Kuzivisa Mudzimu Mutsvene
WAIZIVA here kuti mudzimu mutsvene unotapura upenyu hwomunhu ari wose wedu? Uye waiziva here kuti unogona kuita vandudziko huru muupenyu hwako? Ikoku kungakushamisa. Kutaura idi, ungabvunza, kuti: ‘Ndiani kana kuti chii chiri mudzimu mutsvene?’
Kana uri weimwe yechechi dzechiKristudhomu, iwe zvimwe wakanzwa mufundisi achibhapatidza mucheche “muzita raBaba noMwanakomana noMudzimu Mutsvene.” (Mateo 28:19, The New English Bible) Apo vanobvunzwa kuti vazivise mudzimu mutsvene, vafundisi vazhinjisa vanokurumidza kupindura, kuti: ‘Mudzimu mutsvene munhu wechitatu woUtatu, akaenzana munzira dzose naMwari Baba naShe Jesu Kristu.’
Zvisinei, uyu murangariro wakanga usingadavirwi zvikuru mukati mamazana amakore okutanga mashomanene eNguva yedu yaVose. Kuenzanisira: Mazana matatu amakore pashure porufu rwavaapostora vaJesu Kristu, Gregory weNazianzus akanyora, kuti: “Vamwe vanorangarira kuti [mudzimu mutsvene] isimba (energeia), vamwe chisikwa, vamwe kuti iye ndiMwari, vamwe havagoni kusarudza kuti ndechipi chaizvozvi.”
Nhasi, chechi zhinjisa muchiKristudhomu dzinogamuchira murangariro woUtatu womudzimu mutsvene. Asi iwoyo ndiwo uyo Bhaibheri rinotsigira here? Kana unongovawo zvawo here murangariro wakavakirwa pagamuchidzanwa? Zvomenemene, Bhaibheri haritongotauri nezvomudzimu mutsvene nenzira imwe cheteyo rinotaura nayo nezvaMwari kana nezvaJesu. Somuenzaniso, muBhaibheri, mudzimu mutsvene hausati une zita rawo pachawo.
Ihwohwo hunongova chete udzame husingakoshi here? Aiwa, mazita anokosha muBhaibheri. Mwari akasimbisa ukoshi hwezita rake amene paakati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe munhu kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.” (Isaya 42:8) Ukoshi hwezita raJesu Kristu hwakasimbiswa pamberi pokuberekwa kwake apo ngirozi yakaudza Maria, kuti: “Ugomutumidza zita rinonzi Jesu.” (Ruka 1:31) Kana mazita aBaba noMwanakomana achikosha kwazvo, neiko mudzimu mutsvene usina zita rawo pachawo? Zvirokwazvo, udzame ihwohwu hwoga hunofanira kuita kuti munhu ashamisike kana mudzimu wakaenzana chaizvoizvo naBaba noMwanakomana.
Magwaro Nomudzimu Mutsvene
MuMagwaro echiHebheru, kana kuti “Testamente Yekare,” mune nongedzero ku“mudzimu mutsvene” uye ku“mudzimu [waMwari] wangu.” (Pisarema 51:11; Joere 2:28, 29, NW) Tinorava kuti mudzimu mutsvene unogona kuzadza munhu, kuuya paari, uye kumufukidza. (Eksodho 31:3; Vatongi 3:10; 6:34) Mumwe womudzimu mutsvene waMwari unogona kutorwa mumunhu mumwe ndokupiwa kuno mumwe. (Numeri 11:17, 25) Mudzimu mutsvene unogona kushanda pamumwe munhu, uchimugonesa kuita zviito zvinopfuura zvohunhu.—Vatongi 14:6; 1 Samueri 10:6.
Chii chinogona nenzira ino mufungo kugumiswa mukutaura kwakadaro? Zvirokwazvo kwete kuti mudzimu mutsvene munhu. Chikamu chakati chomunhu chinogona sei kutorwa mumunhu mumwe ndokupiwa kumumwe? Uyezve, hakuna ufakazi hwokuti apo Jesu akanga ari pasi pano, vaJudha vakatendeka vakarangarira mudzimu mutsvene somunhu akaenzana naBaba. Ivo zvamazvirokwazvo havana kunamata mudzimu mutsvene. Panzvimbo pezvo, kunamata kwavo kwakanangidzirwa chose chose kuna Jehovha, Uyo Jesu amene akadana kuti “Baba vangu” uye “Mwari wangu.”—Johane 20:17.
Kufanana neinonzi Testamente Yekare, chikamu cheBhaibheri chinonzi Magwaro echiGiriki echiKristu, kana “Testamente Itsva,” chinotaura kuti mudzimu mutsvene unogona ‘kuzadza’ munhu kana kuva “pa”ari. (Mabasa 2:4; Ruka 2:25-27) Mudzimu mutsvene waka‘piwa,’ ‘wakadururirwa pa,’ uye ‘wakaparadzirwa.’ (Ruka 11:13; Mabasa 10:45; VaHebheru 2:4) PaPentekosta 33 N.V., vadzidzi vakagamuchira “wakati kuti” womudzimu waMwari. (Mabasa 2:17, NW) Magwaro anotaurawo nezvokubhapatidzwa nomudzimu mutsvene nezvokuzodzwa nawo.—Mateo 3:11; Mabasa 1:5; 10:38.
Kutaura kweBhaibheri kwakadaro kunobvumikisa kuti mudzimu mutsvene hausati uri munhu. Iyi mhedziso inosimbiswa apo tinoona kuti mudzimu mutsvene unorongwa nezvimwe zvinhu zvisiri munhu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura kuti Stefano aka“zadzwa nokutenda nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 6:5, NW) Uye muapostora Pauro akazvirumbidza amene somushumiri waMwari “norucheno, nezivo, nomwoyo murefu, nomutsa, nomudzimu mutsvene, norudo rusina unyengeri.”—2 VaKorinte 6:4-6, NW.
Chokwadi, padzimwe nguva Bhaibheri rinotaura nezvomudzimu mutsvene somunhu. Somuenzaniso, Isaya akataura kuti vapanduki vakati ‘wakaita kuti mudzimu mutsvene waMwari unzwe wakuvadzwa.’ (Isaya 63:10) Pauro akataura kuti waigona ‘kuchemedzwa.’ (VaEfeso 4:30) Uye chiverengero chakati chamagwaro chinotaura kuti mudzimu mutsvene unodzidzisa, unotungamirira, unotaura, uye unopupurira. (Johane 14:26; 16:13, 14; 1 Johane 5:7, 8) Asi Bhaibheri rinotaurawo nezvezvimwe zvinhu zvisingararami somunhu, zvakadai souchenjeri, rufu, uye chivi. (Zvirevo 1:20; VaRoma 5:17, 21) Iyi zvomenemene inzira yakajeka mamwe Magwaro pane dzimwe nguva anotaura nayo zvinhu.
Nhasi, tinotaura nezveBhaibheri nenzira yakafanana patinotaura kuti iro rinotaura chimwe chinhu kana kudzidzisa dzidziso. Mukushandisa kutaura kwakadaro, hatirevi kuti Bhaibheri munhu, tinodaro here? Uyewo Bhaibheri harirevi kuti mudzimu mutsvene munhu apo rinoshandisa kutaura kwakaenzana.
Chii, ipapoka, chiri mudzimu mutsvene? Hausati uri munhu. Panzvimbo pezvo, isimba rinobate basa raMwari amene, rinoshandiswa naye kuita kuda kwake. (Genesi 1:2) Asi upenyu hwedu hunotapurwa sei nomudzimu mutsvene? Uye tinogona sei somunhu oga kubetserwa zvikuru nomubato wavo?