RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/15 pp. 8-13
  • Munhu Mukurusa Ati Amborarama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Mukurusa Ati Amborarama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akararama Chaizvoizvo Here?
  • Ndiani Chaizvoizvo Akanga Ari Jesu?
  • Nzira Yakanakisisa Yokudzidza Nayo Pamusoro paMwari
  • Rudo rwaMwariRunooneka Muna Jesu
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/15 pp. 8-13

Munhu Mukurusa Ati Amborarama

“Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—MATEO 16:16, NW.

1, 2. (a) Ukuru hwomunhu hungasarudzwa sei? (b) Vanhui munhau vakadanwa kuti Mukuru, uye nei?

NDIANIKO waunofunga kuti ndiye munhu mukurusa ati amborarama? Unoyera sei ukuru hwomunhu? Kupfurikidza namano ake ehondo here? mano ake akakwirira endangariro here? simba rake romuviri here?

2 Vatongi vakasiana-siana vakanzi Mukuru, vakadai saCyrus Mukuru, Alexander Mukuru, uye Charlemagne, uyo akanzi “Mukuru” kunyange mukati menduramo yake amene. Kupfurikidza nokuvapo kwavo kunotyisa, vanhu vakadai saivava vakashandisa pesvedzero huru pana avo vavaitonga.

3. (a) Chii chiri muedzo wokuyera nawo ukuru hwomunhu? (b) Tichishandisa muedzo wakadaro, ndianiko ari munhu mukurusa ati amborarama?

3 Nenzira inofadza, wezvenhau H. G. Wells akarondedzera muedzo wake wokuyera nahwo ukuru hwomunhu. Makore anopfuura 50 akapfuura, iye akanyora, kuti: “Muedzo wowezvenhau woukuru hwomunhu ndowokuti ‘Idzidzisoi yaakasiya kuti ikure? Akaita kuti vanhu vatange kufunga nenzira itsva vane simba rakapfuurira pashure pake here?’ Kupfurikidza nouyu muedzo,” Wells akagumisa kuti, “Jesu ndowokutanga.” Kunyange Napoléon Bonaparte akati: “Jesu Kristu akapesvedzera uye akaraira vadzorwi Vake pasina kuvapo Kwake kwomuviri kunooneka.”

4. (a) Mirangariroi inosiana iripo pamusoro paJesu? (b) Inzvimboi munhau iyo wezvenhau asati ari wechiKristu anopa kuna Jesu?

4 Bva, vamwe vakaramba kuti Jesu haasati ari munhu wenhau asi ngano. Pane kumwe kunyanyisa, vazhinji vakanamata Jesu saMwari, vachitaura kuti Mwari akauya kupasi saJesu. Zvisinei, achivakira mhedziso dzake chose chose paufakazi hwenhau pamusoro pokuvapo kwaJesu somunhu, Wells akanyora, kuti: “Kunofadza uye kunokosha kuti wezvenhau, asina murangariro upi noupi unoda zvoumwari, anofanira kuwana kuti haagoni kuratidzira enderero mberi yedzinza romunhu nenzira yokutendeseka pasina kupa nzvimbo yokutanga kumudzidzisi murombo anobva Nazareta. . . . Wezvenhau akafanana neni ndimene, uyo asati achimbozvidana amene kunyange kuti muKristu, anowana mugariro wacho uchinanga nenzira isingadzivisiki paupenyu nechimiro zvouyu munhu anokosha zvikurusa.”

Jesu Akararama Chaizvoizvo Here?

5, 6. Vezvenhau H. G. Wells naWill Durant vanei chokutaura pamusoro pokuva wenhau kwaJesu?

5 Asi zvakadiniko kana mumwe munhu akakuudza kuti Jesu haana kutongorarama chaizvoizvo, kuti iye akanga ari, kutaura idi, ngano, chinhu chakavambwa navanhu vomuzana rokutanga ramakore? Waizopindura sei iyi pomero? Nepo Wells achibvuma kuti “hatizivi zvakawanda zvikuru pamusoro pa[Jesu] sezvataizoda kuziva,” iye kunyanguvezvo anoti: “Evhangeri ina . . . dzinobvumirana mukutipa chimiro chohunhu chaihwoihwo humene; dzine kupwisa kwezvomene. Kufunga kuti haana kutongorarama, kuti nhauro dzoupenyu hwake zviitwa, kwakaoma zvikuru uye kunomutsa zvinetso zvakawanda zvikuru nokuda kwowezvenhau kupfuura kugamuchira zvinhu zvinokosha zvenhau dzeEvhangeri seidi.”

6 Wezvenhau anoremekedzwa Will Durant akarangarira nenzira yakafanana, achitsanangura, kuti: “Kuti vanhu vashomanene venhando [avo vakazvidana vamene kuti maKristu] vanofanira muchizvarwa chimwe kuve vakaita hunhu hune simba kwazvo nohunofadza, tsika dzakakwirira kwazvo uye chiono chinonyandura kwazvo chouhama hwavanhu, kwaizova nenji risingadaviriki zvikuru kwazvo kupfuura ripi neripi rakanyorwa muEvhangeri.”

7, 8. Jesu akatapura zvikuru sei nhau yavanhu?

7 Nokudaro, ungagona kurangarira nomupanikiri akadaro, kuti: Ko munhu wengano—munhu asina kutongorarama chaizvoizvo—aigona kuve akatapura nhau yavanhu nenzira yakatanhamara zvakadaro here? Bhuku renongedzero rinonzi The Historians’ History of the World rakatsinhira, kuti: “Muuyo wenhau wemibato [yaJesu] wakanga uchikosha zvikuru, kunyange mumurangariro wenyika zvikuru, kupfuura zviito zvomumwe munhu upi noupi wenhau. Zera idzva, rakazivikanwa nepepuko huru dzenyika, rinoronga misi kuvambira pakuberekwa kwake.” Funga nezvako. Kunyange mamwe makarenda nhasi akavakirwa pagore iro Jesu akafungwa kuve aberekwa. “Misi yapamberi pegore iroro yakarongwa saP.K., kana kuti pamberi paKristu,” inotsanangura kudaro The World Book Encyclopedia. “Misi yapashure pegore iroro inorongwa saA.D., kana kuti anno Domini (mugore raIshe wedu).”

8 Kupfurikidza nedzidziso dzake dzine simba uye kupfurikidza nenzira yaakararama nayo upenyu hwake mutsinhirano nadzo, Jesu akatapura nenzira ine simba upenyu hwamapoka asingaverengeki avanhu kwamakore anodokusvika zviuru zviviri. Sokutaura kwakaita mumwe munyori nenzira yakafanira, kuti: “Hondo dzose dzati dzambofora, uye ngarava dzose dzehondo dzati dzambogadzirwa, uye paramende dzose dzati dzambogara, madzimambo ose ati ambotonga, zvaiswa pamwe chete hazvina kutapura upenyu hwomunhu pamusoro papasi rino nenzira ine simba zvikuru zvakadaro.” Asi, vatsoropodzi vanoti: ‘Zvose izvo tinoziva chaizvoizvo pamusoro paJesu zvinowanikwa muBhaibheri. Hakuna zvimwe zvinyorwa zvapanguva iyeyo pamusoro pake zviripo.’ Bva, ikoku ichokwadi here?

9, 10. (a) Vezvenhau venyika vapakuvamba navanyori vakatii pamusoro paJesu? (b) Yakavakirwa paufakazi hwavezvenhau vapakuvamba, enisaikoropidhia inoremekedzwa inogumisei?

9 Kunyange zvazvo nongedzero kuna Jesu Kristu dzakaitwa navezvenhau vapakuvamba venyika dziri shomanene, nongedzero dzakadaro dziripo. Cornelius Tacitus, wezvenhau weRoma anoremekedzwa womuzana rokutanga ramakore, akanyora kuti mambo weRoma Nero ‘akasungirira mhaka nokuda kwokupiswa kweRoma pamaKristu,’ uye ipapo Tacitus akatsanangura, kuti: “Zita rokuti [muKristu] rinobviswa muna Kristu, uyo mumiriri Pontio Pirato akanga auraya mukutonga kwaTibherio.” Suetonius naPliny Muduku, vamwe vanyori veRoma venguva yacho, vakadudzawo Kristu. Mukuwedzera, Flavius Josephus, wezvenhau wechiJudha womuzana rokutanga ramakore, akanyora muAntiquities of the Jews pamusoro porufu rwomudzidzi wechiKristu Jakobho. Josephus akataura mukutsanangura kuti Jakobho akanga ari “munun’una waJesu, uyo akanzi Kristu.”

10 The New Encyclopædia Britannica nokudaro inogumisa, kuti: “Idzi nhauro dzakazvimirira dzinobvumikisa kuti munguva dzekare kunyange vashori vechiKristu havana kutongopanikira kuva wenhau kwaJesu, uko kwakaitirwa nharo pamusoro pako kwenguva yokutanga uye pahwaro husina kukwana pamugumo wezana ramakore rechi 18, mukati merechi 19, uye pakuvamba kwerechi 20.”

Ndiani Chaizvoizvo Akanga Ari Jesu?

11. (a) Zvikurukuru, ndaapi ari manyuko bedzi amashoko enhau pamusoro paJesu? (b) Mubvunzoi uyo vateveri vaJesu amene vakava nawo pamusoro pokuzivikanwa kwake?

11 Zvikurukuru, kunyanguvezvo, zvose izvo panguva ino zvinozivikanwa pamusoro paJesu zvakanyorwa navateveri vake vomuzana rokutanga ramakore. Mishumo yavo yakachengetwa muEvhangeri—mabhuku eBhaibheri akanyorwa navaviri vavaapostora vake, Mateo naJohane, uye navaviri vavadzidzi vake, Marko naRuka. Nhauro dzaava varume dzinozivisei pamusoro pokuzivikanwa kwaJesu? Iye akanga ari ani chaizvoizvo? Vasonganiri vaJesu vomuzana rokutanga ramakore vakarangarira mubvunzo iwoyo. Apo vakaona Jesu achinyaradza gungwa rakabvongodzwa nedutu nokutuka, vakabvunza mukushamisika, kuti: “Uyu ndianiko chaizvoizvo?” Panhambo yapashure, Jesu akabvunza vaapostora vake, kuti: “Imi munoti ndini aniko?”—Marko 4:41; Mateo 16:15, NW.

12. Tinoziva sei kuti Jesu haasi Mwari?

12 Kudai ukabvunzwa mubvunzo iwoyo, waizopindura sei? Ndiani chaizvoizvo akanga ari Jesu? Chokwadika, vazhinji muchiKristudhomu vaizotaura kuti iye akanga ari Mwari Wamasimba Ose muchimiro chomunhu, munhu anotaurwa nezvake saMwari. Bva, vasonganiri vapedyo vaJesu havana kutongodavira kuti iye akanga ari Mwari. Muapostora Petro akamudana kuti “Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16, NW) Uye kana ukanzvera sezvaunoda, hausati uchizotongorava kuti Jesu akataura kuva Mwari. Panzvimbo pezvo, iye akaudza vaJudha kuti akanga ari “Mwanakomana waMwari,” kwete Mwari.—Johane 10:36.

13. Jesu akanga akasiana sei navamwe vanhu vose?

13 Apo Jesu akayambuka gungwa rine dutu, vadzidzi vakaororwa neidi rokuti akanga asiri munhu akafanana nomumwe munhu upi noupi. (Johane 6:18-21) Iye akanga ari munhu chaiye zvikuru. Ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti akanga amborarama somunhu womudzimu naMwari mudenga, hungu, sengirozi, inoziviswa muBhaibheri sengirozi huru. (1 VaTesaronika 4:16; Judhasi 9) Mwari akanga amusika Iye asati asika zvimwe zvinhu zvose. (VaKorose 1:15) Nokudaro, kwenhambo dzisingataurwi dzenguva, kunyange chisiko chapose pose chinooneka chisati chasikwa, Jesu akafarikanya ushamwari hwapedyo mudenga naBaba vake, Jehovha Mwari, Musiki Mukuru.—Zvirevo 8:22, 27-31; Muparidzi 12:1.

14. Jesu akava sei munhu?

14 Ipapo, anodokuva makore ane zviuru zviviri apfuura, Mwari akatamisira upenyu hwoMwanakomana wake kudumbu romukadzi. Iye neiyi nzira akasvika pakuva mwanakomana wohunhu waMwari, akaberekwa nomutoo wenguva dzose kupfurikidza nomukadzi. (VaGaratia 4:4) Apo Jesu akanga achikura mudumbu ramai vake, Maria, uye gare gare apo akanga achikura somukomana, akanga achitsamira pana avo Mwari akanga asarudza kuva vabereki vake vapasi. Pakupedzisira Jesu akasvika pakuva murume akura, uye sezviri pachena ipapo akapiwa yeuko yesonganirano yake yekare naMwari mudenga. Ikoku kwakaitika ‘apo matenga akamuzarurirwa’ parubhapatidzo rwake.—Mateo 3:16; Johane 8:23; 17:5.

15. Tinoziva sei kuti Jesu akanga ari munhu zvizere paakararama pasi pano?

15 Zvirokwazvo, Jesu akanga ari munhu wechienzi. Iye akanga ari, kunyanguvezvo, munhu, muenzani waAdhama, uyo Mwari akasika pakuvamba ndokuisa mubindu reEdheni. Muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “‘Munhu wokutanga Adhama akava mweya mupenyu.’ Adhama wokupedzisira akava mudzimu unopa upenyu.” Jesu anonzi “Adhama wokupedzisira” nemhaka yokuti, kufanana naAdhama wapakuvamba, Jesu akanga ari munhu akakwana. Asi pashure pokunge Jesu afa, akamutswa, uye akakumbanirazve Baba vake mudenga somunhu womudzimu.—1 VaKorinte 15:45, NW.

Nzira Yakanakisisa Yokudzidza Nayo Pamusoro paMwari

16. (a) Chii chakaita kuti songanirano naJesu ive ropafadzo yakadaro? (b) Neiko kungagona kutaurwa kuti kuona Jesu kwakanga kuri zvimwe chetezvo nokuona Mwari?

16 Funga kwechinguvana nezveropafadzo inoshamisa iyo vamwe vakafarikanya savasonganiri vapedyo vaJesu apo akanga ari pasi pano! Fungidzira kuteerera nokutaura, kutarira, uye kunyange kushanda noUyo akanga akapedza zvichida mabhirioni amakore seshamwari yapedyo yaJehovha Mwari mudenga! Somwanakomana akatendeka, Jesu akatevedzera Baba vake vokudenga muchinhu chiri chose chaakaita. Kutaura idi, Jesu akatevedzera Baba vake nenzira yakakwana kwazvo zvokuti iye aigona kuudza vaapostora vake chinguvana pamberi pokuurawa kwake, kuti: “Iye uyo aona ini aonawo Baba.” (Johane 14:9, 10, NW) Hungu, mumugariro uri wose waakasangana nawo pano pasi pano, Jesu akaita chaizvo seizvo Baba vake, Mwari Wamasimba ose, vaizove vakaita kudai Ivo vakanga vave vari pano. Nokudaro, apo tinofunda upenyu noushumiri zvaJesu Kristu, tiri, kutaura idi, kudzidza chaizvo rudzi rwomunhu urwo Mwari ari.

17. Idonzoi rakaisvonaka rakabatirwa nenhevedzano yeNharireyomurindi yo“Upenyu hwaJesu Noushumiri”?

17 Naizvozvo, nhevedzano yo“Upenyu hwaJesu Noushumiri,” iyo yakavamba muzvinyorwa zvinotevedzana zveNharireyomurindi kuvamba muna April 1985 kusvikira kuna June 1991, haina kugovera bedzi mufananidzo wakaisvonaka womunhu Jesu asiwo yakadzidzisa zvakawanda zvikuru pamusoro paBaba vake vokudenga, Jehovha Mwari. Pashure pamativi ayo maviri okutanga, mumwe mushumiri piona akanyorera Watch Tower Society mukuonga, achiti: “Inzira iri nani zvikuru zvakadini yokuswedera nayo pedyo zvikuru naBaba inopfuura kusvika pakuziva Mwanakomana zviri nani!” Ikoko ndokwechokwadi sei! Tarisiro huru yaBaba nokuda kwavanhu uye rupo rwavo zvinoratidzirwa muupenyu hwoMwanakomana.

18. Ndiani ari Muvambi weshoko roUmambo, uye Jesu akabvuma sei ikoku?

18 Rudo rwaJesu nokuda kwaBaba vake, sorwakaratidzirwa nokuzviisa kwake pasi pokuda kwaBaba vake kwakakwana, zvamazvirokwazvo rwakaisvonaka kucherekedza. “Handiiti chinhu ndimene,” Jesu akaudza vaJudha vaitsvaka kumuuraya kudaro, “asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.” (Johane 8:28) Naizvozvo, ipapoka, Jesu akanga asiri muvambi weshoko roUmambo raakaparidzira. Jehovha Mwari akanga ari! Uye Jesu nguva nenguva aipa Baba vake mbiri. “Nokuti handina kureva pachangu,” iye akadaro, “asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. . . . Naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa naBaba.”—Johane 12:49, 50.

19. (a) Tinoziva sei kuti Jesu akadzidzisa nenzira iyo Jehovha anoita nayo? (b) Neiko Jesu akanga ari munhu mukurusa ati amborarama?

19 Bva, Jesu haana kungotaura chete kana kuti kudzidzisa izvo Baba vakamuudza. Akaita zvakawanda zvikuru. Akazvitaura kana kuti akazvidzidzisa munzira iyo Baba vaizodai vakataura kana kuti vakadzidzisa nayo. Kupfuurirazve, muyose yemibato yake noukama, akazvibata uye akaita seizvo Baba vaizozvibata nokuita mumigariro mimwe cheteyo. “Mwanakomana haangoni kuita chinhu oga,” Jesu akatsanangura kudaro, “kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.” (Johane 5:19) Munzira iri yose, Jesu akanga ari mufananidzo wakakwana waBaba vake, Jehovha Mwari. Naizvozvo hakushamisi kuti Jesu akanga ari munhu mukurusa ati amborarama! Zvirokwazvo, ipapoka, kunokosha zvikuru kuti tisanorangarira uyu munhu anokosha zvikurusa!

Rudo rwaMwariRunooneka Muna Jesu

20. Muapostora Johane aigona sei kuziva kuti “Mwari rudo”?

20 Chii zvikurukuru chatinodzidza kupfurikidza nefundo huru, yokungwarira youpenyu noushumiri zvaJesu? Eya, muapostora Johane akabvuma kuti “hakuna munhu akaona Mwari.” (Johane 1:18, NW) Kunyanguvezvo, Johane akanyora nechivimbo chakakwana pana 1 Johane 4:8, kuti: “Mwari Rudo.” Johane aigona kutaura ikoku nemhaka yokuti aiziva rudo rwaMwari kupfurikidza nezvaakanga aona muna Jesu.

21. Chii pamusoro paJesu chakamuita munhu mukurusa ati amborarama?

21 Kufanana naBaba, Jesu ainzwira urombo, aiva nomutsa, aizvininipisa, uye aisvikika. Vasina simba navakadzvinyirirwa vainzwa vachizorodzwa naye, sezvakaita vanhu vamarudzi ose—varume, vakadzi, vana, vapfumi, varombo, vane simba, uye vatadziwo vaizivikanwa. Zvamazvirokwazvo, wakanga uri zvikurukuru muenzaniso mukuru waJesu worudo, mukutevedzera Baba vake, wakamuita munhu mukurusa ati amborarama. Kunyange Napoléon Bonaparte uyo sezvinoshumwa akati: “Alexander, Kesari, Charlemagne, uye ini ndimene takatanga umambo, asi takaisa mabasa edu ounyanzvi pachii? Pasimba. Jesu Kristu oga akavakira umambo hwake parudo, uye pazuva rino mamirioni avanhu aizomufira.”

22. Chii chakanga chiri chakasiana pamusoro pedzidziso dzaJesu?

22 Dzidziso dzaJesu dzakanga dzakasiana zvikuru. “Musadzivisa wakaipa,” Jesu akakurudzira kudaro, “asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.” “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.” ‘Itai kuna vamwe sezvamaizoda kuti ivo vaite kwamuri.’ (Mateo 5:39, 44; 7:12) Nyika yaizova yakasiana sei kudai munhu ari wose aishandisa idzi dzidziso huru zvikuru!

23. Jesu akaiteiko kuorora mwoyo ndokusunda vanhu kuita zvakanaka?

23 Mifananidzo, kana kuti mienzanisiro, yaJesu yakatapura mwoyo, ichisunda vanhu kuita zvakanaka uye kudzivisa zvakashata. Ungayeuka nhau yake inosanozivikanwa yomuSamaria anozvidzwa uyo akabetsera munhu akakuvadzwa werimwe dzinza apo vanhu vakanaka vedzinza romunhu iyeyo amene vaisakwanisa. Kana kuti nhau pamusoro pababa vanonzwira tsitsi, vanokanganwira nomwanakomana wavo anopambadza. Uye zvakadiniko nouyo uri pamusoro pamambo akakanganwira muranda chikwereti chamadhenari ana mamirioni 60, bva muranda wacho akatenderuka uye akaita kuti muranda biyake akandirwe mutorongo uyo akanga asingakwanisi kuripa chikwereti chamadhenari ane 100 bedzi? Nemienzanisiro yakapfava, Jesu akaita kuti zviito zvoudyire namakaro zvive zvinosembura uye mabasa orudo nengoni zvive zvinofadza kwazvo!—Mateo 18:23-35; Ruka 10:30-37; 15:11-32.

24. Neiko tichigona kutaura kuti Jesu nenzira isingapanikirwi akanga ari munhu mukurusa ati amborarama?

24 Zvisinei, chakakwevera vanhu zvikuru kuna Jesu nokuvapesvedzera nokuda kwezvakanaka chakanga chiri chokuti upenyu hwake amene hwakaenzana zvakakwana nezvaakadzidzisa. Akashandisa zvaakaparidzira. Akashivirira nenzira yokushivirira zvikanganiso zvavamwe. Apo vadzidzi vake vakaitirana nharo pamusoro paakanga ari mukurusa, akavaruramisa nenzira yomutsa panzvimbo pokuvatuka nehasha. Akashumira nenzira yokuzvininipisa zvinodikanwa zvavo, kunyange kushambidza tsoka dzavo. (Marko 9:30-37; 10:35-45; Ruka 22:24-27; Johane 13:5) Pakupedzisira, akatambura nokudisa rufu runorwadza, kwete bedzi nokuda kwavo, asi nokuda kworudzi rwose rwomunhu! Pasina panikiro, Jesu akanga ari munhu mukurusa ati amborarama.

Waizopindura Sei?

◻ Chibvumikisoi chiripo chokuti Jesu akanga ari munhu chaiyeiye munhau?

◻ Tinoziva sei kuti Jesu akanga ari munhu, bva iye akanga akasiana sei navamwe vanhu vose?

◻ Neiko kufunda upenyu hwaJesu kuri nzira yakanakisisa yokudzidza nayo pamusoro paMwari?

◻ Chii chatinogona kudzidza pamusoro porudo rwaMwari kupfurikidza nokufunda pamusoro paJesu?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vaapostora vaJesu vakabvunza mukushamisika, kuti: “Uyu ndianiko chaizvoizvo?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe