RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 27
  • Chii Chandinganyengetera Nezvacho?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chandinganyengetera Nezvacho?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Tinofanira Kunyengetera Sei?—Tinofanira Kutevedzera Munyengetero waShe Chete Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 27

Chii Chandinganyengetera Nezvacho?

Mhinduro yeBhaibheri

Unogona kunyengetera uchitaura chero chawada chero bedzi zvichienderana nemitemo yaMwari yakanyorwa muBhaibheri. “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano [nezvinodiwa naMwari], iye anotinzwa.” (1 Johani 5:​14) Zvinoita here kuti utaure nhamo dzako? Ehe zvinoita. Bhaibheri rinoti: “Dururai mwoyo yenyu pamberi [paMwari].”​—Pisarema 62:8.

Zvinhu zvaungakumbira paunenge uchinyengetera

  • Kutenda muna Mwari.​—Ruka 17:5.

  • Mudzimu mutsvene, kana kuti simba raMwari, kuti ukubatsire kuita zvakanaka.​—Ruka 11:13.

  • Simba rokuti ukunde matambudziko uye miedzo.​—VaFiripi 4:13.

  • Kuva nerugare mupfungwa kana kuti kugadzikana.​—VaFiripi 4:​6, 7.

  • Kuva nouchenjeri hwokuti uite zvisarudzo zvakanaka.​—Jakobho 1:5.

  • Kubatsirwa kuwana zvokurarama nazvo zuva nezuva.​—Mateu 6:11.

  • Kuregererwa zvivi.​—Mateu 6:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe