Courtesy Jamie Christiani/Bulletin of the Atomic Scientists
RAMBAI MAKAMUKA!
Wachi Inonzi Doomsday Clock Yakawedzera Kufambiswa Kuenda Pedyo na12 Dzeusiku
Musi wa27 January 2026, nyanzvi dzesainzi dzakawedzera kufambisa wachi inonzi Doomsday Clocka vachiiendesa pedyo na12 dzepakati peusiku. Vanoti nguva dzepakati peusiku idzi dzinomiririra kuparadzwa kwenyika zvachose zvichikonzerwa nevanhu.
“Sangano rinonzi Bulletin of the Atomic Scientists Science and Security Board rafambisa wachi inonzi Doomsday Clock vachiisa pekuti kwangosara masekonzi 85 kuti isvike pana 12 dzepakati peusiku. Wachi iyi yainge isati yambofambiswa kusvika apa, zvichiratidza kuti pasara nguva shoma shoma kuti vanhu vaparadze nyika zvachose.”—Bulletin of the Atomic Scientists.
“Nyanzvi dzesainzi dziri kushandisa wachi inonzi Doomsday Clock kutiudza kuti pane zvinhu zviri kuitika munyika zvinogona kuparadza nyika zvachose uye kuti vanhu havasi kuda kushanda pamwe chete kuti vazvigadzirise. Vari kutiwo zvinhu zviri kungoramba zvichiwedzera kuipa. Vanhu vanofanira kusiya zvavari kuita uye vanotozvikwanisa, asi kuti zviitike, vanotofanira kuudza vatungamiriri vavo zvine simba kuti vaone zvekuita nekukurumidza.”—Alexandra Bell, mutungamiri wesangano reBulletin of the Atomic Scientists.
Nyika nevanhu vanogara pairi zvava pedyo kuparara here? Tinofanira kutya zvinhu zvichaitika mune ramangwana here? Bhaibheri rinoti kudii?
Zvichange zvakaita ramangwana
Bhaibheri rinoti “nyika inoramba iripo nekusingaperi” uye pachange paine vanhu “vachagara mairi nekusingaperi.” (Muparidzi 1:4; Pisarema 37:29) Saka vanhu havasi kuzoparadza nyika kana kuita kuti isagarika.
Asi Bhaibheri rinotaura nezvemugumo. Semuenzaniso, rinoti “nyika iri kupfuura.”—1 Johani 2:17.
Kuti uzive zvinenge zvichirehwa neBhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika verenga nyaya yakanzi “Nyika Yava Pedyo Kuguma Here? Chii Chinonzi Apocalypse?”
Kuti uzive zvinhu zvinoratidza kuti nyika yava kuda kuguma, verenga nyaya yakanzi “Nyika Ichaguma Riini?”
Ramba uine tariro
Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro pasinei nematambudziko atiri kuona munyika. Rinotibatsira sei?
Bhaibheri rinotipa mazano anoshanda. (2 Timoti 3:16, 17) Semuenzaniso, verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo” kuti uone kuti Bhaibheri rinokubatsira sei kuti urambe uine tariro pasinei nematambudziko eupenyu.
Bhaibheri rinotiudza kuti ramangwana richange rakanaka. (VaRoma 15:4) Rinotiudza zvakajeka zvinhu zvatiri kutarisira iye zvino uye mune ramangwana, uye izvi zvinotibatsira kuti tisatya pasinei nezvingaitika munyika.
Kuti unyatsobatsirwa neBhaibheri tinokukurudzira kuti uite kosi yeBhaibheri uchibatsirwa nemumwe munhu.
a “Wachi inonzi Doomsday Clock yakagadzirwa kuti iyambire vanhu kuti vava pedyo zvakadii nekuparadza nyika nezvinhu zvavari kugadzira. Ingori nzira yekuyeuchidza vanhu zvavanofanira kugadzirisa nekukurumidza kana vachida kuramba vari vapenyu.”—Bulletin of the Atomic Scientists.