DZIDZA KUBVA KUNA JESU
Pasi Rese Pachava Nerunyararo
Munhu wese anoda kurarama munyika ine runyararo. Kubvira kare, vatungamiriri venyika vanga vachiedza kupedza hondo uye kuita kuti panyika pave nerunyararo. Zvavanoedza kuita zvinombobudirira kwekanguva asi kakawanda kacho vanhu vanozotangazve kurwa. Pasi rese pachazombova nerunyararo here? Hongu! Ngatimboonai zvichaitwa naJesu uye zvaakadzidzisa.
Zvichaitwa naJesu
Bhaibheri rinotiudza zvinhu zvava pedyo kuitwa naJesu kuti pasi rese pave nerunyararo.
‘Jesu achanzi . . . Muchinda weRugare. Utongi hwake huchangoramba huchikura uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo.’ (Isaya 9:6, 7) SaMambo weUmambo hwaMwari, Jesu achaita kuti pasi rese pave nerunyararo nekusingaperi.
“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa . . . uye munhu wese asina mubatsiri.” (Pisarema 72:12-14) Jesu achashandisa simba rake kuita kuti munhu wese abatwe zvakanaka. Izvi zvichaita kuti kurwisana, uye hondo nekutambura zvipere.
“Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzi kurwa zvakare.” (Isaya 2:4) Kana Jesu ava kutonga munhu wese achadzidza kuva nerugare nevamwe.
Kuti unzwe zvichaitwa naJesu kuti panyika pave nerunyararo uyewo zvaungaita kuti uzovapowo panguva iyoyo, ona vhidhiyo pfupi yakanzi Umambo hwaMwari Chii?
Zvakadzidziswa naJesu
Mazuva ano, zvakadzidziswa naJesu zviri kutobatsira mamiriyoni evanhu kuti agare nevamwe zvakanaka. Mumharidzo yake Yepagomo, Jesu akataura zvinhu zvinogona kubatsira vanhu kuti vagarisane zvakanaka. Inzwa zvimwe zvacho.
“Vanofara vanoita kuti pave nerugare.” (Mateu 5:9) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti havafaniri kungogumira pakudzivisa kunetsana nevamwe asi kuti vanofanira kuyanana kana vasiri kuwirirana.
“Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Jesu akakurudzira vateereri vake kuti vanofanira kukurumidza kugadzirisa zvinhu kana vasiri kuwirirana. Akataurawo kuti kana vachida kuva shamwari dzaMwari vanofanira kunge vaine rugare nevamwe.
“Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mateu 7:1) Jesu akadzidzisa kuti kutonga vamwe kana kuvatarisira kuti vaite zvinhu zvatisingaiti isu kunowanzokonzera kuti vanhu vanetsane. Uyewo akataura kuti tinofanira ‘kuramba tichiregerera” vamwe pane kungoisa pfungwa pane zvavanokanganisa.—Ruka 6:37.
Pane vanhu vakawanda vari kuita zvakadzidziswa naJesu. Kunyange zvazvo vari munzvimbo dzakazara hondo nekurwisana, ivo vari kudzidza kugadzirisa kusawirirana murugare, kuregerera vamwe, uye kuratidza rudo vanhu vese kunyange vaya vanenge vachivabata zvisina kunaka.
Kuti unzwe kuti zvakadzidziswa naJesu zvakabatsira sei vamwe kuti vave nerugare, verenga nyaya yakanzi “Ungaramba Sei Wakadzikama Pasinei Nehondo Uye Kurwisana Kuri Kuitika?”