RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 14
  • Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Jesu—Zvinotaurwa Nevanhu Nezvake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Munhu Mukurusa Ati Amborarama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ngirozi—Dzinogona Kukubatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Tinogona Kudzidzei Kubva—Muzvakaitika Kare?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 14
Jesu ari kurapa mumwe murume

Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Jesu aisangozivikanwa chete semunhu akanaka. Zvatingangotaura ndezvokuti zvaakaita muupenyu hwake zvinochinja upenyu hwevanhu vakawanda. Ona zvakataurwa nevanyori uye nyanzvi dzinoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare dzine mukurumbira:

“Jesu wekuNazareta. . . ndiye munhu anonyanya kuzivikanwa muupenyu hwevanhu.”​—H. G. Wells, nyanzvi yeChirungu inoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare.

“Upenyu [hwaJesu] hwakachinja mararamiro evanhu vakawanda pasi rose kudarika zvati zvakamboitwa nemumwe munhu uye nanhasi huchiri kuchinja upenyu hwevanhu.”​—Kenneth Scott Latourette, nyanzvi yokuAmerica inoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare uye munyori wemabhuku.

Bhaibheri rinoratidza kuti sei upenyu hwaJesu hwakachinja mararamiro evanhu vakawanda kudarika zvati zvamboitwa nemumwe munhu. Jesu paakabvunza vateveri vake vaaigara achifamba navo kuti vaifunga kuti akanga ari ani, mumwe wavo akapindura zvakarurama achiti: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”​—Mateu 16:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe