RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 48
  • Ndinoratidzika Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinoratidzika Sei?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu zvitatu zvinoita kuti vanhu varasike panyaya dzefashoni
  • Rudzi Rwezvipfeko Zvatinopfeka—Rwune Basa Chaizvo Here?
    Mukai!—1999
  • Zvipfeko Zvangu Zvinoratidzira Ini Chaiyeiye Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kuona Fashoni Zviri Pakati Nepakati
    Mukai!—2003
  • Kuchinja Kwefashoni
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 48
Vechiduku vari kusarudza hembe dzavari kuda kutenga

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinoratidzika Sei?

Nei uchifanira kungwarira zvaunopfeka? Nekuti hembe dzinopfekwa nemunhu dzinotaura zvakawanda nezvake. Ko iwewe zvaunopfeka zvinoita kuti vanhu vakuone sei?

  • Zvinhu zvitatu zvinoita kuti vanhu varasike panyaya dzefashoni

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvinhu zvitatu zvinoita kuti vanhu varasike panyaya dzefashoni

Chokutanga: Kurega vanobudisa mashoko mumaTV, paIndaneti nemumabhuku vachikusarudzira zvaunopfeka.

“Dzimwe nguva ndine hembe dzandinombofarira nekuti ndinenge ndichigara ndichidziona muTV, paIndaneti kana kuti mumabhuku,” anodaro mumwe musikana ari kuyaruka anonzi Theresa. Anoenderera mberi achiti, “Kana wajaira kuona mifananidzo yevanhu vakapfeka chimwe chinhu, zvakaoma kuti uzongosaririrawo pakadaro.”

Vasikana havasivo vega vanotorwa mwoyo nezvavanoona zvichishambadzirwa. Bhuku rinonzi The Everything Guide to Raising Adolescent Boys rinoti, “Vakomana vanozvifarirawo zvefashoni. Vanotengesa vanotoshambadzirawo hembe dzevakomana kubvira pamazera madiki chaiwo.”

Zvaungaita: Bhaibheri rinoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” (Zvirevo 14:15) Uchishandisa zano iroro, dzidza kunyatsoongorora zvaunoona zvichishambadzirwa. Semuenzaniso, paunoona hembe dzinenge dzichishambadzirwa dzichinzi dzinonyatsoshepa muviri kana kuti dzinoita kuti unyatsoonekera zvakanaka zvibvunze kuti:

  • ‘Kana ndikatevedzera fashoni iyoyo chii chandinowana?’

  • ‘Inoita kuti ndionekwe semunhu akaita sei?’

  • ‘Mapfekero akadaro anonyatsoratidza unhu hwangu uye zvandiri here?’

Zvimwe zvingakubatsira: Kwevhiki, chimbonyatsotarira zvinobudiswa nevanoshambadzira zvekupfeka paTV, paIndaneti kana kuti mumabhuku. Vanenge vachikurudzira vanhu kuti vave neupenyu hwakaita sei? Pane mashoko avanotaura anozoita kuti usare wava kunzwa sekuti unofanira kutevedzera imwe fashoni here? “Unongonzwa uchida kupfekawo zvinoita kuti uratidzike zvakanaka, uchiratidzawo muviri wako ‘wakanaka,’” anodaro mumwe musikana ari kuyaruka anonzi Karen. “Vaya vanoshambadzira vaine pfungwa iyoyo vanowanzotora mwoyo yevechidiki vakawanda.”

Chechipiri: Kungotevedzerawo zviri kuitwa nevakawanda kuti usasaririra.

Mumwe mukomana achiri kuyaruka anonzi Manuel akati, “Kana pakaita hembe inenge ichimhanyirirwa nevakawanda, unozoona munhu wese atova nayowo. Kana ukaonekwa usina hembe yakadaro vanhu vanokuona sewakasaririra.” Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Anna akati, “Haisi nyaya yekuda kungotevera fashoni, asi unenge uchida kuti vamwe vasakuona semunhu akasaririra.”

Zvaungaita: Bhaibheri rinoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (VaRoma 12:2) Uchishandisa zano iroro, ongorora hembe dzako wozvibvunza kuti:

  • ‘Chii chandinonyanya kufunga nezvacho pandinosarudza hembe dzekupfeka?’

  • ‘Ndinonyanya kukoshesa kuva nehembe dzine mazita akakurumbira here?’

  • ‘Ndinopfeka ndichiitira kuti ndionekwe nevanhu here?’

Zvimwe zvingakubatsira: Pane kuti ungofunga nezvekuti, hembe iyi iri mufashoni uye iri kufarirwa nevakawanda here kana kuti yakabuda mufashoni uye hapana achiri kuifarira, fungawo nezvekuti inoita kuti unzwe sei wakaipfeka. Kana wakapfeka zvinoita kuti unzwe wakagadzikana, hauzonyanyi kufunga nezvekuti wasaririra.

Chechitatu: Kuona sekuti hembe dzakanaka dzinofanira kunge dzichiratidza zvakaita muviri wako.

Mumwe musikana anonzi Jennifer anoti, “Kutaura chokwadika, dzimwe nguva unenge uri muedzo chaiwo kuti urege kupfeka zvinonzi hazvina kudzikama, zvakadai sehembe pfupi, dzakati mba kana kuti dzinoonesa zviri mukati.”

Zvaungaita: Bhaibheri rinoti, “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze . . . asi ngakuve munhu akavanzika womwoyo.” (1 Petro 3:3, 4) Uchishandisa zano iroro, funga nezvekuti chii chichanyanya kuita kuti uyemurwe​—hembe dzinoita kuti vanhu varambe vakakutarisa kana kuti unhu hwakanaka.

Zvimwe zvingakubatsira: Hembe yakanakisisa yaungapfeka inofanira kunge yakadzikama. Ichokwadi kuti vakawanda mazuva ano havachapfeki zvakadzikama. Asi chimbofunga izvi:

Wakambotaura nemunhu anofarira kungotaura nezvake nguva dzose here? Pamwe iye wacho anenge asingatombozivi kuti ari kukusvota!

Mukomana ari kuda kuti vanhu vaone zvaakapfeka asi vamwe vaainavo vachitosemburwa nazvo

Zvaunopfeka zvinogona kuita sekuti uri kuudza vanhu kuti “ndionei,” zvobva zvaita kuti vasakufarire

Kana ukapfeka zvisina kudzikama, unenge uchiita semunhu iyeye. Hembe dzaunenge wakapfeka dzinoudza vanhu kuti ‘nditarisei,’ uye dzinogona kuita kuti vanhu vafunge kuti unozvinzwa kana kuti une zvauri kuda kuvhara-vhara. Mapfekero ako anogonawo kuita sekuti uri kuda kuonekwa nevanhu vese vese.

Pane kupfeka hembe dzinoita kuti uite seuri kushambadzira zvinhu zvausiri kutengesa, edza kupfeka zvakadzikama zvisingaiti kuti vanhu vangoramba vakakutarisa. Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Monica akati, “Kupfeka zvakadzikama hakurevi kuti unofanira kupfeka sechembere. Zvinongoreva kuti unofanira kupfeka zvinoratidza kuti unozviremekedza uye unoremekedzawo vamwe.”

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Breanna

“Ndakatenga masiketi mahombe pane andinowanzopfeka, kwete nekuti ndanga ndawedzera kusimba, asi ndaiitira kuti ndive nechokwadi chekuti handisi kupfeka hembe dzinobata. Munozivei? Vanhu vaitonditi ndava nemuviri wakanaka! Kupfeka zvine mwero kunoita kuti uwedzere kuratidzika zvakanaka.”​—Breanna.

Keren

v“Kutaura chokwadi kana ndakapfeka zvine mwero ndipo pandinonyatsonzwa ndakasununguka. Hembe dzacho dzinenge dzichinyatsokwana uye ndinenge ndichiziva kuti chero kwandaenda, ndikaudza vanhu kuti ndiri muKristu handimbonyari kuti zvandinenge ndakapfeka hazvizoenderani nezvandinotenda.”​—Keren.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe