VIRGILIJUS PUDŽIUVYS | NYAYA YEUPENYU
Jehovha Agara Achiita Kuti Pave Nenzira Yekubuda Nayo
Mhuri yedu haifi yakakanganwa kushanyirwa kwatakaitwa nasekuru hanzvadzi yaamai vangu, nemudzimai wavo muna 1976. Sekuru vangu avo vakanga vava kutodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vakaudza vabereki vangu kuti vane zvinhu zvitsva zvavakanga vadzidza muBhaibheri. Vakatanga nekutaura zvakataurwa naJesu nezvevatungamiriri vezvitendero vepanguva yake, zvakanyorwa muna Mateu chitsauko 23. Vakazotaurawo kuti vatungamiriri vezvitendero ivavo vakafanana papi nevatungamiriri vezvitendero variko mazuva ano. Amai vangu, avo vainge vakazvipira kuchechi yeRoma, vakashamiswa chaizvo kuti Jesu akashora zviri pachena zvaiitwa nevatungamiriri vezvitendero. Saka vakati vaida kuzvionerawo vega zvinotaurwa neBhaibheri.
Taigara munyika yeLithuania, uye panguva iyoyo yainge yakabatana neyaimbonzi Soviet Union. Sezvo hurumende yakanga yaisa mitemo yakawanda yaitadzisa vanhu kunamata vakasununguka, vanhu vashoma ndovaiva nemaBhaibheri. Saka amai vakanokumbira Bhaibheri kuchechi vachibva vazviverengera vega uye vakaona kuti zvechokwadi Jesu akashora vatungamiriri vezvitendero vepanguva yake nekuti vaiva neunyengeri. Amai vakashamiswa nezvavakaverenga, zvikaita kuti vade kuona zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri. Saka vakanopiwa mabhuku neChapupu chaidzidzisa sekuru vangu Bhaibheri.
Hazvina kuzombotorera mhuri yedu nguva kuti itange kupinda misangano inoitwa neZvapupu zvaJehovha. Sezvo basa redu rainge rakabhanwa, nzvimbo yaiitirwa misangano yaigara ichichinja-chinja. Pamwe pacho yaiitirwa musango raiva pedyo. Amai vangu vakabhabhatidzwa muna 1978 uye ndipo pandakabhabhatidzwawo pamwe chete nehanzvadzi yangu Danguolė. Ini naDanguolė tiri mapatya. Taiva nemakore 15 patakabhabhatidzwa, uye baba vakazobhabhatidzwawo makore mashoma akazotevera.
Ndiine hanzvadzi yangu, Danguolė, tiine makore 4
Jehovha Akaita Kuti Ndiwane Nzira Yekubuda Nayo Mumatambudziko Pandaiyaruka
Mwedzi mumwe chete tabhabhatidzwa, ini nehanzvadzi yangu takatanga kupikiswa kuchikoro. Pane mumwe musangano wakaitirwa pachikoro pedu, vadzidzisi vakaona kuti hatina kusimuka kuti tiimbe rwiyo rwenyika nekuti taida kuramba tisina kwatinotsigira mune zvematongerwo enyika. Vadzidzisi vedu vakabva vaudza mukuru wechikoro. Mukuru wechikoro akabva audza mapurisa epachivande ayo aizivikanwa seKGB. Mapurisa acho akabva auya kumba akatanga kutibvunzurudza.
Ini naDanguolė taitofanira kuita kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba nekuti vadzidzisi vedu vaiedza kuita kuti tibvume kuti Mwari haako. Semuenzaniso, pataiva nemakore 16, kirasi yedu yakanzi inyore nyaya yaiva nemusoro wekuti “Nei Ndichiti Hakuna Mwari.” Asi sezvo ndaitenda kuti kuna Mwari ndakabva ndanyora pakapepa kuti “Ndinotenda kuti Mwari ariko” ndichibva ndakaisa padhesiki pangu. Mudzidzisi wedu paakakaona akashatirwa akapopota achiti, “Chinyora kuti nei uchiti Mwari ariko!” Ndakafara kuti akandibvumidza kunyora zvandinotenda uye hanzvadzi yangu yakabva yatotanga kunyorawo zvayaitenda. Vamwe vasikana vaviri pavakaona zvatainyora vakabva vanyorawo kuti nei vaitenda kuti Mwari ariko. Apa ndepamwe pandakaona kuti Jehovha anogona kuita kuti pave ‘nenzira yekubuda nayo’ pazvinenge zvakaoma.—1 VaKorinde 10:13.
Kwemwedzi mumwe chete, hama dzaitungamirira dzakambotikweretesa bhuku rakanzi Kubva ku Paradiso Yakarasika ku Paradiso Ichawanika Zve, iro rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Panguva yacho muLithuania maingova nemabhuku aya 4 kana 5 chete kana ndichiri kuyeuka zvakanaka. Ini naDanguolė taingoti, “Dai taikwanisawo kuva neredu!” Asi sezvo zvaisaita, takaita zvataigona. Takabva taita rekukopa nemaoko. Zvigunwe zvedu zvairwadza asi taifara kuti takanga tava nebhuku raizotibatsira kusimbisa kutenda kwedu.
Muna 1982 ndichangosvitsa makore 19, ndakasungwa ndikatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nekuti ndakaramba kupinda muchiuto. Zvainge zvakandiomera kugara mujeri nevamwe vasungwa. Asi ndinotenda chaizvo kuti ndaimbowana mukana wekutaura nemumwe musungwa aiva Chapupu aivawo mujeri iroro. Makore maviri paakapera ndakasunungurwa, asi aka kaisava kekupedzisira kugara mujeri.
Kukomborerwa Nemudzimai Anoda Jehovha
Ndiina Lidija, tava kuda kuchata
Ndichangosunungurwa muna 1984, ndakasangana naLidija, hanzvadzi yakanaka uye yakakura mune zvekunamata yaigara kuUkraine. Patakachata Lidija akabva auya kuzogara kuLithuania kwandaiva. Sezvo iye nevabereki vake vaiva Zvapupu zvaJehovha, akatambudzwawo zvisingaiti paaiva kuchikoro. Paaisangana nemiedzo iyi, Lidija akasimbiswa nenyaya dzevamwe vainge vatsungirira vari vasungwa mumisasa yeNazi uye kuSiberia.
Mumakore ekuma1980, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichakabhanwa muLithuania. Saka kana pakava neZvapupu zvaida kuchata, hama dzaibva dzatoshandisa mukana iwoyo kuita gungano remazuva maviri pachivande. Ndizvo zvakaitikawo pamuchato wedu. Vanhu vese vaivepo vakafara nesu, uyewo takanzwa hurukuro dzakawanda, tikaimba nziyo uye takatoonawo madhirama 4 aiva nevatambi vainge vakapfeka zvipfeko zvekare. Kunenge kuti paiva nevanhu vanenge 450, vaisanganisira veukama vainge vabva kwakasiyana-siyana muSoviet Union uye paivawo mapurisa eKGB ainge asina kukokwa ayo akazivikanwa nedzimwe hama.
Muchato wedu wakaitwa pagungano remazuva maviri. Takachata musi mumwe chete nemwana wababamunini vangu nemurume wake uye ndisu takagara pamacheya evachati tiri 4
Kudzoka Zvakare Mudare
Sezvo Zvapupu zvaiiswa mujeri nekuti zvaisatsigira hurumende yeSoviet, zvaigona kuitika kuti kana Chapupu chikasunungurwa chaigona kusungwazve. Tisati tatombova negore tachata ndakaendeswa zvakare pamberi pedare. Ndakaita zuva rese ndiri mudare ukuwo Lidija uyo aiva nepamuviri ari muchipatara chaiva pedyo. Handina kubvumirwa kunomuona paitongwa nyaya yangu. Asi panguva yekuzorora kudare ndakakwanisa kufamba kuenda pachipatara paaiva ndikanomira pahwindo. Akabva avhura hwindo, uye takakwanisa kutaura kwekanguva tichikurudzirana. Musi iwoyo ndakabva ndatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.
Zvinorwadza kuti pashure pemazuva maviri, pamuviri paLidija pakabva. Akarwadziwa zvisingaiti zvekuti anoti akanzwa sekunge achekwa nepakati. Kuwedzera padambudziko iri, akanga achiri kuedza kujairana nekugara mune imwe nyika uye kujairana nevabereki vangu, avo vaisanyatsogona kutaura chiUkrainian kana chiRussian, mitauro yaaitaura. Kunyange zvakadaro, Lidija ainyatsovimba naJehovha uyewo vabereki vangu vaimutsigira uye kumunyaradza nezvese zvavaigona kuita panguva iyi yakaoma.
Jehovha Akaramba Achiita Kuti Ndiwane Nzira Yekubuda Nayo
Zvinhu zvandakadzidza pandaiva mujeri kekutanga zvakazondibatsira pandakavharirwa mujeri kechipiri. Chimwe chezvinhu zvakandibatsira kutsungirira kwaiva kuparidzira vamwe vasungwa. Semuenzaniso pataiendeswa kujeri, vasungwa vaiwanzokwidzwa mumota kana muchitima vakatsvikinyidzana. Dzimwe nguva taimanikidzirwa tiri 15 kana 20 mukanzvimbo kanongokwana vanhu 5 kana 6. Ndakashandisa mukana uyu kutaura nevamwe vasungwa nezveBhaibheri. Ndaivatsanangurira kuti nei ndaisatsigira hondo, ndaisaita zvematongerwo enyika, uye ndaibva ndavaudza kuti izvozvo ndizvo zvakaita kuti ndisungwe uye ndiiswe mujeri. Ndaivatsanangurirawo kuti nei ndaiona zviine musoro kubvuma kuti Mwari ariko.
Ndainge ndiri mujeri raiva kuMarijampolė.a Ndinofunga kuti ndini ndega ndaiva Chapupu pakati pevasungwa vanotyisa vangasvika 2 000. Ndakamborohwa zvisingaiti kamwe chete nevamwe vasungwa, asi zvainge zvakajairika kuti vasungwa varwe, vatyisidzirane kana kutourayana chaiko. Pasinei nemararamiro akaoma ataiita tiri mujeri, ndaiedza kukurudzira uye kuitira mutsa vaya vainge vakaora mwoyo, izvo zvavaisamboitirwa nevamwe.
Mapurisa eKGB aiedza kuita kuti tisava nechokwadi nezvimwe zvinhu. Hameno kuti aizviita sei asi aiziva zvaitaurwa nevanhu vemumhuri mangu kumba uye aizondiudza zvavaitaura. Mapurisa acho aibva ataura zvekunyepa kuti zviite sekuti vanhu vekumba kwedu vaipopotedzana uye vainge vasina kubatana. Kunyange zvazvo ndaisabvuma zvaitaurwa nemapurisa acho, ndakatozoziva chokwadi pandakabvunza vanhu vemumhuri mangu ndatobuda mujeri.—Mateu 10:16.
Pane imwe nguva imwe hanzvadzi yataipinda nayo, yakakumbira mumwe gadhi wayaizivana naye kuti andipe kaBhaibheri kadiki kechiRussian pachivande. Husiku ndaikopa mavhesi mashoma eMharidzo yaJesu Yepagomo pakapepa. Ndaizoramba ndichiverenga mavhesi acho ava mangwana pasina mumwe munhu aindiona, pandaishanda mufekitari yepajeri ipapo. Kunyange zvavo chiRussian usiri mutauro waamai, ndakapedzisira ndatobata nemusoro Mharidzo yaJesu Yepagomo. Magadhi akazonditorera hawo Bhaibheri riya asi mashoko aJesu akanga atova mumusoro uye mumwoyo mangu.
Mudzimai wangu Lidija ainditsigira uye aindikurudzira netsamba dzaaindinyorera. Kunyange zvazvo ndaingobvumidzwa kupindura tsamba dzake kaviri chete pamwedzi, zvaiita sekuti iye aindinyorera tsamba zuva nezuva. Akazondiudza kuti tsamba dzandainyora dzaimubatsira kuziva zvinhu zvitatu zvinoti: Ndaiva mupenyu, ndainge ndichiri kumuda uye kuti ndakanga ndichiri ndakatendeka kuna Jehovha.
Jehovha Akapindura Minyengetero Yangu
Pane imwe nguva, chimwe chikwata chevasungwa chaisafara nemabatirwo aiitwa vasungwa vese, saka chakaramba kushanda nekuti chaida kuti zvinhu zvichinje. Vasungwa ivavo vakarangwa zvakaoma. Vakuru vepajeri vakazoti ini nevamwe vasungwa ndisu takanga tava kunoita basa raiitwa nechikwata chiya chakanga chapandukira.
Dai ndaizoramba kuita basa iri ndaizorangwa zvakaoma. Asi dai ndaizobvuma kuriita, vamwe vasungwa vaizondiona semutengesi, zvekuti vaigona kundirova kana kutondiuraya chaiko. Ndakapererwa uye ndakashaya kuti ndoita zvipi. (2 Makoronike 20:12) Ndakanyengetera kasingaperi kuna Jehovha ndichikumbira kuti andibatsire.
Mumwe musungwa aiva muchikwata chandakanga ndabviswa akabva angoerekana ati tiende tese tinoona mukuru webasa. Musungwa uyu aisatombova shamwari yangu, taingoshanda tese, asi akaramba kuti ndichinjwe kwekushandira. Vakabva vatanga kupopotedzana nemukuru uya webasa. Mukuru uya aizivikanwa nekusatombobvuma zvaidiwa nevamwe, akazondirega ndichishanda muboka randaiva uye akabva atidzinga muhofisi make. Ndakanzwa kuzorodzwa chaiko. (2 Petro 2:9) Kwemakore ese andainge ndagara mujeri, ndakanga ndisati ndamboona mumwe musungwa achitsigira mumwe musungwa zvakadaro. Ndakadzidza kuti patinonyengetera kuna Jehovha, anogona kushandisa chero ani zvake kuti atibatsire.
Jehovha Akaita Kuti Lidija Awane Nzira Yekubuda Nayo
Regai ndimbokuudzai zvakaitika kuna Lidija pandainge ndakasungwa. Aitofanira kutsvaga basa, asi sezvo ndainge ndakasungwa vanhu vakawanda vaisada kuti avashandire nekuti vaityira kuti vaizonetswa nemapurisa eKGB. Akazowana basa raida kuti ashande kwemaawa 12 pazuva achichengeta vana 30. Basa racho rainge rakaoma uye rainetesa. Asi Jehovha akaramba achimupa simba rekuti aende kubasa zuva nezuva. Uyewo hama nehanzvadzi dzaibva kwese kwese muLithuania kuti dzizomunyaradza nekutandara naye uye dzaimuunzirawo mabhuku echiRussian. Zvakamubatsira kuti asasurukirwa.
Kushumira Jehovha Semhuri
Pandakabudiswa mujeri, ndakatanga kubatsira pabasa rekushandura mabhuku edu muchiLithuanian iro raiitwa pachivande. Pashure pemakore mashoma, basa redu rakabvumidzwa zviri pamutemo pakaparara hurumende yeSoviet Union. Nekufamba kwenguva, pakazova nehofisi yekushandura mabhuku muchiLithuanian. Kwemakore 5 ndaityaira kweawa nehafu vhiki rega rega kuenda kumahofisi eshanduro. Kunyange zvazvo kwaiva kure, ndaifara kuita basa racho.
Muna August 1997, ini naLidija takakokwa kuti tizoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muLithuania. Hofisi iyi inonziwo Bheteri. Takafara zvisingaiti. Panguva yacho taiva nevanasikana vaviri, Oksana aiva nemakore 9 uye Svajūnė aiva ne5. Takapiwa mazuva matatu kuti titamire mune imwe imba yaiva pedyo neBheteri, uye kuti titsvagire Oksana chimwe chikoro.
Tichiita kunamata kwemhuri takapfeka saAhashivheroshi, Esteri naModhekai. Taida kuti kunamata kwemhuri kunakidze uye kutibatsire
Taizvigona sei kuti uku tiri kurera vana uku tiri kushanda paBheteri? Mangwanani ega ega ndaienda kuBheteri uye Lidija aizouyawo vana vaenda kuchikoro. Lidija aizokurumidza kudzoka kuitira kuti vana vasvike pamba paine munhu.
Takapfeka hembe dzinopfekwa kuLithuania paitsaurirwa bazi rekuLithuania muna 2003
Tese semhuri taiwanzofarira kuti manheru eChishanu asvike. Manheru iwayo taibika pamwe chete, taichenesa mumba medu uye taiita kunamata kwemhuri. Tainakidzwa zvekuti. Taimboendawo kunoona makomo, makungwa kana mamwe maBheteri muEurope. Taida kuti vana vedu vanakidzwe nekuona zvakasikwa naJehovha uye vaone kubatana kwakaita vanhu vake chero kwavaizoenda. Vana vedu pavaisvitsa makore 15 vaibva vatanga kupayona uye izvozvo zvaiita kuti tifare chaizvo. Iye zvino Oksana nemurume wake Jean-Benoit, vari kushanda pahofisi yeshanduro yechiLithuanian uye Svajūnė nemurume wake Nicolas vari kushanda paBheteri rekuFrance.
Ini naLidija takasvika pakunyatsova “nyama imwe” nekuti basa raJehovha ndiro rinonyanya kukosha muupenyu hwedu. (VaEfeso 5:31; Muparidzi 4:12) Kunyange zvazvo ‘taimboomerwa’ uye takatambudzwa kwenguva yakareba, hatina kumbosiyiwa tiri tega kana ‘kuomerwa zvekutadza kufamba.’ (2 VaKorinde 4:8, 9) Taingoona Jehovha achiita kuti pave nenzira yekubuda nayo, uye tine chokwadi chekuti acharamba achidaro.
Ndiine mudiwa wangu Lidija
a Raimbonzi Kapsukas kubva muna 1955 kusvika muna 1990.