Ismail Sen/Anadolu Agency via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Kudengenyeka Kwenyika Kwakakura muTurkey nemuSyria—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Musi weMuvhuro 6 February 2023, muTurkey nemuSyria makaitika kudengenyeka kwenyika kwakakura.
“Musi weMuvhuro, vanhu vanopfuura 3 700 vakafa pakaitika kudengenyeka kwenyika kwakakura muTurkey uye kuchamhembe kwakadziva kumavirazuva kweSyria. Kwaitonhorawo zvisingaiti, izvo zvakaita kuti zviuru zvevanhu vakanga vasisina pekugara nevakanga vakuvara vatowedzera kuomerwa. Chando ichocho chakaitawo kuti zvitowedzera kuomera vaya vaiedza kuyamura vanhu.”— Reuters, 6 February 2023.
Tinorwadziwa zvikuru patinoverenga nezvenjodzi dzakadaro. Panguva dzakadai, tinongotarisa kuna Jehovha, “Mwari wekunyaradza kwese.” (2 VaKorinde 1:3) ‘Anotinyaradza achishandisa Magwaro kuitira kuti tive netariro.’—VaRoma 15:4.
MuBhaibheri, tinodzidza:
Zvakagara zvataurwa nezvekudengenyeka kwenyika.
Kwatinogona kuwana nyaradzo uye tariro.
Zvichaitwa naMwari kuti abvise kutambura.
Kuti unzwe zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya idzi, verenga nyaya dzakanzi:
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.