RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 32
  • Kana Mwana Achida Kuzviuraya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Mwana Achida Kuzviuraya
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei vabereki vachifanira kunetseka nezvenyaya yekuzviuraya kwevana?
  • Mungaziva sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?
  • Mungaita sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 32
Musikana ari kumazera ekuyaruka akagara akatarisa pasi achiratidza kuti haana tariro.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kana Mwana Achida Kuzviuraya

Mumakore achangobva kupfuura nhamba yevechidiki vari kuzviuraya iri kuramba ichiwedzera zvakanyanya mune dzimwe nyika. Chii chiri kuita kuti zvidaro? Mwana wenyu angavawo aine pfungwa dzekuda kuzviuraya here?

Zviri munyaya ino

  • Nei vabereki vachifanira kunetseka nezvenyaya yekuzviuraya kwevana?

  • Mungaziva sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?

  • Mungaita sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?

Nei vabereki vachifanira kunetseka nezvenyaya yekuzviuraya kwevana?

Kubva muna 2009 kusvika muna 2019, nhamba yevana vari kusekondari vane zviratidzo zvechirwere chedepression yakawedzera ne40% muUnited States. Nhamba yevanhu vaizviuraya yakawedzerawo panguva iyoyo.a

“Vechidiki mazuva ano vari kusangana nematambudziko asina kumbosanganikwa nawo kare . . . Matambudziko aya ari kukonzera kuti vave nezvirwere zvepfungwa.”—Vivek H. Murthy, U.S. Surgeon General.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kusuruvara kunopedza simba remunhu.”—Zvirevo 17:22.

Mungaziva sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?

Funga nezvezvinhu zvinotevera.

  • Zvakaitika. Mwana wenyu ane here zvinhu zvinorwadza zvaakasangana nazvo zvakadai sekurambana nemumwe munhu, kufoira, kukundikana kuita zvimwe zvinhu kana kuti kufirwa nemumwe munhu waanoda? Kana zviripo, zvinhu izvozvo hazvisi kumukanganisa zvakanyanya here kupfuura zvamungava muchifunga?

  • Maitiro Ake. Mwana wenyu haachashamwaridzani nevanhu vaaimbotamba navo here kana kutandara nevamwe vemumhuri? Haachanakidzwi nekuita zvinhu zvaaimbofarira here? Akagova zvinhu zvake zvaaikoshesa here?

  • Zvaanotaura. Mwana wenyu ari kutaura nezvekufa here kana kutaura mashoko akadai sekuti, “Dai ndafa hangu?” Anombotaura here nezvekuti haachadi kuramba achikuremedzai?

    Ichokwadi kuti mamwe mashoko aanotaura anogona kunge angori ‘mashoko ekuvhurumuka.’ (Jobho 6:3) Asi zvimwe zvacho zvinogona kunge zvichitoratidza kuti ari kutoda kubatsirwa. Saka kana mwana wenyu akataura chero chinhu chine chekuita nekuzviuraya, musangosiya zvakadaro.

Edza izvi: Taurai nemwana wenyu. Munogona kumubvunza kuti, “Wakambofunga nezvekuda kuzviuraya here?” Kumubvunza hakuiti kuti abve atotanga kufunga nezvekuda kuzviuraya.

Kana mwana wenyu akati akambofunga nezvekuda kuzviuraya munogona kumubvunza kuti, “Saka wakatofunga here kuti ndiriini pauchazviita uye kuti uchazviita sei?” Zvaachataura zvichakuratidzai kuti mwana wenyu ari kuda rubatsiro nekukurumidza zvakadii.

“Sevabereki tinogona kusada kubvunza vana vedu mibvunzo nekuti tinenge tichitya kunzwa zvavachataura. Asi zviri nani kuti vataure kuitira kuti tigare tichiziva kuti vari kunzwa sei.”—Sandra.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.”—Zvirevo 20:5.

Mungaita sei kana mwana wenyu aine pfungwa dzekuda kuzviuraya?

  • Ivai nemwoyo murefu uye edzai kuziva zviri mupfungwa nemumwoyo memwana wenyu. Tangai nekumutenda kuti akubudirai pachena. Munogona kubva mazoti: “Ndiri kuda kunzwisisa zviri kuitika muupenyu hwako uye kuti zviri kuita kuti unzwe sei. Ungandiudzawo here kuti zvii zvanga zvichiitika?” kana kuti, “Nditsanangurirewo kuti uri kunzwa sei”

    Amai vari kunyaradza mwanasikana wavo akaora mwoyo.

    Nyatsoteererai uye ivai nemwoyo murefu mwana wenyu paanenge achitaura. Musataura kuti manzwiro ake haakoshi uye musakurumidza kumupa mazano ekuti angagadzirisa sei matambudziko aari kusangana nawo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidza kuteerera, nonoka kutaura, uye nonoka kutsamwa.’—Jakobho 1:19.

  • Rongai kuti mungamubatsira sei. Batsirai mwana wenyu kuti acherechedze zvinhu zvinotevera uye azvinyore pasi:

    Kuona matangiro azvinoita. Zvii zvaanga achiita kana kuti achifunga nezvazvo paanga asati atanga kufunga nezvekuzviuraya?

    Zvinhu zvinogona kumubatsira. Zvinhu zvipi zvaangaita zvinogona kumubatsira kuti asanyanya kunetseka kana kuti zvinogona kubvisa pfungwa dzake panyaya yekuda kuzviuraya?

    Vanhu vanogona kubatsira. Mwana wenyu ane here vamwe vanhu vaanogona kuenda kwavari kana achida rubatsiro. Vanhu vacho vanogona kusanganisira imimi, mumwe munhu mukuru waanovimba naye, chiremba wezvirwere zvepfungwa, kana kuti sangano rine vanhu vakadzidziswa kubatsira vaya vane pfungwa dzekuda kuzviuraya.

    Vabereki vari kunyatsoteerera mwanasikana wavo paari kutaura zviri pamwoyo pake.

    Ronga kuti ungamubatsira sei

    Girobhu

    Zano: Rasai kana kuti musaisa pachena zvinhu zvinogona kushandiswa nemwana wenyu kuzviuraya zvakadai semapiritsi kana mishonga yamakapiwa kwachiremba.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.”—Zvirevo 21:5.

  • Garai makangwarira. Kunyange kana mwana wenyu akatanga kuita sekuti haasisina pfungwa dzekuda kuzviuraya, rambai muchingwarira.

    “Mwanakomana wangu paakandiudza kuti akanga asingachafungi nezvekuda kuzviuraya, ndakafunga kuti dambudziko rake rakanga rapera. Ipapo ndipo pandakakanganisa. Munhu anogona kusangana nerimwe dambudziko rinoita kuti atangezve kufunga nezvekuda kuzviuraya, uye izvozvo zvinogona kungoerekana zvaitika.”—Daniel.

    Amai vakatarisa mwanasikana wavo nepagirazi remumota. Mwanasikana wacho haasi kufara.

    Batsirai mwana wenyu kuti anzwisise kuti manzwiro edu anogara achingochinja-chinja. Rimwe bhuku rinonzi The Whole-Brain Child rinoti: ‘Manzwiro edu akafanana nemamiriro ekunze. Kana mvura ichinaya, hazvina musoro kuti munhu amire panze achinayiwa achiita sekuti hakusi kunaya. Asi hakusiwo kungwara kufunga kuti kucharamba kuchingonaya uye kuti zuva harisi kuzobuda.”

  • Itai kuti mwana wenyu arambe achivimba nemi: Udzai mwana wenyu kuti munomuda uye kuti mucharamba muchimutsigira. Munogonawo kumuudza kuti, “Ndichaita zvese zvandinogona kuti ndikubatsire kutsungirira.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

a Vanhu vakawanda vane chirwere chedepression havazviurayi. Asi pavanhu vakazviuraya, vakawanda vacho vakanga vachirwara nedepression panguva yavakazviuraya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe