Samoa
ZVITSUWA zvinoyevedza zveSamoa zviri mumvura yakasvibirira yePacific Ocean, panenge pakati nepakati peHawaii neNew Zealand. Kunyange zvakavapo pasi pegungwa paputika, zvitsuwa izvi zvakanaka zvekuti huyai muone. Nhongonya dzacho dzinosvika mumakore. Zvine masango akasvibirira uye mhenderekedzo dzakazara michindwe. Zvinewo madziva emvura inotaima akaita separadhiso chaiyo yomugungwa ane marudzi emakorari angangosvika 200 uye marudzi ehove anosvika 900. Hazvishamisi kuti mamishinari ekuEurope akatanga kusvika kuzvitsuwa izvi zvakazara nemakwenzi anonhuwirira, akarondedzera kuti pazvitsuwa zvavakaona muSouth Pacific, izvi ndizvo zvinoomesa mate mukanwa pakunaka!
Kunenge kuti vanhu vanonzi vaLapita ndivo vakatanga kugara pazvitsuwa zveSamoa anenge makore 1 000 Kristu asati auya.a Vanhu ava zvavaiva nyanzvi pakufamba mugungwa uye vari vaongorori vane zvivindi, zviri pachena kuti vanhu ava vokutanga-tanga vokuPolynesia vakapedzisira vatamira kuPacific vachibva kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia. Vaifamba vari muzvikepe zvaibatanidzwa divi nedivi zviri zviviri uye zvaifamba zvichitevera kwaienda mhepo uye mvura yomugungwa. Vanhu ava vakafamba matunhu akakura emugungwa kudarika chero vamwe vanhu vapi zvavo vakavatangira. Nechepakati peSouth Pacific, vakaona zvitsuwa zvavakatumidza kuti Samoa.
Mumazana emakore zvizvarwa zvavo zvakapararira zvichienda nechekumabvazuva zvichiyambuka gungwa rePacific zvichienda kuTahiti, zvimwe kuHawaii nechekuchamhembe, kwozoti kuNew Zealand nechekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero, uye kuEaster Island nechekumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva. Nhasi dunhu iri rakakura kwazvo rinonzi Polynesia, izvi zvinoreva kuti “Zvitsuwa Zvakawanda,” uye vanogarako vanonzi vaPolynesia. Saka Samoa inonzi ndiyo “Dzinde rePolynesia.”
Mazuva ano vamwe vanhu veSamoa vane zvivindi vave vari pane rumwe rudzi rwekufamba, asi kwakasiyana nekwaiitwa nemadzitateguru avo. Sezvaiitwa nemadzitateguru avo, vave vachitsvaka upenyu huri nani. Pane kufamba vachitsvaka nzvimbo itsva, vanhu ava vave “vachifamba” kubva murima vachienda kuchiedza. Vave vachitsvaka kunamata kunotenderwa naMwari wechokwadi, Jehovha.—Joh. 4:23.
Nyaya ino ndeyeZvapupu zvaJehovha zvekuSamoa,b kuAmerican Samoa, nekuTokelau. Western Samoa yakava chitsuwa chakazvimiririra muna 1962, uye American Samoa chitsuwa chinotongwa neUnited States. Saka zvitsuwa zveSamoa inyika mbiri dzakasiyana, Samoa uye American Samoa.
KUSVIKA KWECHIEDZA CHECHOKWADI
Mashoko akanaka eUmambo hwaMwari akatanga kusvika kuSamoa muna 1931, mumwe mushanyi paakagovera vanhu vaifarira vepazvitsuwa zvacho mabhuku makuru nemadiki aipfuura 470. Mushanyi iyeye angangodaro aiva Sydney Shepherd, chimwe Chapupu chaishingaira, uyo mugore iroro akafamba nechikepe achipfuura nemune zvimwe zvezvitsuwa zvePolynesia achiparidza.
Mashoko eUmambo akazosvika kuAmerican Samoa papera makore manomwe, J. F. Rutherford wekudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York, paakambomira nengarava pachitsuwa cheTutuila achibva kuAustralia achienda kuUnited States. Rutherford nevaaiva navo vakabva vaita karikiriki kugovera mabhuku mutaundi rese rechiteshi chengarava rePago Pago.
Papera makore maviri, muna 1940, Harold Gill aimbova piyona mudunhu rese reAsia-Pacific, akasvika kuAmerican Samoa. Akauya netumabhuku 3 500 twechirungu. Kabhuku kacho kaiva nemusoro wekuti Where Are the Dead? Aka ndiko kabhuku kekutanga kushandurirwa mumutauro weSamoa neZvapupu zvaJehovha.c
Harold akazoenda nechikepe kuchitsuwa cheUpolu, Samoa, rwendo runotora anenge maawa masere kusvika kugumi. Akazonyora kuti, “Kunenge kuti shoko rakanditangira kusvika, nokuti pandakasvika, mumwe mupurisa akandiudza kuti ndakanga ndisingabvumirwi kuburuka. Ndakamuratidza pasipoti yangu ndikabva ndamuverengera mashoko akanyatsorukwa aiva pekutanga payo aikumbira kuti muridzi wayo, chizvarwa chekuBritain, ‘aifanira kutenderwa kupinda akasununguka pasina kurambidzwa kana kudziviswa uye aifanira kutobatsirwa uye kudzivirirwa.’ Izvi zvakaita kuti ndikwanise kutaura naGavhuna, achibva anditendera kuti ndigare kusvikira chimwe chikepe chazosvika pashure pemazuva mashanu. Ndakahaya bhasikoro ndikatenderera nechitsuwa chacho, ndichisiya tumabhuku kwese kwese.”
Abudirira kuparidza muzvitsuwa zveSamoa, Harold akadzokera kuAustralia. Rimwe remabhuku aakagovera rakaguma rava mumaoko emumwe mushandi wemuhofisi ainzi Pele Fuaiupolu.d Shoko rekabhuku ikako rakaramba riri mumwoyo make, achimirira kuti Zvapupu zvidzoke kuzodiridzira chokwadi chinokosha chakanga chasimwa.—1 VaK. 3:6.
Papera makore 12, muna 1952, chimwe Chapupu chekuEngland, John Croxford, chakasvika muApia, guta guru reSamoa pachitsuwa cheUpolu. Imomo akawana basa muhofisi yaishandira Pele. John aiva munhu ane ushamwari aida chaizvo kuparidzira vamwe. Aona kuti Pele aifarira Bhaibheri, John akamushanyira kumba kwake. Pele akanyora kuti: “Takataura kusvikira mambakwedza emusi weSvondo. Ndakamubvunza mibvunzo yakawanda, uye mhinduro dzake dzese aidziverenga muBhaibheri. Ndakasara ndisina kana mubvunzo kuti ichi ndicho chokwadi chandakanga ndichitsvaka.” Gore iroro Pele nemudzimai wake Ailua vakava vanhu vekutanga muSamoa kuzvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa.
Pele aiziva kuti aizonzi atsanangure zvaakanga asiyira chitendero chemadzisekuru ake. Saka akadzidza chaizvo uye akanyengeterera kuti Jehovha amubatsire. Pele akashevedzwa naishe mukuru wemhuri kuti vaungane kumana rake reFaleasiu, musha mukuru waiva kure nemakiromita 19 uri pamhenderekedzo iri kumadokero kweApia. Akaenda neimwe hama yake yaifarira chokwadi, vakanangana nemhomho ine ukasha yemadzishe matanhatu, vamiririri vavo vatatu, vanapasita gumi, vadzidzisi vechitendero vaviri, ishe mukuru aitungamirira, uye varume vakuru nevakadzi vemhuri yacho.
Pele anoyeuka kuti: “Vakatituka vakatipa mhosva yekunyadzisa zita remhuri nerechechi yemadzibaba edu.” Ishe mukuru akabva ati paitwe gakava iro rakazoguma nguva dzechina mangwanani.
Pele anoti: “Kunyange zvazvo vamwe vavo vaishevedzera vachiti, ‘Bvisa Bhaibheri iro! Siyana naro!’ Ndakapindura mibvunzo yavo yese ndichishandisa Bhaibheri, nharo dzavo dzikashaya basa. Vakapedzisira vati zii, vangotsikitsira misoro pasi. Ishe mukuru akabva ataura nenzwi rakaneta achiti: ‘Wakunda Pele.’ ”
Pele anoyeuka kuti akati kuna Ishe mukuru, “Pamusoroi Changamire, handina kukunda. Usiku huno manzwa shoko reUmambo. Ndinovimba nemwoyo wese kuti muchariteerera.”
Mbeu yechokwadi cheUmambo yakanga ichidzika midzi muUpolu nemhaka yokuzvininipisa kwaPele uye kuvimba kwaaiita naJehovha neShoko rake Bhaibheri.
MISANGANO YEPAMAZUVA IWAYO
Vanhu vese vakatanga kutaura nezvechitendero chitsva chaPele mumusha wese wepachitsuwa. Sezvakaitika muzana rekutanga remakore kuvanhu veAtene vakaparidzirwa naPauro, vamwe vaida kuziva zvakati wandei nezve“kudzidzisa uku kutsva.” (Mab. 17:19, 20) Rimwe jaya rainzi Maatusi Leauanae rakanzwa kuti vaya vaifarira chitendero ichi chitsva vaiungana vhiki yega yega paimba yachiremba muchivanze chechipatara. Jaya iri rakasarudza kunoongorora. Asvika pagedhi akangoerekana ava kutya, achibva atendeuka kuti adzokere. Sezvineiwo, John Croxford akabva angosvika ndokumukoka kuti apindewo musangano manheru iwayo. Maatusi akanakidzwa nechidzidzo chebhuku rinonzi Mwari Ngaawanikwe Ari Wa Zwokwadi uye aida kuzodzokazve. Kunyange zvazvo pakutanga aipinda misangano pano neapo, pakupedzisira chokwadi chakadzika midzi mumwoyo wake, achibva azobhabhatidzwa muna 1956.
Nenguva isipi vatsva vakanga vachipinda misangano neboka iri vakaona kuti zvaikosha kuudza vamwe zvavakanga vachidzidza. Pakazosvika mwedzi mishanu Hama Croxford vasvika muApia, vanhu gumi vakanga vabatana navo mubasa rekuparidza. Paperazve mimwe mwedzi mina vakanga vawedzera kusvika ku19. Vatsva ava vakabudirira pavaiparidzira hama neshamwari.
Mumwe wevaparidzi ivavo akaparidzira hama yake Sauvao Toetu aigara kuFaleasiu. Nokufamba kwenguva, Sauvao nemukuwasha wake, Finau Feomaia vakatanga kupinda misangano nemhuri dzavo vachibva vatanga kutsigira chokwadi.
Muna January 1953, kufambira mberi kukuru mune zvekunamata kwakaitika muSamoa. Panguva iyoyo vanenge vanhu 40 vaipinda misangano, saka hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rekuAustralia rakatendera kuti ungano yekutanga iumbwe muApia, kuSamoa. Hama Croxford pavakazodzokera kuEngland, Pele akanga achangobhabhatidzwa ndiye akasara achitungamirira ungano yacho. Vaparidzi vacho vaishingaira uye vaisatya, asi vainge vasina ruzivo rwakanyanya. Vakawanda vaifanira kudzidza kuparidza Shoko reUmambo vasingagumburi vanhu uye zvinofadza. (VaK. 4:6) Vamwe vaida kubatsirwa kuti vanyatsopfeka unhu hutsva. (VaEf. 4:22-24) Zvinofadza kuti rubatsiro rwakadaro rwaizokurumidza kuuya.—VaEf. 4:8, 11-16.
RUBATSIRO RUNOBVA MHIRI KWEMAKUNGWA
Mapiyona ekuAustralia Ronald naOlive (Dolly) Sellars vakasvika muna May 1953 kuti vazobatsira ungano yeApia. Ron akanyora kuti: “Bazi rokuAustralia rakambotadza kukurukurirana nehama dzekuSamoa uye raishushikana nezvavo. Sezvatakanga tataura kuti taida kushumira kuPacific, vakatikumbira kuti tiende kuSamoa kuti tinova mapiyona chaiwo muungano yakanga ichangoumbwa.”
Ron naDolly vakaenda kuSamoa nendege inomhara mumvura. Pavaienda vaifunga nezvemamiriro ezvinhu anowanzotarisana nemamishinari anenge ari munzvimbo dziri kure. Ron anoyeuka kuti, “Takashamisika chaizvo patakasvika. Chitsuwa chacho chaive nemasango akasvibirira. Kwese kwese taiona vanhu vanofara, vanonyemwerera uye vakasimba. Vana vaitamba pedyo nedzimba dzisina madziro dzakapfirirwa neuswa uye dziine uriri hwakachena hwemakorari. Hapana aimhanya-mhanya kana aiva neshungu nenguva. Zvaiita sekuti tainge tasvika muparadhiso.”
VanaSellars vakasvikogara nemhuri yaPele vachibva vatotanga basa. Ron anoti: “Ndaisangana nehama anenge manheru oga oga kuti ndipindure mibvunzo yavo yakawanda. Kunyange zvazvo vaiziva dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri, pasina nguva ndakaona kuti pane zvinhu zvakati wandei zvavaifanira kuchinja kuti vaite zvinodiwa naMwari. Kuti tivabatsire munguva iyoyo yakaoma, ini naDolly takaedza kuvashivirira chaizvo tichiva nerudo rwakawedzera.” Zvinosiririsa kuti vamwe vakaramba kururamiswa nerudo neMagwaro uye vakapedzisira vabuda muungano. Zvisinei, vamwe vakazvininipisa vakabvuma kurayiridzwa uye kukurudzirwa. Nekufamba kwenguva, vakafambira mberi, saka ungano yakaguma yacheneswa, ikasimbiswa.
Ron naDolly vaivawo pamberi mukuparidzira paimba neimba. Kusvikira panguva iyoyo hama dzakawanda dzainge dzichingoparidzira shamwari nevavakidzani zvisina kurongwa. Zvino sezvavaishanda pamwe chete navanaSellars pasuo nesuo, vakaona vanhu vaifarira vakawanda. Ron akanyora kuti, “Pane imwe nguva takakokwa kune mumwe musha waiva naishe aifarira kuti timuudze zvakawanda nezveUmambo. Tapedza kudya, nyaya yeBhaibheri yakapinda mudariro. Pakazopera awa imwe chete, yakanga yatova hurukuro yavose chaiyo nekuti vanhu vakanga vawedzera kutoda kusvika 50, isu tisina kumbovakoka!” Vaparidzi vakanga vava kuziva kuti chidzidzo cheBhaibheri chine vanhu 2 kana 3 chaikwezva vamwewo 10 kusvika ku40 vaiuyawo vachida kungoziva nezvebasa reZvapupu zvaJehovha.
Zvisinei, vafundisi vechiKristudhomu, vakaona zvakanga zvichiitika. Hurumende payakaramba kuwedzera mazuva ekushanya papemiti yaRon neyaDolly, Ron akaenda kuna komishina kuti anobvunza. “Akatiudza kuti vamwe vafundisi vakanga vanyunyuta kuhurumende nezvekuparidza kwedu. Saka akati aizongowedzera mazuva pamavhiza edu kana taizovimbisa kurega kubatsira ungano mubasa rayo rekuparidza. Ndakati tana kuramba. Ndakamuudzawo kuti aifanira kuziva kuti hapana aikwanisa kumisa basa raMwari. Achiseka zvake akati, ‘Tichaona zvichaitika kana maenda!’ ”
Kubvira panguva iyoyo, hurumende yakanga yava kurambidza Zvapupu zvekune dzimwe nyika kupinda muSamoa. Pasinei naizvozvo, muna 1953, Theodore Jaracz, aishumira kuhofisi yebazi rekuAustralia uye zvino ava nhengo yeDare Rinodzora, akapinda chinyararire, kuti akurudzire ungano. Ron anoti, “Kushanya kwake kwakatikurudzira chaizvo uye kwakatipa chivimbo chekuti tainge tiri mugwara mune zvekunamata.”
Pasina nguva, mavhiza aRon naDolly akapera, vachibva vatamira kuAmerican Samoa. Kunyange zvakadaro, vakanga vaita zvakawanda kuti hama dzitsige uye dzisimbe mumwedzi misere yavakanga vagara muSamoa. Kunyange zvazvo hurumende isina kuzviziva, zvimwe Zvapupu zvaizosvika munguva pfupi kuti zvitsive vanaSellars.
KUFAMBIRA MBERI MUAPIA
Richard Jenkins aiva nemakore 23, ari chizvarwa chekuAustralia, akanga achangobva kubhabhatidzwa uye achiri kupisa, akasvika muApia muna May 1954. Anoti: “Ndisati ndabva kuAustralia ndakarumwa nzeve kuti ndimbomira kushamwaridzana nehama dzekuSamoa kusvikira ndadzika midzi pabasa rangu. Zvisinei, papera mwedzi inoverengeka, ndakanga ndava kusurukirwa uye ndakatanga kunzwa kuti ndaida kukurudzirwa mune zvekunamata. Saka ndakasarudza kuonana naPele Fuaiupolu zvine ungwaru.” Vaviri ava vakaonana usiku muri murima.
Richard anoyeuka kuti, “Pele akandiudza kuti aisazoshandisa zita rangu chairo achityira kuti vakuru vakuru vaizoziva kuti ndiri nhengo yeungano uye vaizondidzinga munyika. Saka akandipa zita remwana wake aiva achangozvarwa rekuti Uitinese, zvinoreva kuti ‘chapupu’ mumutauro weSamoa. Nanhasi hama dzekuSamoa dzichiri kundidana nezita iri.”
Achishandisa zita iri rekunyepedzera, Richard akaramba achionana nehama zvekabisira. Aiparidzawo zvisina kurongwa uye akatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakati wandei. Mumwe waakadzidzisa Bhaibheri ainzi Mufaulu Galuvao, mukomana wechidiki aishanda sahutsanana, akazova nhengo yeDare Rebazi reSamoa. Uyewo nokufamba kwenguva mumwewo waakadzidzisa Bhaibheri ainzi Falema‘a Tuipoloa akazova Chapupu, sezvakaitawo vakati wandei vemumhuri yake.
Mumwe waakadzidzisa Bhaibheri ndewechidiki ainzi Siemu Taase aimbotungamirira chikwata chembavha chaiba zvinhu zvedhipatimendi rinogadzira nekuvaka zvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji. Asati amboenda kure mune zvekunamata, chaakadya chakamuka paakasungirwa mhosva dzaakanga aparamura kumashure. Kunyange zvakadaro, Richard akawana mvumo kuna gadhijeri kuti apfuurire kudzidza naSiemu pasi pemumango waiva kure nemamita 100 kunze kwejeri racho. Nekufamba kwenguva, vamwe vasungwa vakabatanawo naye pakudzidza Bhaibheri.
Richard anoyeuka kuti, “Kunyange paiva pasina munhu aitichengetedza, hapana nemumwe akamboedza kutiza, uye vamwe vakatogamuchira chokwadi.” Siemu paakabuda mujeri akazova mukuru muungano.
Muna 1955, Richard akaroora mumwe piyona wekuAustralia ainzi Gloria Green. Vari vaviri vakapedza makore 15 vari muSamoa uye vakabatsira vanhu 35 kudzidza chokwadi vasati vadzokera kuAustralia. Iye zvino vari kugara muBrisbane kuAustralia, uko Richard ari mukuru muungano inotaura mutauro weSamoa.
Vamwe vakabatsira mumakore iwayo ndiWilliam naMarjorie (Girlie) Moss vokuAustralia. Bill mukuru aifunga zvinhu zvinoshanda, uye Girlie akanga ashanda sapiyona kwemakore 24, vakasvika muApia muna 1956. Panguva iyoyo Ungano yeApia yaiva nevaparidzi 28, uye mese muApia nemuFaleasiu maiva nemapoka ezvidzidzo zvebhuku. Kwemakore mapfumbamwe akatevera, Bill naGirlie vakashanda zvakaoma neungano yacho. Utano hwaGirlie hwaingoramba huchishata pahwakazovamanikidza kudzokera kuAustralia muna 1965, boka reFaleasiu rakanga ratova ungano yakazvimirira.
Mumakore iwayo, hurumende yeSamoa yakaramba yarambazve payaikumbirwa kuti mamishinari apinde munyika iyoyo. Zviri pachena kuti ivo nevafundisi vaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvaizongoerekana zvangonyarara. Kunyange zvakadaro, zvakaitika zvakasiyana nekure nezvavaitarisira. Zvapupu zvakawedzera, zvichishanda nesimba uye zvichishingaira—zvakanga zvauya zvachose!
KUFAMBIRA MBERI MUAMERICAN SAMOA
Mavhiza avanaSellars okuva muSamoa asati apera muna 1954, Ron akafunga kunyorera kuti vave vagari vemuAmerican Samoa pane kudzokera kuAustralia. Ron akanyora kuti, “Pandakataura negweta guru rehurumende yeAmerican Samoa uye raziva kuti hurumende yeSamoa yakanga yaramba kuti tive nemavhiza matsva nemhaka yechitendero chedu, rakati, ‘VaSellars muno muAmerican Samoa tine rusununguko rwekunamata, uye ndichava nechokwadi chekuti mawana vhiza.’ ”
Ron naDolly vakasvika muPago Pago, kuAmerican Samoa, pana January 5, 1954. Nokuti vakanga vabvumirwa kupinda munyika, gweta racho rakaudza Ron kuti vaitarisirwa kuenda kuhofisi yake nguva nenguva kuti anyatsoziva nezveZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakaita kuti vakurukure zvakanaka nezveBhaibheri kakawanda.
Mwedzi iwoyo wava kunopera, Ron naDolly vakakokwa kuzodya manheru kumba kwegweta riya. Sezvo mupristi wechechi yeKaturike wemunzvimbo imomo uye pasita weLondon Missionary Society vakanga vakokwawo, nyaya dzeBhaibheri dzakatanga kutsva. Ron anoyeuka kuti, “Patakapedza kukurukurirana manheru iwayo, gweta racho rakatitenda tese nekuuya kwatakanga taita ndokubva rati, ‘Ndinofunga kuti Baba naAmai Sellars ndivo vakunda pakutaura kwataita manheru anhasi.’ Pasina nguva yakareba, takabva tagamuchira mavhiza edu aitibvumira kugara zvachose. Gweta riya parakazotiudza kuti hurumende yaizobvumira mamwe mamishinari eZvapupu kuti apinde munyika, ndakabva ndatumira shoko kuhofisi yebazi reAustralia.”
Munhu wekutanga kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha muAmerican Samoa aiva Ualesi (Wallace) Pedro, aiva nemakore 19, chizvarwa chokuTokelau. Hama yake Lydia Pedro aiva piyona chaiye kuFiji, akanga asiyira mukoma waWallace bhuku rainzi “Mwari Ngaawanikwe Ari Wa Zwokwadi” paakashanya muna 1952. Wallace paakaona bhuku racho kumba kwemukoma wake akarigarira pasi ndokuridzidza.
Mushure mekuwana mhuri yavanaPedro muna 1954, Ron naDolly vakadzidza nemukoma uye hanzvadzi yaWallace. Wallace aidavira kuti kuna Jehovha Mwari, asi pakutanga kusavimba kwake nechitendero kwaimuzezesa kubatana nevamwe pakudzidza. Asi nokufamba kwenguva, akagutsikana kuti Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi, uye akatanga kupinda misangano nguva dzose kuFagatogo. Akafambira mberi nekukurumidza uye pana April 30, 1955, akabhabhatidzwa kuchiteshi chengarava chekuPago Pago.
Pakazosvika January 1955, pangopera gore Ron naDolly vauya, vanhu vanomwe vakanga vava kupinda misangano pamusha wavo usingashamisiri waiva kuFagatogo. Vakanga vasina midziyo yakawanda, saka munhu wese aigara pasi. Pasina nguva, vatatu pavanhu vatsva ava vakatanga kuenda naRon naDolly muushumiri. Uku kwaingova kutanga chete, zviuya zvaiva mberi.
KUSVIKA KWEMAMISHINARI ANOBVA KUGIRIYEDHI
Pana February 4, 1955, mamishinari akabva kuUnited States, aiti Paul naFrances Evans uye Gordon naPatricia Scott, vakasvika kuAmerican Samoa. Vakasvikogara mumusha wemamishinari wemuFagatogo waiva wakapoteredzwa nevanhu vakanga vazere noupenyu. Leonard (Len) Helberg, mutariri wedunhu akashanyira Pago Pago gore iroro, anotsanangura mamiriro ezvinhu acho:
“Musha wemamishinari waiva imba hombe yaiva pamusoro pechitoro chekare kare. Kune rimwe divi, wangoti yambukei karwizi, kwaiva nebhawa raitandarira vafambisi vezvikepe kana ava manheru. Zvibhakera pazvaimuka, vanhu vacho vopedzisira vava mumugwagwa, mupurisa mukuru wemunzvimbo yacho mupfupi asi akasimba, aipinda nepakati pevanhu akaruma mudzanga wefodya pamuromo uku achikanda zvibhakera kurudyi nekuruboshwe kuti anyaradze bongozozo racho. Mharidzo dzokupiswa muhero dzainzwikawo dzichibva kuchechi yaiva necheseri. Tiri pavharanda raiva pamberi, kamwe chete pamwedzi musi waihora vashandi vehurumende, taiona mhomho yevanhu yakazara pabhengi. Mamishinari emachechi aibva muchitsuwa chacho chese, aimhanya-mhanya mumhomho yacho achiedza kutora zvegumi mari isati yadyiwa yese.”
Munzvimbo yakadaro maiva nevakawanda vaida zvekunamata. Len anotsangura kuti, “Mumwe mumishinari aitanga ushumiri na6 mangwanani achiitisa chidzidzo cheBhaibheri pane imwe bhabhashopu yaiva mhiri kwemugwagwa muridzi wacho asati atanga basa. Aizodzidzawo neaibika chingwa asati adzoka kumba nechingwa chemangwanani. Zuva rati fambei aizodzidza nechikwata chevasungwa vaibva mujeri raiva pedyo vari munzvimbo yeguta isina chinhu.” Pakazopera gore mamishinari akanga ava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 60 nevanhu vaipfuura 200.
“FIRIMU REMAHARA, NHASI MANHERU”
Chimwe chakaita kuti vanhu vanyanye kufarira ifirimu rainzi The New World Society in Action.e Firimu iri, rekutanga kubudiswa nesangano kubva pakabuda rainzi “Photo-Drama of Creation” makore anoda kusvika 40 akanga adarika, rakaratidza basa rekuparidza nokudhinda mabhuku kwaiitwa pasi pese, uye kurongwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha. Len paakashanya kwemavhiki mana kuAmerican Samoa muna 1955, akaratidza firimu iroro ka15, kuvanhu vanosvika 3 227, avhareji yevanhu 215 vaiona panguva imwe chete.
Len anoyeuka kuti, “Tisati taratidza firimu iri, taityaira motokari nomumisha tichikandira munhu wese wataisangana naye mapepa ekuvakoka. Uye taidaidzirawo kuti, ‘Firimu remahara, nhasi manheru,’ tichitaura musha waizoitirwa firimu racho.”
Firimu racho rakafarirwa nevanhu vakawanda. Tapedza kuratidza firimu racho, vanhu vaida kudzidza zvakawanda nezveZvapupu zvaJehovha uye zvavanodzidzisa. Pane kuti vamirire Zvapupu kuti zvidzoke, vakawanda vaifarira vaiuya vega kumusha wemamishinari, uko mamishinari aiitisa zvidzidzo zvinoverengeka munzvimbo dzakasiyana-siyana mumusha macho panguva imwe chete. Rimwe boka richienda, rimwe raibva ratangawo kudzidza. Ron Sellars anoyeuka kuti, “Makore akatevera, vanhu vakanga vachiri kuyeuka Zvapupu zvaJehovha nezvinhu zvakanaka zvavakaona mufirimu iroro.”
KURAMBA TICHIPARIDZA KWAKAPEDZISIRA KWABAYA MWOYO YEVANHU
Mwedzi miviri Len Helberg adzokera, ungano yekutanga yeZvapupu zvaJehovha muAmerican Samoa yakaumbwa muFagatogo. Pasina gore nhamba yevaparidzi yakawedzera kubva pa14 kusvika pa22. Panenge panguva iyoyo mapiyona chaiwo maviri, Fred naShirley Wegener vakasvika vachibva kuAustralia kuzobatsira ungano yaive ichikura. Iye zvino Fred ari mudare revakuru vanotarisira basa muSamoa.
Vaparidzi, mapiyona uye mamishinari aya ‘vaipisa nomudzimu.’ (VaR. 12:11) Len akanyora kuti, “Pakazosvika panenge pakati pema1960, mumusha wega wega waiva kuFagatogo makanga matomboitiswa chidzidzo cheBhaibheri, pamusana pokushingirira kwevaparidzi uye kufarira Bhaibheri kwevanhu veikoko. Mumakore iwayo musha wega wega wepachitsuwa ichi waishanyirwa pamwedzi pamwedzi.”
Kunyatsoparidza uku kwakaita kuti vanhu vafunge nezveBhaibheri. Len anoti, “Zvakanga zvava kuzivikanwa nemunhu wese kuti upenyu husingaperi huchava pasi pano, kuti vanhu havapiswi muhero, uye kuti vakafa havana chavanoziva. Vanhu vakanga vadzidziswa chokwadi ichi neZvapupu zvaJehovha, kwete nemachechi avo. Izvi zvakaitika nekuti taitaura navo zviso zvakatarisana uye tichiita kuti vafunge vachishandisa maBhaibheri avo.”
Kunyange zvakadaro, zvitendero nehama zvakatadzisa vakawanda kuita maererano nezvavaive vadzidza. Vamwe vaida upenyu hwemadiro hwaibvumirwa nemachechi pane kuva netsika dzine unhu dzevaKristu vechokwadi. Asi, paiva nevamwe vaiva nemwoyo yakatendeseka avo, semushambadzi wemumufananidzo waJesu, vakaona chokwadi separera raikosha kwazvo, vachibva vanyatsochibata. Vagari vepachitsuwa vakawanda vakadaro vakatsigira chokwadi vakashinga.—Mat. 13:45, 46.
KUPARIDZA TICHIREMEKEDZA TSIKA DZEKUSAMOA
Caroline piyona akabva kuCanada akazoroorwa naWallace Pedro muna 1960 anoti, “Kuparidza kwainakidza makore iwayo. Panenge pamusha wega wega paiva nemunhu aida kutaura nezveBhaibheri. Kutanga zvidzidzo zveBhaibheri kwaiva nyore, uye mhuri yese yaigara pasi kuti idzidze.
“Hatikanganwi kuparidza kwataiita mumisha yaiva kure. Kazhinji vana vadiki vaititevera paimba neimba vachinyatsoteerera kuparidza kwataiita. Vaibva vamhanya kumberi kwedu kunoudza saimba kuti tainge tiri kuuya. Vaitoudza saimba zvataitaura uye magwaro ataiverenga! Kuti vana ivavo vasataure mashoko edu isu tisati tasvika, taigadzirira mharidzo dzakasiyana-siyana.”
Muushumiri, hama dzaiva nechokwadi chokuti dzatevedzera tsika nemaitiro zvomunzvimbo iyoyo. (1 VaK. 9:20-23) Charles Pritchard aimbova mumishinari asi ava nhengo yeDare Rebazi kuNew Zealand, akanyora kuti, “Nemhaka yekupisa kunoita kunze, dzimba dzeko hadzina madziro, zvekuti taikwanisa kuona kana pamba paiva nemunhu. Kutaura wakamira kana kuti muridzi wemba asati akugamuchira zvaionekwa sekufumuka kusingaiti. Saka taisvika pamba takanyarara tomirira saimba kuti atione. Aibva awaridza nechemukati chimeti chakachena pauriri hune tumatombo. Uku kwainge kuri kutiudza kuti tibvise bhutsu, tipinde mumba, togara pasi takapfunya chisero pachimeti.” Mamishinari akawanda airwadziwa nekugara akadaro kwenguva yakareba. Zvinofadza ndezvokuti tsika dzacho dzaivabvumira kuti vatandavare vakafukidza makumbo avo nechimeti. Saka zvaiita kuti vasagara makumbo avo asina kufukidzwa akanongedzera muridzi wemba, maitiro anogumbura zvikuru vanhu vekuSamoa.
John Rhodes, aiva mumishinari muSamoa nemuAmerican Samoa kwemakore 20 anoti, “Varidzi vemba vaitigamuchira votitsanangurira kuti taivaremekedza nekuunza mashoko eBhaibheri kumisha yavo yaisava nezvizhinji. Nyaya yaibva yachinja totaura zveupenyu: Munobvepi? Mune vana here? Mhuri yenyu inogarepi?”
Mudzimai waJohn, Helen, anowedzera kuti, “Taigarotaura nevaridzi vemba tichivaremekedza sezvinongoitwa pazviitiko zvinokosha. Kuremekedza uku kwaiita kuti muridzi wemba uye shoko redu remuBhaibheri zvive nechiremerera.”
Caroline Pedro anoti, “Nekumhoresana seizvi takapedzisira tava kunyatsozivana nevanhu ava nemhuri dzavo. Zvakatibatsira kuti tinyatsovabatsira mune zvekunamata.”
Kumhoresana kwangopera, vaparidzi vainge vasununguka kutaura mashoko eUmambo. Robert Boies aimbova mumishinari anoyeuka kuti, “Vaitirega tichingotaura ivo vakangoteerera. Vaibva vadzokorora zvakawanda zvatainge tataura vachiratidza kuti vaikoshesa mashoko edu.”
Sezvo vanhu vaiziva Bhaibheri, kazhinji nguva yakareba yaipera pachikurukurwa zvarinodzidzisa. Caroline Pedro anoti, “Kukurukurirana kwakadai kwakandibatsira kunyatsonzwisisa nyaya dzakawanda dzinotaurwa neBhaibheri.” Vanasaimba vakawanda vaigamuchira mabhuku. Nekufamba kwenguva, vaparidzi vakanga vava kuziva vaya vaingoda kuzivawo zvavo nevaya vainyatsofarira zvinodzidziswa neBhaibheri.
Vatsva vakawanda vaitanga kupinda misangano vaida chaizvo kuendawo muushumiri. John Rhodes anoti, “Vanhu vekuSamoa vane chipo chekutaura, uye vatsva vakawanda vaikwanisa kutaurira vamwe zvavanotenda vasingazeze vangorovedzwa zvishomanana kana kuti vasina kutomborovedzwa. Kunyange zvakadaro, taivakurudzira kushandisa mazano ekuparidza ari mumabhuku edu uye kutaura nevanhu vachivabatsira kunyatsofunga zviri muMagwaro pane kuvimba nezvipo zvavo zvekutaura.” Kurovedza uku kwakapedzisira kwaita kuti pave nevaparidzi vakawanda vane unyanzvi.
KUBATSIRA KWEMABHUKU EMUTAURO WESAMOA
Kunyange zvazvo vaSamoa vakawanda vachidedemura Chirungu, vamwe havachigone. Kuti vaya vanoda chokwadi vasvikwe mwoyo, Pele Fuaiupolu akashandurira maturakiti mana mumutauro weSamoa muna 1954. Pele ndiye akava mushanduri mukuru wemutauro weSamoa wesangano kwemakore akawanda. Kazhinji aishanda kusvikira hwava usiku chaihwo achitaipa netapureta yekare achivhenekerwa nerambi reparafini.
Pele paaiita basa rekushandura iri, airiritirawo mudzimai wake nevana vasere, achitungamirira mumabasa eungano, uye aishanda mazuva mashanu nehafu pasvondo ari inisipekita weminda yecocoa yaiva pazvitsuwa izvi. Len Helberg akanyora kuti, “Mumakore iwayo aaishanda zvakaoma, Pele haana kuzvitsvagira mukurumbira kana kurumbidzwa. Asi aionga kwazvo ropafadzo yekushandiswa naJehovha. Kuvimbika kwake, kuzvininipisa uye kushingaira zvakamuita kuti ave Chapupu chakasiyana nevamwe uye chaiyemurwa kwazvo nekudiwa nesu tese.”
Muna 1955 vaparidzi vakaparadzira kabhuku kemutauro weSamoa kaiva nemapeji 32 kainzi “Aya Mashoko Akanaka oUmambo.” Tumabhuku twose twakaparadzirwa twaiva 16 000. Kabhuku kacho kaiva nemutauro uri nyore uye kaitsanangura zvinodzidzisa Bhaibheri nenzira iri nyore, zvichiita kuti kave kabhuku kakanaka pakutanga uye pakudzidzisa vanhu Bhaibheri. Richard Jenkins akanyora kuti, “Vatsva vaidzidza kabhuku aka, vokadzokorora kakati wandei, vobva vazobhabhatidzwa. Taikada!” Kwakazovawo netwumwe tumabhuku twemutauro weSamoa twakazotevera.
Nharireyomurindi yakatanga kubuda mumutuaro weSamoa muna 1958. Fred Wegener, akanga adzidzira basa rokudhinda mabhuku, aigadzira magazini acho nokubatanidza mapepa akanga adhindwa. Magazini eNharireyomurindi akazotevera akanga ava kudhindwa kuUnited States uye pava paya kuAustralia. Mamwe mabhuku edu aishandurwa uye zvikamu zvacho zvaibudiswa mwedzi mumwe nomumwe muNharireyomurindi yeSamoa. Kutanga kumavambo ema1970, kubudiswa kwemabhuku akakwana mumutauro weSamoa kwakabatsira zvikuru kuita kuti basa rokuparidzira rikurumidze.
Mabhuku esangano akaparadzirwa zvikuru muzvitsuwa zveSamoa. Muna 1955, vaparidzi pavakaparadzira bhuku rainzi You May Survive Armageddon Into God’s New World, mhuri dzakawanda dzokuAmerican Samoa dzakawanawo bhuku racho. Wallace Pedro akanyora kuti, “Vanhu vaiverenga maBhaibheri avo, asi vakawanda vakanga vasina kumbonzwa nezveAmagedhoni. Asi mhuri dzaverenga bhuku iri, vana vaiwanzoti kana tava kusvika mumusha voshevedzera kuti, ‘Amagedhoni yauya!’ Vamwe vabereki vakatotumidza vana vavo kuti Amagedhoni. ”
Bhuku remutauro weSamoa rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, rakabudiswa muna 1972, rakafarirwawo. Richangobuda, mamishinari akawanda akapedza mabhokisi maviri kana kupfuura pamwedzi achigovera vanhu vaifarira kuverenga. Fred Wegener anoyeuka kuti, “Vanhu vaiuya kwatiri tiri pamusika uye vamwe vaibudisa misoro nepamahwindo emabhazi vachikumbira mabhuku aya.”
KUSIMBISWA NEMAGUNGANO
Muna June 1957, hama dzaifara zvikuru nokuti gungano redunhu rokutanga raizoitirwa muPago Pago, kuAmerican Samoa. Paiva nevaparidzi vaive vabva kuSamoa nezvikepe kuti vazonakidzwa nepurogiramu. Hama dzakashambadzira gungano racho muChirungu neSamoa, dziine chido chokuti voruzhinji vauye. Izvi zvakaita kuti vaparidzi 60 vokuSamoa neAmerican Samoa vafare zvikuru pavakava nevanhu 106 pakatanga purogiramu nomusi weChishanu.
Zvakaitika pagungano iri panguva yekudya zvakanga zvisingatarisirwi. Izvi zvakakonzerwa nevanhu vakauyawo zvavo kuzoona uye netsika yevanhu vomuSamoa. Ron Sellars akanyora kuti, “Kana yava nguva yekudya, vanhu vokuSamoa vanowanzokoka vanhu vanenge vachizvifambirawo zvavo. Asi hama padzakakoka vaya vakanga vauyawo zvavo kuzoona kuti vazodya navo masikati, zvakaita kuti dhipatimendi rezvokudya rishande zvakaoma nokuti rakanga rangobika zvokudya zvaikwana hama nehanzvadzi dzaiva pagungano racho.”
Pasinei neizvi, zvaiitika panguva yekudya zvaipa uchapupu kuvanhu vainge varipo. MuSamoa, panguva dzinokosha, varume ndivo vanowanzotanga kudya vakadzi nevana vasati. Vanobva kune dzimwe nyika nevafundisi vanowanzogara kwavo voga uye vanopiwa zvokudya zvakanaka. Zvisinei, pagungano iri vamwe vanhu vakaona mamishinari achidya pamwe chete nemhuri dzokuSamoa vachifara. Vanhu vose vakanyatsoona kuti vanhu vaJehovha vanodanana uye vakabatana.
Magungano akaita seaya haana kungokurudzira nokudzidzisa vaparidzi chete asiwo akaita kuti vagadzirire miedzo yakaoma yakanga yava kuda kuitika.
VAMWE VANOTSAUKA PAKUNAMATA MUAPIA
Zvakava pachena kuti muSamoa mainge muine zvinhu zviviri zvaiitika panguva imwe chete. Zvapupu zvakanga zvichiwedzera zvinonakidza muzvitsuwa zvacho asiwo paine zvinetso zvakanga zvichitanga. Vanhu vakati kuti, vachitungamirirwa nomurume aiva akaoma musoro aive ishe wemhuri wavanoti matai, vairamba zvaitaurwa nesangano uye vaimutsa zvinetso muUngano yeApia. Sezvo misangano yaiitirwa pamba pomurume uyu, zvinetso zvakaramba zvichiwedzera muungano.
Muna 1958 vapanduki vacho vakazosiyana neungano ndokuumba boka ravo. Douglas Held, aishanda pabazi rokuAustralia uye panguva iyi akanga achishanya kuFiji, akaenda kuSamoa kuti anoedza kubatsira vanhu vaigunun’una. Kunyange zvazvo zano rake romuMagwaro rakabatsira zvikuru hama dzaiva dzakavimbika dzomuungano, 25 muzana yevanhu vaipinda misangano muungano iyoyo vakaguma vatsigira vapanduki. Vamwe vavo vakazodzingwa pamusana pokuzvikudza kwavo.
Zvisinei, hazvina kutora nguva kuti zvijeke kuti ndivanaani vaiva nomudzimu waJehovha. Boka revapanduki rakaguma rakamuka ndokuparara. Asi Ungano yeApia yakawedzera nhamba yevaparidzi ne35 muzana gore iroro. Ungano iyi yakambotora kanguva ichinamatira pamba paRichard naGloria Jenkins pedyo nechipatara chokuApia. Yakazotamira kumba kwaMaatusi Leauanae aigara kuFaatoia, muApia. Vava uku, vaparidzi vakanga vava kunyatsoshanda murudo uye vakabatana. Imba yoUmambo yokutanga muApia yakazovakwa pasitendi yaMaatusi, uye yakabatsirwa nemari yaibva kune imwe ungano iri muguta reSydney, muAustralia.
KUWADZANA KUNOKURUDZIRA
Ungano yokuApia yakasimbiswazve muna 1959 hurumende yokuSamoa payakabvumira kuti mamishinari mashanu aibva kuAmerican Samoa apinde gungano redunhu rakaitwa muApia. Chokwadi vose vakafara zvikuru vanhu 288 pavakaungana uye 10 vakabhabhatidzwa! Makore maviri gare gare, gungano reruwa rokutanga rakaitirwa mundima yeungano iyoyo muApia paimba yekare yechipatara chemaJerimani pedyo neimba yevaenzi yainzi White Horse Inn. Gungano iri raikosha zvikuru rakapindwa nevanhu vakabva kure sokuNew Zealand.
Kuungana ikoko kwakanyatsodzidzisa hama kuronga magungano. Saka hurumende yokuSamoa payakazorambidza vatariri vanofambira uye mamishinari kuti vapinde munyika, hama dzakanga dzava kugona kuronga magungano dziri dzoga. Muna 1967 hama idzi dzakatoronga, dzikaita mutambo womuBhaibheri wainge wakareba awa imwe chete. Mutambo uyu waiva wokutanga muSamoa uye vanhu vainge vakapfeka zvaipfekwa kare. Mutambo uyu wemaguta okutizira wakayeukwa kwenguva refu.
Mumakore iwayo, vaparidzi vokuSamoa vaibatsirwawo pavaipinda magungano ezvitsuwa zvakawanda aiitirwa kuAmerican Samoa nokuFiji, kunyange zvazvo izvi zvaisava nyore uye zvaida kuzvipira. Somuenzaniso, kuti vapinde gungano reruwa kuFiji, zvakanga zvisingangodi kuti vatsvake mari yezvokudya neyokufambisa chete asiwo zvaisanganisira kusava muSamoa kwemwedzi wose.
AMERICAN SAMOA INOFAMBIRA MBERI
Hama dzomuAmerican Samoa dzakafara zvikuru muna 1966 padzakava neGungano Reruwa raiti “Vanakomana vaMwari Vorusununguko” rakaitirwa muPago Pago. Gungano iri rakakurumbira rakapindwa nenhume 372 dzaitaura mitauro misere, dzakabva kuAustralia, Fiji, New Caledonia, New Zealand, Niue, Samoa (yaichimbonzi Western Samoa), Tahiti, Tonga, neVanuatu (yaichimbonzi New Hebrides). Vanhu vemitauro yakasiyana-siyana vakauya, vakawanziridza nhamba yeZvapupu kana zvichienzaniswa nevagari vemuguta rakaitirwa gungano kusvika pa1 muvanhu 35 vega vega, kunyange zvazvo panguva yacho vaparidzi vomuungano yeimomo vaingova 28!
Vaparidzi vashoma zvakadaro vaizopa sei vashanyi vakawanda kudaro pokugara? Fred Wegener anoyeuka kuti, “Hatina kumbonetseka kuwana pokugara pevanhu vakawanda vakanga vashanya. Vanhu vomunzvimbo yacho vaiva nomutsa uye vakagamuchira hama nechido. Izvi zvakatsamwisa vatungamiriri vezvitendero.”
Gungano iri rakabatsira Ungano yePago Pago chaizvo. Mumwedzi mitanhatu, vanhu vaipinda misangano vakawedzera ne59 muzana uye vatsva vakawanda vakava vaparidzi vemashoko akanaka. Ron Sellars akanyora kuti, “Rakakurudzirawo ungano kuvaka nzvimbo yakakodzera yokuitira misangano.” Kunyange zvazvo pachitsuwa cheTutuila pane Pago Pago painetsa nzvimbo yokuvakira, mumwe muparidzi akabvumirana neungano kuti ishandise kwemakore 30 nzvimbo yaiva kumadokero kweguta racho, muTafuna.
Fred Wegener anoti, “Nzvimbo yacho yakanga yakanyanya kudzikira, saka ungano yakashanda chaizvo kwemwedzi mitatu ichiunganidza zvimatombo zvakavapo pasi paputika. Zvimatombo izvi zvaiva zvokuti vasimudzire faundesheni.”
Nguva yokudira kongiri yefaundesheni payakasvika, mupristi weKaturike wemunzvimbo imomo aigara achiverenga Nharireyomurindi neMukai!, akabvumira hama kushandisa muchina wechechi wokusanganisa kongiri. Ron Sellars akanyora kuti, “Mupristi uyu akazoverenga nyaya yeMukai! yaitaura nezvokuroora, akabva asiya zveupristi kuti anoroora.”
Hama dzemhiri kwemakungwa dzakabatsira zvikuru pakuvaka Imba yoUmambo iyi. Gordon naPatricia Scott, vamwe vemamishinari ekutanga muAmerican Samoa asi zvino vakanga vadzokera kuUnited States, vakatumira macheya akabva muungano yavo kuti ashandiswe muImba yoUmambo iyi itsva. Ron Sellars anoti, “Takatengesera vanoita zvemafirimu vomunzvimbomo macheya akanga asara, tikabva tabhadhara mari yakanga yashandiswa kuunza macheya acho ose pachitsuwa ichi!” Imba yoUmambo inokwana vanhu 130 iri muTafuna yakapera, ikatsaurirwa muna 1971. Pava paya, imba yemamishinari yakazovakwa pamusoro peImba yoUmambo yacho.
SAMOA INOZARURA MISUO YAYO
Kusvika muna 1974, hurumende yairambidza mamishinari eZvapupu kupinda muSamoa, zvichiita kuti basa risafambira mberi. Gore iroro hama dzaitarisira basa dzakanoonana nomutungamiriri wehurumende pachake kuti vakurukure nyaya yacho. Imwe yehama idzi, Mufaulu Galuvao, akanyora kuti: “Pataikurukura, takaona kuti mumwe mukuru mukuru wehurumende akanga aumba dare zvisina mvumo kuti riongorore zvikumbiro zvose zvemamishinari. Dare iri, raiumbwa nevanhu vezvitendero vaitivenga, raingoramba zvikumbiro zvedu zvokuwana mavhiza pasina kuudza mutungamiriri wehurumende.
“Mutungamiriri wacho wehurumende aisaziva zvakanga zvakarongwa izvi; saka akabva arayira kuti mukuru mukuru wedhipatimendi rinoona nezvokubuda nokupinda kwevanhu munyika auye nefaira reZvapupu zvaJehovha. Akabva abvisa dare racho rakanga raumbwa zvisina mvumo akapa Paul naFrances Evans mavhiza eumishinari emakore matatu paine mukana wokuzowedzera nguva yacho.” Iwayo aiva mashoko anofadza zvokuti! Papera makore 19 vachingoshingirira, vakazopinda muSamoa semamishinari aizivikanwa zviri pamutemo!
Paul naFrances vakatanga nokugara naMufaulu Galuvao nemhuri yake, asi muna 1977 pakasvika John naHelen Rhodes, vari vana vakatamira mumusha mutsva wemamishinari wavairenda waiva muVaiala, Apia. Mamwe mamishinari aiva, Robert naBetty Boies, vakauya muna 1978, David naSusan Yoshikawa, vakauya muna 1979, uye Russell naLeilani Earnshaw, vakauya muna 1980.
KUJAIRANA NOUPENYU HWEPACHITSUWA
Mumakore akapfuura, Zvapupu zvokune dzimwe nyika zvakatamira kuSamoa zvakakurumidza kuona kuti kunyange munzvimbo iyi inenge paradhiso, upenyu hune matambudziko ahwo. Zvokufambisa nderimwe rematambudziko acho. John Rhodes akanyora kuti, “Mumakore maviri okutanga tiri mamishinari muApia, taiwanzofamba nzendo refu kuti tinopinda misangano uye kunoparidza. Taifambawo nemabhazi akakurumbira uye akapendwa-pendwa epachitsuwa chacho.”
Aya mabhazi akapendwa-pendwa nokunyorwa-nyorwa kazhinji kacho marori maduku kana kuti akati kurei anenge akavharwa kumashure nemapuranga. Vanhu vanenge vakambandidzirana mukati, vakatakura zvokurimisa nezvinhu zvinyoro zvinenge zvabva muminda. Nziyo dzine ruzha nokuimba zvinobva zvaita kuti mubhazi muve nomutambo chaiwo. Rinongomira chero paramira, harina nguva chaidzo, uye rinogona kungochinja mugwagwa wokufamba nawo. Rimwe bhuku rinopa mazano vafambi rinoti nechibhende, “Bhazi rinoenda kuVava‘u rinobata nguva chaizvo: rinosvika chero parasvikira.”
John anoti, “Kana taida kutenga chimwe chinhu tiri munzira, taingokumbira mutyairi kuti amire. Tapedza kutenga, taikwirazve mubhazi topfuurira norwendo uye hapana aimbova nebasa nazvo.”
Kana bhazi rakanga rakazara, vamwe vaikwira vaigara pamakumbo evakagara. Saka mamishinari akakurumidza kudzidza kugadzika madzimai avo pamakumbo. Pakuburuka, vana nevakuru vaiwanzobhadhara nokutora kamari kesirivha nechomunzeve dzavo, nzvimbo iri nyore kuchengetera tumasirivha!
Mamishinari nevamwe vaparidzi vaishandisa ndege nemagwa kubva kune chimwe chitsuwa kuenda kune chimwe. Dzimwe nguva kufamba kwaiva nengozi uye vaigara vakanonoka. Elizabeth Illingworth uyo akashanda nemurume wake Peter kwemakore mudunhu, muSouth Pacific yose, anoti, “Taitofanira kudzidza kushivirira uye kutonakidzwa nazvo.”
Mvura inotsvotsvoma inoita kuti zviome kufamba, kunyanya munguva inoitika madutu. Mumwe mumishinari anonzi Geoffrey Jackson, paaiedza kuyambuka karwizi kakanga kakazara, achienda kuChidzidzo Chebhuku Cheungano akatsvedza ndokuti kubvu mumvura. Akabuda ati sururu ndokuenda kumusangano wacho. Mhuri yepamba pacho yakamupukuta ndokumupa chipfeko chitema chinonzi lavalava (chipfeko chokuita zvokumonera chokuPolynesia). Vamwe vake vakatadza kuzvibata ndokuti pwati-pwati mumwe munhu akanga achangofarira chokwadi paakafunga kuti Geoffery aiva mupristi weKaturike! Iye zvino hama Jackson vari muDare Rinodzora.
Vamwe vainge vachangobva kusvika vaisangana nemamwe matambudziko akadai sokudzidza mutauro mutsva, kujairana nokupisa kusingaiti, zvirwere zvavasingazivi, kuva nezvinhu zvishoma zvemazuva ano zvinorerutsa upenyu, uye kudzivisa kurumwa netupuka twakawanda. Mufaulu Galuvao akanyora kuti, “Mamishinari akatibatsira chaizvo uye aitida zvikuru. Saka izvi zvakaita kuti vabereki vakawanda vaionga vape vana vavo mazita emamishinari aya ataida.”
MASHOKO AKANAKA ANOSVIKA KUSAVAII
Iye zvino ngatimbokurukurai nezvechitsuwa chisina kunyanya kukanganiswa nevanhu chinonzi Savaii. Pazvitsuwa zvose zveSamoa, icho ndicho chikuru. Nzvimbo huru yechitsuwa ichi haina vanhu uye chine makomo marefu nemasango ane miti yakarukana nedzimwe nzvimbo dzisina kuenzana dzine matombo aiva mabota akazooma. Panewo zigomo rakaita somuhomba rakavapo pasi paputika. Pamusoro paro pane zvidziva zvinokwana 450. Vagari vemo vakawanda vane tumisha turi pano neapo pedyo negungwa. Mashoko akanaka akatanga kusvika kuSavaii muna 1955. Len Helberg neboka revamwe vaparidzi vokuchitsuwa cheUpolu vakashanya kwenguva pfupi kuti varatidze firimu rainzi The New World Society in Action.
Papera makore matanhatu, hanzvadzi mbiri, mamishinari, Tia Aluni, chizvarwa chokuSamoa chakatanga kuenda kuGiriyedhi, nemumwe wake Ivy Kawhe, vakakumbirwa kutama muAmerican Samoa vachienda kuSavaii. Pavakasvika muna 1961, vakanogara nedzimwe chembere mbiri dzaigara muFogapoa, musha uri nechokumabvazuva kwechitsuwa chacho. Imwe hanzvadzi yakambogara muSavaii yaiva piyona chaiye, yakazobatana navo kwenguva yakati. Hama dzokuApia dzaishanya kamwe pamwedzi dzichipa hurukuro dzavose kuti dzikurudzire uye dzitsigire boka racho idzva. Misangano iyi yaiitirwa muimba duku muFogapoa.
Tia naIvy vakaramba vari muSavaii kusvika muna 1964, pavakazoendeswa kune chimwe chitsuwa. Mumakore gumi akatevera, muSavaii maisaparidzwa zvakanyanya. Kutanga muna 1974, mhuri dzakati kuti dzakabva dzatamira kuSavaii kuti dzinomutsidzira basa racho. Dzaiva, Risati naMareta Segi, Happy naMaota Goeldner-Barnett, Faigaai Tu, Palota Alagi, Kumi Falema‘a (akazoroorwa naThompson), uye Ron naDolly Sellars vakabva kuAmerican Samoa. Boka duku rakatangwa kuFogapoa raiitira misangano paimba yavanaSegi yaiva pedyo nemhenderekedzo yegungwa. Imba yemamishinari pamwe neImba yoUmambo zvakazovakwa nechepedyo. Pava paye, rimwe boka rakazotangwa kuTaga, musha uri kumhenderekedzo yokumadokero kweSavaii.
Kubvira muna 1979, mamwe mamishinari akaendeswa kuSavaii kuti anobatsira vaparidzi veko. Iwaya aiva Robert naBetty Boies, John naHelen Rhodes, Leva naTenisia Faai‘u, Fred naTami Holmes, Brian naSue Mulcahy, Matthew naDebbie Kurtz, uye Jack naMary Jane Weiser. Mamishinari akatungamirira zvakanaka chaizvo, zvokuti basa rakanyatsofambira mberi muSavaii.
Zvisinei, vanhu vokuSavaii vanonyanya kukoshesa tsika dzavo noukama hwemhuri. Vanhu vomumisha inokwana chikamu chimwe chete pazvitatu vakarambidza Zvapupu zvaJehovha kuparidza mumisha yavo, vamwe vachitotaura izvozvo paredhiyo. Saka kubatsira vatsva kuti vafambire mberi kwaitora nguva refu uye zvaida kushivirira. Pasinei naizvozvo, vakawanda vakauya muchokwadi, kusanganisira vamwe vaiva nematambudziko outano asingaiti.
KUKUNDA MATAMBUDZIKO OUTANO KUTI VASHUMIRE JEHOVHA
Mumwe munhu akaita izvozvo aiva Metusela Neru, akawa pabhiza akatyoka musana aine makore 12. Mumwe mumishinari anoyeuka kuti, “Akuvara, aifamba akakombama zvinosiririsa uye aigara achingorwadziwa.” Metusela paakatanga kudzidza Bhaibheri ava nemakore 19, akatsungirira akashinga kushorwa kwaaitwa nemhuri yake. Urema hwake hwaiita kuti atamburire kufamba maminiti 45 achienda kumisangano yeungano, paingofambwa maminiti mashanu chete. Asi Metusela akafambira mberi zvakanaka akabhabhatidzwa muna1990. Akazotanga basa renguva yakazara ari piyona wenguva dzose uye akava mukuru muungano. Kubvira ipapo, hama dzake dzinopfuura 30 dzave dzichipinda misangano muFaga, uye vamwe vakabhabhatidzwa. Iye zvino, pasinei nokuramba achirwara, vanhu vanoziva Metusela somunhu anonyemwerera anofara.
Saumalu Taua‘anae ndemumwe akakunda matambudziko akanyanyisa outano kuti afambire mberi pakunamata. Saumalu akadyiwa-dyiwa chaizvo nemaperembudzi uye aigara mumusha uri kure weAopo. Akatanga kudzidza Bhaibheri achiita zvokunyorerana tsamba naIvan Thompson nokuti musha wake waiva kwawo woga. Asa Coe, piyona chaiye akazotamira kuSavaii, akapfuurira kudzidza naye. Saumalu paakapinda musangano kekutanga muna 1991, aifanira kutyaira motokari kwemaawa maviri achienda kuTaga, musha uri kune rimwe divi rechitsuwa chacho.
Saumalu ainyanya kunyara nokudyika-dyika kwaakaita zvokuti paakapinda zuva regungano chairo, akateerera purogiramu ari mumotokari yake. Asi panguva yokudya masikati, hama nehanzvadzi padzakaenda kwaari ndokumukoka nemwoyo wose, akanyanya kubayiwa mwoyo. Akaonga kumukoka kwavakaita ndokunakidzwa nepurogiramu yose yakanga yasara akagara nevamwe.
Pasina nguva, Saumalu nomudzimai wake Torise vakatanga kupinda misangano kuFaga, vachitora inopfuura awa kuenda ikoko. Saumalu akabhabhatidzwa muna 1993 uye nokufamba kwenguva akava mushumiri anoshumira. Vanachiremba pavakazomudimbura rimwe gumbo, haana kurega kutyaira motokari yake achienda kumisangano. Vanhu vomumusha mavo vakarambidza Zvapupu zvaJehovha kuparidza; saka Saumalu naTorise vanoshingaira kuparidzira vamwe zvisina kurongwa uye vachishandisa runhare.
Iye zvino vanogara muApia. Ikoko Saumalu anogara achirapwa hosha dzakawanda. Pane kunyunyuta, anozivikanwa somunhu ane tariro uye anofara. Iye nemudzimai wake vanoremekedzwa chaizvo pamusana pokutenda kwavo kwakasimba.
MIEDZO MUTOKELAU
Muna 1974 ndipo pakatanga kusvika mashoko oUmambo muTokelau, nzvimbo ine zvitsuwa zvitatu zvemakorari iri kuchamhembe kweSamoa. Gore iroro, Ropati Uili, chiremba, akadzoka kuTokelau apedza kudzidzira uchiremba kuchikoro chokuFiji. Emmau, mudzimai waRopati, aiva Chapupu chakabhabhatidzwa, uye Ropati akanga amboti dzidzei neZvapupu zvaJehovha ari kuFiji.f
Ropati akaziva kuti muTokelau maiva nomumwe chiremba nomudzimai wake, Iona naLuisa Tinielu vaiva Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Akasanganawo nomumwe munhu aifarira anonzi Nanumea Foua, ane hama dzaiva Zvapupu zvaJehovha. Varume ava vatatu vakaronga misangano yokudzidza Bhaibheri nguva dzose uye hurukuro dzavose. Pasina nguva vanhu vanenge 25 vakanga vava kuuya kumisangano yacho. Ivo vari vatatu nemhuri dzavo vakatangawo kupupurira vamwe zvisina kurongwa.
Zvisinei, vamwe havana kufara nemisangano iyi uye kuparidza uku kwaiitwa. Dare revakuru vechitsuwa chacho rakakusvudzirwa nomufundisi weLondon Missionary Society, ndokushevedza vanababa vemhuri dzacho nhatu. Ropati anoyeuka kuti, “Vakarayira kuti tirege kuita misangano, vakati kana tikasateerera, vaizotipisira mudzimba dzedu kana kuti kutikanda mumvura tiri pamatanda kuti tikukurwe. Takaedza kukurukura navo tichishandisa Magwaro, asi vakaomesa musoro. Vaida kuti masimba avo aremekedzwe kunyange zvodini.” Mhuri dzacho padzakanzwa izvi, dzakasarudza kuita misangano yadzo pachivande kuti vamwe vasazviona.
Zvisinei, kushorwa uku kwaingova kutanga kwematambudziko avo. Kwapera makore gumi nemaviri, hanzvadzi yaRopati nemukuwasha wake pavakagamuchira chokwadi ndokusiya chechi yavo, vakuru vomumusha vakadzinga Zvapupu zvose mumusha macho. Ropati akanyora kuti, “Usiku ihwohwo, mhuri yoga yoga yakaunganidza zvinhu zvayo ndokuzvitutira mumagwa, dzikatizira kumusha mukuru uri pane chimwe chitsuwa chacho. Vaichimbova vavakidzani vavo vakapamba misha neminda yavo.”
Pasinei nokutambudzwa uku, vaparidzi vakaramba vachiungana vakashinga kuti vanamate. Ropati anorondedzera kuti, “Mhuri dzacho dzaiita sokuti dziri kuenda kune kamwe kachitsuwa kumbonofurwa nemhepo pakupera kwevhiki. Dzaienda musi woMugovera mangwanani dzozodzoka Svondo manheru dzapinda musangano.” Panguva iyoyo, mhuri dzakawanda dzaiendawo kuSamoa kunopinda magungano eruwa egore negore. Rwendo rwokubva kuTokelau kuenda kuSamoa nemagwa rwakanga rwakareba uye ruchirwadza.
Zvisinei, mhuri idzi dzakazotamira kuNew Zealand pamusana pokuramba dzichishorwa. Saka, pakazosvika 1990, pazvitsuwa zvacho pakanga pasisina Zvapupu. Kunyange zvakadaro, Ivan Thompson aipayona muApia, akadzidza naLone Tema, mukomana aigara muTokelau, vachiita zvokunyorerana tsamba. Lone akafambira mberi zvakanaka pakunamata uye iye zvino mukuru muAustralia.
Pava paye, vaparidzi vakawanda vakadzokera kuTokelau. Geoffrey Jackson, aishanda pabazi remuSamoa, akaedza kuonana nomumiririri weNew Zealand panyaya dzeTokelau asi zvichingoramba. Aida kukurukura matambudziko akanga akanangana neZvapupu zvaJehovha pazvitsuwa zvacho. Geoff akanyora kuti, “Asi ndakazobvumirwa kushanyira Tokelau ndichifambira nyaya dzemutauro. Tichienda ikoko, kaputeni wechikepe chacho akandikoka pamwe nomumwe murume kuti tinonwira-nwira muimba yokudyira. Murume iyeye ndiye aiva mumiririri wenyaya dzeTokelau wataiedza kuonana naye! Takakurukura kweinopfuura awa. Tapedza kukurukura, akandionga akavimbisa kuita zvaaigona kuti arerutsire hama dzedu muTokelau.”
Iye zvino, basa reZvapupu zvaJehovha richiri kurambidzwa nehurumende muTokelau. Pakafa gotwe raFuimanu naHatesa Kirifi muna 2006, Fuimanu ndokupa hurukuro yeMagwaro pamariro acho, dare revakuru vomumusha rakavatyisidzira richiti raizodzinga mhuri yaFuimanu pachitsuwa chacho. Pashure peizvi, vakamutyisidzira paakaramba kushanda pachechi yomunzvimbo imomo uye iye nemudzimai wake vakamanikidzwa kuita zvematongerwo enyika. Asi iye nemhuri yake vakaramba vakashinga, uye kutenda kwavo kwakatowedzera kusimba. Fuimanu anoti, “Takadzidza kuvimba naJehovha mumiedzo yedu.” (Jak. 1:2-4) Vakasvika pakuziva kuti Jehovha haasiyi vashumiri vake vakatendeka.—Dheut. 31:6.
JEHOVHA ANOKOMBORERA KUFAMBIRA MBERI MUNE ZVOKUNAMATA
Kubvira pakatanga kusvika mashoko akanaka muSamoa, mapazi enyika dzakatsaukana ave achitarisira basa roUmambo ikoko. Iye zvino, Dare Revakuru vana rinoshanda zvakaoma richitungamirirwa nebazi reAustralia. Dare iri riri kutarisira basa muzvitsuwa zveSamoa. Mumakore apfuura, hama dzokuSamoa dzakabishaira chaizvo kuti mashoko oUmambo asvike kunyange kunzvimbo dziri kure kure. Mishandirapamwe yokuparidzira inogara ichiitwa muAmerican Samoa yakasvika kuSwains Island iri kuchamhembe kweTutuila Island nemakiromita 320, uye yakasvika kuManu‘a Islands iri kumabvazuva kweTutuila Island nemakiromita 100. Vaparidzi pavaishanya, vakasiya mazana emabhuku uye vakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda vanofarira. Vamwe vaparidzi vakashanda kuti vawedzere ndima yavo nokuparidzira vanhu vanotaura mitauro yedzimwe nyika.
KUBISHAIRIRA KUSHANDURA KUNOWEDZERA
Kuwedzera kwaiita vaparidzi kwaiitawo kuti mabhuku emutauro weSamoa aidiwa awedzere. Kuti vabatsire pane izvi, Geoffrey Jackson nemudzimai wake Jenny vakabviswa kuTuvalu kwavaiva mamishinari vakaenda kubazi reSamoa muna 1985. Geoff akanzi atarisire vanhu vaviri vaishanda kushandurira mumutauro weSamoa. Anoti, “Pakutanga, vashanduri vacho vaishandira pamatafura aiva muimba yokudyira yeBheteri. Mangwanani oga oga vaibvisa zvinhu pamatafura acho vasati vatanga kushandura. Nguva yokudya masikati yava kusvika, vaibvisa zvinhu zvavo zveshanduro vorongedza matafura. Pashure, vaibvisa zvinhu pamatafura kuti vatangezve kushandura.”
Kumbomira-mira uku kwaiita kuti basa risafambire mberi. Kushandura kwacho kwakanga kwakaoma chaizvo uye kuchidya nguva. Geoff anoyeuka kuti, “Basa rakawanda raiita zvokunyorwa nemaoko rozotaipwa. Pepa roga roga raitaipwa kakawanda kuti rigadziridzwe risati radhindwa.” Muna 1986, bazi parakatenga kombiyuta yekutanga, kudzokorora-dzokorora uku kwakaita kushoma kana kuti kwakapera. Mimwe michina yakaitawo kuti kushandura nokudhinda zvikurumidze.
Nharireyomurindi neMukai! ndizvo zvave zvichinyanya kushandurwa nokudhindwa. Kubvira muna January 1993, Nharireyomurindi ine ruvara runoyevedza mumutauro weSamoa yave ichidhindwa panguva imwe chete neyeChirungu! Muna 1996, Mukai! yemutauro weSamoa inobuda kana pagore yakabva yatanga kubudiswa. Geoff anoyeuka kuti, “Kubudiswa kweMukai! kwakaziviswa mupepanhau nemuredhiyo uyewo munhau dzeterevhizheni yenyika yacho.”
Iye zvino, boka revashanduri riri muSamoa rinoshandura zvinodiwa mumutauro uyu. Vashanduri ava vanoshanda zvakaoma. Ivo pamwe chete nemamwe mapoka evashanduri ari munyika yose, vakadzidziswa chaizvo unyanzvi hwokushandura uye kunzwisisa mutauro. Izvi zvinoita kuti vashandure zvakanyatsorurama uye vachikurumidza.
KUDIWA KWOKUWEDZERA BAZI
Muna 1986, Milton G. Henschel paaishanyira mapazi akasiyana-siyana, akashanyirawo Samoa. Zvaiva pachena kuti musha wemamishinari waiva muSinamoga wakanga wava muduku chaizvo pane zvaidiwa nebazi racho. Saka Dare Rinodzora rakati hama dzinoshanda muDhipatimendi Rokunyora Mapurani Nokuvaka rokuBrooklyn uye Hofisi Inoona Nezvouinjiniya Munharaunda yokuAustralia dzishanyire Samoa kunoona zvaidiwa kuti pavakwe zvivako zvikuru. Vakati chii chaifanira kuitwa? Paifanira kutengwa maeka manomwe kuSiusega iri nechomukati mechitsuwa chacho, makiromita mashanu kubva kuSinamoga kuti Bheteri idzva rivakwe. Bazi idzva rapera, Musha weBheteri wekare waiva kuSinamoga waizobva wakoromorwa kuti Imba yeMagungano itsva ivakwe.
Bazi idzva rakatanga kuvakwa muna 1990, uye paiva nevanhu vakawanda vakabva kunyika dzakasiyana-siyana! Vashandi 113 vakazvipira vachibva kune dzimwe nyika, nevamwe 38 vemunyika yacho vaishanda nguva yose, kwozoti vaya vaiuya kuzobatsira nguva nenguva, vose vakashanda nesimba vakabatana. Asi basa rokuvaka parakanga rava kunyatsofamba, njodzi yakabva yarova.
NJODZI INOROVA!
Dutu rainzi Val, raiva nesimba kukunda mamwe ose akavapo muSouth Pacific, rakavhuvhuta richipinda muSamoa pana December 6, 1991. Mhepo yaimhanya makiromita 260 paawa yakavhuvhuta zvitsuwa zviduku kwemazuva mashanu, ichibvisa inenge 90 muzana yemashizha emiti uye yakaparadza zvinhu zvaikosha madhora ekuAmerica anokwana mamiriyoni 380. Zvinosuruvarisa kuti vanhu 16 vakafa.
John Rhodes anoyeuka kuti, “Bazi rakabva ratanga kuronga kupa ruyamuro.” Mumazuva mashomanana, zibhokisi rakanga rizere nezvinhu zvoruyamuro rakasvika richibva kubazi reFiji. Mari yakabva kune mamwe mapazi ari muPacific yakazosvikawo.
Dave Stapleton, akabva kunze kwenyika achizvipira kuzoshanda pabazi idzva muSiusega, akanyora kuti, “Takatanga kuita zvaidiwa nokukurumidza. Izvi zvaisanganisira kuendesera hama dzaida kubatsirwa, mvura yakachena, matende, parafini nemishonga yokurapa. Takabva tagadziridza Bheteri yokuSinamoga kuti ishandisike ndokuzogadziridza zvivako zvaiva panzvimbo yebazi idzva zvakanga zvaparadzwa. Pashure, takagadziridza uye takavakazve Dzimba dzoUmambo dzakanga dzaparadzwa, misha yemamishinari, uye dzimba dzeZvapupu. Zvakatora mwedzi yakati, kuti tipedze basa racho.”
Hurumende payakazopa machechi ose, kusanganisira Zvapupu zvaJehovha, mari yokuti agadzirise zvivako zvawo, hama dzakadzosera mari yacho pamwe netsamba. Dzakati sezvo takanga tatogadzirisa zvose zvakanga zvaparadzwa, mari yacho yaigona kushandiswa kugadzirisa zvivako zvehurumende. Vakuru vakuru vehurumende vaionga izvi vakazodzikisa mari yokupinza munyika zvinhu zvokuvakisa bazi zvaibva mhiri kwemakungwa. Izvi zvakachengetedza mari yakawanda.
“KUTOPFUURA ZVATAIFUNGIDZIRA”
Vapedza kugadzirisa zvakanga zvaparadzwa nedutu, basa rokuvaka bazi idzva rakakurumidza kufambira mberi. Kwapera gore nehafu, muna May 1993, mhuri yeBheteri yakanga yaneta nokumirira, yakazotama ichibva kuSinamoga ichienda kumusha wayo mutsva muSiusega.
Muna September 1993, boka reZvapupu 85 zvaiva nyanzvi pabasa zvakaungana muSamoa kuti zvizovaka Imba yeMagungano yemuSinamoga. Zvakabva kuAustralia, Hawaii, New Zealand uye United States. Vose vakazvibhadharira mari yokufamba. Ken Abbott, aitungamirira boka renyanzvi rokuAustralia, akanyora kuti, “Pataivaka, taishandisa mashoko ane chokuita nokuvaka akasiyana-siyana uye kuyera kwakasiyana-siyana, asi mudzimu waJehovha wakatibatsira kukunda tichifara matambudziko aimuka.”
Abraham Lincoln, mumwe weboka rakabva kuHawaii akati, “Vanhu vose vakabatsirwa chaizvo nokuona hama dzomunyika dzakawanda dzichishanda pamwe.”
Imba yeMagungano yacho yakapera nemazuva gumi chete, pamusana pokushanda pamwe kweboka revavaki vakabva kunyika dzakasiyana-siyana. Vaparidzi vomuchitsuwa chacho pavaishanda nevashanyi vacho vakadzidza unyanzvi hwemabasa hunokosha, uye vakabatsirwawo mune zvokunamata. Saka pakapera basa racho, vamwe vaparidzi vakava mapiyona kana kuti vakanoshanda paBheteri.
Bazi neImba yeMagungano zvakazotsaurirwa pana November 20-21, 1993. John Barr wemuDare Rinodzora ndiye akakurukura hurukuro dzokutsaurira. Paul Evans aiva mumishinari kwenguva refu, akataura manyukunyuku evakawanda vaiva pachiitiko ichi, achiti; “Jehovha atikomborera kutopfuura zvataifungidzira.”
CHOKWADI CHINOCHINJA UPENYU HWEVANHU
Vanhu pavanobayiwa mwoyo nechokwadi cheShoko raMwari, chinoita kuti upenyu hwavo huenderane nezvinodiwa naJehovha. Vanhu vakawanda vokuSamoa vakachinjwa nesimba reShoko raMwari.—VaEf. 4:22-24; VaH. 4:12.
Somuenzaniso Ngongo naMaria Kupu “vairarama murima,” sokutaura kwevanhu vekuSamoa, zvinoreva kuti vaichaya mapoto. Fred Wegener anotsanangura kuti, “Takanga tadzidza naNgongo naMaria kwenguva yakati rebei asi taisaziva kuti vainge vasina muchato. Asi rimwe zuva, vachidadirira, vakatiratidza muchato wavo wavakanga vachangobva kuwana. Pasina nguva vakabva vabhabhatidzwa. Kunyange zvazvo Ngongo ava nenguva afa, Maria achiri piyona wenguva dzose muAmerican Samoa.”
Rimwe dambudziko rinosangana nevatsva muSamoa rine chokuita neutsvene hweropa. Vanhu vekuSamoa vanowanzoita zvokudzipa nguruve kana huku vasati vabika kana kudya, izvo zvinorambidzwa neShoko raMwari. (Gen. 9:4; Revh. 17:13, 14; Mab. 15:28, 29) Mumwe mudzimai wechiduku wokuAmerican Samoa, akashamisika paakaona muBhaibheri rake chairo, mirayiro yaMwari yakajeka panyaya iyi. Julie-Anne Padget anotsanangura kuti, “Kunyange zvazvo mhuri yomudzimai uyu yaienda kuchechi uye yaigara ichiverenga Bhaibheri, kubvira achiri mwana aidya nyama isina kubudiswa ropa. Asi akabva abvuma zvinorayirwa neBhaibheri akatsunga kuti aisazodya nyama isina kubudiswa ropa.” Iye zvino, maonero anoita Zvapupu zvaJehovha utsvene hweropa anonyatsozivikanwa kwose kwose muSamoa. Uyezve, vanachiremba vomuSamoa vanowanzoremekedza maonero atinoita nyaya yokuwedzerwa ropa.
VECHIDUKU VANORUMBIDZA MUSIKI WAVO
KuSamoa, vabereki vanodzidzisa vana vaduku kubika, kuchenesa, kutarisira magadheni, uye kutarisira vamwe vana vaduku. Kudzidziswa vari vaduku kudaro kunobatsira kuona nei vana vakawanda vokuSamoa vachibvuma kurarama maererano nezvinodiwa naMwari vachiri vaduku. Vamwe vacho vanototsigira Jehovha vasingabatsirwi nemhuri dzavo.
Vabereki vaAne Ropati vakarega kuenda kumisangano aine makore 13. Saka aitora hanzvadzi dzake mbiri nemunin’ina wake, vofamba makiromita masere kuenda kuImba yoUmambo kunopinda misangano. Akazopayona uye akabatsira kuvaka bazi rokuSiusega. Ane akanyora kuti, “Mamishinari akabatsira chaizvo paupenyu hwangu uye akandibatsira kufambira mberi pakunamata.” Pavaivaka, akasangana naSteve Gauld, akanga azvipira kuzoshanda achibva kuAustralia. Vakaroorana, vakazvipira kunovaka kuSoutheast Asia, Africa, uye kuRussia, vakazodzoka kuBheteri rokuSamoa. Iye zvino vari kushanda pabazi rokuAustralia.
KUDZIDZISA PANHEPFENYURO
Mumakore akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira mashoko akanaka oUmambo nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe nzira inonyanya kushanda, kushandisa redhiyo. Kutanga muna January 1996, imwe nhepfenyuro yeredhiyo yomuApia yakakumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvive nepurogiramu paredhiyo yainzi “Mhinduro Dzemibvunzo Yenyu yeBhaibheri.”
Mashoko aya aitepfenyurwa, ainyorwa okurukurwa naLeva Faai‘u naPalota Alagi vokubazi reSamoa. Leva anotsanangura kuti, “Muchikamu chedu chokutanga, Hama Alagi vakabvunza mibvunzo yakati kuti, yakadai sokuti: Munguva yaNoa, kwakaitika mafashamo here? Mvura yacho yose yakabvepi, ikazoendepi? Mhuka dzose dzakakwana sei muareka? Ndakapindura mibvunzo yacho ndichishandisa mashoko atakatora mumabhuku edu. Pakapera chikamu chacho, takataura nyaya yevhiki yaitevera, tikati vateereri vaiva nemibvunzo vaone Zvapupu zvaJehovha zvomunzvimbo dzavo. Zvimwe zvikamu zvaipindura mibvunzo yakadai sokuti: Nei Soromoni aiva nemadzimai akawanda, nepo vaKristu vachifanira kuva nomumwe chete? Mwari ane rudo angatambudza vanhu nokusingaperi muhero here? Bhaibheri rakanyorwa nevanhu here kana kuti naMwari?”
Purogiramu yacho yeparedhiyo yakatora gore, ikaita kuti vakawanda vafarire. Ivan Thompson anoti, “Vanhu vakawanda vakatiudza kuti vainakidzwa nepurogiramu yacho uye vaigara vachiiteerera. Vamwe vakatiudza kuti vaisamboziva kuti Bhaibheri raipindura mibvunzo inonakidza kudaro.”
KUDIWA KWEDZIMBA DZOUMAMBO
Kuma 1990, ungano dzakawanda muSamoa neAmerican Samoa dzaiitira misangano mudzimba dzehama kana kuti muzvivako zvakavakwa nemapango neuswa. Stuart Dougall, aiva muDare Revakuru vaitarisira basa ikoko kubva muna 2002 kusvika muna 2007, anoti: “Nzvimbo idzi dzaiwanzoshorwa nevanhu vomunharaunda macho.” Kunyange Imba yoUmambo yaiva nemakore 25 ichishandiswa yaiva muTafuna, American Samoa, yakanga yava nemazuva. Zvino yakanga yava nguva yokutsiva ichi chivako nechitsva.
Asi Imba yoUmambo itsva yaida nzvimbo yakakura. Nzvimbo yakadaro yainetsa kuwana pachitsuwa chiduku cheTutuila. Hama dzakaenda kune mumwe mukadzi akakurumbira weKaturike. Aiva nenzvimbo yaisava nechinhu muPetesa, chinhambwe kubva paImba yoUmambo yekare. Mukadzi wacho paakaziva kuti hama dzaida nzvimbo yokuvaka imba yokunamatira, akavimbisa kuti aizotaura nomwanasikana wake aida kuvaka zvivako zvebhizimisi panzvimbo yacho. Minyengetero yehama yakapindurwa papera mazuva matatu mukadzi wacho paakadziudza kuti aizodzitengesera nokuti, sokutaura chaiko kwaakaita, “Mwari anofanira kuva pokutanga.”
Wallace Pedro akanyora kuti: “Akatotipawo gwaro rouridzi hwenzvimbo yacho tisati tamubhadhara. Akati, ‘Ndinoziva kuti muri vanhu vakavimbika uye muchabhadhara mari yacho yose.’ Chokwadi, takaita izvozvo chaizvo.” Imba yoUmambo yakanaka chaizvo inokwana vanhu 250 yakavakwa panzvimbo iyi uye yakazotsaurirwa muna 2002. Imba iyi ine michina yokuita kuti mufefetere kana kuti mudziye.
Muna 1999, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga urongwa hutsva hwokubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma. Muzvitsuwa zveSamoa, yokutanga yakavakwa kuLefaga, musha uri kwawo woga nechokumhenderekedzo yokumaodzanyemba yechitsuwa cheUpolu. Ungano yaiva neZvapupu gumi yaiva muLefaga yaimboitira misangano yayo mushedhi youswa yakanga yakabatana neimba yomumwe muparidzi iri nechepamberi.
Basa rokuvaka raitungamirirwa naJack Sheedy wekuAustralia, uyo akamboshumira kuTonga pamwe nemudzimai wake Coral kwemakore manomwe. Jack akanyora kuti, “Waiti ukatarisa uri nechekure, boka revanhu vaishanda vaisanganisira varimi, vabati vehove, navanamai, raiita semasvosve aimhanya-mhanya panzvimbo yaivakwa.”
Pakapera Imba yoUmambo iyi yaikwana vanhu 60 muna 2001, vagari vomumusha macho vakairumbidza. Vaiti, “Dzimba dzenyu dzokunamatira dzinoyevedza nokuti dzinoremekedzeka uye hadzisi dzokushamisira. Dzakasiyana chaizvo nemachechi edu akashongedzwa zvokushamisira, azere nezvinhu zvisina kurongedzwa uye zvine tsvina.” Vaipinda misangano vakawedzerawo chaizvo. Muna 2004, vanhu 205 vakapindira Chirangaridzo cherufu rwaKristu muImba yoUmambo itsva iyi.
Pakazopera gore ra2005, chirongwa chokubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma chakanga chaita kuti Dzimba dzoUmambo ina dzivakwe uye nhatu dzigadziridzwe muzvitsuwa zvose zveSamoa. Uyewo Imba yeMagungano iri muSinamoga muApia kuSamoa, yakagadziridzwawo. Sezvinongoitwawo mune dzimwe nzvimbo dzisina kupfuma, vaparidzi vokuSamoa vanoonga chaizvo kubatsirwa kwavanoitwa nehama nehanzvadzi dziri munyika yose.—1 Pet. 2:17.
KUITA MAERERANO NENGUVA IRI KUCHINJA
Vanhu vakawanda vokuSamoa vakatamira kune dzimwe nyika. Somuenzaniso, kuAustralia, New Zealand, United States, uye kunyanya kuHawaii, kune vanhu vekuSamoa vakati wandei. Munyika dzakadaro mune Zvapupu zvinopfuura 700 zviri muungano 11 dzomutauro weSamoa nemapoka maviri emutauro weSamoa. Vamwe vaparidzi vakabva kuSamoa vari muungano dzeChirungu munyika dzavakatamira.
Zvapupu zvinoverengeka zvekuSamoa zvakaenda mhiri kwemakungwa kuti zvinodzidziswa nesangano redu ndokuzodzoka kuSamoa uye kuAmerican Samoa kuzoshandisa zvavainge vadzidza. Somuenzaniso kuma1990, Talalelei Leauanae, Sitivi Paleso‘o, Casey Pita, Feata Sua, Andrew Coe, naSio Taua vakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri kuAustralia ndokuzodzoka kuti vatsigire basa roUmambo. Iye zvino Andrew nemudzimai wake Fotuosamoa, vanoshanda paBheteri yemuSamoa. Sio nemudzimai wake Ese, vaiva mudunhu kwemakore akati wandei pamwe nemwanakomana wavo muduku anonzi El-Nathan. Pari zvino Sio ari muDare Revakuru vanotarisira basa munyika yacho. Vamwe vakaenda kuchikoro ichi, vari kushumira vakatendeka vari vakuru, mapiyona, kana kuti vaparidzi muungano dzavo.
Zvose izvi zvakaguma nei? Muna 2008, ungano 12 dzomuSamoa neAmerican Samoa, dzakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi 620. Vanhu vanopfuura 2 300 vakapinda Chirangaridzo muna 2008. Saka vaparidzi vangangowedzera chaizvo muzvitsuwa zvokuSamoa.
KUFAMBIRANA NESANGANO RAJEHOVHA
Kwemakore, vanhu vakawanda vokuSamoa vanoda chokwadi vakabvuma mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Vaine ushingi hwakaita sohwemadzibaba avo aifamba mugungwa, vanhu ava vakakunda matambudziko akawanda parwendo rwavo rwokubva munyika yasakara yaSatani vachienda mumusha mutsva musangano raJehovha rinotungamirirwa nomudzimu mutsvene. Zvipingamupinyi zvakadai sokushorwa nemhuri, kudzingwa mumusha, nhema dzinotsausa dzevafundisi, kudzvinyirirwa nehurumende, kunzwa kuda kuita zvakaipa, nezvimwewo hazvina kuvatadzisa kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha. (1 Pet. 5:8; 1 Joh. 2:14) Zvakaguma nei? Iye zvino vakachengeteka vari musangano raMwari!—Isa. 35:1-10; 65:13, 14, 25.
Kunyange zvakadaro, havasati vapedza rwendo rwavo. Vari kuvavarira kusvika muparadhiso ichange ichitongwa zvakarurama noUmambo hwaMwari. Paradhiso iyi iri pamberi chaipo apa. (VaH. 11:16) Zvapupu zvaJehovha zviri muzvitsuwa zvokuSamoa zviri kuramba zvichienda mberi, zvakatsunga kusvika kuparadhiso. Zviri kuita izvozvo zvakabatana nehama dzavo dziri munyika yose, uye vachitungamirirwa neShoko raMwari nomudzimu wake mutsvene une simba.
[Mashoko Omuzasi]
a Lapita inzvimbo iri kuNew Caledonia kwakatanga kuwanikwa zviumbwa zvaigadzirwa nevanhu ava.
b Western Samoa yakachinja zita kuti inzi Samoa muna 1997. Saka munyaya ino tichangoshandisa zita rekuti Samoa.
c Harold akasvikira kumba kwaVaTaliutafa Young, uye vazukuru vavo vakawanda vakazova Zvapupu zvaJehovha. Muzukuru wavo, Arthur Young, ndipiyona uye mukuru muUngano yeTafuna kuAmerican Samoa. Chimwe chezvinhu zvinokosheswa kwazvo naArthur iBhaibheri rakapiwa mhuri yavo naHarold Gill.
d Vanhu vekuSamoa vane zita rekutanga, sekuti Pele, kuchizouya remhuri. Pele aishandisa zita remhuri rekuti Fuaiupolu raiva rababa vake. Uyezve pane vamwe vane kodzero yekuwana zita reushe. Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinochinja mazita azvo oushe kana kuti zvinoaramba, zvichiona kuti zita racho rine kapfungwa kezvematongerwo enyika kana kuti rine chokuita nezvinhu zvenyika. Munyaya ino tichashandisa rekutanga richiteverwa nerechipiri zvinonyanya kuzivikanwa, sekuti Pele Fuaiupolu.
e Firimu iri rakabudiswa kechipiri muna 1995 pakaseti yevhidhiyo zvekuti rinowanika mumitauro inoti Arabic, Chinese (Cantonese uye Mandarin), Czech, Danish, Dutch, Chirungu, Finnish, French, German, Greek, Italian, Japanese, Korean, Norwegian, Portuguese (yokuBrazil uye yokuEurope), Spanish, uye Swedish.
f Ropati akazobhabhatidzwa paakazoshanya kuNew Zealand.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 77]
“Usiku huno manzwa shoko reUmambo. Ndinovimba nemwoyo wese kuti muchariteerera”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 98]
“Vana vaiwanzoti kana tava kusvika mumusha voshevedzera kuti, ‘Amagedhoni yauya!’ ”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 108]
“Bhazi rinoenda kuVava‘u rinobata nguva chaizvo: rinosvika chero parasvikira”
[Bhokisi riri papeji 69, 70]
Zvitendero zveSamoa—Zvekare Uye Zvitsva
Zvitendero zvekare zveSamoa zvaisanganisira kunamata vanamwari vakawanda, kutenda kuti zvinhu zvakadai semiti nemakomo zvine upenyu, kuita zvemidzimu, uye kunamata madzitateguru asi vasina temberi, zvidhori, kana kuti vapristi. Zvese zvavaiita zvainge zvine chekuita nechitendero. Saka nei vanhu vekuSamoa vaiita sokuti vakanga vaibva kuti vachinje chitendero muna 1830 pakasvika mamishinari eLondon Missionary Society (LMS)?
Imwe ngano yokuSamoa yaiti kwaizouya chimwe chitendero chitsva chine simba chaizogumisa kutonga kwavanamwari vekare. Madzishe okuSamoa (anonzi matai) akati mamishinari acho aimiririra chitendero ichi chitsva. Mambo Malietoa akasarudza kunamata Mwari wevaKristu, anonzi Jehovha, uye akarayira vanhu vake kuti vadarowo.
Vanhu vakawanda vakati wiriwiri kumamishinari eKaturike, eMethodist, eMormon, neeLondon Missionary Society uye nhasi anenge munhu wose muzvitsuwa zvekuSamoa anoenda kuchechi. Hurumende yokuSamoa ine chiga chechitendero chokuti: “Vanhu veSamoa vanotsigirwa naMwari” uye yokuAmerican Samoa ine chokuti: “Vanhu veSamoa, Mwari ngaave pakutanga.” Ikoko nyaya dzezvitendero dzinotepfenyurwa zvakanyanya mumaterevhizheni.
Chitendero chakanyanya kusimba mumisha. Madzishe emusha ndiwo anowanzosarudza kuti vanhu vanofanira kuva vechitendero chipi. Mumisha iyi vamwe vangatomanikidzwa kupa mari ingatopfuura zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari yavanotambira kuti vatsigire vafundisi uye zvirongwa zvechechi. Vanhu vasiri kufara neizvi vari kuramba vachiwedzera. Kunotova nemakwikwi okuti ndiani anopa mari yakawanda. Mamwe machechi anoshevedzera mazita evanenge vahwina.
Mumisha yakawanda, zuva rega rega mabasa anomira kwemaminitsi gumi kusvika kugumi nemashanu. Iyi inguva yemunamato inonzi sa. Majaya anenge aine zvimiti anomira pano neapo mumugwagwa kuti aone kana tsika iyi iri kutevedzerwa. Vanotyora mutemo vangatsiurwa, vangaripiswa mari ingasvika madhora 100 okuAmerica, kana kuti vanganzi vape vakuru vedare remumusha kana musha wose zvokudya. Dzimwe nguva vangatorohwa kana kutodzingwa.
Pane imwe nguva, mutariri wedunhu anonzi John Rhodes nemudzimai wake Helen, vakasvika kumusha weSalimu uri kuSavaii vaneta. Magadhi akavati vamire kwakaperera musha nokuti sa yakanga ichangotanga. Vakabvuma, vakamira kusvika sa yapera ndokuzoenda kwavaizogara.
Ishe mukuru wemusha wacho paakanzwa kuti John naHelen vakanga vambomiswa, akakumbira mudzimai wavaigara naye ruregerero. Ishe wacho akati Zvapupu vaenzi vanoremekedzwa. Akarayira magadhi kurega vanaRhodes vachipinda mumusha macho chero nguva, kunyange panguva yesa. Akazviitirei? Mwanakomana muduku waishe wacho, anonzi Sio, aidzidziswa Bhaibheri neZvapupu uye akanga achifambira mberi pakunamata. Iye zvino, Sio Taua ari muDare Revakuru vanotarisira basa muSamoa.
[Mufananidzo]
John naHelen Rhodes
[Bhokisi riri papeji 72]
Zvakaita Samoa, American Samoa, neTokelau
Nyika
Samoa ine zvitsuwa zvikuru zviviri—Upolu neSavaii. Zvitsuwa izvi zvakaparadzana nemakiromita 18. Inewo zvimwe zvitsuwa zviduku zvakati kuti zvinogarwa. American Samoa iri kumabvazuva kwakadziva kumaodzanyemba kweSamoa. Iri kure nemakiromita anenge 100. Ine chitsuwa chikuru chimwe chete, chinonzi Tutuila uye inosanganisira Manu‘a Islands, Swains Island, ‘Aunu‘u, uye chitsuwa chemakorari chisingagarwi chinonzi Rose. Tokelau ine zvitsuwa zvitatu zvakadzikira zviri kuchamhembe kweSamoa nemakiromita 480.
Vanhu
Vanhu vanopfuura 214 000 vanogara muSamoa, uye vanenge 57 000 muAmerican Samoa. KuTokelau kunogara vanhu vanenge 1 400. Vanopfuura zvikamu 90 kubva muzana vaPolynesia, vamwe vose ndevokuAsia, kuEurope, kana kuti vana vakaberekwa vagari vemo varoorana nemamwe marudzi.
Mutauro
Samoa ndiwo mutauro weveruzhinji, kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachitaurawo Chirungu. Mumwe mutauro wakafanana neSamoa unonzi Tokelau ndiwo unotaurwa kuTokelau.
Zvinovararamisa
Zvinonyanya kuunza mari, kurima, kushanyirwa kwenzvimbo dzinonakidza, kubata hove dzakaita semhumbu uye kudzigadzira kuti dzizotengeswa.
Zvokudya
Vanonyanya kudya taro inopa simba rakawanda, mabhanana mambishi, nemuchero unoti kana ukabikwa unoita sechingwa unosanganiswa nemuto wemakokonati. Zvokudya zvingasanganisirawo nyama yenguruve, huku, kana hove. Kune michero yakawanda yemunzvimbo dzinopisa yakadai semapopo, mapainiepuro, nemango.
Mamiriro Okunze
Zvitsuwa izvi zvinopisa uye mhepo inenge ine unyoro rinenge gore rose. Pago Pago iri pachitsuwa cheTutuila muAmerican Samoa, inonaya mvura inopfuura mamirimita 5 000 gore rega rega.
[Bhokisi riri papeji 75]
“Bhuku Rakanaka Iri”
Hama Harold Gill vakauya netumabhuku 3 500 twaiva mumutauro weSamoa kuti vaparadzire muAmerican Samoa. Kabhuku kacho kaiva nemusoro unoti Where Are the Dead? Hama Harold pavakapa gavhuna kabhuku kacho, iye akati vakaratidze mufundisi wega wega kuitira kuti vaudze gweta guru rehurumende kana kakanga kakakodzera kuparadzira kuvanhu. Saka vafundisi vaizoita sei?
Mufundisi weLondon Missionary Society aiva noushamwari uye haana kukashora. VeSeventh-Day Adventist havana kuva nebasa kuti Harold aiitei chero aisazotora vanhu vavo. Mufundisi wemauto anorwira mugungwa, kunyange aisashora, akataura nezvako achinyomba. Zvisinei, pane zvakaitika zvaisatarisirwa zvakaita kuti Harold asaonane nemupristi weKaturike. Harold aive apa kabhuku kacho mupurisa womuSamoa akanga amuperekedza kuna gavhuna. Mazuva mashomanana izvi zvaitika, Harold akabvunza mupurisa wacho kana akanga anakidzwa nekabhuku kacho.
Mupurisa wacho akapindura nechirungu chakatyoka achiti: “Bhasi wangu [kureva gweta guru] akati: ‘Enda unoona mupristi wako [weKaturike] umubvunze kana bhuku iri rakanaka.’ Ndakanogara pasi pomuti ndikaverenga bhuku. Ndakati, ‘Bhuku rakanaka iri, asi kana ndikariratidza mupristi, achati, “Bhuku harina kunaka iri.” ’ Saka ndakati kuna bhasi wangu, ‘Bhasi, mupristi wangu ati, “Bhuku rakanaka iri.” ’ ”
Pava paye, gweta racho rakashevedza Harold kuhofisi yaro. Harold akatsanangura zvaiva mukabhuku kacho, gweta zvaraikavhura. Gweta racho rakabva rasimudza runhare ndokufona kuti ripe mvumo yokuti kabhuku kacho kaparadzirwe. Izvi zvakaita kuti tunenge tumabhuku twacho twose twuparadzirwe muzvitsuwa zvacho zvose.
[Bhokisi riri papeji 76]
Tsika Dzechinyakare dzeSamoa
Muna 1847, mumishinari weLondon Missionary Society, ainzi George Pratt, akatsanangura vaSamoa se“vanhu vanokoshesa tsika dzakanaka kupfuura vamwe vaPolynesia vose, kunyange kutopfuura vamwe vose munyika.” Iyi tsika yechinyakare yevaSamoa inonzi faa Samoa (zvinoreva kuti maitiro evaSamoa), ibumbiro remitemo rakanyatsorongwa rinotaura zvinofanira kuitwa muupenyu hwose hwevaSamoa.
Bhuku rinonzi Samoan Islands rinotsanangura kuti chinonyanya kukosha mubumbiro iri kuti “munhu aremekedze, kunyange kutonamata vaya ‘vane zvinzvimbo zvepamusoro’ kumupfuura.” Kuremekedza uku kunoonekwa netsika dzakanaka, kutaura zvakanaka, uye kuvimbika kwomunhu kumhuri uye kuvanhu vomumusha make. Vakawanda vanofunga kuti hazviite kuramba tsika nechitendero zvemadzitateguru avo.
Madzishe emhuri anonzi matai, aya anochengetedza tsika iyi, ndiwo anotungamirira pane zvinoitwa nemhuri imwe chete kana kuti dzakawanda dzinenge dziine ukama. Anomiririra mhuri idzi kudare remumusha. Anorayira kuti vanhu vanyatsoteerera uye anoratidza simba rawo nokuripisa vanhu, kuvarova, kunyange kuvadzinga mumusha. Somuenzaniso, vanamatai vemune mumwe musha vakaripisa mumwe mufundisi paakatuma zvikomana kuti zviteme Zvapupu zvaJehovha nematombo.
Misha ingava navanamatai vanobva pa10 kusvika ku50. Vakawanda vanosarudzwa neveukama vanonzi aiga, asi vamwe vanoita zvokugara nhaka chinzvimbo chacho. Mazita okuremekedza akanyatsorongwa maererano nezvinzvimbo zvacho. Mumusha wega wega muna ishe mukuru anonzi alii. Ishe uyu ndiye mukuru mudare remusha. Pane mumwe ishe anonzi tulafale. Uyu anotaura achimiririra vokwake pazviitiko zvakatsaukana-tsaukana. Kunyange zvakadaro, havasi vanamatai vose vane zvinzvimbo mune zvematongerwo enyika kana kuti mune zvechitendero. Vamwe vangangova vanamatai munyaya dzemhuri chete, zvakadai sokutarisira minda yemhuri, vaine masimba okusarudza kushandiswa kwaingaitwa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 79]
“Munhu waJehovha”
SAUVAO TOETU
AKABEREKWA MUNA 1902
AKABHABHATIDZWA MUNA 1954
NHOROONDO Ndiye munhu wokutanga womuFaleasiu kubvuma chokwadi. Imba yoUmambo yakazovakwa pasitendi yake. Nyaya iyi yakataurwa nemwanakomana wake anonzi Tafiga Sauvao
MUNA 1952, imwe hama yababa vangu yokuApia yakashanyira mhuri yedu kuFaleasiu. Hama yavo iyi, yaiwadzana neZvapupu zvaJehovha yaida kukurukura zveBhaibheri nababa vangu. Hama dzedu dzakati kuti mumusha medu dzakafunga kuti dzizoteererawo. Vari pamwe chete, vakakurukura kubva Mugovera mangwanani kusvika Muvhuro masikati, vachingomira kweawa imwe chete kuti varare. Pashure pokukurukura saizvozvi pakupera kwevhiki kuna kwakatevera, baba vangu vakazoti: “Ndagutsikana. Ndawana chokwadi.” Mukuwasha wababa vangu, Finau Feomaia, akabvumawo chokwadi. Mhuri dzavo dzakadarowo.
Baba vangu vakabva vatanga kuparidza. Izvi zvakakanga mate mukanwa hama dzedu nokuti dzaiona baba somuSeventh-Day Adventist akazvipira. Dzakavanyomba dzichivati munhu waJehovha. Asi izvozvo kwaitova kurumbidza kwakazonaka! Kunyange zvazvo baba vangu vaiva nomuviri mudiki, vaiva nemwoyo weshumba. Vainyatsofunga uye vaigona kunyengetedza. Izvi zvaiita kuti vadzivirire nounyanzvi kutenda kwavo kutsva. Pashure penguva yakati, boka redu duku rakazova ungano yechipiri muSamoa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 83]
Aiva Akatendeka Pasinei Nekurwara
FAGALIMA TUATAGALOA
AKABEREKWA MUNA 1903
AKABHABHATIDZWA MUNA 1953
NHOROONDO Akaramba kuva matai akakurumbira, akava piyona wenguva dzose.
FAGALIMA ainge akaremara tsoka uye asinganyatsooni asi akazova piyona chaiye kwemakore akawanda muSamoa. Mumwe mutariri wedunhu paaiparidza paimba neimba naFagalima, akaona kuti aiverenga magwaro asina magirazi uye akamubvunza kana akanga ava kuona zviri nani. Fagalima akapindura kuti magirazi ake aiva arasika saka aitaura ndima dzacho nemusoro.
Fagalima ainzwa shungu dzokunopinda gungano kuFiji, saka akanoshanda ari ega kwevhiki ina kune rimwe divi reUpolu achiunganidza makokonati. Pasinei nokuremara tsoka, aitakura michero yekokonati 15 panguva imwe chete kwemakiromita anopfuura matatu achienda kwaainoatsemura achitora zvemukati ozviomesa. Akazozvitengesa ndokuenda kuApia kunobhadhara mari yokuti aende kuFiji. Asi akasvikowana mari yacho yakwira kupfuura yaaiva nayo. Fagalima haana kunyunyuta, kukanda mapfumo pasi, kana kukumbira rubatsiro. Akadzokera kunotsvaka mamwe makokonati akawana mari yaaida. Akaita zvose izvi nokuti aida kunopinda gungano raaifunga kuti raizova mumitauro miviri yaaisaziva. Fagalima akafara chaizvo paakasvika kuFiji akaudzwa kuti hurukuro zhinji pagungano racho dzaizopiwa mumutauro wake!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 87]
“Ndakanakidzwa Mazuva Acho Ese”
RONALD SELLARS
AKABEREKWA MUNA 1922
AKABHABHATIDZWA MUNA 1940
NHOROONDO Iye nomudzimai wake Olive (Dolly), vakatamira kuSamoa kunova mapiyona chaiwo muna 1953. Akapedza kudzidza kuchikoro chemamishinari cheGiriyedhi muna 1961. Ron achiri piyona chaiye muAmerican Samoa.
HURUMENDE yeSamoa payakaramba kuwedzera mazuva pamavhiza edu, ini naDolly takatamira kuAmerican Samoa. Chikepe chinotakura vanhu pazvitsuwa izvi chakatiburutsira kunzvimbo inosungirirwa zvikepe yakanga isisashandiswi yePago Pago na3 mangwanani. Ndisu taiva vaparidzi chete munyika iyi uye taingova ne$12 yekuAmerica muhomwe. Pava paye mwangwanani iwayo, baba vemumwe aimbodzidza Bhaibheri vakatipa pekugara. Vaiva nekamuri rimwe chete. Takaganhura imwe kona neketeni ndokurara. Kunyange zvazvo taida kuwana pekugara pedu tega, takatanga kuparidzira paimba yomuvakidzani chaiyo.
Vhiki dzakazotevera takazowana furati rokurenda raiva pamusoro pechimwe chitoro mumusha weFagatogo. Uri mumba, wainyatsoona chiteshi chengarava chePago Pago chinoyevedza asi mumba macho makanga musina chero kai zvako. Tainge tamboudzwa naHama Knorr kuti: “Kana maenda kuzvitsuwa zvePacific, zvinhu zvingasava nyore. Pamwe mungatowaridza makadhibhokisi morara ipapo.” Saka ndizvo zvatakaita! Kunyange zvakadaro, taifara kuti taivawo nepataiti ndipo pamba pedu. Takatozowana mari yokugadzirisa mubhedha, tafura nemacheya papera mwedzi yakati.
Kunyange zvazvo mudiwa wangu akashaya muna 1985, ndichiri kuenda kunoparidza mazuva akawanda. Pandinofunga nezvemakore anodarika 50 ndiri piyona uye mumishanari, zvechokwadi ndinoti ndakanakidzwa mazuva acho ese!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 88]
“Vakanyatsondidzidzisa Kuda Jehovha”
WALLACE PEDRO
AKABEREKWA MUNA 1935
AKABHABHATIDZWA MUNA 1955
NHOROONDO Ndiye munhu akatanga kubhabhatidzwa muAmerican Samoa. Iye nomudzimai wake Caroline, vakambopayona ndokuzova nemhuri. Iye zvino vari kushumira vari muguta reSeattle riri muWashington, kuUnited States.
PANDAKADZIDZA Bhaibheri ndokutanga kuparidza, mhuri yangu yakandidzinga pamba ndichingova nezvandakanga ndakapfeka! Usiku ihwohwo ndakarara mumhenderekedzo megungwa. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andishingise kumushumira kunyange zvodini.
Zuva rakatevera pandaiva muraibhurari yechikoro, Hama Paul Evans vakangoerekana vapindamo. Vakaona kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka, ndokuti, “Handei kumba kwemamishinari tonotaura nezvazvo.” Mamishinari akandinzwira tsitsi ndikagara nawo, uye pava paye gore iroro ndakabhabhatidzwa.
Pandakapedza sekondari, ndakapayona nemamishinari. Ndakazoroora mumwe piyona aishingaira wokuCanada, Caroline Hinsche, akanga amboshumira ari muFiji uye takatanga upiyona chaihwo muAmerican Samoa.
Vabereki vangu vakazodzora mwoyo zvishoma nezvishoma. Baba vangu vakafa vava kudzidza Bhaibheri, uye amai vangu vakabhabhatidzwa vava nemakore 72. Ndinoonga zvikuru muenzaniso wemamishinari iwayo epakutanga. Vakanyatsondidzidzisa kuda Jehovha uye nanhasi zvichiri kundibatsira!
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 91, 92]
Kushingirira Kwakaita Kuti Tibudirire
PAUL EVANS
AKABEREKWA MUNA 1917
AKABHABHATIDZWA MUNA 1948
NHOROONDO Iye nemudzimai wake, Frances, vaiva mamishinari muSamoa neAmerican Samoa kwemakore anodarika 40.
INI NEMUDZIMAI wangu patakatanga kufambira ungano ndiri mutariri wedunhu muna 1957, zvakanga zvakaoma kupinda muSamoa. Hurumende yaiedza kuita kuti Zvapupu zvemunyika imomo zvisabatsirwe nevokune dzimwe nyika. Vashanyi vaitonzi vasaine pepa vachivimbisa kuti vaisazoita basa rokutendeutsa vanhu pavaiva muSamoa. Saka pandakashanyira Samoa kekutanga ndiri mutariri wedunhu, ndakabvunza mushandi webazi rehurumende rinoona nezvekubuda nokupinda kwevanhu munyika zvairehwa nekutendeutsa vanhu. Paakaita seavhiringidzika, ndakabvunza kuti:
“Tomboti muri muKaturike ari kushanyira imwe nyika mobva maenda kuchechi. Kudai vaizoti musimuke, muparidze, maizodaro here?”
Akati, “Munhu anofanira kusununguka kuita izvozvo.”
Ndakabva ndati, “Imi munoziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira vanhu mumisha yavo zvichivaudza shoko reBhaibheri. Kana shamwari dzangu dzichida kuti ndiende nadzo padzinenge dzichiita basa iri, zvinobvumirwa here?”
Akapindura kuti, “Zvingangoita.”
Ndakabvunza kuti, “Ko kana muridzi wemba akandibvunza mubvunzo? Ndingamupindura here?”
Akati, “Ndinofunga kuti hapana chakaipa.”
Ndakabva ndati, “Saka zvakanaka, ndava kuziva zvokuita.”
Tapedza kushanyira ungano zvakanaka, tava kudzokera, ndakabvunza mushandi wacho kana akanga ambonzwa zvakaipa nezvokushanya kwedu.
Akapindura kuti, “Kana kai zvako. Zvose zvakanaka.”
Ndakabvunza kuti, “Ko tingazowana sei mvumo yokuti tipinde muno patichazoshanyazve?”
Akandipa zano rokuti, “Musazokumbira mvumo kubazi rehurumende rinoona nezvekubuda nokupinda kwevanhu munyika. Ingondinyorerai tsamba, uye ndicharonga kuti muwane mvumo yacho.”
Izvozvo ndizvo zvatakazoita kakawanda pataishanya.
Kungoti vamwe vashandi vakazotsiva murume uyu ainzwisisa vakanga vakati omei musoro. Vakarambira vamwe vatariri vematunhu vakazouya shure kuti vapinde muSamoa. Zvinhu zvakaramba zvakadaro kusvika muna 1974, hurumende payakabvuma kuti ini naFrances tinzi tiri mamishinari munyika iyoyo. Kushivirira nokushingirira kwatakaita zvakaita kuti tizobudirira.
[Mufananidzo]
Frances naPaul Evans
[Bhokisi riri papeji 97]
Ndimi Yenyanzvi Dzekutaura
Mutauro weSamoa unotaurwa zvinyoronyoro pamwe inzwi richikwira pamwe richidzika. Matauriro aya anonakidza kunzwa. Zvisinei, Fred Wegener anoti, “mashoko akawanda zvaanoita sokungomburumbudza mavhawero, kuti mamishinari agone mutauro wacho, anotofanira kudzidzira chaizvo uye kukurudzirwa. Kudzidzira kwacho vanokuti faata‘ita‘iga uye kukurudzirwa kwacho vanokuti faalaeiauina.”
Mutsika yeSamoa, kutaura kwakarungwa kwounyanzvi uye kushandisa tsumo kunokosha zvikuru. Madzishe avanoti matai nenyanzvi dzomutauro dzinomirira vamwe pakutaura dzavanoti tulafale vanofarira kutaura mashoko emuBhaibheri uye kutaura kwakanyatsorungwa pazviitiko zvinokosha. Tsika yokuremekedza yevanhu vokuSamoa inonyanya kuoneka nokunyatsongwarira pakutaura kunofanira kuitwa pazviitiko zvinokosha. Munhu paanenge achitaura naMwari, nemadzishe, nevanhu vane zvinzvimbo, nevaenzi vokune dzimwe nyika, kana kuti paanenge achitaura nezvavo, anoshandisa mutauro wakanyatsorongwa wokuremekedza “madzishe” unonzi tautala lelei. Asi, munhu paanenge achingotaurawo zvake semazuva ose, kana kuti paanenge achitaura nezvake, anoshandisa mutauro wezuva nezuva wavanoti tautala leaga. Mutauro uyu unotaurwa munhu akadekara zvake.
Mutauro weSamoa wokuremekedza “madzishe” unoshandisa mashoko akanyatsosarudzwa kana toreva nezvenyaya dzinokosha kana kuti nyaya dzeBhaibheri. Izvi zvinoitirwa kuti munhu asagumbura vamwe. Geoffrey Jackson, ari muDare Rinodzora, akambova mumishinari kuSamoa anotsanangura kuti, “Paunenge uchiparidza, zvinokosha kutaura nevanhu vokuSamoa uchiratidza tsika dzinowanzoratidzwa madzishe, asi uchitevera tsika yokuzvininipisa yokushandisa mashoko ezuva nezuva pakutaura nezvako. Izvi zvakadaro nokuti mutauro wacho wose wakazara nokuva netsika uye kuremekedza.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 99]
‘Takabvako Takasuruvara’
ROBERT BOIES
AKABEREKWA MUNA 1942
AKABHABHATIDZWA MUNA 1969
NHOROONDO Iye nemudzimai wake Elizabeth (Betty), vaiva mamishinari kuSamoa kubvira muna 1978 kusvika muna 1986.
PATAKATANGA kusvika kuAmerican Samoa, takaona kuti vanhu veko vaionga chaizvo kutamburira kwataiita kudzidza mutauro weSamoa uye vaisava nebasa nekuti taiukanganisa kakawanda. Pane pamwe pandakashandisa Zvakazarurwa 12:9 kutsanangura kutonga nyika kuri kuitwa naSatani. Shoko reSamoa rokuti dhiyabhorosi (tiapolo) uye rokuti remoni (tipolo) anotaurwa zvakada kufanana. Ndakachinjanisa mashoko acho, ndokutsanangura kuti “remoni” rakanga radzingwa kudenga uye rakanga richitsausa nyika yose inogarwa. Asi ndakati munguva pfupi Jehovha aizopwanya “remoni” origumisa. Saimba nemumishinari wandaiva naye vakabva vati pwati-pwati kuseka.
Imwe nguva, pandaiparidza paimba neimba, ndakataurira mumwe mukadzi wekuSamoa mharidzo yandakanga ndadzidzira nemusoro. Ndakazoziva pava paye kuti akanga angobata rugwaro rwaZvakazarurwa 21:4 chete. Akafunga kuti mashoko andaitaura aikosha, ndokubva apinda mumba, akaverenga ndima yacho muBhaibheri rake. Rugwaro rumwe chete irworwo rwakabaya mwoyo womukadzi wacho zvokuti akazobvuma kudzidza Bhaibheri uye iye nevana vake vakazova Zvapupu!
Zvinofadza kuti takazogona mutauro weSamoa uye takanakidzwa nezvinhu zvakanaka zvizhinji zvakaitika. Takazodzoka kuUnited States pamusana pokurwara. Takabva kuSamoa takasuruvara chaizvo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 101, 102]
“Taundi Rose Rakauya”
Pamariro aFred Williams akaitwa kuma 1950 pakauya vanhu vakawanda chaizvo. MuApia hamuna kumboitwa mariro akadaro. Vanhu vaimuti Kaputeni. Ainge ari harahwa yakashinga yainge yamboshanda kuzvikepe mugungwa uye mudzimai wake aiva Chapupu chaJehovha. Hapana gungwa raasina kusvika, uye aizivikanwa muSouth Pacific yose. Chimwe chezvinoratidza ugamba hwake, kwaiva kukwasva kagwa kadiki-diki nechikwata chake pashure pekunge chikepe chavo chaparara pane imwe nzvimbo yaiva nematombo. Vakakwasva kwemakiromita anenge 1 600, vasina zvokudya zvakakwana.
Kaputeni aiti vanhu vazhinji vanonamata vanongoendawo zvavo kuchechi. Asi uyu murume aimbonwa doro nokutamba njuga, akazodzidza Bhaibheri naBill Moss akava Chapupu chinoshingaira. Paakazobhabhatidzwa, ainge ava kuonera madzerere uye asisagoni kumuka. Asi aigara achitaura nezvechitendero chake chitsva, achiudza vanhu vakawanda vaimushanyira, kusanganisira vafundisi vezvimwe zvitendero.
Chido chenhaka chaKaputeni chaiti mariro ake aitwe neZvapupu zvaJehovha uye kuti avigwe mugungwa. Girlie Moss akazonyora kuti, “Zvaiita sokuti taundi rose rakauya kumariro. Redhiyo yakazivisa rufu rwake, uye makambani emuApia akadzikisa mireza kusvika pakati kuratidza kumuremekedza.” Kunze kweZvapupu paivawo nemagweta, vadzidzisi, vafundisi vakakurumbira, uye vanhu vakawanda vemabhizimisi.
Bill Moss paaikurukura, vanhu vose vainge vakati nzeve ngwa! Akaverenga magwaro akawanda achitsanangura tariro yaKaputeni yekuzomutsirwa muparadhiso pasi pano. Girlie anoti: “Ndakafarira chaizvo zvakaitwa naKaputeni, nokuti akanga aronga kuti pamariro ake papiwe uchapupu uhwu kune vanhu vakawanda. Zvainge zvakaoma kuona vamwe vacho kana kutaura navo tichiparidza paimba neimba. Ndakafunga nezvaAbheri, anonzi nezvake neBhaibheri ‘kunyange zvazvo iye akafa, achiri kutaura.’ ” (VaH. 11:4) “Rufu rwaKaputeni rwakapupurira kwazvo.”
Hurukuro yemariro yakaitirwa pamba paKaputeni yapera, motokari dzinopfuura 50 dzakaita mudungwe dzakananga kuchiteshi chengarava. Girlie anonyora kuti: “Vanhu vainge vari mavhu nemarara pachiteshi chacho zvokuti mapurisa aitofanira kuvhura nzira yokuti tipinde muchikepe. Pavanhu vakakwira chikepe chacho paiva nemhuri yacho, mumiririri weimwe nyika uye vagari vemuSamoa vakakurumbira. Chikepe chacho chainzi Aolele zvinoreva kuti Guti Rinobhururuka.” Zita rechikepe chacho rainge rakanyatsokodzera nokuti Bill aitofanira kunamatira padanda reseiri nokuti chikepe chaikandirwa kuno nekoko sezvinoitwa chituba chechirauro, uku mhepo ichimuvhuvhuta uye ichipeperetsa zvipfeko zvake neBhaibheri. Bill akazoverenga vimbiso yeBhaibheri inoti, ‘Gungwa richabudisa vakafa vari mariri,’ achibva anyengetera. (Zvak. 20:13) Zvadaro mutumbi waKaputeni wakanga wakaputirwa uye wakasungirirwa zvinoita kuti ureme wakanyudzwa mumvura yakanga isina kugadzikana yePacific Ocean yaaifarira. Vanhu vakaramba vachitaura nezvemariro aya kwenguva yakareba, zvichipazve mikana yokupupurira.
[Mufananidzo]
“Kaputeni” Fred Williams asati abhabhatidzwa
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 109, 110]
“Takaramba Tichidzoka”
FRED WEGENER
AKABEREKWA MUNA 1933
AKABHABHATIDZWA MUNA 1952
NHOROONDO Iye nemudzimai wake, Shirley, vanoshanda paBheteri rekuSamoa. Fred inhengo yeDare Revakuru vanotarisira basa ikoko.
TAKATAMIRA kuAmerican Samoa tichibva kuAustralia tichangobva kuchata muna 1956 kuti tinova mapiyona chaiwo. Takatanga kupayona muLauli‘i, musha muduku uri nechokumabvazuva kwepanopindwa napo munzvimbo inomiswa zvikepe yePago Pago. Takanogara muimba yakanga yaparara, isina madhoo, mawindo, sirin’i, kana kuti mvura yaiuya nomupombi. Taita kuti igarike, takabva tava nemumwe wokugara naye. Wallace Pedro, muduku womunzvimbo iyoyo akanga adzingwa pamba nevabereki vake akauya kuzogara nesu achipayona.
Papera makore maviri, takaenda kuchikoro cheGiriyedhi tikazonova mamishinari kuTahiti. Asi hatina kunyanya kugarako. Hurumende yacho yakaramba kuti tive mamishinari ikoko ndokutinyorera tsamba ichitiudza nemutsa kuti tibveko nendege yaitevera. Tadzokera kuAmerican Samoa, takashanda naPaul naFrances Evans uye Ron naDolly Sellars tichigara mumusha wemamishinari wokuFagatogo iri muPago Pago. Ikoko ndaidhinda Nharireyomurindi neUshumiri Hwedu hwoUmambo ndichishandisa muchina wekare patafura yaiva muimba yokudyira. Muna 1962, ini naShirley takakumbirwa kuenda kudunhu. Dunhu redu rokutanga raiva South Pacific yose, kusanganisira American Samoa, Cook Islands, Fiji, Kiribati, Niue, Samoa, Tonga, Tuvalu, uye Vanuatu.
Kwapera makore masere, takava nemwanakomana, Darryl, uye takanogara muAmerican Samoa. Ndaiva piyona chaiye uye nguva yakawanda Shirley aishandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri kuenda mumutauro weSamoa.
Panenge panguva iyi, ndaishanda nechimwe Chapupu chaiita chamunyurududu mugungwa chichitsvaka zvisikwa zvinonzi abalone. Izvi zvaibatsira kuti tiwane mari yokutsigira mhuri. Muchina weigwa rake wakafa, uye takarasika mugungwa kwemazuva mana. Takakukurwa kwemakiromita mazhinji, takapukunyuka dutu rinotyisa, takaona zvikepe 32 zvichipfuura, uye tisati tanunurwa takapotsa takuyiwa nechimwe chikepe chikuru. Papera nguva pfupi, ini naShirley takaziva kuti taizova nemumwe mwana. Saka muna 1974 takangosarudza zvedu kudzokera kuAustralia, kwakanoberekerwa mwanasikana wedu Tamari.
Makore akatevera, taingofunga nezvokudzokera kubasa redu roumishinari rataida. Takazofara zvokuti, ini naShirley, patakakumbirwa kudzokera kuSamoa muna 1995 pamwe naTamari, kuti tinoshanda paBheteri. Papera gore, ini naShirley takakumbirwa kuti titangezve kushanyira ungano, pashure pokunge tambomira kwemakore 26! Takafara zvikuru kuonana nevamwe vaive vakatendeka kwemakore vatakanga tamboshanda navo makore akawanda akapfuura muSamoa, American Samoa, neTonga!—3 Joh. 4.
Iye zvino, ini naShirley, pamwe chete naTamari nemurume wake, Hideyuki Motoi, tinoshanda paBheteri muSamoa. Tinofara chaizvo kuti takaramba tichidzoka!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 113, 114]
‘Jehovha Akapindura Minyengetero Yangu’
FAIGAAI TU
AKABEREKWA MUNA 1932
AKABHABHATIDZWA MUNA 1964
NHOROONDO Akapayona pachitsuwa cheUpolu necheSavaii kubvira muna 1965 kusvika muna 1980. Iye zvino anogara muSavaii.
NDAKABEREKWA ndakaremara tsoka zvisingaiti, zvokuti tsoka dzangu dzakapeterera pasi. Izvi zvaiita kuti zvinyanye kundiomera kufamba.
Pandakatanga kunzwa chokwadi chemuBhaibheri, ndakabayiwa mwoyo. Ndaida kupinda misangano yeungano, asi zvaiita sezvisingaiti kufamba mumugwagwa wakaoma une matombo. Asi ndakazova nyanzvi chaiyo pakugadzira bhutsu dzangu ndichishandisa mapatapata. Bhutsu dzacho dzaindibatsira kufamba ndisingarwadziwi.
Ndabhabhatidzwa ndakabva ndatanga kupayona. Ndapedza makore mapfumbamwe ndichipayona pachitsuwa cheUpolu, ndakatamira kuSavaii nemukoma wangu nemurume wake. Ikoko kwaidiwa vaparidzi voUmambo zvakanyanya uye ndakava piyona chaiye pamwe naKumi Falema‘a, mwana womukoma wangu.
Ini naKumi taikwira bhazi vhiki yoga yoga kubva kuFaga tichienda kuLata, musha muduku uri kumhenderekedzo yokumadokero kweSavaii. Tapedza kudzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi aigara muLata, taifamba makiromita masere tichienda kumusha weTaga kunodzidza nomumwe mukadzi ikoko. Tairara pamba pomukadzi uyu nemhuri yake, mangwanani acho todzokera kuFaga nebhazi. Izvi takazviita kwemakore anenge maviri. Ndinofara kuti vakadzi vaviri ava nemhuri dzavo vakazova Zvapupu zvinoshingaira.
Hama dzangu padzakabva muSavaii, ini ndakasara ikoko kuti nditarisire boka duku rehanzvadzi nevamwe vakadzi vaifarira vaiva muFaga. Ndaitungamirira pakudzidza Nharireyomurindi vhiki yoga yoga uye Chidzidzo Chebhuku Cheungano. Ndaitungamirirawo hanzvadzi pakuparidza paimba neimba. Kamwe chete pamwedzi, paiva nemukuru aibva kuApia kuti azoitisa mumwe wemisangano yemusi weSvondo. Taiita zvokuverenga zvinonzwika mashoko enziyo dzoUmambo pamisangano yedu, nokuti ishe womumusha macho aitirambidza kuimba. Kwapera makore mashanu, mamishinari maviri, Leva naTenisia Faai‘u, akasvika achibva kuNew Zealand kuti azobatsira boka redu duku. Vamwe vakazotevera. Iye zvino, muSavaii mune ungano mbiri dziri kukura. Imwe iri muFaga uye imwe iri muTaga.
Kunyange ndisina kumboroorwa, ndinoda vana uye ndaigara ndiri pedyo navo. Ndakatombogara nevamwe vana. Ndinofara zvikuru kuona vaya vandakadzidzisa, vakaita se“vana” kwandiri, vachitsigira Jehovha.
Iye zvino ndachembera uye handichakwanisi kufamba paimba neimba. Ndinodzidzisira vanhu pamba pangu uye ndinoparidzira vaya vandinosangana navo pachipatara chiri munzvimbo medu. Kunyange zvakadaro, kusakwanisa kuita zvandinoda kwaindinetsa, saka ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuita zvakawanda. Mamishinari omuungano yedu akabva andibatsira kuti ndiparidze nerunhare. Ndichitarira kwandakabva neupenyu hwangu, ndinoona kuti zvechokwadi Jehovha akapindura minyengetero yangu.
[Bhokisi/Diagram riri papeji 118]
Nezuro, Nhasi, Uye Mangwana
Zviringazuva zvevagari vemuSamoa neTonga zvine nguva yakafanana, asi karenda yeTonga iri pamberi nezuva rimwe chete! Nei? Tonga iri kumadokero kwemutsetse unoratidza nguva yenyika dzose, uye Samoa iri kumabvazuva. Zvitsuwa izvi zvakatarisana. Saka, kunyange zvazvo zvakaparadzana nenzvimbo duku, Tonga imwe yenyika dzinotanga kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu, ukuwo Samoa iri imwe yedziya dzinopedzisira.
[Dhiagramu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
\
\
\
\
\ SAMOA
| 7:00 p.m.
| Chitatu
|
|
|
|
|
TONGA |
7:00 p.m. | SOUTH PACIFIC OCEAN
China |
|
|
Nguva Yenyika Dzose | Mutsetse Unoratidza
|
| NIUE
|
|
|
|
|
|
|
|
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 123, 124]
Shanduro yeBhaibheri Inokudza Zita raMwari
Muna 1884, mamishinari echiKristudhomu akashandurira Bhaibheri mumutauro weSamoa. Bhaibheri racho raishandisa zita rokuti Jehovha muMagwaro ose echiHebheru. Chidimbu chezita raMwari chiri muna Aleluia, zvinoreva kuti “Rumbidzai Jah,” chaiwanika kanokwana kana muMagwaro echiKristu echiGiriki. (Zvak. 19:1-6) Asi muna 1969 Bhaibheri iri rakagadziridzwa nevashanduri vacho ndokubvisa zita rokuti Jehovha mundima dzose maraiva, rikangosara pandima imwe chete yavasina kunge vaona! (Eks. 33:14) Vakuru vechechi vakabvisawo zita raMwari mumabhuku avo enziyo ndokuudza nhengo dzechechi kuti dzisashandisa zita rokuti Jehovha.
Asi muna November 2007, vanhu vanoda Bhaibheri vemuSamoa vakafara kuwana Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weSamoa. Iyi shanduro yakarurama, iri nyore kunzwisisa ine zita raMwari mumashoko ayo akafuridzirwa. Geoffrey Jackson, aimbova mumishinari muSamoa, iye zvino ava muDare Rinodzora, ndiye akabudisa Bhaibheri racho idzva pagungano raikosha rakaitirwa muApia, Samoa. Gungano racho raibatanidza zvitsuwa zvakawanda.
Materevhizheni akataura nezvokubuda kwaro zvikaita kuti vanhu varifarire chaizvo. Vamwe vanhu vakafonera Bheteri yemuSamoa vachikumbira maBhaibheri acho. Mumwe mushandi wehurumende ane chinzvimbo akakumbira maBhaibheri gumi kuti ape vaaishanda navo. Mumwewo mukuru wechikoro akakumbira maBhaibheri mashanu okuti azopa somubayiro kuvadzidzi vaizobudirira kukunda vamwe pakupera kwegore.
Vanhu vakawanda vakataura zvakanaka nezvokunyatsoshandurwa kweBhaibheri iri, rinobatsira kunzwisisa zvairehwa nemashoko epakutanga chaiwo. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva riri kuita kuti vanhu vemuSamoa vazivezve kukosha kwokushandisa zita raMwari. Finau Finau, piyona chaiye muVailele, Upolu, akashandisa munyengetero waJesu wokuenzanisira kuti abatsire mumwe mukadzi kuona kukosha kwezita raMwari.
Averenga Mateu 6:9, Finau akabvunza kuti, “Munofunga kuti izita raani rinofanira kutsveneswa?”
Akapindura kuti, “RaIshe.”
Finau akati, “Asi 1 VaKorinde 8:5 inoti kune ‘vanamwari’ vazhinji ne‘madzishe’ mazhinji. Saka zita raMwari ringava sei Ishe kana paine vanamwari venhema vakawanda vane zita iroro?”
Akabva amuratidza zita rokuti Jehovha, akatsanangura kuti chiKristudhomu chakabvisa zita iroro mumaBhaibheri acho. Kuti asimbise pfungwa yacho, akawedzera kuti: “Kudai mumwe munhu aizoedza kubvisa kana kuti kuchinja zita reushe remhuri yenyu, maizonzwa sei?”
Akapindura kuti, “Taizodya marasha.”
Finau akapindura kuti, “Mabaya dede nomukanwa, ndizvo chaizvo zvinoitawo Jehovha kune vaya vanoedza kubvisa zita rake muShoko rake.”
[Mufananidzo]
“Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki” mumutauro weSamoa.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 126, 127]
“Jehovha Akandikomborera Kane Zana”
LUMEPA YOUNG
AKABEREKWA MUNA 1950
AKABHABHATIDZWA MUNA 1989
NHOROONDO Uyu mwanasikana weachimbova mutungamiriri wehurumende ndipiyona wenguva dzose muApia.
NDAKARERERWA pachitsuwa cheSavaii. Baba vangu vaiva muzvinabhizimisi aibudirira uye munhu wezvematongerwo enyika. Vaiva nemunda mukuru wecocoa, nevashandi vanenge 200. Saka mapepanhau emuSamoa aivati shasha yokurima cocoa. Kwemakore vaiva mukuru wehurumende yeSamoa.
Mumba medu taiva vana 11. Baba vaisanyanya kuita zvechechi, asi amai vakatidzidzisa zvinokosha zvinotaurwa muBhaibheri. Ndakavasuwa zvokuti pavakafa. Saka mumwe mumishinari anonzi Judy Pritchard, paakandiparidzira nezvetariro yokumuka, pfungwa yokuzoona amai vangu yakandifadza chaizvo!
Ndakanaya Judy nemibvunzo, asi akaipindura yose achishandisa Bhaibheri. Pasina nguva takanga tava kudzidza Bhaibheri pamwe chete. Pava paye, ndakatanga kuenda kumisangano yeZvapupu.
Pakutanga, murume wangu, Steve, mudhikoni akakurumbira muchechi yomumusha medu, akashora kudzidza kwandaiita. Akaenda neni kuvafundisi vakawanda vaiedza kundinyengetedza kuti ndirege kupinda misangano yeZvapupu. Asi handina kutevera mazano avo. Zvadaro akaenda neni kuna baba vangu, ivo vakangoti ndisadzidzire pamba asi kune imwe nzvimbo. Kunyange zvakadaro, vana vababa vangu vakandinyomba nokuti ndakanga ndachinja chitendero changu. Asi hazvina kuita kuti ndirege kudzidza chokwadi cheBhaibheri.
Pazvakazonzi zvava kuita kuti ndive muparidzi woUmambo, imba yokutanga yandakashanyira yaiva yemumwe mukuru mukuru muhurumende yaitungamirirwa nababa. Kakawanda aiuya kumisangano yezvematongerwo enyika kumba kwaBaba uye ainyatsondiziva. Ndakatya zvokuti ndakaenda seri kwemumwe wangu! Vanhu vaishamisika vachiona ndichiparidza vobvunza kuti, “Baba vako vanotii?” Asi baba vangu vaiva munhu anonzwisisa aitsigira chitendero changu chitsva. Uyezve, panguva iyoyo vainge vava kuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai!
Ndakazokunda kutya kwandaiita vanhu ndokuva piyona wenguva dzose. Ndinoda chaizvo kudzidzisa vanhu Bhaibheri, uye ndinochengeta mazita evanhu 50 vangangoda kudzidza kuitira kana ndawana mukana wokudzidzisa mumwe. Asi ndakanyanya kufara nokuti ndakakwanisa kudzidzisa vana vangu vana chokwadi. Mwanasikana wangu Fotuosamoa nomurume wake Andrew, nomwanakomana wangu Stephen nomudzimai wake Ana, iye zvino vanoshanda paBheteri muSamoa. Ndakabatsirawo munin’ina wangu anonzi Manu kubvuma chokwadi chiri muBhaibheri. Kunyange murume wangu, Steve, aimbondishora, akatanga kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano. Zvechokwadi, Jehovha akandikomborera kane zana.
[Mifananidzo]
Kuruboshwe: Fotuosamoa naAndrew Coe; kurudyi: Ana naStephen Young
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 129, 130]
Ndaizosarudzei—Jehovha Kana Kuti Kuva Nyanzvi Yokutamba Gorofu?
LUSI LAFAITELE
AKABEREKWA MUNA 1938
AKABHABHATIDZWA MUNA 1960
NHOROONDO Akasarudza kuva piyona pane kuva nyanzvi yokutamba gorofu.
NDAIVA nemakore 18 pandakaziva kuti mhuri yaigara mhiri kwomugwagwa yakanga yava kupinda chitendero chinonzi Zvapupu zvaJehovha. Ndichida kuziva, ndakashanyira baba vacho, Siemu Taase, kuti ndivabvunze nei vaishandisa zita raMwari rokuti Jehovha, semashandisiro avaiita. Mutsa wavo nokushandisa kwavaiita Magwaro pakubatsira kufunga zvakandibaya mwoyo. Saka vakatanga kundidzidzisa Bhaibheri uye ndakatanga kupinda misangano. Baba vangu vakandityisidzira pavakaziva zvandaiita. Ndakateterera kuti vandibvumire kupinda misangano, asi vakaomesa musoro vachiti ndisambobatana neZvapupu zvaJehovha. Asi zvakandishamisa kuti mangwana acho vakachinja pfungwa. Tete vangu vakazondiudza kuti, “Wakarara, waingochema uchiti ‘Jehovha, ndibatsireiwo kani!’” Ndinofanira kuve ndairota ndichibvotomoka. Ndinofara kuti kuchema kwandakaita kwakadzora mwoyo wababa.
Mhiri kwomugwagwa kwaivawo nenzvimbo yaitambirwa gorofu. MuSamoa yose maisava neimwe kunze kwaiyoyi. Ikoko ndaitsvaka mabhora anenge arasika ndoatengesa, zvichindiwanisa mari shoma yokushandisa. Pava paye, ndakazoita basa rokutakurira Mambo Malietoa tsvimbo dzegorofu. Panguva iyoyo ndiye aiva mutungamiriri weNyika yeSamoa. Akafunga kuti ndaizova nyanzvi yegorofu, saka akandipa tsvimbo dzake tsaru. Akarongawo kuti vanamuzvinabhizimisi vaviri vomunzvimbo yedu vandibatsire nemari yokuti ndive nyanzvi yegorofu. Aifunga kuti unyanzvi hwangu hwaizo“ita kuti Samoa ikurumbire.” Ndakafara zvokubata denga! Asi gorofu yakabva yatanga kunditsausa pakunamata Jehovha, uye izvozvo zvakandidya mwoyo.
Nguva yakazosvika yokuti ndisarudze zvokuita pandakahwina makwikwi eshasha dzegorofu akaitwa muSamoa. Taitamba neshasha dzakabva munyika dzakatsaukana. Mambo akafara chaizvo uye aida kuti ndinosangana neshasha yegorofu yokuAmerica pandaizopiwa mubayiro manheru iwayo panguva yezvokudya. Ndichinetseka, ndakati: ‘Zvino ndiyo nguva yokusarudza. Ndichasarudza gorofu kana kuti Jehovha here?’ Manheru iwayo ndakaenda kunogadzirira gungano redunhu pane kuenda kuzvokudya kwandaizopiwa mubayiro.
Zvinonzwisisika kuti mambo akadya marasha. Baba vangu pavakandibvunza, takakurukura kwenguva refu, ndikavatsanangurira ndichishandisa Bhaibheri nei ndaikoshesa zvikuru kushumira Jehovha. Zvakandishamisa ndezvokuti vakatanga kuchema. Vakabva vati: “Pawaiva nemakore mashanu, wakarwara chaizvo, zvikanzi wafa. Patakanga tava kukudzikisa muguva nyuchi yakabva yakuruma kuchiso. Wakabva wazhamba ukatanga kuchema. Zvakaitika panguva chaiyo yakakodzera! Zvino ndinofunga kuti wakaponeswa kuti uve chapupu chaJehovha Mwari.” Baba havana kuzondishorazve.
Ndatamira kuNew Zealand, ndakava piyona wenguva dzose kwemakore gumi ndikazova piyona chaiye. Ndakazoroora Robyn aivawo piyona chaiye. Takazova nevana vatatu ndokutamira kuAustralia. Kwemakore 30 akatevera, ndaishanda nguva yose kuti ndiriritire mhuri. Munguva iyi takabatsira hama dzedu dzakawanda kuti dzive Zvapupu. Ndaigaronyengetera kuti Jehovha andibatsire kuva piyona zvakare. Shure kwokunge ndarega basa muna 2004, ndakafara chaizvo kuti ndakazoita zvandaivavarira. Ndinofara zvikuru kuti ndakasarudza kushumira Jehovha pane kuvavarira kuva nyanzvi yokutamba gorofu!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 135]
Kurovedza Kwevabereki Kunowana Mubayiro
PANAPA LUI
AKABEREKWA MUNA 1967
AKABHABHATIDZWA MUNA 1985
NHOROONDO Iye nemudzimai wake, Mareta, mapiyona chaiwo muSamoa.
PATAKANONYORESA mwanakomana wedu, Sopa, kuchikoro chepuraimari, ndakapa mukuru wechikoro bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo tikamutsanangurira maonero atinoita zvinhu zvine chokuita nechitendero uye zvenyika.
Asi mangwana acho, Sopa akatiudza kuti mukuru wechikoro akanga abvarura bhurocha racho pamberi pevadzidzisi nevana vechikoro vaiva pamutsetse ndokuudza vana veZvapupu kuti vaimbe rwiyo rwechechi. Pavakaramba, akavamisa pamberi pevose vaiva pamutsetse ndokuvaudza kuti vaimbe nziyo dzechechi yavo. Aifunga kuti vaizotya voimba nziyo yaaida kuti vaimbe. Asi Sopa akakurudzira vana veZvapupu kuti, “Ngatiimbei ‘Tinokuongai Jehovha,’” uye akashaura rwiyo rwacho.
Mukuru wechikoro akashaya romuromo ndokurumbidza Sopa nokuti akanga akashinga. Iye nevamwe vadzidzisi vakazofarira chokwadi. Pose patinosangana nemukuru wechikoro wacho, anobvunza kuti Sopa akadini uye anoti tinomukwazisa. Sopa akaramba achifambira mberi pakunamata uye akabhabhatidzwa muna 2005.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 138, 139]
“Kuenda Kumisangano Hakusi Kure Zvakanyanya”
VALU LOTONUU
AKABEREKWA MUNA 1949
AKABHABHATIDZWA MUNA 1995
NHOROONDO Iye nevana vake vatanhatu vaifamba makiromita 22 vachipota seri kwemakomo kuti vanopinda misangano.
MUNA 1993, ndakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha pamba pangu muLefaga, uye ndakabvuma kudzidza Bhaibheri. Papera nguva pfupi, ini nevana vangu takatanga kupinda misangano yechiKristu kuFaleasiu, makiromita 22 kune rimwe divi rechitsuwa chacho.
Ndainotora vana kuchikoro vasati vapedza, kuti tiende kumisangano yemanheru pakati pevhiki. Vamwe vadzidzisi vakandityisidzira vachiti vaizodzinga vana vacho. Ndakatozotsanangura kuti tainopinda misangano pamusana pezvikonzero zvinokosha chaizvo zvokunamata. Mwana woga woga aitakura mupurasitiki, zvokunopfeka pamisangano, Bhaibheri, nziyo, nebhuku rainodzidzwa. Pane dzimwe nguva taitakurwa nebhazi rinenge richipfuura, asi kakawanda taifamba makiromita acho ose 22.
Pataizosvika paImba yoUmambo kuFaleasiu, Zvapupu zveko zvaitigamuchira zvotipa zvokudya. Zvaitibvumirawo kugeza topfeka zvakachena kuti tipinde misangano. Misangano yapera, taitanga rwendo rurefu tichienda kumba. Pataisvika pamusoro pegomo raikamura chitsuwa chacho, taimbozorora kuti vana vamboti rarei. Ndairamba ndichitarira kana paizova nemota yaizopfuura kuti itisvitse kumba. Kakawanda taisvika kumba pakati pousiku chaipo. Mangwanani aitevera, nenguva dza5, ndaimuka kuti ndinobata bhazi rokudzokera kuFaleasiu kunoparidzira.
Pane imwe nguva, ndakashevedzwa nedare ravanamatai vomumusha raitungamirirwa naishe mukuru wacho. Vaida kuziva nei ndaienda kure kwose uko kuFaleasiu pane kupinda chechi mumusha wedu, kunyanya iya yakatangwa nasekuru vangu. Vakazoti ndirege kunopinda misangano kuFaleasiu. Asi ndaisazobvumira chero chii zvacho chichiita kuti ndirege kuenda kumisangano. Ndakanga ndakatsunga kuteerera Mwari pane kuteerera vanhu.—Mab. 5:29.
Zvinhu zvakazoipa pandisina kupinda mabiko omumusha anonzi toonai, anoitwa musi weSvondo. Vafundisi, madhikoni navanamatai vomumusha vanenge varipo. Dare racho rakandibhadharisa nguruve huru shanu. Uyu waiva mutoro unorema, zvandaiva chirikadzi ine vana vaduku vatanhatu. Pasinei naizvozvo, ndakazobhadhara nenguruve dzandakatora mudanga rangu. Asi papera nguva, vanhu vomumusha medu vakatanga kuremekedza kutsiga kwedu uye vakanga vasisatishori.
Kwemakore, kuenda kumisangano kwaida kuti tishinge. Asi kwaiva kufira zviripo. Vana vangu vose Zvapupu zvinoshingaira. Mwanakomana wangu mumwe chete mushumiri anoshumira.
Ini nevana vangu tichiri kufamba kuenda kumisangano. Iye zvino tinofamba, kwete makiromita 22 kuenda kuFaleasiu, asi pedyo pedyo. Muna 2001, mumusha medu chaimo makavakwa Imba yoUmambo itsva yakazonaka. Iye zvino inoshandiswa neungano iri kukura chaizvo. Saka, kunyange iye zvino, kuenda kumisangano hakusi kure zvakanyanya!
[Chati/Girafu iri papeji 132, 133]
MAKORE AZVAKAITIKA—Samoa
1930
1931 Mashoko akanaka anosvika kuSamoa.
1940
1940 Harold Gill anoparadzira kabhuku kanonzi Where Are the Dead? bhuku rokutanga mumutauro weSamoa.
1950
1953 Panova neungano yokutanga muApia.
1955 Mamishinari akadzidza kuGiriyedhi anosvika muAmerican Samoa.
1955 Firimu rinonzi The New World Society in Action rinoratidzwa muAmerican Samoa mose.
1957 Gungano redunhu rokutanga muAmerican Samoa.
1958 Nharireyomurindi inotanga kushandurirwa mumutauro weSamoa.
1959 Gungano redunhu rokutanga rakaitwa muWestern Samoa.
1960
1970
1974 Mamishinari anosvika muSamoa. Basa rokuparidza rinotanga muTokelau.
1980
1984 Vanova nebazi mumusha wemamishinari muSinamoga, Apia.
1990
1991 Dutu rainzi Val rinoparadza zvitsuwa.
1993 Nharireyomurindi yemutauro weSamoa inobuda panguva imwe chete neyeChirungu. Musha weBheteri mutsva neImba Yemagungano zvinotsaurirwa.
1996 Purogiramu yainzi “Mhinduro Dzemibvunzo Yenyu yeBhaibheri” inotepfenyurwa paredhiyo vhiki yega yega.
1999 Kuvaka Dzimba dzoUmambo kunowedzera.
2000
2007 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki inobudiswa mumutauro weSamoa.
2010
[Girafu]
(Ona bhuku racho)
Vaparidzi Vose
Mapiyona Ose
700
400
100
1930 1940 1950 1960 1970 1980 1990 2000 2010
[Mufananidzo]
Frances naPaul Evans
[Mepu iri papeji 73]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
HAWAII
AUSTRALIA
NEW ZEALAND
TOKELAU
Swains Island
SAMOA
AMERICAN SAMOA
Manu‘a Islands
Rose Atoll
SOUTH PACIFIC OCEAN
NIUE
Mutsetse Unoratidza Nguva
Yenyika Dzose Chitatu
‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐‐
China
TONGA
AMERICAN SAMOA
Tutuila
PAGO PAGO
Petesa
Tafuna
Fagatogo
Lauli‘i
‘Aunu‘u
SAMOA
Savaii
Aopo
Lata
Taga
Faga
Salimu
Fogapoa
Upolu
APIA
Faleasiu
Siusega
Vailele
Lefaga
Vava‘u
APIA
Vaiala
Faatoia
Sinamoga
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 66]
[Mufananidzo uri papeji 74]
Pele naAilua Fuaiupolu ndivo vakatanga kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha muSamoa
[Mufananidzo uri papeji 81]
Ron naDolly Sellars vakatamira kuSamoa muna 1953 kuti vashande kwainyanya kudiwa vaparidzi
[Mufananidzo uri papeji 84]
Richard naGloria Jenkins pamuchato wavo, muna January 1955
[Mufananidzo uri papeji 85]
Girlie naBill Moss pavaienda kuSamoa
[Mufananidzo uri papeji 95]
Zvakaita dzimba dzokuSamoa
[Mufananidzo uri papeji 100]
Imba yoUmambo iyi iri muApia ndiyo yakatanga kuvakwa muSamoa
[Mufananidzo uri papeji 107]
Imba yoUmambo yokutangatanga iri muTafuna, muAmerican Samoa
[Mufananidzo uri papeji 115]
Metusela Neru
[Mufananidzo uri papeji 116]
Saumalu Taua‘anae
[Mufananidzo uri papeji 131]
Ane Ropati (ava kunzi Gauld) akatsigira Jehovha achiri muduku
[Mifananidzo iri papeji 141]
Hofisi yomuSamoa neBheteri
Dare Revakuru vanotarisira basa muSamoa: Hideyuki Motoi, Fred Wegener, Sio Taua, naLeva Faai‘u