RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/15 pp. 4-8
  • Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rekupa Zvipo
  • Mavambo eKrisimasi
  • Kunzwisisa Krisimasi Maererano neMagwaro
  • Krisimisi—Neiko Yakakurumbira Kwazvo muJapan?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kwakabva Krisimasi Yazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Krisimisi Inorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Magamuchidzanwa eKrisimisa—Ndedzipi Dziri Mviromviro Dzawo?
    Mukai!—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/15 pp. 4-8

Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?

ZVAIDAVIRWA kare kuMabvazuva zvinotiyeuchidza nezvaSanta Claus weKrisimasi. Ndizvo zvinodavirwa nevanhu vekuKorea mune anonzi Chowangshin, uye zvimwe zvakafanana zvinogona kuwanwa muvanhu vokuChina nevokuJapan.

Chowangshin ainzi ndimwari aiona zvemukicheni, mwari wemoto akanga ane chokuita nekunamata moto kwechiKorea. (Munguva yekare, vanhu vokuKorea vaitakura marasha anobhebha vakangwarira, vachibata chokwadi kuti iwaya aisazombodzimwa.) Zvaidavirwa kuti mwari uyu airamba achitarisa mufambiro wenhengo dzemhuri kwegore rimwe, adaro ozokwira kudenga nemuchitofu nemuchimbini zvekicheni.

Zvinofungidzirwa kuti, Chowangshin akazviratidza kuna mambo wekudenga musi wa23 wemwedzi womudenga waDecember. Aitarisirwa kudzoka pakupera kwegore nemuchimbini nemuchitofu, achiunza mibayiro nezvirango maererano nemufambiro wemunhu mumwe nomumwe. Pazuva rokudzoka kwake, nhengo dzemhuri dzaifanira kubatidza makenduru mukicheni uye mudzimwe nzvimbo mumba macho. Mapikicha amwari iyeye womukicheni ane zvimwe zvakafanana naSanta Claus—airatidzwa nezvitsvuku! Yaiva tsika kuti muroora agadzire masokisi etsika echiKorea uye zuva parinotanga kunonoka kuvira muna December oapa vamwene vake. Izvozvo zvaiitirwa kuratidza chido chake chokuti vamwene vacho vave noupenyu hurefu, sezvo mazuva aizowedzera pashure pomusi iwoyo.

Hauoni here zvimwe zvakafanana pakati peKrisimasi nezvinhu zvabva kutaurwa? Zvine nhoroondo netsika dzakafanana: chimbini, makenduru, kupa zvipo, masokisi, murume akwegura akapfeka zvinhu zvitsvuku, nemusi. Kunyange zvakadaro, kufanana kwakadaro kwoga hakusikwo kunoita kuti Krisimasi igamuchirwe nyore muKorea. Kudavira Chowangshin kwakanga kwatosara padiki kupera panguva yakatanga kutambwa Krisimasi muKorea. Zvechokwadi, nhasi vanhu vokuKorea vakawanda havazivi kuti chitendero chakadaro chakambovapo.

Kunyange zvakadaro, izvi zvinoratidza kuti tsika dzine chokuita nenguva apo zuva rinononoka kuvira muna December uye kupera kwegore dzakapararira sei mupasi rose munzira dzakasiyana-siyana. Muzana remakore rechina C.E., chechi yaiva nemukurumbira muUmambo hweRoma yakachinja zita raSaturnalia, mutambo weRoma wechihedheni wekuberekwa kwamwari wezuva, ndokuuita rutivi rweKrisimasi. Kupembererwa kweKrisimasi kwakaita kuti tsika dzemunzvimbomo dzitangwezve nezita idzva. Izvozvo zvakaita sei?

Basa Rekupa Zvipo

Kupa zvipo itsika isina kubvira yambopera. Kwenguva refu, vanhu vokuKorea vakawana mufaro mukuru mukupa nokugamuchira zvipo. Ichi chaiva chimwe chikonzero chakaita kuti kupemberera Krisimasi kukurumbire muKorea.

Hondo yeNyika II yapera, kuvarwi vokuUnited States vaiva muKorea vaida kusimbisa ukama hwavo nevanhu, machechi aiva nzvimbo dzokusangana nokupanana zvipo nezvinhu zvokuyamura. Izvi zvainyanya kuitika paZuva reKrisimasi. Vana vakawanda vaishanyira machechi nemhaka yokuda kuziva chaitora nzvimbo, uye ikoko ndikwo kwavakatanga kutambirwa nezvipo zvechokoreti. Sezvaunogona kunzwisisa, vakawanda vavo vaibva vatarisira imwe Krisimasi.

Nokuda kwevana vakadaro, Santa Claus aiva murwi wekuAmerica akapfeka heti refu yeshinda. Zvirevo 19:6 inoti: “Munhu mumwe nomumwe ishamwari younopa zvipo.” Hungu, kupa zvipo kwakashanda chaizvo. Asi sezvaunogona kuona kubva mundima iyoyo, zvipo zvakadaro hazvivimbisi ushamwari hunogara narini. Kunyange muKorea, vakawanda ndevaya vaingoendera chokoreti kuchechi pavaiva vaduku. Zvisinei, Krisimasi, haina kukanganwiwa. Pamwe nokukurumidza kusimukira kwoupfumi hweKorea, zvokutengeserana zvakasimukira, uye kupa zvipo zveKrisimasi yaiva nzira iri nyore yokuwedzera kutenga zvinhu kwevatengi. Mabhizimisi akashandisa Krisimasi kuwedzera porofiti.

Izvozvo zvinoita kuti unzwisise nezvekuvapo kweKrisimasi kuMabvazuva nhasi. Nemhaka yokutenga zvakanyanya kunoitwa paKrisimasi, zvinhu zvitsva zvinogadzirwa. Kuronga kushambadzira kunotanga pakati pechirimo. Uwandu hwezvinotengeswa hunokwira pakupera kwegore, zvichitsigirwa nokutengwa kwose kwezvipo zveKrisimasi, makadhi okukwazisa, nemimhanzi yakarekodhwa. Inga wani zvokushambadzira zvinotoita kuti wechiduku ari pakati nepakati asanzwe zvakanaka kana akasara kumba orega kuwana zvipo zvipi nezvipi Usiku hweKrisimasi!

Zuva reKrisimasi zvarinoswedera, zvitoro nemizinda yemabhizimisi muSeoul zvinoti pamu kuzara nevanhu vanenge vachitenga zvipo, uye zvakafanana zvinenge zvichiitika kumamwe maguta okuMabvazuva. Motokari dzinowandisa mumigwagwa. Mahotera, nzvimbo dzemabhizimisi, maresitorendi, nemakirabhu eusiku zvinozara nevatengi. Manzwi emafaro—kuimba kwekuzhambatata—kunogona kunzwiwa. PaZuva reKrisimasi, varume nevakadzi vakadhakwa vanoonwa vachifamba mumigwagwa yakazara nemarara.

Ndiyo inonzi Krisimasi iyi. Krisimasi kuMabvazuva haisisiri zororo rinotungamirirwa nevanozviti vaKristu. Zviri pachena kuti, kuKorea sokumwe kwose kwose, zvokutengeserana ndizvo zvava kunyanya kubatsirwa nezororo iri rechiKristudhomu. Saka, zvokutengeserana ndizvo zvoga zvinofanira kupomerwa nokuda kweKrisimasi isingachawirirana zvakadai nepfungwa yaKristu here? VaKristu vechokwadi vanofanira kunyatsoongorora nhau inokosha inobatanidzwa.

Mavambo eKrisimasi

Mhuka yemusango inoiswa mukeji panochengeterwa mhuka ichiri chikara. Chingava chikanganiso chine ngozi kudavira kuti yava chipfuyo chepamba nokuti yange iri mukeji kwenguva yakati -o uye inoita seiri kunakidzwa nevana vayo. Ungave wakanzwa mishumo pamusoro pevashandi vepanochengeterwa mhuka vari kurwiswa.

Mune dzimwe nzira tinogona kutaura zvakawanda zvakafanana nezvekupemberera Krisimasi. Pakutanga yaiva “chikara” chainge chisiri muchiKristu. Pasi pemusoro unoti “Relation to the Roman Saturnalia,” The Christian Encyclopedia (muchiKorea)a rinotaura izvi maererano neKrisimasi:

“Saturnalia neBrumalia dzechihedheni dzakanga dzakabatanidzwa zvakanyanyisa mutsika ine mukurumbira zvokusakwanisa kuregwa nokupesvedzera kwechiKristu. Kuchengetwa kwomusi weSvondo (zuva raPhœbus naMithras uyewo Zuva raShe) namambo Constantine . . . kungave kwakaita kuti vaKristu vomuzana remakore rechina vaone zvakakodzera kuita kuti musi wokuzvarwa kweMwanakomana waMwari uchengetwe panguva imwe chete nemusi wokuzvarwa kwezuva romudenga. Mutambo wechihedheni nokusadzoreka kwawo uye kunakidza kwawo waiva wakakurumbira kwazvo zvokuti vaKristu vaifara kuti kupembererwa kwawo kubvumirwe kupfuurira uchingochinjwa maitirwe awo kana kuti mutoo zvishomanana.”

Unofunga kuti zvinhu zvakadaro zvaigona kuitika pasina kutsoropodzwa here? Encyclopedia iyoyo inoti: “Vaparidzi vechiKristu vokuMadokero nevePedyo neMabvazuva vakapikisa kurerutsa kusina kufanira kwaiitwa pakupemberera zuva rokuzvarwa kwaKristu, ukuwo vaKristu vokuMesopotamia vakapomera hama dzavo dzokuMadokero kunamata kwadzaiita mifananidzo uye zuva nokugamuchira mutambo wechihedheni uyu sewechiKristu.” Chokwadi, chimwe chinhu chakanga chisina kururama kubvira pakutanga. “Asi mutambo wacho wakakurumidza kugamuchirwa uye pakupedzisira wakabva wadzika midzi zviya zvokuti kushandura zvinhu kwechiPurotesitendi chomuzana remakore rechi16 havana kugona kuubvisa,” inodaro encyclopedia yacho.

Hungu, mutambo waiitirwa mwari wezuva, wakanga usiri wechiKristu chechokwadi, wakagamuchirwa muchechi yakanga yakakurumbira. Wakawana zita idzva—asi maitirwe awo echihedheni akaramba aripo. Uye wakabatsira kupinza chihedheni mumachechi echiKristu chezita uye kushatisa manamatiro evanhu. Nhau inoratidza zvakajeka kuti chiKristudhomu zvachakakura, pfungwa yepakuvamba yokuti “ida vavengi vako” yakatsiviwa nokuderera kwetsika nehondo dzechisimba.

Nokufamba kwenguva, zvakava pachena kuti pasinei zvapo nezita rayo rounyengeri, Krisimasi yakaratidza mavambo ayo echihedheni nemitambo isingadzoreki, kunwisa, kunakidza, kutamba, kupa zvipo, nokushongedza dzimba nemiti yakasvibira. Kuti vavariro huru yezvokutengeserana isvikwe—kutengesa zvakawanda—Krisimasi yave ichishandiswa munzira yose inobvira. Zvinobudisa nhau zvinoirumbidza; vanhu vanongonakidzwa. Pakati peguta muSeoul, chimwe chitoro chinotengesa zvipfeko zvemukati chakaenda mbiri panhau dzemuterevhizheni nokuratidza pawindo racho muti weKrisimasi wakashongedzwa nezvipfeko zvomukati zvoga zvoga. Kufarira Krisimasi kwakanga kuchioneka, asi kufarira Kristu kwakanga kusingaoneki.

Kunzwisisa Krisimasi Maererano neMagwaro

Tinodzidzei mune zvinhu zvakadaro zvatinoudzwa nenhau uye zvaiitika? Kana hembe kana kuti bhurauzi rikakanganiswa kuvharwa mabhatani pakutanga, nzira chete yokugadzirisa mamiriro acho ezvinhu ndeyekutangisazve. Hachisi chokwadi here ichocho? Pasinei zvapo nechokwadi ichocho, vamwe vanopokana kuti zvisinei nemavambo ayo echihedheni, Krisimasi yave ichigamuchirwa nechiKristudhomu. Nokudaro vanofunga kuti zororo racho rakaitwa dzvene sezuva rokuzvarwa kwaKristu rakapiwa kukosha kutsva.

Tinogona kudzidza chidzidzo chinokosha muchiitiko chenhau chakaitika muJudha yekare. Muna 612 B.C.E., vaJudha vakatanga kupinza kunamata zuva kwechihedheni mutemberi yaiva muJerusarema. Kunamata kwechihedheni kwakadaro kwakaitwa kutsvene nokuti kwaiitirwa munzvimbo yakatsaurirwa kunamata kwakachena kwaJehovha Mwari here? Munyori weBhaibheri Ezekieri akanyora nezvekunamatwa kwezuva kwaiitwa patemberi yeJerusarema kuti: “Tarira, pamukova wetembere yaJehovha pakati pebiravira neatari, kwakanga kune varume vanenge makumi maviri navashanu . . . zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva. Zvino akati kwandiri: ‘Wazviona here, iwe mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha, kuti vaite zvinonyangadza zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nokuita nesimba, vakadzoka vomutsa kutsamwa kwangu; tarira vanoisa davi kumhino dzavo?’”—Ezekieri 8:16, 17.

Hungu, panzvimbo pokutsveneswa, manamatiro iwayo echihedheni akapinza temberi yose munjodzi. Miitiro yakadaro yakapararira muJudha uye yakaitawo kuti chisimba nekuderera kwetsika zvitekeshere munyika iyoyo. Zvakafananawo muchiKristudhomu, umo miitiro yakabva mukunamatwa kwezuva kweSaturnalia inonyanya kuitwa paKrisimasi. Zvinokosha kuti, makore mashomanana Ezekieri aratidzwa izvozvo, Jerusarema rakatongwa naMwari—rakaparadzwa nevaBhabhironi.—2 Makoronike 36:15-20.

Ungave wakawana kurondedzerwa kwaJesu muduku kwakataurwa munyaya yapfuura nenyanzvi yokuKorea kuchinakidza. Asi chokwadi ndechokuti zvakwakataurwa nemunhu asingazivi Kristu zvakarurama, zvakaitwa zvacho zvinokosha zvikuru. Zvingaita kuti vanhu vanopemberera Krisimasi vanyatsofunga. Nei? Nokuti Krisimasi inotadza zvikuru kumiririra Kristu zvakarurama. Zvechokwadi inokanganisa zvaari chaizvo iye zvino. Jesu haasisiri rusvava rwuri muchidyiro chezvipfuyo.

Bhaibheri rinosimbisa rasimbisazve kuti Jesu zvino ava Mesiya, Mambo ane simba weUmambo hwaMwari hwokudenga. (Zvakazarurwa 11:15) Atogadzirira kugumisa urombo nokusafara zvisingakanganwi nevamwe vanhu munguva yeKrisimasi sezvavanopa zvipo kumasangano anoyamura varombo.

Kutaura chokwadi, Krisimasi haina kubatsira nyika dzechiKristudhomu kunyange dzimwewo, kubatanidza dziya dziri kuMabvazuva. Asi, haichinei neshoko rechokwadi rechiKristu pamusoro poUmambo hwaMwari nomugumo wegadziriro ino yakaipa yezvinhu. (Mateu 24:14) Tinokukumbira kuti ubvunze Zvapupu zvaJehovha nezvokuti mugumo uyu uchasvika sei. Uye unogona kudzidza kwazviri nezvezvikomborero zvinogara narini zvichauya panyika panguva iyoyo, mukutungamirira kweUmambo hwaMwari naMambo anotonga, Jesu Kristu.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

a Wakatorwa muThe New Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Krisimasi yakabatsira kupinza chihedheni mumachechi echiKristu chezita

[Mufananidzo uri papeji 5]

Vana vakawanda vaishanyira machechi nemhaka yokuda kuziva chaitora nzvimbo ndokugamuchira zvipo zvechokoreti. Ipapo vaibva vatarisira imwe Krisimasi

[Mufananidzo uri papeji 7]

Usiku hweKrisimasi pakati peguta muSeoul, Korea

[Mufananidzo uri papeji 8]

Jesu haasisiri rusvava rwuri muchidyiro chezvipfuyo asi ndiMambo ane simba weUmambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe