RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 9/8 pp. 8-10
  • Kuona Fashoni Zviri Pakati Nepakati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuona Fashoni Zviri Pakati Nepakati
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunaka Kusingaperi
  • Zvakaipira Kukwezviwa Nefashoni
    Mukai!—2003
  • Kuchinja Kwefashoni
    Mukai!—2003
  • Ndinoratidzika Sei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Runako
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 9/8 pp. 8-10

Kuona Fashoni Zviri Pakati Nepakati

BHAIBHERI rinotaura kuti Mwari “akaita chinhu chose chakanaka nenguva yacho.” (Muparidzi 3:11, New International Version) Tinoona zvinhu zvakanaka kwose kwose munyika yakatipota. Tinokuonawo muvanhu.

Chinangwa chomugadziri wefashoni ndechokuwedzera kunaka kwedu nezvipfeko zvedu. Asi, sezvaratidzwa munyaya yapfuura, vagadziri vefashoni vavewo nemaonero avo okunaka. Purofesa wepfungwa Ruth Striegel-Moore anoti: “Tajaira chaizvo kuona vakadzi vakanyanya kutetepa, tava kufunga kuti uku ndiko kunonzi kunaka.”

Zviri pachena kuti, kungasava kuchenjera kubvumira mafungiro aripo zvino enyika okunaka kutimanikidza kufungawo saizvozvo. Mubhuku rake rinonzi Always in Style, Doris Pooser anotaura kuti “mukadzi wanhasi haana chikonzero chokuchinja kana kupfeka zvinoenderana pose panongova nemamwe ‘mafungiro’ matsva.” Zvechokwadi, nei tichifanira kubvumira vezvenhau kutipa pfungwa dzavo dzemaonero asiri iwo? “Zviri nyore kwazvo kuva zvatiri, pane kuedza nepatinogona napo kuchinja zvatakaita,” anodaro Pooser.

Kunaka Kusingaperi

Kuzvivimba uye kugutsikana muupenyu kunotsamira pazvinhu zvakawanda kudarika pakutaridzika zvakanaka. “Kufara kwechokwadi kunobva mukati,” anonyora kudaro Judy Sargent, mumwe aimborwara neanorexia. “Hakuwaniki nokuti munhu anorema zvakadini.” Bhaibheri rinotowedzera nyaya yacho kubva ipapo. “Kunaka kwenyu,” akanyora kudaro muapostora Petro, “kunofanira kuva munhu wechokwadi womukati, kunaka kusingaperi kwomudzimu munyoro wakanyarara, kunokosha zvikuru mukuona kwaMwari.”—1 Petro 3:4, Today’s English Version.

Kunaka kusingaperi kuri kutaurwa naPetro kunodarika kunaka kwokunze nokuti ndekwechigarire uye kunokosha mukuona kwaMwari. Mazana emakore akawanda adarika mambo akachenjera akacherechedza kuti: “Zvinofadza zvinonyengedzera, unaku hauna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.”—Zvirevo 31:30.

Kunyange zvazvo kunaka kwokunze kuchinyanya kukwezva pfungwa nhasi, vanhu vakawanda vachiri kuremekedza munhu anoratidza unhu hwechiKristu. Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: ‘Pfekai unhu hutsva, . . . norudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.’—VaKorose 3:10, 12.

Fashoni sezvairi inopfuura. Kunyange painooneka seyakanaka, fashoni itsva inogona kungotishongedza kwenguva yakati. Asi maonekero api neapi akanaka atinova nawo anokurumidza kudzimika kana unhu hwedu husingaenderani nechitarisiko chedu. Yeuka kuti, “zvibereko zvomudzimu”—zvinosanganisira zvinhu zvakadai sorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, kunaka, uye kuzvidzora—hazvimbobudi mufashoni.—VaGaratiya 5:22, 23; 1 Timoti 2:9, 10.

Zvisinei, zvinobvumwa kuti zvakakodzera kufunga zvakafanira nezvezvipfeko zvedu. Aline, wokuFrance, anobvuma kuti zvaiva zvakaoma kuramba ari pakati nepakati munyaya iyi. “Somuyaruki,” anodaro, “ndaifarira chaizvo zvipfeko. Ndaida kutevedza fashoni yose ichangobuda nokuti yaindipa chivimbo. Uye kana ndaigona kutenga zvipfeko zvine zita romugadziri akakurumbira, zvaitova nani kwazvo.

Aline anoenderera mberi achiti, “Asi pandakakura ndaifanira kudzidza kushandisa mari yangu, uye ndakatangawo kushandisa nguva yangu yakawanda muushumiri hwechiKristu. Ndakaona kuti kana ndaizoda kurarama nezvandaiva nazvo, ndaisafanira kuva muranda wefashoni. Ndakatanga kutenga zvipfeko zvangu nguva yazvainge zviri pasero kana muzvitoro zvisingadhuri. Ndakawana kuti ndaigona kungopfeka zvakanaka—asi nemari shoma. Chinokosha ndechokuziva kutenga zvipfeko zvinoita kuti utaridzike zvakanaka, zvinoshandisika, zvinoenderana nezvimwe zvautori nazvo, uye zvisingakurumidzi kubuda mufashoni. Pane kubvumira fashoni kundisarudzira zvokutenga, iye zvino ndinoedza kusarudza kuti zvitayera zvipi zvinoita kuti nditaridzike zvakanaka. Handingati handisisina basa nezvipfeko. Asi kukosha kwangu kunotsamira pane zvakawanda kudarika pakuti ndinotaridzika sei.”

Munyika umo chitarisiko chinowanzoonekwa sechinokosha kwazvo kupfuura unhu, vaKristu vanoita zvakanaka kuyeuka chiyeuchidzo chakanaka cheBhaibheri chinoti: “Zvinhu zvose zvinowanika munyika, kuchiva kwose kwenyama nekwemaziso, nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu hwayo, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva munyika isiri yaMwari. Uye nyika iyi iri kupfuura nezvinokwezva zvayo zvose, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:16, 17, The New English Bible.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kunaka chaiko kunobva mukati, kwete muzvipfeko zvako

[Mufananidzo uri papeji 10]

Sarudza zvipfeko zvinoshandisika uye zvinoenderana nezvautori nazvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe