RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 134-135
  • Rudo Rwechokwadi rwechiKristu Harumboperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Rwechokwadi rwechiKristu Harumboperi
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Nguva Yese Iyi Makanga Muri Kupi?
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 134-135

GEORGIA

Rudo Rwechokwadi rwechiKristu Harumboperi

Igor: Tiri vaviri taipinda neboka reZvapupu raiva mutaundi reTkvarcheli, kuAbkhazia. Sezvo boka redu raiva muungano yaiva kure nemakiromita 85 muguta reJvari, ndaienda kuJvari mwedzi nemwedzi ndichinotora mabhuku ekuti boka redu rishandise. Muna 1992, pashure pekunge Soviet Union yaparara, vanhu vaida kuzvimirira vemunharaunda yeAbkhazia vakaedza kuzviparadzanisa nenyika yeGeorgia. Pakabva pamuka hondo pakati pevapanduki neuto reGeorgia zvikaita kuti zvinhu zviome chaizvo.

Gizo Narmania naIgor Ochigava

Gizo Narmania naIgor Ochigava

Hama mbiri idzi dzakashanda pamwe chete kuti dzibatsire vadzainamata navo panguva yairwiwa hondo munharaunda yeAbkhazia.

Gizo: Ndakabhabhatidzwa ndiine makore 21, pachine gore kuti hondo yacho itange. Payakazotanga, hama dzakabatwa nekutya uye dzainge dzisisazivi kuti dzoita sei basa rekuparidza. Asi Igor, uyo agara ari mufudzi akanaka, akatikurudzira, achiti: “Panguva dzakadai vanhu ndipo pavanenge vachitoda kunyaradzwa. Kana tichida kuramba takasimba pakunamata tinotofanira kuramba tichiparidza.” Saka mazuva ese takaramba tichiudza vavakidzani vedu mashoko anonyaradza ari muShoko raMwari nekungwarira.

Igor: Nemhaka yehondo, taisakwanisa kushandisa nzira yatanga tagara tichishandisa kuenda kuJvari tichinotora mabhuku. Sezvo ndakakurira munharaunda yacho, ndakawana nzira yaifambika zvisina ngozi yaipfuura nemuminda yetii uye mumakomo. Asi ndaigona kungosangana nechikwata chevanhu vakapakata zvombo kana kuti kutsika chimbambaira. Kunyange zvakadaro, ndaisada kuisa upenyu hwehama dzangu pangozi, saka ndaienda ndega kamwe chete pamwedzi. Ndichibatsirwa naJehovha ndakakwanisa kuramba ndichitora zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera izvo zvaizoita kuti tirambe takasimba pakunamata.

Kunyange zvazvo muTkvarcheli maisava nehondo, pasina nguva mutaundi iroro makanga musingachabvumidzwi kupinda kana kubuda kwezvinhu, zvikabva zvaita kuti zvinhu zvitiomere sekunge kuti maiva nehondo. Mwaka wechando zvawakanga wava kusvika, zvekudya zvainge zvava kupera uye tese tainge tava kunetseka kuti taizorarama nei. Takafara chaizvo patakanzwa kuti hama dzedu dzekuJvari dzainge dzaronga kutitumira zvinhu zvekuti tibatsirike nazvo!

Gizo: Rimwe zuva, Igor akakumbira mhuri yedu kuti imba yedu izoshandiswa pakuchengetera zvekudya zvataizotumirwa nehama dzedu. Aironga kunotora zvinhu zvacho kuJvari. Asi tainetseka kuti aizofamba zvakanaka here, nekuti aizofanira kupfuura nemunzvimbo dzakati kuti dzaisechwa zvinhu uye aigona kuzosangana nevanhu vaiva nezvombo kana kuti mbavha.​—Joh. 15:13.

Takaita setichabata denga patakaona Igor achidzoka mumazuva mashoma, pasina kana chainge chamuwana, achitotyaira motokari yainge yakatakura zvekudya zvaizokwana kuti tishandise kusvikira mwaka wechando wapera. Panguva iyoyo zvinhu pazvainge zvakaita manyama amire nerongo, takanyatsozvionera kuti rudo rwechokwadi rwechiKristu harumboperi.​—1 VaK. 13:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe