RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 40
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinoita kuti uzvidye mwoyo?
  • Nguva dzose zvakaipa here kuti uzvidye mwoyo?
  • Zvaungaita
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kandira Funganyo Yako Yose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuzvidya Mwoyo
    Mukai!—2016
  • Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 40
Mukomana ane zviri kumunetsa kuchikoro

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita sei kuti ndisazvidya mwoyo?

  • Chii chinoita kuti uzvidye mwoyo?

  • Nguva dzose zvakaipa here kuti uzvidye mwoyo?

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Chii chinoita kuti uzvidye mwoyo?

Unombonetsekawo here sezvinoita vanhu vari pasi apa?

“Ndinogara ndichingofunga kuti: ‘Ko kana . . . ?’ ‘Ko kana tikaita tsaona nemota?’ ‘Ko kana ndege yedu ikadonha?’ Zvimwe zvinhu zvandinonetseka nezvazvo hazvitomborina kana musoro.”​—Charles.

“Nguva dzose ndinogara ndichinetseka nezvimwe zvinhu asi hapana chine musoro chandinobura. Pfungwa dzinopishana dzigopishana asi chabuda hapana!”​—Anna.

“Vanhu pavanondiudza kuti wakakomborerwa kuti uchiri kuchikoro, ndinobva ndati nechomumwoyo, ‘Havazivi kuoma kwakaita chikoro!’”​—Daniel.

“Ndinogara ndichingoshushikana. Ndinonetseka kuti ko chakati chikaitika ndozodii.”​—Laura.

Chokwadi chisingarambiki: Bhaibheri rinoti iye zvino tiri kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Timoti 3:1) Saka vechiduku vanogona kuzvidya mwoyo sezvinongoitawo vanhu vakuru.

Nguva dzose zvakaipa here kuti uzvidye mwoyo?

Aiwa. Bhaibheri rinoti hazvina kuipa kuti vanhu vazvidye mwoyo vachitsvaka nzira dzokuti vafadze vanhu vavanoda.​—1 VaKorinde 7:32-34; 2 VaKorinde 11:28.

Chimwezve chazvakanakira ndechokuti zvinoita kuti ushande nesimba. Ngatitii vhiki rinotevera uri kuzonyora test kuchikoro. Unogona kutanga kunetseka kuti ndichapasa here, asi kunetseka ikoko ndiko kuchatoita kuti uverenge kuitira kuti upase!

Hana yako inogona kutanga kunetseka kana wava kuda kutambira pane ngozi. Mumwe musikana anonzi Serena akati, “Kuziva kuti une zvinhu zvakaipa zvauri kuita kunoita kuti hana yako inetseke. Inotozogadzikana kana wazvisiya.”​—Enzanisa naJakobho 5:14.

Chokwadi chisingarambiki: Kuzvidya mwoyo kunogona kukubatsira chero bedzi kuchiita kuti uite zvinhu zvakanaka.

Asi ko kana ukaramba uchinetseka uchingofunga zvinhu zvakaipa?

Murume ari kubatsira mumwe mukomana kuti awane pokubuda napo

Kunetseka kungaita kuti uvhiringidzike asi mumwe munhu anogona kukubatsira

Muenzaniso: Richard ane makore 19 akati, “Musoro wangu unotenderera pandinoramba ndichifunga nezvechimwe chinhu chiri kundinetsa.”

Bhaibheri rinoti “mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” (Zvirevo 14:30) Asi kuzvidya mwoyo kunogona kukonzera zvinhu zvakadai sokutemwa nomusoro, dzungu, kurwadziwa nomudumbu uye kurova kwehana zvakanyanya.

Ungaitei kana kuzvidya mwoyo kwava kutokukanganisa?

Zvaungaita

  • Ongorora chiri kuita kuti uzvidye mwoyo. “Hazvina kuipa kufunga nezvezvinhu zvaunofanira kuita asi chakaipa ndechokuzonyanya kufunga nezvazvo. Kuita izvozvo hakuna zvakunobatsira, unenge uchingotambisa nguva.”​—Katherine.

    Bhaibheri rinoti: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?”​—Mateu 6:27.

    Zvazvinoreva: Kana kuzvidya mwoyo kusiri kukubatsira kugadzirisa dambudziko rako, kuchatoita kuti dambudziko racho riwedzere.

  • Usanetseka nezvinhu zvisati zvaitika. “Nyatsofunga nezvazvo. Zvinhu izvi zviri kukunetsa zvichaitika mangwana here? mwedzi unouya? panopera gore? kana kuti mumakore 5?”​—Anthony.

    Bhaibheri rinoti: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.”​—Mateu 6:34.

    Zvazvinoreva: Hazvidi kunyanya kufunga nezvematambudziko angazoitika mune ramangwana, nokuti mamwe acho haazomboitiki.

  • Ziva kuti zvimwe zvinhu haukwanisi kuzvichinja. “Kunyange zvazvo uchikwanisa kuita zvimwe zvinhu, chaunofanira kuziva ndechokuti zvimwe zvacho haukwanisi kuzvichinja.”​—Robert.

    Bhaibheri rinoti: “Vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, . . . kunyange vaya vane zivo havasi ivo vanofarirwa; nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”​—Muparidzi 9:11.

    Zvazvinoreva: Dzimwe nguva haukwanisi kuchinja zvinhu zvaunosangana nazvo asi unogona kuchinja mafungiro aunoita nezvezvinhu zvacho.

  • Usanyanya kuzvinetsa nezvinhu zvidiki-diki. “Ndakaona kuti handifaniri kunetseka nezvinhu zvidiki-diki. Ndinofanira kuona kuti zvinhu zvinonyanya kukosha ndezvipi ndobva ndapedzera simba rangu pazviri.”​—Alexis.

    Bhaibheri rinoti: ‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’​—VaFiripi 1:10.

    Zvazvinoreva: Vanhu vasinganyanyi kuzvinetsa nezvinhu zvidiki-diki havanyanyi kuzvidya mwoyo.

  • Udza mumwe munhu. “Pandaiva mugiredhi 6, pane zvaiitika kuchikoro saka ndaibva ndatya kudzokera kuchikoro mangwana acho. Mhamha nadady vainyatsoteerera pandaivaudza zvaindinetsa. Zvavaiita izvozvo zvaindinyaradza. Ndainyatsosununguka kutaura navo. Zvaindibatsira kuti ndisatya kuzodzokera kuchikoro mangwana acho.”​—Marilyn.

    Bhaibheri rinoti: “Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa, asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.”​—Zvirevo 12:25.

    Zvazvinoreva: Unogona kupiwa mazano anokubatsira kuti ungaderedza sei kuzvidya mwoyo nomubereki wako kana kuti neshamwari.

  • Nyengetera. “Panzvimbo pokunyengetera nechomumwoyo ndinoita zvokubudisa mashoko uye izvozvo zvinoita kuti ndinyatsobudisa zviri kundidya mwoyo. Zvinondibatsirawo kuziva kuti Jehovha anogona kundibatsira kuti ndikurire kuzvidya mwoyo.”​—Laura.

    Bhaibheri rinoti: ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya nemi.’​—1 Petro 5:7.

    Zvazvinoreva: Patinonyengetera hazvirevi kuti tinobva tatowana nzira dzokugadzirisa nadzo matambudziko edu. Asi kuti tinenge tichitaura naJehovha Mwari, uyo anovimbisa kuti: ‘Usazvidya mwoyo, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira.’​—Isaya 41:10.

Kuzvidya Mwoyo Pakunenge Kwanyanyisa

Vamwe vechiduku vanoramba vachingozvidya mwoyo. Somuenzaniso, Jenna ane makore 19 akati: “Nemhaka yokuzvidya mwoyo ndaigara ndichingotemwa nomusoro, ndisingakwanisi kuisa pfungwa dzangu pane zvandaiita, dzimwe nguva ndainetseka kurara asi pamwe pacho ndairarisa, pamwe ndaisada kudya asi pamwe pacho ndaidyisa. Ndaigara ndichingotya. Matambudziko madiki zvikuru aiita kunge gomo chairo.”

Kana ukaita nguva yakareba uchizvidya mwoyo, zviri nani kuti uende kunoonekwa nachiremba. Ndizvo zvakaitwa naJenna. Anoti, “Kubva pandakarapwa iye zvino ndava nani uye handichanyanyi kuzvidya mwoyo.”

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Carissa

“Kana ndikatanga kunetseka, ndinonyengetera kuna Jehovha ndichimuudza zvose zviri kundinetsa. Ndinorara zvakanaka ndichiziva kuti dambudziko racho rava mumaoko aJehovha. Ndiye munhu wokunyatsoudza matambudziko angu uye zviri kundinetsa.”​—Carissa.

Samantha

“Ndinogara ndichizvibvunza kuti, ‘Chii chandinopedzera nguva ndichizvinetsa nezvinhu zvandisingagoni kugadzirisa?’ Mashoko aJesu ari pana Mateu 6:27 anondibatsira kuti ndivimbe naJehovha uye ndishandise zvaanotaura.”​—Samantha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe