RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 27
  • Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mungataura sei nevana nezvekusiyana kwakaita vanhu?
  • Mungatsanangurira sei vana nezvenyaya yerusarura?
  • Zvamungaita kuti muve muenzaniso wakanaka
  • Zvamungaita kana mwana wenyu achisarurwa
  • Apo Madzinza Ose Anogara Pamwe Chete Murugare
    Mukai!—1993
  • Zvinoita Here Kuti Vanhu Vemarudzi Akasiyana Vabatwe Zvakaenzana?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Zvakadini Norudado Rwerudzi?
    Mukai!—1998
  • Kufungira Vamwe Zvisizvo Uye Kusarura—Kuziva Zvinozvikonzera
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 27
Vana amai vaviri vemarudzi akasiyana vakagara pabhenji, vachinyemwerera uye vachikurukura, tukomana twavo tuviri tuchitamba twese.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura

Mwana achiri mudiki chaizvo, anogona kucherechedza kuti vanhu vanoshandisa kusiyana kweruvara rweganda kana rudzi kuti vabate vamwe zvisina kunaka. Mungabatsira sei mwana wenyu kuti asakanganiswa nerusarura rwevamwe? Mungaitei kana akasabatwa zvakanaka nemhaka yeruvara rwake rweganda?

Zviri munyaya ino

  • Mungataura sei nevana nezvekusiyana kwakaita vanhu?

  • Mungatsanangurira sei vana nezvenyaya yerusarura?

  • Zvamungaita kuti muve muenzaniso wakanaka

  • Zvamungaita kana mwana wenyu achisarurwa

Mungataura sei nevana nezvekusiyana kwakaita vanhu?

Zvamunogona kutsanangura. Pasi rese kune vanhu vakasiyana-siyana uye vane tsika dzakasiyana-siyana. Kusiyana uku kunoita kuti vamwe vanhu vabate vamwe zvisina kunaka nemhaka yeruvara rweganda ravo kana maitiro avo.

Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vese vakabva kumunhu mumwe chete. Izvi zvinoreva kuti tese tiri hama nehama.

Rambi.

Zano: Pamunenge muchitaura nevana venyu nezvekusiyana kweruvara kana rudzi rwevanhu, simbisai kufanana kwakaita vanhu pane kunyanya kutaura kusiyana kwavakaita.

“[Mwari] akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete.”—Mabasa 17:26.

“Takaona kuti vana vedu pavanowadzana nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vanogona kuzvionera vega kuti munhu mumwe nemumwe akakodzera kudiwa uye kuremekedzwa.”—Karen.

Mungatsanangurira sei vana nezvenyaya yerusarura?

Zvichatoitika kuti mwana wenyu achanzwa nhau dzinotaura nezvemhosva dzinoparwa zvichikonzerwa neruvengo kana kuti dzine chekuita nerusarura. Mungatsanangurira sei mwana wenyu zvinenge zvichiitika? Mungatsanangura nenzira dzakasiyana-siyana zvichienderana nezera remwana wenyu.

  • Vana vasati vava kuenda kuchikoro. “Vana vadiki vanokoshesa chaizvo nyaya yekubatwa zvakaenzana,” vanodaro Dr. Allison Briscoe-Smith, mumagazini inonzi Parents. “Izvozvo zvinogona kukupai mukana wekutaura navo nezvenyaya yekubatwa zvisina kunaka kunoitwa vamwe vanhu.”

Rambi.

Zano: Tsanangurirai mwana wenyu kuti rusarura haruna kunaka uye kuti harubvumirwi mumhuri yenyu.

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—Mabasa 10:34,35.

  • Vana vasati vava pazera rekuyaruka. Vana vane makore anotangira pa6 kusvika pa12 vanoda chaizvo kuziva uye dzimwe nguva vanobvunza mibvunzo yakaoma chaizvo. Edzai nepese pamunogona kupindura mibvunzo yavo. Taurai nevana venyu nezvezvavanoona kuchikoro uye nezvezvinobudiswa paTV kana paindaneti, uye shandisai mikana iyoyo kuvatsanangurira kuti rusaruraganda rwakaipa.

Rambi.

Zano: Kana munhau mukabuda nyaya inoratidza kutsigira rusarura, bvunzai kuti, “Waizonzwa sei kana ukabatwa saizvozvo?” Pamunoita izvozvo munenge muchitomubatsira kuti adzidze kunzwira vamwe tsitsi.

“Ivai nepfungwa dzimwe chete, muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo, muchizvininipisa.”—1 Petro 3:8.

  • Vana vava pazera rekuyaruka. Vana ava vava pazera rekuti vanokwanisa kunzwisisa nyaya dzakaoma chaizvo. Saka kana mwana wenyu ava pazera rekuyaruka, zvinokupai mukana wakanaka chaizvo wekuti mukurukure naye nyaya dzerusarura dzinobuda munhau.

Rambi.

Zano: Batsirai mwana wenyu kuona kuti rusarura uye kunyange kuurayiwa kwevanhu vemamwe marudzi zvinowanzotangira pakuti vamwe vanenge vachiona sekuti vari nani pane vamwe nemhaka yerudzi rwavo kana ruvara rweganda ravo. Kurukurai nyaya dzakaitika dzinoratidza kuti mashoko eBhaibheri ndeechokwadi ekuti: ‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.

“Vanhu vakuru . . . vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.

“Tinotaura nevana vedu nezvenyaya yerusarura nekuti pane imwe nguva muupenyu hwavo vachasangana narwo pasinei nekuti vanogara kupi. Kana tikasataura nezvenyaya iyi kumba, vanogona kutanga kufunga sezvinoita vamwe vanhu vane rusarura. Vanhu vanogona kuudza vana vedu mashoko enhema uye vovaudza kuti ndeechokwadi.”—Tanya.

Zvamungaita kuti muve muenzaniso wakanaka

Vana vanodzidza nemuenzaniso, saka zvinokosha kuti mungwarire zvamunotaura uye zvamunoita. Semuenzaniso:

  • Munotaura muchitsvinyira kana kuti muchitarisira pasi vanhu vemamwe marudzi here? “Vana venyu vanocherechedza izvozvo uye vanoteerera zvamunotaura vobva vatevedzera zvamunenge muchiita,” rinodaro sangano reAmerican Academy of Child and Adolescent Psychiatry.

  • Munofarira kuva pamwe chete nevanhu vanobva kune dzimwe nyika here? Chiremba wevana anonzi Alanna Nzoma anoti: “Kana uchida kuti vana vako . . . vave neushamwari [hwakanaka] nevanhu vanobva kwakasiyana-siyana, vanofanira kukuona uchiita saizvozvo.”

“Kudzai vanhu vese.”—1 Petro 2:17.

“Tava nemakore akawanda mhuri yedu ichigamuchira vanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana. Takadzidza zvavanodya uye mimhanzi yavo uye kunyange kutopfeka zvavanopfeka. Pataitaura nevana vedu nezvevanhu taisaisa pfungwa paruvara rwavo rweganda kana kuti parudzi rwavo. Uye taisadada netsika dzedu sekuti tsika dzedu dziri nani kupfuura dzevamwe.”—Katarina.

Zvamungaita kana mwana wenyu achisarurwa

Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachitaura nezvekubatwa zvakaenzana, rusarura rwakazara pasi rese. Izvi zvinoreva kuti mwana wenyu anogona kubatwa zvisina kunaka, kunyanya kana rudzi rwake ruchitarisirwa pasi. Kana izvozvo zvikaitika . . .

Amai vakapfugama uye vakambundira mwanasikana wavo. Mwanasikana wavo achangobva kuchikoro uye ari kuchema.

Ongororai zvinenge zvaitika. Munhu wacho aita zvekutoronga here, kana kuti angotaurawo asina kufunga? (Jakobho 3:2) Munhu wacho anotofanira kutaurwa naye nezvezvaaita here kana kuti munogona kungosiya zvakadaro?

Zviri pachena kuti tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa. Bhaibheri rinopa zano rekuti: “Usakurumidza kugumbuka.” (Muparidzi 7:9) Nyaya yerusarura haifaniri kurerutswa, asi izvi hazvirevi kuti pese paunofunga kuti wabatwa zvisina kunaka zvinoreva kuti munhu iyeye anovenga rudzi rwako.

Nyaya imwe neimwe inosiyana, saka ongororai kuti chii chanyatsoitika musati masarudza zvekuita.

“Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese, upenzi uye kuzvinyadzisa.”—Zvirevo 18:13.

Kana mava nemashoko akakwana, zvibvunzei kuti:

  • ‘Zvine zvazvinobatsira mwana wangu here kana akafunga kuti munhu wese ane rusarura uye kuti pese paanobatwa zvisina kunaka imhaka yeruvara rwake rweganda kana rudzi rwake?’

  • ‘Mwana wangu angabatsirwa here nekutevedzera zano reBhaibheri rekuti: “Usava nehanya nemashoko ese anotaurwa nevanhu”?’—Muparidzi 7:21.

“Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

Ko kana munhu wacho atoita zvekuronga? Batsirai mwana wenyu kuona kuti mapinduriro aanoita anogona kuita kuti zvinhu zvive nani kana kuti zvitowedzera kuipa. Dzimwe nguva munhu anotsvinya kana kuti anodenha anenge achida kuona kuti uchaita sei. Pakadaro, zvakanaka kusapindura.

“Kana pasina huni, moto unodzima.”—Zvirevo 26:20.

Ukuwo, kana zvichiita, mwana wenyu anogona kutaura nemunhu wacho. Zvichida mwana wenyu anogona kutaura (zvine rugare) kuti: “Ndinoona sekuti zvawataura (kana kuti zvawaita) hazvina kunaka.”

Ko kana muchida kumhan’ara nyaya yacho? Kana zvichigona kuisa mwana wenyu pangozi, kana kuti nekuda kwechimwewo chikonzero muchiona sekuti nyaya yacho haifaniri kungoregwa yakadaro, inzwai makasununguka kutaura nevakuru vechikoro kana kuti mapurisa kana zvichidiwa.

Kudzokorora: Ndingataura sei nevana vangu nezvenyaya yerusarura?

  • Pamunenge muchitaura nevana venyu nezvevanhu vemamwe marudzi, nyanyai kusimbisa kufanana kwakaita vanhu pane kunyanya kutaura kusiyana kwavakaita.

  • Tsanangurai kuti kusarura hakubvumirwi mumhuri yenyu.

  • Kana munhau mukabuda nyaya inoratidza kutsigira rusarura, bvunzai kuti, “Waizonzwa sei kana ukabatwa saizvozvo?”

  • Tsanangurai kuti rusarura uye kunyange kuurayiwa kwevanhu vemamwe marudzi zvinowanzotangira pakuti vamwe vanenge vachiona sekuti vari nani pane vamwe nemhaka yerudzi rwavo kana ruvara rweganda ravo.

  • Ivai muenzaniso wakanaka. Wadzanai nevamwe vanhu pasinei neruvara rweganda ravo kana rudzi rwavo. Musataura muchitsvinyira vanhu vemamwe marudzi kana kuvatarisira pasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe