RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 136-137
  • Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • “Jehovha, Mandiwana!”
    Mukai!—2004
  • Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mibvunzo Mitatu Yakachinja Upenyu Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Aisakwanisa Kurisiya Pasi!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 136-137

GEORGIA

Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!

Pepo Devidze

  • AKABEREKWA MUNA 1976

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1993

  • NHOROONDO YEUPENYU Akakura achipinda chechi yeGeorgian Orthodox uye ainyatsotevedzera zvainodzidzisa. Pashure pekudzidza Bhaibheri, iye nemurume wake vakazoshanda paBheteri. Iye zvino vari kushanda semapiyona chaiwo.

Pepo Devidze

NDAKATANGA kunzwa nezveZvapupu panguva yandaidzidza pakoreji iri muguta reKutaisi. Mumwe muvakidzani wedu akandiudza kuti Zvapupu hazvishandisi mifananidzo pakunamata uye hazvitendi kuti Jesu ndiMwari Wemasimbaose. Izvi zvakanga zvisingaenderani nedzidziso dzaiva pamwoyo pangu semuKristu aipinda chechi yeOrthodox.

Pandakadzokera kutaundi randakakurira reTsageri, muchirimo cha1992, ndakaona kuti kwaitovawo neZvapupu zvaiita basa rekuparidza. Amai vangu vakanga vanzwa zvinhu zvakawanda zvakanaka nezveZvapupu. Asi izvi hazvina kumbochinja maonero andaiita Zvapupu nemhaka yezvandakanga ndambonzwa, saka amai vangu vakabva vati, “Enda unozvinzwira zvavanodzidzisa.”

Hama mbiri dzaipayona, Pavle naPaata, dzaigara dzichishanyira imwe mhuri yekwataigara. Hama dzacho padzaiuya, vavakidzani vedu vakawanda vaibva vatowana mukana wekuteerera zvadzaitaura uye kubvunza zvavaida kuziva. Saka ndakafunga kuendawo kunonzwa zvavaitaura. Pese pandaibvunza mubvunzo, hama dzacho dzaivhura Bhaibheri dzondikumbira kuti ndizviverengere mhinduro yacho. Izvozvo zvakandibaya mwoyo chaizvo, ndakazvionera ndega zvinotaurwa neBhaibheri!

Pasina nguva ndakabatana neboka raidzidziswa Bhaibheri nehama dzacho. Muchirimo chakazotevera, takabhabhatidzwa tiri 10. Pave paya, amai vangu vakazovawo Chapupu chaJehovha.

Ndinotenda chaizvo kuti hama dzacho dzakapindura mibvunzo yangu yese nekuita kuti ndizviverengere mhinduro dzacho muBhaibheri. Izvi zvakandibatsira kuti ndijekerwe nezvimwe zvinhu zvandaimbofunga kuti ndainzwisisa. Pandinofunga kubatsirwa kwandakaitwa nekushandisa Bhaibheri nenzira iyi, zvinobva zvaita kuti ndide kubatsirawo vamwe kuti vanzwisise chokwadi ndichishandisa nzira iyoyo!

Pepo Devidze nemurume wake
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe