” yakabudiswa mumagazini yeNharireyomurindi yaNovember 1, 1994 mapeji 23-27.
d Hama Hamadej vakafa musi wa28 January , 2025, nyaya ino ichiri kugadzirwa.