Justin Paget/Stone via Getty Images
Vanhu Vakawanda Vari Kusurukirwa—Ungaitei Kuti Usanyanya Kusurukirwa?
“Inenge hafu yevanhu vakuru vekuUnited States yakati vanonzwa kusurukirwa, uye dambudziko iri riri kunyanya kubata vaya vari pakati pemakore 18 ne25.”—Our Epidemic of Loneliness and Isolation: The U.S. Surgeon General’s Advisory on the Healing Effects of Social Connection and Community, 2023.
Chikamu cheSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese chinoona nezveutano, “[The World Health Organization] chakaita kuti pave neboka revanhu vanoita basa rekutsvakurudza nezvedambudziko rekusurukirwa, kutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko racho munyika dzese pasinei nekuti dzakapfuma kana kuti hadzina, uye kukurudzira vanhu kuti vave neushamwari nevamwe.”—World Health Organization, 15 November, 2023.
Bhaibheri rinotipa mazano anoshanda anotibatsira kuti tive neushamwari nevamwe, izvo zvichaita kuti tisasurukirwa.
Mazano eBhaibheri anobatsira panyaya iyi
Deredza uwandu hwezvinhu zvaunoita uri wega. Zvinhu izvozvo zvinosanganisira kuita nguva yakawandisa uri pasocial media. Tsvaga mikana yekuva pamwe chete nevamwe vanhu, izvo zvichakubatsira kuti uve neshamwari dzechokwadi.
Zano reBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Tsvaga mikana yekubatsira vamwe. Kuitira vamwe vanhu zvinhu zvakanaka kunotibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu navo uye tifare.
Zano reBhaibheri: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Enda pawebsite yedu kuti uwane mamwe mazano eBhaibheri anokubatsira kuti uve neushamwari hwakanaka nevamwe.