RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 42
  • Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo panyaya yekutaura mashoko akaora
  • Nei zvichikosha kuziva nezvenyaya iyi?
  • Zvaungaita
  • Chikonzero Nei Kumhura Kusati Kuri kwamaKristu
    Mukai!—1992
  • Unogona Kudzidza Mumwe Mutauro!
    Mukai!—2007
  • Ungaita Sei Kuti Matauriro Ako Afadze Jehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ko Kana Ndisiri Kukwana Pane Vamwe?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 42
Mukomana ari kunzwa vasikana vari kutaura mashoko akaora.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?

“Ndajaira kunzwa vanhu vachingotaura mashoko akaora zvekuti handitomborohwi nehana.”—Christopher, ndine makore 17.

“Pandaiva mudiki ndaigara ndichitaura mashoko akaora. Mashoko acho aiita zvekungouya asi kuti ndizozvirega zvakanga zvakaoma.”—Rebecca, ndine makore 19.

  • Mibvunzo panyaya yekutaura mashoko akaora

  • Nei zvichikosha kuziva nezvenyaya iyi?

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Mibvunzo panyaya yekutaura mashoko akaora

  • Paunonzwa vamwe vachitaura mashoko akaora unonzwa sei?

    • Handitomboiti hanya nazvo, ndatozvijaira.

    • Zvinombonditi netsei, asi hapana zvekuzviita.

    • Zvinondigumbura, handitombozvidi.

  • Unowanzotaura mashoko akaora here?

    • Aiwa

    • Pano neapo

    • Kakawanda

  • Unofunga kuti kutaura mashoko akaora kwakanaka here?

    • Hakuna basa

    • Hakuna kunaka

Nei zvichikosha kuziva nezvenyaya iyi?

Unofunga kuti nyaya yekutaura mashoko akaora inyaya hombe here? Unogona kuti, ‘Haa hazvina basa izvo, panotori nenyaya dzine musoro dzekuti munhu unofanira kufunga nezvadzo. Uye vanhu vese vanotaura mashoko akaora!’ Ichokwadi here ichocho?

Chokwadi chiripo ndechekuti kune vanhu vakawanda vasingatauri mashoko akaora. Uye pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti vasadaro. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Mashoko aunotaura ane zvaanoratidza. Mashoko aunotaura anoratidza zvakaita pfungwa dzako. Kutaura mashoko akaora, kunogona kuratidza kuti hauna basa nekuti vamwe vanonzwa sei. Ungada here kuva munhu akadaro?

    Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo.”—Mateu 15:18.

    Vechidiki vari kushamiswa nemashoko akaora ataurwa nemumwe mukomana. Mashoko acho ari kuita seutsi hune muchetura huri kubva mufekitari.

    Kutaura mashoko akaora kwakafanana nechiutsi chinobuda mumaindastiri. Ungadirei hako kuchifema kana kufemesa vamwe?

  • Kutaura mashoko akaora kunogona kuita kuti vamwe vasakufarira. Bhuku rinonzi Cuss Control rinoti: “Matauriro atinoita ndiwo anoratidza kuti tichava neshamwari dzakaita sei, ticharemekedzwa zvakadini nehama dzedu uye nevatinoshanda navo, tichayemurwa zvakadini nevamwe, tichawana basa here kana kuti kupuromotwa, uye kuti vanhu vasingatizivi vanotiona sei.” Bhuku iri rinotiwo: “Zvibvunze kuti kudai ndisingatauri mashoko akaora ndingadai ndichinyatsowirirana nevamwe here?”

    Bhaibheri rinoti: ‘Musatuka.’—VaEfeso 4:31.

  • Kutaura mashoko akaora kunoita kuti usaremekedzwa. Bhuku raDr. Alex Packer rinonzi How Rude! rinoti: “Vanhu vanogara vachitaura mashoko akaora havanakidzi kuteerera.” Rinotiwo kutaura mashoko akaora “kunotadzisa munhu kutaura zvinhu zvine musoro, zvinovaka, kana zvinoratidza kunzwira vamwe tsitsi. Kana uchitaura zvinhu usina kufunga, zvisinganzwisisiki uye zvisinganakidzi, zvinokanganisa mafungiro aunoita.”

    Bhaibheri rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.”—VaEfeso 4:29.

Zvaungaita

  • Zvipe nguva. Wadii kuedza kumborega kutaura mashoko akaora kwemwedzi mumwe chete kana kuti kwemavhiki? Nyora pakarenda kuti uone kuti uri kugona zvakadii. Asi kuti urambe uchiita zvawakaronga, pane zvimwe zvinogona kukubatsira. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Usazvivaraidza nezvinhu zvine mashoko akaora. Bhaibheri rinoti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) “Ushamwari” uhwu hahungogumiri pavanhu vaunotamba navo, hunosanganisirawo mafirimu aunoona, mavideo game aunotamba, uye mimhanzi yaunoteerera. Kenneth ane makore 17, anoti: “Dzimwe nguva unogona kuvarairwa nokuteerera rwiyo rune mashoko akaora nokuti rune mutinhimira unonakidza.”

  • Ratidza kuti wakura. Vamwe vanhu vanotaura mashoko akaora vachifunga kuti ndiko kuti vanzi vakura. Asi hazvisi izvo. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vakura “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Havazvidzikisiri nokutaura mashoko akaora vachingoitira zvokuda kuonekwa.

Kutaura mashoko akaora kunotokanganisa iwe nevamwe vanokunzwa. Munyika makazara vanhu vanotaura mashoko akaora! Bhuku rinonzi Cuss Control rinoti, ‘Kutaura mashoko akaora kunotowedzera kuipisa nyika. Ita zvose zvaunogona kuti uchenese nyika. Uchanzwa uri munhu anoremekedzeka uye vamwe vanhu vachakuremekedzawo.’

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Jared

“Kutaura mashoko akaora kunokubvisa chimiro. Kana usingagoni kutaura usina kana kumbokanda shoko rakaora zvinoratidza kuti mumusoro mako hamuna chinhu.”—Jared.

Jennifer

“Vanhu vanofanira kutsvaka mashoko akanaka okutaura, asi hazvisi nyore nguva dzose. Kunyange zvakadaro tinofanira kutanga tafunga tisati tataura. Zvinoita kuti munhu asiyane nekatsika kekutaura mashoko akaora.”—Jennifer.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe