OLEH RADZYMINSKYI | NYAYA YEUPENYU
Kuiswa Mujeri Hakuna Kundiparadzanisa naJehovha
Ndakaberekerwa muSiberia muna 1964, mushure mekunge vabereki vangu vamanikidzwa nehurumende kubuda muUkraine vachiendeswa kunyika iyi yeSiberia. Ndinongoyeuka vabereki vangu nevabereki vavowo, vari vanhu vairatidza kuti vainyatsovimba naJehovha kunyange pavaiiswa mujeri. Sekuru vangu vakagara mujeri kwemakore 7 nemhaka yekuti vaiva mutariri wedunhu. Neniwo ndakazoiswawo mujeri uye ndakawana mikana yakawanda yekuratidza kuti ndaivimba naJehovha.
Takazodzokera kunogara kuUkraine muna 1966. Chimwe chezvinhu zvandichiri kuyeuka zvakaitika ndichiri mudiki ndechekuti pandaiva nemakore 4, takaenda kunoona sekuru vangu vari mujeri. Ini naamai vangu takakwira chitima kubva kuKryvyi Rih muUkraine kuenda kujeri riri kuMordovia muRussia. Rwendo rwacho rwakanga rwakareba. Taingokwanisa kuvaona kwemaawa maviri paine magadhi uye magadhi acho akabvumira sekuru vangu kuti vanditakure pamakumbo.
Kuramba Ndichivimba naJehovha Ndiri Kuchikoro
Ndiine munin’ina wangu, Mykhailo (ari kurudyi)
Pandaikura ndiri muUkraine, pane zvinhu zvakawanda zvakaitika zvakaedza kuvimba kwandinoita naJehovha. Semuenzaniso, vana pavaitanga kuenda kuchikoro, hurumende yaiti vaifanira kupfeka bheji rine mufananidzo waLenin ari mudiki.a Papera makore, vana vaifanira kusunga jira dzvuku muhuro mavo rairatidza kuti vaitsigira Lenin. Ndakaramba kupfeka zvinhu izvozvo zvaitsigira zvematongerwo enyika nekuti ndaiziva kuti Jehovha anoda kuti tinyatsozvipira kwaari.
Vabereki vangu vakandibatsira kuti ndizvisarudzire ndega kushumira Jehovha. Vaiva nemwoyo murefu pavaindibatsira kunzwisisa nyaya dzakadai sekuti nei tichifanira kuramba tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika. Vakandikurudzirawo kuti ndishande nesimba kuchikoro nekuti izvozvo zvaizokudza Jehovha.
Mumwe musi, pane mutapi wenhau akauya kuchikoro kwedu aishandira kambani yainyora magazini yainzi Nauka i religiia zvinoreva kuti Sainzi Nechitendero. Magazini yacho yaitsigira nhema dzekuti hakuna Mwari. Vadzidzisi vangu vakandigarisa pamberi kuti ndinyatsonzwa. Zvaitaurwa nemunhu wacho zvairatidza kuti chinangwa chake chaiva chekuti tibvume kuti hakuna Mwari.
Paakapedza kutaura, vadzidzisi vangu vakaenda neni kuseri kwechikuva vachida kuti ndinotaura naye. Mutapi wenhau wacho akandibvunza kuti ndaipinda chechi ipi, ndikabva ndataura ndisingazezi kuti, “Ndiri Chapupu chaJehovha.” Haana zvaakataura, kunze kwekungonditenda nekunyatsoteerera kwandaiita. Vadzidzisi vangu vakabhowekana zvisingaiti!
Kuramba Tichivimba naJehovha Semhuri
Taivimba naJehovha semhuri kuti atibatsire kuprinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumba medu uye kuti tizoaendesa kuvanhu. Baba vangu vaivawo mutariri wedunhu, vachishanyira ungano nemapoka zvaiva nechepakati peUkraine.
Rimwe zuva muna February 1978, pangosara mazuva maviri kuti kamunin’ina kangu kekupedzisira kanonzi Pavlik kazvarwe, ndakasvika kumba ndichibva kuchikoro, ndikaona zvinhu zvese zvakangoti bvururu. Mapurisa akanga asecha imba yedu uye atora mabhuku edu ese.
Mangwana acho patakaenda kuchikoro, ini nemunin’ina wangu Mykhailo taishaya kuti nei vadzidzisi vedu vairamba vakatidzvokora. Vaifunga kuti taiva vana vevasori vekuAmerica. Asi nekufamba kwenguva, vakawanda vavo vakazozviona kuti vainge vakarasika. Vamwe vandaidzidza navo vakatozovawo Zvapupu!
Muna 1981, mapurisa akauyazve kuzosecha imba yedu. Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasvitsa makore 18, ndakashevedzwa pamwe chete nababa nasekuru vangu kuti tiende kuhofisi yemuchuchisi. Mupurisa aibata nyaya yedu aindityisidzira achiti aizondipinza mujeri. Ukuwo mumwe murume akanga asina kupfeka yunifomu aindivimbisa ramangwana rakanaka kana ndikabvuma kuita zvavaida. Saka vanhu ava vaiedza kuita zvese zvavaigona kuti ndingoita zvavaida chete. Vakandiyeuchidza nezvekusungwa kwakamboitwa baba vangu, sekuru vangu nedzimwe hama dzangu dzepedyo vachida kuti ndibvume kuita zvavaida. Mapurisa akanga asiri kuziva kuti zvaaitondiudza izvi zvaiita kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha aizondibatsira kutsungirira kana kuri kuti ndaiswa mujeri.—VaFiripi 4:13.
Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Baba vangu, inini, Pavlik, amai vangu, uye Mykhailo, nguva pfupi ndisati ndasungwa
Kuramba Ndichivimba naJehovha Ndiri Mujeri
Musi wandakasvitsa makore 18, mangwana acho ndakatambira tsamba yaiti ndiuye kuchiuto. Ndakaramba kuenda kuchiuto, saka vakabva vandiisa mujeri ndichimirira kuti nyaya yangu itongwe. Ndakavharirwa maiva nevarume 85, vaichinjana kurara pamibhedha 34 yaivamo. Taingobvumirwa kugeza muviri kamwe chete pavhiki.
Pandakapinda mukati, dhoo rakabva ravharwa richiita zvekuroverwa, vanhu vese vachibva varamba vakanditarisa. Vamwe varume vaiva pachikona vakabva vatanga kundibvunza kuti ndainge ndasungirwei. Ndaitya asi ndakayeuka nyaya yemuBhaibheri yaDhanieri, uyo asina kana zvaakamboitwa neshumba paakakandwa mugomba radzaiva. Nyaya iyi yakandibatsira kuti ndinyatsovimba naJehovha uye ndirambe ndakadzikama.—Isaya 30:15; Dhanieri 6:21, 22.
Tapedza kudya manheru, mumwe musungwa akatanga kundibvunza mibvunzo yakawanda pamusoro pezvandinotenda. Zvishoma nezvishoma, vamwe vasungwa vakatanga kuteererawo zvataitaura kusvikira vese vanyarara. Ndakakurukura navo kwemaawa anenge 4 kana 5. Ndakatenda Jehovha nekundibatsira kwaainge aita!
Nyaya yangu isati yatongwa, ndakakumbira Jehovha kuti andipe uchenjeri neushingi hwekuti ndidzivirire zvandinotenda. Muchuchisi akaedza kuratidza kuti ndaingoshandisa kutenda kwangu muna Mwari sekachikonzero kekuti ndisaita basa rechiuto. Ndakaedza kutsanangurira dare kuti kana ndikapinda muchiuto ndinenge ndatadzira munhu ane simba kupfuura vese pasi nekudenga. Asi havana kumbozviteerera. Saka muna 1982, ndakanzi ndaiva nemhosva uye ndaifanira kupika jeri kwemakore maviri.
Ndakafara chaizvo kuti mujeri racho maiva nezvimwe Zvapupu 5. Kunyange zvazvo taingokwanisa kutaura kwenguva pfupi, dzimwe nguva kwemaminitsi mashomanana, taiva nechokwadi chekuti takurukura vhesi yeBhaibheri. Taisava neBhaibheri asi hama neshamwari dzaiwanzoisa mavhesi eBhaibheri mutsamba dzavaitinyorera. Dzimwe nguva taitowana mavhesi emuBhaibheri mune mamwewo mabhuku asiri eZvapupu!
Kuramba Ndichivimba naJehovha Pandakakuvara Zvakanyanya
Muna 1983, pandainge ndiri muchivakwa chataishandira sevasungwa, crane yakadonhedza simbi dzayainge yakatakura dzairema matani angasvika maviri. Simbi dzacho dzakabva dzauya dzikandirova nechekumashure ndichibva ndadonha pasi, dzikabva dzatswanya gumbo rangu rekuruboshwe.
Ndakarwadziwa zvisingaite saka ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kutsungirira. Nesi aishanda mujeri randaiva akandiudza kuti ndishevedzere mashoko ekutuka kuti ndisanyanye kurwadziwa, asi ndakasarudza kuimba nziyo dzeUmambo.
Kuti ndisvike pachipatara, ndakatanga ndakwira mota, ndikazopinda mubhoti uye pakupedzisira ndakazotorwa neamburenzi. Zvakatora maawa 6 kuti ndisvike kuchipatara uye ndakabuda ropa rakawanda. Ndainyatsoziva kuti ndaitofanira kuoparetwa, saka ndakanyengetera kuna Jehovha kuti ape vanachiremba uchenjeri uye kuti varemekedze chisarudzo changu chekusaisirwa ropa. Pandaiedza kuudza chiremba zvandinotenda, aisada kuzvinzwa asi ndakaramba ndichimukumbira kuti andinzwewo. Ndakamuudza kuti kana pakava nezvinoitika nekuti ndaramba kuisirwa ropa, mhosva yacho ndeyangu. Ndakafara chaizvo paakabvuma kundiopareta asingandiwedzeri ropa. Asi gumbo rangu raitofanira kudimburwa.
Pandakapedza kuoparetwa, ndakanga ndisisina kana simba. Kwemavhiki akati kuti, vanachiremba vaifunga kuti ndinogona kungofa chero nguva. Rimwe zuva, pana nesi akandiudza kuti pane chikafu chine utano chandinofanira kudya kuti ndikurumidze kupora chakasiyana nechekujeri. Manesi aizochengeta chikafu chacho mufiriji yaiva pedyo. Zuva rega rega ndaifanira kuva nechokwadi chekuti ndadya uchi, zai, neruomba. Vabereki vangu vainge varonga kundiunzira chikafu ichi pavakanzwa kuti ndainge ndakuvara, asi mupurisa aitambira zvinhu akangobvuma kutambira chikafu ichi kamwe chete.
Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika. (Isaya 59:1) Pandaichinjwa mabhandeji, manesi aindipawo chikafu chavo. Vaigara vachiwedzerawo chikafu chandaifanira kudya, chiya chaichengetwa mufiriji. Izvozvo zvakandiyeuchidza nezvenyaya yemuBhaibheri yechirikadzi yaiva nechirongo chisina kupera mafuta.—1 Madzimambo 17:14-16.
Ndakatanga kupora zvishoma nezvishoma. Ndakanyaradzwa uye ndakakurudzirwa chaizvo netsamba 107 dzandakanyorerwa nehama neshamwari dzangu uye ndakadzipindura dzese. Ndakatotumirwawo zvinhu nehama dzaiva mune rimwe jeri!
Papera mwedzi miviri, ndakanga ndava kukwanisawo kugeza muviri! Uye ndakanga ndava kushuvira kudzokera kujeri randakanga ndiri kuti ndinoonanazve nehama dzangu.
Mumwe chiremba paakanga ava kugadzira mapepa ekuti ndibude muchipatara akanditi ndiuye kuhofisi kwake, uye akandibvunza mibvunzo yakawanda pamusoro pezvandinotenda. Patakapedza kutaura, akandikurudzira kuti ndirambe ndakamira pane zvandinotenda. Zvakandishamisa kunzwa mashoko iwayo achitaurwa nemunhu akapfeka yunifomu yechisoja!
Muna April 1984, ndakashevedzwa nevakuru vakuru vachida kuona kana zvaiita kuti ndibudiswe mujeri. Vakandibvunza kuti ndaizoita here basa rechiuto. Ndakapindura kuti sezvo ndaifamba nemadondoro uye ndisina rimwe gumbo, mubvunzo wavo wainge usingashandi. Vakandibvunza zvakare kuti: “Dai waiva nemakumbo maviri waizoita sei?” Ndakavaudza kuti ndaisazobvuma uye kuti ndaizoramba ndakavimbika kuna Mwari wangu. Vakabva vandiudza kuti ndicharamba ndiri mujeri kusvikira ndapedza kupika mutongo wangu. Asi ndakazobudiswa mujeri pasara mwedzi miviri nemazuva 12 kuti zuva randaifanira kubudiswa risvike.
Ndiina Mykhailo (kurudyi), ndabudiswa mujeri
Kuramba Ndichivimba naJehovha Ndabuda Mujeri
Papera gore ndabudiswa mujeri, ndakava negumbo rekuisira. Zvinonditorera awa mangwanani ega ega kuti ndiripfeke uye munguva yechando zvinotonyanya kundiomera. Gumbo racho rinononoka kudziya nekuti ropa harinyatsofambi zvakanaka. Ndakapedzisira kumhanya ndiine makore 19, saka ndiri kutarisira chaizvo kuzokwanisa kumhanya munyika itsva.—Isaya 35:6.
Musi watakachata
Ndainetseka nekuwana basa nekuti hapana aida kushandirwa nemunhu akaremara. Asi kunyange zvazvo ndichishandisa gumbo rekuisira, handina kumbobvira ndaita basa rekushanda ndakagara muswere wese wezuva. Ndakatomboshanda samakanika ndichigadzira mota dzakasiyana-siyana uye ndakazoitawo basa rekuvaka.
Muna 1986, ndakaroora hanzvadzi yakanaka chaizvo inonzi Svitlana. Svitlana akangofanana neni pakuti ambuya nasekuru vake vaivawo Zvapupu. Anogara achitaura kuti anofara chaizvo kuti patakatanga kudanana takawirirana kuti Jehovha ndiye aizoramba ari pekutanga muwanano yedu.
Vana vedu Olia naVolodia vakadzidzira mabasa ekuvaka pataigadzirisa imba yedu yataigara yainge yava nemakore yavakwa. Pavainge vakura, hazvina kumbovaomera kuti vanakidzwe nekuita mabasa ekuvaka Dzimba dzeUmambo. Vakatangawo kupayona. Olia ava kuita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano uye Volodia mukuru muungano.
Mukuwasha wedu Oleg; mwanasikana wedu Olia; Svitlana; inini; muroora wedu Anna; uye mwanakomana wedu Volodia
Svitlana anogara achindibatsira chaizvo uye izvozvo zviri kuita kuti ndikwanise kuita mabasa emuungano. Mumakore ekuma1990, ungano dzakawanda dzemuUkraine dzaiva nevaparidzi vanopfuura 200 asi dziine mukuru mumwe chete kana kuti vaviri. Uye kamwe chete pamwedzi, ndaiva nemazuva maviri ekupera kwevhiki andaibatsira pakuendesa mabhuku kuungano dzaiva nechepakati peUkraine.
Kuramba Ndichivimba naJehovha Mumakore Achangopfuura
Muna 2022, ini naSvitlana takasarudza kusiya musha wedu kuKryvyi Rih. Iye zvino tava kupinda neimwe ungano iri muAustria.
Kubvira ndichiri mudiki, ndakadzidza zvakawanda kubva kuhama dzangu dzaiva Zvapupu idzo dzairamba dzichifara pasinei nematambudziko adzaisangana nawo. Bhaibheri rinotibatsira kuti tiwedzere kuziva Musiki wedu uye rinotibatsira kuti tive neukama hwepedyo naye. (Jakobho 4:8) Ukama ihwohwo naMwari ndihwo hunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. Ndinotenda kuti pasinei nematambudziko ese andakasangana nawo, ndakakwanisa kupa Jehovha rukudzo rwakamukodzera.
Ndiina Svitlana muAustria
a Vladimir Lenin ndiye akatanga hurumende yechiCommunist muRussia uye ndiye aiva mutungamiriri wekutanga weSoviet Union.