RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 p. 105
  • Ndaida Kuchinja Mararamiro Andaiita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndaida Kuchinja Mararamiro Andaiita
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 p. 105

GEORGIA

Ndaida Kuchinja Mararamiro Andaiita

Davit Samkharadze

  • AKABEREKWA MUNA 1967

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1989

  • NHOROONDO YEUPENYU Akashanda semutariri anofambira. Kubvira muna 2013 ange achidzidzisa pazvikoro zvesangano zvinodzidzisa Bhaibheri.

Davit Samkharadze achidzidzisa pachikoro cheBhaibheri

MUNA 1985, ndiine makore 18, ndakamanikidzwa nevakuru vakuru veSoviet Union kuti ndipinde muchiuto. Ndakashungurudzika zvakanyanya nekusabatwa zvakanaka kwevanhu uye udzvinyiriri hwandaiona muchiuto zvekuti ndakazviudza kuti: ‘Handidi kuita zvakadai. Handimbodi kufanana navo.’ Asi ndainzwa sekuti pamwe pacho zvandaiita hazvisiri izvo zvaiva pamwoyo pangu. Ndaida kuchinja mararamiro andaiita.

Nguva yandaifanira kushanda muchiuto payakapera, ndakadzokera kumba. Rimwe zuva ari manheru ndabva kupati, ndakanyengetera kuna Mwari ndichimukumbira kuti andibatsire kuchinja upenyu hwangu. Mangwana acho pandaienda kubasa, ndakapfuura ndichiona tete vangu vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pandakapinda mumba mavo, ndakaona muine zvimwe Zvapupu zvishoma zvainge zvaungana kuti zviite chidzidzo chebhuku. Vakandigamuchira nemaoko maviri zvekuti ndakasarudza kugara kuti nditeerere.

Ndakabvuma kudzidza Bhaibheri, ndokuzobhabhatidzwa papera mwedzi mitanhatu. Jehovha akandibatsira kuti ndichinje. Ndaisazombokwanisa kuzviita ndega.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe