RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 137
  • Zvinorevei Kuva Mutsvene?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinorevei Kuva Mutsvene?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Munhu wenyama anganzi mutsvene here?
  • Munhu mutsvene anogona kupedzisira asisiri mutsvene here?
  • Nhema dzinotaurwa nezveutsvene
  • “Munofanira Kuva Vatsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Ini Jehovha Mwari Wenyu Ndiri Mutsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuzivisa Mudzimu Mutsvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 137
Mosesi ari pagwenzi raipfuta

Zvinorevei Kuva Mutsvene?

Mhinduro yeBhaibheri

Kuva mutsvene zvinoreva kuparadzana nezvinhu zvinosvibisa. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “utsvene” rinoreva “kuparadzana.” Saka chinhu chitsvene chinhu chinoera, uye kazhinji kacho nekuda kwekuchena kwachinenge chakaita.

Mwari mutsvene zvikuru. Bhaibheri rinoti: “Hakuna mutsvene akafanana naJehovha.”a (1 Samueri 2:2) Saka Mwari ndiye ane kodzero yekutaura kuti ndezvipi zvinhu zvakachena uye ndezvipi zvisina.

Shoko rekuti “mutsvene” rinogona kushandiswa pazvinhu zvinenge zvichitaurwa nezvaMwari, kunyanya zvinhu zvinenge zvichida kuzoshandiswa pakunamata chete. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezve:

  • Nzvimbo tsvene: Mosesi paakanga ari pedyo negwenzi raipfuta, Mwari akamuudza kuti: “Nzvimbo yaumire inzvimbo tsvene.”—Eksodho 3:2-5.

  • Zviitiko zvitsvene: VaIsraeri vainamata Jehovha pamitambo yekunamata yaigara ichiitwa yainzi “kuungana kutsvene.”—Revhitiko 23:37.

  • Zvinhu zvitsvene: Zvinhu zvaishandiswa pakunamata Mwari mutemberi muJerusarema zvainzi ‘midziyo mitsvene.’ (1 Madzimambo 8:4) Midziyo iyi yaifanira kubatwa zvine ruremekedzo, kunyange zvazvo yaisafanira kunamatwa.b

Munhu wenyama anganzi mutsvene here?

Hungu. Mwari anoudza vaKristu kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Ndizvo hazvo kuti vanhu venyama havakwanisi kusvika pakuva vatsvene sezvinonyatsodiwa naJehovha. Asi vanhu vanoteerera mitemo yaMwari yakarurama vanogona kunzi ‘vatsvene uye vanogamuchirika kuna Mwari.’ (VaRoma 12:1) Mashoko uye zviito zvemunhu zvinogona kuratidza kuti anoda kuva mutsvene. Semuenzaniso, anofanira kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Rinoti ‘murege ufeve’ uye ‘muve vatsvene pazvese zvamunoita.’—1 VaTesaronika 4:3; 1 Petro 1:15.

Munhu mutsvene anogona kupedzisira asisiri mutsvene here?

Hungu. Kana munhu akasiya mitemo yaMwari, anenge asisaonekwi naMwari semutsvene. Semuenzaniso, bhuku reBhaibheri raVaHebheru rakanyorerwa “hama tsvene,” asi rakavanyevera kuti vaigona ‘kuva nemwoyo wakaipa usina kutenda vobva pana Mwari mupenyu.’—VaHebheru 3:1, 12.

Nhema dzinotaurwa nezveutsvene

Nhema: Munhu anogona kuva mutsvene kana akazvirwadzisa.

Chokwadi: Bhaibheri rinoratidza kuti “kutambudza muviri kwazvo,” kana kuti kuda kuzvirwadzisa “hazvikoshi” kuna Mwari. (VaKorose 2:23) Panzvimbo peizvi, Mwari anoda kuti tinakidzwe nezvinhu zvakanaka. ‘Munhu wese anofanira kudya, kunwa uye kufadzwa nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Ichi chipo chaMwari.’—Muparidzi 3:13.

Nhema: Kusaroora kana kusaroorwa kunoita kuti munhu awedzere kuva mutsvene.

Chokwadi: MuKristu anogona kusarudza kusaroora kana kusaroorwa, asi izvozvo hazvisirizvo zvinoita kuti munhu ave mutsvene pamberi paMwari. Ichokwadi kuti vaya vanenge vasina kuroora kana kuroorwa vanokwanisa kunyatsonamata pasina chinovavhiringidza. (1 VaKorinde 7:32-34) Asi Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vakaroora kana kuroorwa vanogonawo kuva vatsvene. Tinoziva izvi nekuti pavaapostora vaJesu, Petro ainge akaroora.—Mateu 8:14; 1 VaKorinde 9:5.

Mashoko ekuti “Bhaibheri Dzvene” akabva kupi?

Kwemakore akawanda, zvinyorwa zvakafemerwa zvainzi “Bhaibheri Dzvene” kana kuti “Magwaro Matsvene” nekuda kwezvikonzero zvinotevera:

  • Kwarakabva. ‘Vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nemweya mutsvene.’—2 Petro 1:21.

  • Zviri mariri. “Murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye. Kutya Jehovha kwakachena, kunoramba kuripo nokusingaperi.”—Pisarema 19:8, 9.

Saka Bhaibheri rinogona kunzi idzvene. Rakasiyana nezvimwe zvinyorwa pakuti rine mashoko akachena uye rinoshandiswa pakunamata Mwari.

a Jehovha ndiro zita raMwari. Mavhesi akawanda eBhaibheri anobatanidza zita iri nemashoko akadai sekuti “mutsvene” uye “utsvene.”

b Bhaibheri rinoshora kushandisa zvifananidzo pakunamata.—1 VaKorinde 10:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe