RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 138
  • Bhaibheri Rinotii Nezvemhuka Dzainzi maDinosaur?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvemhuka Dzainzi maDinosaur?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mhuka Dzinorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mhuka
    Mukai!—2015
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 138
Madinosaur

Bhaibheri Rinotii Nezvemhuka Dzainzi maDinosaur?

Mhinduro yeBhaibheri

MuBhaibheri hapana panonyatsotaurwa nezvemhuka dzainzi madinosaur. Asi Bhaibheri rinoti Mwari ndiye ‘akasika zvinhu zvese,’ saka zviri pachena kuti mhuka idzi dzaivawo pakati pezvinhu zvaakasika.a (Zvakazarurwa 4:11) Kunyange zvazvo Bhaibheri risinganyatsotaura nezvemadinosaur, rinotaura nezvemarudzi akasiyana-siyana emhuka idzo dzingangosanganisira madinosaur richiti:

  • “Mhuka huru dzomugungwa” kana kuti “zvikara zvikuru.”​—Genesisi 1:21; Bhaibheri Rinoera.

  • “Zvinokambaira zvose zvenyika.”​—Genesisi 1:25.

  • “Mhuka dzomusango dzenyika.”​—Genesisi 1:25.

Madinosaur akashanduka-shanduka kubva kune dzimwe mhuka here?

Zvakawanikwa nevanochera matongo zvinoratidza kuti madinosaur haana kuvapo nekushanduka-shanduka, asi akasikwa sezvakaitwa dzimwewo mhuka. Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri zvekuti Mwari ndiye akasika mhuka dzese. Semuenzaniso, Pisarema 146:6 rinotaura nezvaMwari richiti, “Muiti wedenga nenyika, wegungwa, newezvose zviri mazviri.”

Madinosaur akararama riini?

Bhaibheri rinotaura kuti mhuka dzemugungwa nedzepanyika dzakasikwa pazuva rechi5 nerechi6.b (Genesisi 1:20-25, 31) Saka Bhaibheri rinoratidza kuti madinosaur akava panyika kwenguva yakareba.

Bhehemoti neRevhiatani ndiwo madinosaur here?

Aiwa. Kunyange zvazvo mhuka idzi dzinotaurwa mubhuku raJobho dzisinganyatsozivikanwi kuti ndedzipi, zvinofungidzirwa kuti Bhehemoti imvuu, uye Revhiatani igarwe. Zvinoitwa nemhuka idzi zvinoendererana nezvinotaurwa nezvadzo neMagwaro. (Jobho 40:15-23; 41:1, 14-17, 31) Mashoko ekuti “Bhehemoti” uye “Revhiatani” haangamborevi madinosaur. Mwari akaudza Jobho kuti acherechedze mhuka idzi, asi panguva yakararama Jobho madinosaur akanga atova nenguva yakareba asisiko.​—Jobho 40:16; 41:8.

Madinosaur akaendepi?

Bhaibheri harina zvarinotaura nezvekutsakatika kwemadinosaur. Asi rinotaura kuti zvinhu zvese zvakasikwa “nemhaka yokuda [kwaMwari],” saka Mwari ane chinangwa chaakasikira madinosaur. (Zvakazarurwa 4:11) Chinangwa chacho pachakazadziswa, Mwari akabvumira kuti madinosaur atsakatike.

a Zvakaonekwa nevanochera matongo zvinoratidza kuti madinosaur akambovapo panyika. Zvinhu izvozvo zvinotoratidza kuti kwenguva yakati, madinosaur akasiyana-siyana ainge akazara panyika.

b MuBhaibheri, shoko rekuti “zuva,” rinogona kureva nguva yakareba zvekusvika kuzviuru zvemakore.​—Genesisi 1:31; 2:1-4; VaHebheru 4:4, 11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe