RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 41
  • Ndingadzora Sei Hasha Dzangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingadzora Sei Hasha Dzangu?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo panyaya yehasha
  • Nei zvichikosha kudzidzora?
  • Zvaungaita
  • Zvaungaita Kuti Udzore Hasha Dzako
    Mukai!—2015
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Neiko Ndichitsamwa?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 41
Chiso chomukomana uyu chiri kuratidza: 1. Kudzikama; 2. Kusafara; 3. Hasha

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingadzora Sei Hasha Dzangu?

  • Mibvunzo panyaya yehasha

  • Nei zvichikosha kudzidzora?

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Mibvunzo panyaya yehasha

  • Unowanzoita hasha kakawanda sei?

    • handimboiti hasha

    • pano neapo

    • zuva nezuva

  • Paunoita hasha unogumbuka zvakadii?

    • kwete zvakanyanya

    • zvingoriwo pakati nepakati

    • ndinovira nehasha

  • Ndiani anonyanya kuita kuti uite hasha?

    • mubereki

    • munin’ina, mukoma kana kuti hanzvadzi

    • shamwari

Kana uchida kudzora hasha dzako, nyaya ino ichakubatsira! Chokutanga, funga kuti zvakanakirei kuti urambe wakadzikama kana wagumburwa.

Nei zvichikosha kudzidzora?

Utano hwako. Zvirevo 14:30 inoti: “Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” Uyewo, bhuku rinonzi Journal of Medicine and Life rinoti, “hasha dzinogona kukonzera chirwere chemwoyo.”

Shamwari dzako. Bhaibheri rinoti: “Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa; uye usafambidzana nomunhu ane hasha kwazvo.” (Zvirevo 22:24) Saka kana uri munhu asingatani kutsamwa, usashamisika kana vanhu vachiramba kutamba newe. Musikana anonzi Jasmine akati, “Kana usingagoni kudzora hasha dzako, uchatadza kuwana shamwari dzakanaka.”

Unhu hwako. Ethan ane makore 17 akati, “Kana uchikurumidza kugumbuka, vamwe vachazviona uye vachange vava kutoziva kuti uri munhu wehasha.” Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuti vamwe vandione semunhu akaita sei? Semunhu anoda zvekugarisana nevamwe zvakanaka here kana kuti semunhu asingatani kuputika nehasha?’ Bhaibheri rinoti: “Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo, asi asingashiviriri anokwidziridza upenzi.”​—Zvirevo 14:29.

Vanhu vari kutiza hasha dziri kuita shamwari yavo

Hapana anofarira kutamba nemunhu asingatani kuputika nehasha

Zvaungaita

Inzwa zvinotaurwa nemavhesi aya uye zvakataurwawo nevamwe vechiduku wozvibvunza mibvunzo iripo.

  • Zvirevo 29:22: “Munhu asingatani kutsamwa anomutsa kukakavara, uye munhu anoda hasha anodarika kazhinji.”

    “Pandakanga ndiine makore 13, ndainetseka nenyaya yehasha. Vanatete nanababamunini vangu ndiro dambudziko ravainarowo. Saka taingoti ndezvedzinza.”​—Kerri.

    Ndiri munhu asingatani kutsamwa here? Kana ndichizvirova dundundu pamusana pezvakanaka zvandinenge ndaita, zvine musoro here kuti pandinozotadza kudzora hasha dzangu ndibve ndati ndezvedzinza?

  • Zvirevo 15:1: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”

    “Chinokosha ndechokuti udzidze kuzvidzora. Kana ukava munhu munyoro woramba uchiita zvakanaka, nyaya yokudzora hasha haizombokunetsi.”​—Daryl.

    Chii chinotanga kuuya mumusoro pandinotsamwiswa? Nei zvichikosha kuva nemafungiro akanaka ndisati ndapindura?

  • Zvirevo 26:20: “Kana pasina huni, moto unodzima.”

    “Pandinopindura mumwe munhu zvakanaka, zvinobva zvaita kuti munhu iyeye adzikame, zvoita kuti titaure tisina hasha.”​—Jasmine.

    Zvandinotaura kana kuti zvandinoita zvingawedzera sei chimoto?

  • Zvirevo 22:3: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.”

    “Dzimwe nguva ndinoona zviri nani kumbosuduruka uye pava paya, pandinenge ndagadzikana ndozoona kuti ndingagadzirisa sei dambudziko racho.”​—Gary.

    Kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka, ndepapi paungasuduruka, asi uchizviita nenzira yokuti vamwe havaoni sokuti waramwa?

  • Jakobho 3:2: “Tose tinokanganisa kazhinji.”

    “Hazvina kuipa kuti tizvidembe kana tichinge takanganisa, asi kukanganisa ikoko kunotipawo chidzidzo. Tinofanira kubva tagadzirisa zvacho zvatakakanganisa totsidza kuti hatizozvidzokorori futi.”​—Kerri.

Zano: Zviudze kuti mumwedzi uri kutevera, kana ndikagumburwa nemumwe munhu ndichada kuzvidzora. Nyora mudhayari woona kuti uri kuzvikwanisa here.

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Alyssa

“Ndaifunga kuti kuzvidzora chiratidzo chokutya, asi iye zvino ndava kuona kuti kana ukazvidzora unenge uchiratidza kuti unozvininipisa. Kuva neunhu uhwu kunokosha chaizvo. Ndine dambudziko rokuzvidzora, asi pandinoedza kuzvidzora ndinobva ndaona kuti zvatondibatsira!”​—Alyssa.

Erik

“Kumboti mirei zvishoma ndisati ndaita chimwe chinhu kunondipa nguva yokunyatsofunga zvoita kuti ndisazoita zvinhu zvandinozodemba. Kutaura chokwadi, kutsamwa hakuna zvakunombogadzirisa. Kunogona kuita kuti zvinhu zvinotonyanya kuipa.”​—Erik.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe