Mabasa eZvapupu zvaJehovha Mazuva Ano
Samoa
Iyi nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha mu“Dzinde rePolynesia” inoratidza kuzvipira kuna Mwari uye kuvimbika kune ushingi. Ona kuti zvinomboita sei kuparidza munzvimbo dzinopisa uye dzinogara dzichinaya dzine vanhu vanonyatsoziva Bhaibheri uye vanofarira chaizvo zvokunamata zvokuti vane mutauro wavo wavanoshandisa pakunyengetera kuna Mwari uye pakutaura nezvake. Uchasangana neZvapupu zvakakurira zvinetso zvoutano zvinoita sezvisingakundiki kuti zvirambe zvichishumira Jehovha. Verenga nezvemhuri yaifamba makiromita 22 nomumakomo kuti ipinde misangano, uye ona kuti nei vamwe vana vomumusha vaiwanzodanidzira kuti, “Amagedhoni yauya!”
Nyika Dzaiumba Yugoslavia
Munharaunda umo kusiyana kwechitendero netsika kwakakonzera kuteurwa kweropa uye kuvengana, munobva nyaya inofadza yokutenda noushingi. Ichirondedzera boka reZvapupu zvakanga zvavharirwa muguta rakakombwa kwenguva refu kupfuura ose munhoroondo yemazuva ano, imwe hama inoti: “Kunyange zvazvo taibva kuCroatia, Serbia, neBosnia—kwaibvawo mapoka matatu aiurayana kunze kweguta—isu takanga takabatana pakunamata kwakachena.” Paunoverenga mushumo uno, kutenda kwako kuchasimbiswa sezvaunoona kuti hama dzacho dzakaramba sei dzakatendeka munguva dzorugare uye dzehondo.