Top left: Marek M. Berezowski/Anadolu Agency via Getty Images; bottom left: Halfpoint Images/Moment via Getty Images; center: Zhai Yujia/China News Service/VCG via Getty Images; top right: Ismail Sen/Anadolu Agency via Getty Images; bottom right: E+/taseffski/via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
2023 Raiva Gore Rekushushikana Mupfungwa—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Mugore ra2023 makaitika zvinhu zvakawanda pasi rese zvinonyatsoratidza kuti zvechokwadi tiri kurarama mune anonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Cherechedza kuti zviri kuitika mazuva ano zvinoenderana sei nezvakanga zvagara zvataurwa neBhaibheri.
Zvinotaurwa neBhaibheri Uye Zviri Kuitika Pasi Rese
“Hondo nemashoko pamusoro pehondo.”—Mateu 24:6.
“Kurwisana kuri kuramba kuchiwedzera munzvimbo dzakawanda pasi rese.”a
Ona nyaya yakanzi “Ndiani Achachengetedza Vanhu Vasiri Muchiuto?” uye yakanzi “Hurumende Dzepasi Rese Dzakashandisa Mari Inopfuura USD2 Trillion Pazvinhu Zvehondo.”
“Kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.”—Mako 13:8.
“Kubva zvatanga gore ra2023, paitika kudengenyeka kwenyika kwakasimba chaizvo kunosvika 13. Iyi inhamba yakakura chaizvo kana tichienzanisa nemamwe makore.”b
Ona nyaya yakanzi “Kudengenyeka Kwenyika Kwakakura muTurkey nemuSyria.”
“Zvinhu zvinotyisa.”—Ruka 21:11.
“Kunze kwaimbopisa; asi iye zvino kwava kuita kubvira.”—António Guterres, UN secretary-general.c
Ona nyaya yakanzi “Kunze Kuri Kupisa Zvakanyanya Muna 2023.”
“Nzara.”—Mateu 24:7.
“Gore ra2023 raiva rimwezve gore raishungurudza kune vaya vakanga vagara vachitoomerwa nekuriritira mhuri dzavo.”d
Ona nyaya yakanzi “Nzara Kwese Kwese Panyika Zvichibva Pahondo Uye Kushanduka Kwemamiriro Ekunze.”
“Nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.”—2 Timoti 3:1.
“Munhu mumwe chete pavanhu 8 vega vega vari panyika ane chirwere chekushungurudzika mupfungwa.”e
Ona nyaya yakanzi “Nhamba Yevana Vari Kuyaruka Vari Kubatwa Nezvirwere Zvepfungwa Iri Kuwedzera.”
Chii chatingatarisira muna 2024?
Hapana anonyatsoziva zvichaitika mugore ra2024. Asi zviri kuitika panyika zvinoratidza kuti munguva pfupi iri kutevera Umambo hwaMwari, kana kuti hurumende yekudenga, ichabvisa hurumende dzese dziri panyika nezvinhu zvese zviri kuita kuti vanhu vatambure uye vashushikane.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:4.
Asi pari zvino, kana tikashushikana mupfungwa, tinogona kuvimba naMwari kuti atibatsire. Bhaibheri rinoti:
“Pandinenge ndichitya, ndinovimba nemi.”—Pisarema 56:3.
Tingaratidza sei kuti tinovimba naMwari? Tinokukumbira kuti unzwe zvakawanda nezvemashoko ari muBhaibheri anotivimbisa kuti kutambura kwese kuchapera mune ramangwana. Tinokukurudzira kuti uite kosi yeBhaibheri yatinoitisa kuti unzwe zvakawanda nezvekuti vimbiso dziri muBhaibheri dzingakubatsira sei pamwe chete nemhuri yako.
a Foreign Affairs, “A World at War: What Is Behind the Global Explosion of Violent Conflict?” by Emma Beals and Peter Salisbury, October 30, 2023.
b Earthquake News, “Year 2023: Number of Major Earthquakes on Course for Record,” May, 2023.
c United Nations, “Secretary-General’s Opening Remarks at Press Conference on Climate,” July 27, 2023.
d World Food Programme, “A Global Food Crisis.”
e World Health Organization, “World Mental Health Day 2023,” October 10, 2023.