RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 26
  • Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Jehovha Anotinzwa Here?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 26

Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Mhinduro yeBhaibheri

Hongu, Mwari anobatsira vaya vanokumbira zvinhu chero bedzi zvichienderana nekuda kwaMwari. Kunyange kana usati wambonyengetera, mienzaniso yemuBhaibheri yevanhu vakanyengetera vachiti, “Mwari ndibatsirei,” inogona kukukurudzira. Somuenzaniso:

  • “Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; ndiponesei nengoni dzenyu.”​—Pisarema 109:​26, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  • “Ndinoshayiwa uye ndiri murombo: Mwari wangu, ndibatsireiwo.”​—Pisarema 69:​6, Douay Version.

Zvinoratidza kuti munhu akanyora mashoko aya aitenda zvakasimba muna Mwari. Mwari anoteerera vose vanonyengetera kwaari vachizvininipisa, vakadai sevaya “vakaora mwoyo” kana kuti “vakadzvinyirirwa.”​—Pisarema 34:18.

Haufaniri kutya uchifunga kuti Mwari ari kure zvokuti haana hanya nematambudziko ako. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa; asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Jesu akamboudza vadzidzi vake kuti Mwari ane hanya nevanhu paakati: “Kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.” (Mateu 10:​30) Mwari anoziva zvinhu zvine chokuita newe zvausingatombozivi. Kana achiziva zvinhu zvakadaro, haangazombotadzi kukuteerera paunonyengetera kuti ubatsirwe pane zvinenge zvichikudya mwoyo!​—1 Petro 5:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe