Vanhu Vachakwanisa Kuita Kuti Panyika Pave Nerunyararo Here?
Hondo nekurwisana hazvisi kupera panyika. Izvi zviri kuita kuti Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations) nemamwe masangano vatumire vamiririri vavo kunzvimbo dzinenge dziine hondo vachiitira kuchengetedza runyararo. Vanenge vachitarisira kuti vachadzikamisa zvinhu munzvimbo idzodzo. Secretary-General weUnited Nations, António Guterres akati: “Basa rekuchengetedza runyararo rinoitwa nevamiririri veUnited Nations ndiro rinonyanya kukosha pakuita kuti pave nerunyararo pasi rese.”
Kwemakore akawanda, zvaiitwa pakuchengetedza runyararo zvaimbobudirira dzimwe nguva. Semuenzaniso, zvakabatsira pakuchengetedza vanhu vanenge vari munzvimbo dziri kurwiwa, pakudzorera vapoteri kunyika dzavo, pakuendesa zvinhu zvekuyamura uye pakugadzirisa migwagwa nezvimwewo zvinenge zvaparadzwa nehondo. Asi panewo matambudziko akakura anogona kuita kuti basa rekuchengetedza runyararo risanyatsobudirira. Pane zvinogona kuitwa kuti panyika panyatsova nerugare here? Bhaibheri rinoti kudii?
Matambudziko pakuchengetedza runyararo uye zvinotaurwa neBhaibheri
Dambudziko: kusada kushanda pamwe chete. Hazvisi nyore nguva dzese kuita kuti masangano akawanda emunyika dzakasiyana-siyana, echiuto uye asiri echiuto ashande pamwe chete akabatana. Chimwe chinogona kuita kuti zviome ndechekuti vanenge vasiri kunzwisisana uye zvinangwa zvavo zvinenge zvakasiyana.
Bhaibheri rinoti dambudziko racho richagadziriswa sei? ‘Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo uye huchagumisa umambo hwese uhwu [kureva hurumende dzevanhu], uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.’—Dhanieri 2:44.
Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achagumisa hondo dzese oita kuti nyika yese ive nerunyararo. (Pisarema 46:8, 9) Achabvisa hurumende dzese dziri panyika oita kuti pave nehurumende imwe chete inonzi Umambo hwaMwari. Kana Umambo ihwohwo hwava kutonga, pasi rese panenge pasisina kurwisana, saka panenge pasisadiwe masangano anochengetedza runyararo.
Dambudziko: kusava nezvekushandisa zvakakwana. Dzimwe nguva, masangano anochengetedza runyararo anotadza kunyatsobudirira nekuti hapasi pese paanenge aine vashandi vakakwana, mari yakakwana uyewo zvimwe zvinhu zvinodiwa zvakakwana pakuita basa racho. Pamwe pacho vashandi vacho vanoshandira munzvimbo dzine ngozi uye mumamiriro ezvinhu anenge akaoma kugadzirisa.
Bhaibheri rinoti dambudziko racho richagadziriswa sei? ‘Mwari waShe wedu Jesu Kristu, akaita kuti Jesu agare kuruoko rwake rwerudyi munzvimbo dzekudenga, kumusorosoro kwehurumende dzese, nevanhu vane chiremera, nemasimba.’—VaEfeso 1:17, 20, 21.
Mwari Wemasimbaose, Jehovha,a akagadza Jesu saMambo akamupa zvese zvaanoda kuti abudirire kutonga muUmambo hwake. (Dhanieri 7:13, 14b) Mwari akapa Jesu simba, ruzivo, uchenjeri uye kunzwisisa zvakapfuura zvine masangano kana hurumende chero ipi zvayo. (Isaya 11:2) Jesu anoshandawo nengirozi dzine simba. (Zvakazarurwa 19:14) Hapana zvinganzi zvakaomera Jesu.
Jesu achashandisa simba nezvese zvaakapiwa naMwari kuti aite zvakawanda zvinopfuura kungopedza hondo. Achaita kuti munhu wese anenge achitongwa neUmambo hwaMwari agare murunyararo, akachengeteka uye aine rugare.—Isaya 32:17, 18.
Dambudziko: mitemo inorambidza zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva, vaya vanotumwa kunoita basa rekuchengetedza runyararo vanotadza kunyatsoita basa ravo nekuti panenge paine mitemo isina kunyatsojeka kana kuti inovarambidza kuita zvimwe zvinhu kana kuenda kune dzimwe nzvimbo. Saka vanobva vatadza kubatsira vamwe vanhu uye kuita zvese zvavanenge vakaronga.
Bhaibheri rinoti dambudziko racho richagadziriswa sei? Jesu “akapiwa masimba ese kudenga nepanyika.”—Mateu 28:18.
Mwari akanyatsopa Jesu murayiro wakajeka kuti aite kuti pave nerunyararo pasi rese uye akamupa masimba ese kuti akwanise kuzviita. (Johani 5:22) Jesu haazomboiti zvisina kururama, uye haazombovi neuori. (Isaya 11:3-5) Ndokusaka Bhaibheri richidana Jesu kuti “Muchinda weRugare,” uye richitaurawo kuti Umambo hwake ‘huchatonga zvakanaka uye zvakarurama.’—Isaya 9:6, 7.
Umambo hwaMwari huchaita kuti pave nerunyararo rwechokwadi
Masangano anochengetedza runyararo anogona kuita kuti zvinhu zviti dzikamei uye hondo dzimbomira mune dzimwe nzvimbo. Asi haagoni kubvisa ruvengo rwuri mumwoyo yevanhu, urwo runoita kuti vanhu varwisane.
“Dambudziko guru riripo nderekuti tiri kuda kuchengetedza runyararo rusina kumbobvira rwavapo.”—Dennis Jett, former U.S. ambassador.
Asi Umambo hwaMwari hunotoita kuti pave nerugare nekuti hunobatsira vanhu kuti vabvise ruvengo mumwoyo yavo. Semuenzaniso, paaiva panyika Jesu akadzidzisa vateveri vake nezvaaiita uye zvaaitaura kuti vangaita sei kuti pave nerugare uye kuti vangaratidza sei vamwe rudo:
Jesu akataurawo kuti vaya vanotongwa neUmambo hwaMwari vaizozivikanwa nekuratidza vamwe rudo. Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti vaya vanovenga vamwe vanhu havazobvumidzwi kurarama vachitongwa neUmambo hwaMwari:
Jehovha Mwari, uyo akasika vanhu anoziva nzira yakanakisisa uye imwe chete yekuita kuti panyika pese pave nerunyararo. Umambo hwake huchakwanisa kuita zvakatadzwa nevanhu, kusanganisira masangano anochengetedza runyararo.
a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”
b Pana Dhanieri 7:13, 14, ari kunzi “mwanakomana wemunhu” ndiJesu Kristu.—Mateu 25:31; 26:63, 64.