RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 132-133
  • Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Ndaida Kuchinja Mararamiro Andaiita
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Zvishamiso Zviviri Zvakaitika Pane Rimwe Gungano Reruwa rokuGeorgia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 132-133

GEORGIA

Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira

Madona Kankia

  • AKABEREKWA MUNA 1962

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1990

  • NHOROONDO YEUPENYU Aimbova mubato rechiCommunist muGeorgia, uye abatsira vanhu vakawanda kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Muna 2015, akapinda kirasi yekutanga yeChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo muTbilisi.

Madona Kankia

PANDAKANZWA nezvechokwadi cheBhaibheri muna 1989, ndaiva nechinzvimbo mubato rechiCommunist mutaundi randakaberekerwa reSenaki, uye ndaiwanzopinda misangano yeSupreme Soviet yeGeorgia, iyo yakangofanana neyatava kuti paramende mazuvano. Paivawo nemukomana ainge avimbisa kundiroora, saka ndainzwa kuti zvinhu zviri kunyatsondifambira muupenyu.

Amai nababa vangu vakaita kuti ndikure ndichida Mwari. Saka ndaitenda kuti kuna Mwari, kunyange zvazvo ndaiva muCommunist. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yangu yese, saka ndakasarudza kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Asi hama neshamwari dzangu, vandaishanda navo uye mukomana wangu havana kubvumirana nezvandakanga ndasarudza.

Zvandakanga ndava kutenda zvakaita kuti ndirambwe nehama dzangu, uyewo zvaisaenderana nebasa rangu rezvematongerwo enyika. Ndakazoona kuti hapana zvandaikwanisa kuita kunze kwekubva pamba, kurambana nemukomana wangu, kusiya basa rangu uye bato rechiCommunist neSupreme Soviet. Pashure pekunge ndabhabhatidzwa, hama dzangu neshamwari vakatowedzera kundishora. Sezvo ndainyanyozivikanwa mutaundi randakaberekerwa, kuva kwangu mumwe weZvapupu zvaJehovha kwakamutsa mutauro, saka ndakatamira kuguta reKutaisi, ndichibva ndatotanga kupayona.

Vanhu pavanondibvunza kuti ndakatamburira zviripo here kuti ndirambe ndiri Chapupu chaJehovha, ndinovaudza ndisingazezi kuti ndiri kunyatsofara nezvandakasarudza. Kunyange zvazvo vabereki vangu vasina kunzwisisa zvandakasarudza kuita, ndinovatenda kuti vakandidzidzisa kuda Mwari nemuvakidzani. Izvi zviri kundibatsira chaizvo muupenyu.

Madona Kankia achidzidzisa mumwe mukadzi Bhaibheri
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe