RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 5/8 p. 3
  • Ko Nyika Isina Hondo Inobvira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Nyika Isina Hondo Inobvira Here?
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chichaitika Kuhondo Mune Remangwana?
    Mukai!—1999
  • Gadziriro Dzomunhu Dzechengeteko Yamarudzi Ose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Makore Enhamburiko Dzakavhiringidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 5/8 p. 3

Ko Nyika Isina Hondo Inobvira Here?

FUNGIDZIRA usingachatongoonizve kana kuti kutambura hondo chaiyoiyo nemigumisiro yayo inotyisa. Fungidzira usingachatongonzwi kurira kwepfuti kana kuti mabhomba, usingachatongotariri mhomho yavapoteri vodokuziya vari kutiza, usingachatongoshamisiki kana iwe kana kuti mudiwa achafira mune kumwe kurwisana kwoutsinye uye kusina maturo. Kwaizova kwakaisvonaka sei kurarama munyika isina hondo!

‘Haisi kariro ingabvira,’ ungadaro. Bva, chiono chenyika ine rugare chaive chakajeka kwazvo makore mashomanene chete akapfuura. Muna 1990 na1991, vazhinji vakanga vachiti marudzi akanga ava pamavambo penhambo itsva yokuchengeteka nebatira pamwe. Achiratidza murangariro wevazhinji wenguva idzodzo, George Bush, uyo akanga ari purezidhendi weUnited States ipapo, akataura kakawanda pamusoro pe“nhevedzo yenyika itsva” iri kuuya.

Nei kwakanga kune tariro? Rwisano Yepfungwa Dzakasiyana yakanga yasvika pamugumo. Kweanopfuura makore 40, tyisidziro yehondo yenyukireya yakanga yakarembera nenzira inotyisa parudzi rwomunhu kufanana nemunondo wakarembedzwa neshinda nhete. Asi nokufa kweChikomonizimo nokuputsika kweSoviet Union, tyisidziro yoruparadziko rukuru nenyukireya yairatidzika kuva yakanyangarika. Nyika yakatura mafemo.

Kwakanga kune chimwe chikonzero chikuru nei vanhu vairangarira remangwana nechivimbo, uye chikonzero nei vazhinji vachiri kudaro. Kwemakumi mana emakore rwisano pakati peMabvazuva neMadokero yakanga yaita Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose nzanga yekakavadzano. Asi mugumo weRwisano Yepfungwa Dzakasiyana wakasunungura UN kuita zvayakaumbirwa kuti iite—kushandira rugare rwamarudzi ose nokuchengeteka.

Mumakore mashomanene apfuura UN yakasimbisa nhamburiko dzokudzivisa hondo. Rakashongedzerwa nemauto anobva munyika dziri mitezo, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakatanga mibato yokuchengeta rugare yakawanda mumakore 4 akatangira 1994 kupfuura mumakore 44 akapfuura. Vanhu vasiri varwi nevemauto vanenge 70 000 vakabatira mumibato 17 munyika yose. Mumakore maviri chete, ndyiko dzokuchengeta rugare dzakawanda kupfuura kupeta kaviri kusvika kumabhiriyoni 27,7 emadhora muna 1994.

Boutros Boutros-Ghali, munyori mukuru weUN, akanyora nguva pfupi yapfuura, kuti: “Kune zviratidzo zvokuti gadziriro yokuchengeteka kwokushanda pamwe yakavambwa muSan Francisco anenge makore 50 akapfuura [pakuvambwa kweUN] yave kuvamba kushanda pakupedzisira sezvaive zvagara zvakarongwa . . . Tiri munzira inotungamirira kukuwana gadziriro inoshanda yemarudzi ose.” Pasinei zvapo neizvi zviitiko, chiono chenhevedzo yenyika itsva chinopera nokukurumidza. Chii chakaitika kuti chidzikatidze tariro dzenyika isina hondo? Kune chikonzero here chokudavira kuti tichazomboona rugare rwenyika yose? Nyaya dzinotevera dzicharangarira mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Ndege dzehondo: USAF photo

Pfuti dzinopfura ndege: U.S. National Archives photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe