Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose
AFRICA
NYIKA 57
VANOGARAMO 848 582 269
VAPARIDZI 1 122 493
VARI KUDZIDZA BHAIBHERI 2 202 217
Rwanda
Achibva kuchikoro, mumwe musikana ane makore mapfumbamwe akanhonga mari zhinji yaiva mukabhegi mumugwagwa. Mhuri yake, yaidzidza Bhaibheri neZvapupu, yakasarudza kushandisa zvayakanga yadzidza muBhaibheri. Saka vakatsvaka muridzi wayo ndokumupa mari yacho. Muridzi wayo akabvunza musikana wacho kuti, “Kana ndikakupa mari yomubayiro wokuti wakatendeseka, uchaitei nayo?”
Musikana wacho akapindura kuti, “Ndinotenga Bhaibheri.”
Ashamisika, murume wacho akati, “Ndafunga kuti ungatenga zvimwe zvipfeko kana kuti bhutsu nokuti zvawakapfeka zvasakara.” Musikana wacho akaomerera pakuti angada hake kuva neBhaibheri. Murume wacho aida kuziva kuti nei mhuri yacho isina kuchengeta mari yacho. Aziva kuti vaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akatenga maBhaibheri maviri. Rimwe raiva remhuri yake, rimwe romusikana wacho. Akarongawo kuti Zvapupu zvishanyire mhuri yake kuti zvidzidze Bhaibheri nayo. Mhuri dzacho mbiri dziri kufambira mberi zvakanaka pakudzidza Bhaibheri.
Central African Republic
Abatsirwa naJehovha, Theodora akasvika pakukunda kunyara zvakanyanya kwaaiita. Kunyange akarererwa mumhuri yeZvapupu, kakawanda aisapinda misangano paImba yoUmambo pamusana pokunyara. Paakatanga kupinda misangano, aigara oga, asingatauri chero naani uye rwiyo nomunyengetero zvokupedzisira zvichingopera aibva aenda. Nenguva pfupi akanga ava kuenda kuImba yoUmambo nguva dzose asi asingabati chishanu vaya vaiuya kuzomumhoresa. Papera nguva yakati, akatanga kupindura pamisangano uye akatanga kumhoresa vamwe. Kuenda kunoparidza raiva danho guru kwaari. Vasikana vomunzvimbo imomo pavakamunyomba, akanzwa achida kurega kuparidza, asi akanyengetera nezvazvo kuna Jehovha, achimukumbira simba. Iye zvino, ihanzvadzi yakabhabhatidzwa, piyona webetsero uye inopa mhinduro dzakanaka pamisangano. Anodzidzisa vanhu vana Bhaibheri, kusanganisira mumwe muvakidzani aichimbomunyomba.
Madagascar
Mumwe mutariri wedunhu nomudzimai wake vaifamba vachienda kune imwe ungano iri kumaruwa. Vari munzira, vakasangana nechikwata chaiva netsika yokuba mombe chiine matemo nemapfumo. Pashure pokunge mudzimai womutariri wedunhu wacho anyengetera chinyararire kuti ashinge, akavapa turakiti rinoti Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare. Akati: “Iye zvino, tinorarama tichitya. Asi, munguva pfupi Mwari achaparadza vakaipa ounza nyika itsva ichange iine rugare kwose kwose.” Mumwe wevarume vacho akanyatsoteerera ndokutambira turakiti racho.
Kwapera gore, pagungano, mumwe murume akaenda kunobvunza mudzimai wacho womutariri wedunhu kana aimuyeuka. Murume wacho akati aiva pamwe nembavha idzo mudzimai wacho akanga asangana nadzo mumugwagwa waiva nematope uye kuti ndiye akanga atambira turakiti racho. Akabva atsanangura kuti: “Taibva kunoba patakasangana nemi. Zvamakataura zvakaita kuti ndifungisise. Ndakati: ‘Hatityi mapurisa kana masoja nokuti tinogona kuatiza. Asi ndingatiza sei Mwari kana achizoparadza vakaipa?’ Saka ndakasarudza kutsvaka mamwe mashoko. Ndadzokera kumba ndakashanyira muvakidzani aidzidza Bhaibheri napiyona chaiye. Ndakabvuma kudzidzawo Bhaibheri naye, uye iye zvino ndichabhabhatidzwa pagungano rino.”
Mozambique
Muna 1992, Madalena aiva nemakore anoti pfuurei 30, akapinda mutsaona yemotokari ikamusiya aremara. Izvozvo zvaitika, aingogara ari mumba. Papera makore matatu, Zvapupu zvakataura nababa vake vari panze. Vaiva mukuru wechitendero chemadzitateguru chaiungana necheseri kwomusha wavo. Madalena anzwa zvaikurukurwa uye kuti hama dzakanga dzabvunza nezvake, akadzikumbira kuti dzipinde mumba. Akabayiwa mwoyo kwazvo nokuti dzaiva nehanya naye zvechokwadi! Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye ainyatsofarira zvaaidzidza. Zvapupu pazvakaona kushingaira kwake, zvakamubatsira nenzira dzakawanda, kusanganisira kuenda kumisangano. Achibatsirwa seizvi, Madalena akakwanisa kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha muna 2002.
Vabereki vaMadalena vakashaya remuromo nokutarisira kwaiita Zvapupu mwanasikana wavo. Amai vake vakatanga kupinda misangano ndokusiya chitendero chomurume wavo. Pakutanga, baba vaMadalena vakati vaisazombosiya chitendero chavo, asi pashure penguva yakati naivowo vakatanga kupinda misangano. Vokuchechi yavo vakavamanikidza kuti varege, zvavaiva mutungamiriri wavo! Asi vakaramba, ndokupisa zvose zvavaishandisa kuchitendero chavo. Muna 2007, ivo nomudzimai wavo vakabhabhatidzwa. Mhuri yose iri kunamata zvakanaka chaizvo.
Zimbabwe
Decibel, ane makore mapfumbamwe, anoparidzira vamwe vake vomukirasi nevadzidzisi. Rimwe zuva Decibel akaona kuti mudzidzisi wake akanga akati unauna, saka akanomubvunza kana paiva nechaiita kuti asafara. Mudzidzisi wacho akapindura kuti mukoma wake akanga afirwa nemwana. Decibel akavimbisa kuti aizounzira mudzidzisi wacho chimwe chinhu chaizomunyaradza. Decibel akawana bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa kuvabereki vake ndokuenda naro zuva rakatevera. Mudzidzisi wacho akaverenga ndima shomanana mubhurocha racho akaita seachabata denga nokufara. Akazonyorera vabereki vaDecibel katsamba achivatenda nokurovedza kwavakaita mwanasikana wavo uye achitenda kunyaradzwa kwaakaitwa naDecibel panguva yaaitambura.
Ghana
Abigail, aigara nechokumaodzanyemba muGhana pamwe nambuya nasekuru vechechi yePresbyterian, akanga adzidziswa kuti Zvapupu zvaJehovha vaprofita venhema. Paakaziva kuti vabereki vake, vaigara kune rimwe divi renyika yacho, vakanga vachidzidza neZvapupu, akanetseka ndokuvanyorera tsamba achivanyengetedza kuti varege kudzidza. Tsamba yacho zvaisina kubatsira sezvaaida, akaita rwendo rwemakiromita anodarika 1 000 kuti anoonana navo. Abigail akashamisika kudzidza muBhaibheri rake chairo kuti hero haisi nzvimbo inotambudzwa vanhu vakaipa. Akatanga kudzidza Bhaibheri uye kuenda kumisangano kuImba yoUmambo nevabereki vake ndokubva azova muparidzi asina kubhabhatidzwa. Abigail akabhabhatidzwa pagungano redunhu rakaitwa nguva pfupi yapfuura.
NYIKA DZEKUAMERICA
NYIKA 55
VANOGARAMO 898 130 531
VAPARIDZI 3 449 038
VARI KUDZIDZA BHAIBHERI 3 548 101
Dominica
Vakadzi vakawanda vepachitsuwa ichi vanowachira murwizi, vachiyanikira pamazitombo. Mumwe wevakadzi vacho akaona chinhu chaiyangarara mumvura isina kudzika pedyo nepaaiwachira. Akaona kuti raiva bhuku raaidzidza neZvapupu zvaJehovha vhiki yoga yoga. Akariyanika padombo raiva pedyo, ndokupfuurira kuwacha.
Pava paye zuva iroro, paakaunganidza zvipfeko zvake zvakanga zvaoma, akakanganwa bhuku racho. Asi, vabati vehove vaibva kugungwa vakaona bhuku racho raiva noruvara rwegoridhe, mumwe wacho akaritora. Atorwa mwoyo nemusoro wacho unoti Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? akatanga kuriverenga. Papfuura nguva, dzimwe hanzvadzi mbiri, mapiyona, padzaiparidza mumusha unogara murume wacho, dzakasangana naye. Akavatsanangurira kuti vanhu 144 000 chete ndivo vachaenda kudenga uye kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914. Akataurawo kuti munguva pfupi, nyika ichava paradhiso. Pavakamubvunza kuti akaziva sei zvinhu izvi, akatsanangura mawaniro aakaita bhuku racho, akatiwo airiverenga zuva roga roga. Akavaratidza bhuku racho, zvino rakanga raoma asi rakokonyara.
Mumwe piyona wacho akaziva kuti ndiro bhuku rakanga ranyururwa murwizi nomukadzi waaidzidzisa Bhaibheri. Mubati wacho wehove akatanga kudzidziswa Bhaibheri. Vhiki yoga yoga anotarisira mberi kuti adzidze uye ari kufambira mberi.
Bolivia
Kuparidzira munharaunda yeAmazon kuBolivia kwakaoma asi kunogutsa. Hama nehanzvadzi gumi, mapiyona, vakambandidzirana muigwa rinofambiswa neinjini, vaine matende, mapoto, uye mabhokisi akawanda emabhuku anotsanangura Bhaibheri. Vakafamba kwemakiromita anenge 800 nomurwizi runonzi Beni kubva kuRurrenabaque kuenda kuRiberalta. Vakashanyira misha iri kwayo yoga inopfuura 70 uye vakasiya mabhuku anopfuura 800 uyewo mabhurocha nematurakiti. Vakaratidza vanhu vaifarira vanenge 700 kudzidzwa kunoitwa Bhaibheri uye pavakazodzokera vakadzidza nevanopfuura 200. Pavakanga vava kubva mumisha yacho vaiwanzonzwa vanhu vachiti, “Madii magara tamboti dzidzei zvishoma?” Mune kamwe kataundi, mumwe murume akaomeredza Zvapupu zvacho kuti zvigare uye haana kufara pazvakanga zvava kuenda, nokuti aida kuramba achidzidza nazvo. Akati: “Matanga basa rinokosha. Saka munofanira kuripedzisa.”
Canada
Kwemakore akawanda Normand ave achishanda mufekitari inonyungudutsa simbi iri muMontreal. Panguva yokuzorora, aigara achiverenga kabhuku kakanzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva, muimba yokudyira. Vaaishanda navo vakamuona achikaverenga, uye paakavakoka vamwe vakabvuma kukurukura naye rugwaro rwezuva nezuva. Pakukurukurirana kupfupi ikoko, Normand aiedza chaizvo kuratidza kushanda kunoita mashoko acho muupenyu hwemhuri uye pakushanda zvakanaka nevamwe. Mumwe wevakuru vebasa akambouyawo pavaikurukura uye gare gare akashevedza Normand kuhofisi yake achimurumbidza, achiti kukurukurirana kwacho kwaizobatsira vashandi uye kuita kuti vave neukama hwakanaka.
Vanhu vanopfuura 30 pavakanga vava kuungana vachikurukurirana, vakuru vebasa vakaudza Normand kuti aronge mapoka maduku munzvimbo dzakasiyana-siyana dzefekitari yacho. Anoti: “Iye zvino ndiri kutungamirira mapoka matatu zuva roga roga, uye vandinoshanda navo vanodana kukurukurirana uku kuti zviyeuchidzo zvezuva nezuva. Vanofarira kukurukurirana ikoko kwatinoita zvokuti kana ndisipo mumwe wavo anotungamirira. Kana ndichinge ndadzoka vanondibvunza zvavanenge vasina kunzwisisa.” Normand ave achibatsira vaanoshanda navo kuti vafunge nezvevhesi reBhaibheri zuva roga roga kwemakore mashanu akapfuura. Izvi zvakaita kuti vamwe vevaanoshanda navo nevemumhuri dzavo vanopfuura 40 vabvume chokwadi.
Barbados
Hanzvadzi Barker, vane makore 89, vaida kutsvaga munhu wokudzidza naye Bhaibheri. Nemhaka youtano hwavo husina kunaka havakwanisi kufamba pasuo nesuo, saka vakaedza kuparidzira nefoni, asi vasingabudiriri. Vakurudzirwa neimwe hurukuro pamusangano, yaikurukura nezvemunyengetero, vakatanga kuteterera Jehovha kuti avabatsire kuwana munhu wokudzidzisa Bhaibheri. Papera mazuva mashoma, vakamira pamberi pemba yavo vaine Bhaibheri nemagazini uye vakatsunga kuparidzira chero ani zvake ainge achipfuura kunyange zvazvo mugwagwa wacho usingafambwi nevanhu vakawanda. Vakapa magazini mumwe murume aibva kubasa. Papera vhiki, vakamirazve pamberi pemba yavo, vakaona murume iyeye zvakare. Sezvo akaratidza kufarira magazini aakanga apiwa, vakamupawo bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? vachiti vaida kudzidza naye Bhaibheri. Vakafara chaizvo nokuti murume wacho akabvuma kudzidza. Vakatanga kudzidza naye March 2008 ava kuda kunopera. Pava paye vakazoziva kuti murume uyu aisagara kure nemba yavo. Vhiki shoma dzakatevera akatanga kupinda misangano. Hanzvadzi yacho yakati, “Ndinoziva kuti Jehovha anopindura minyengetero, asi ndaisafunga kuti achakurumidza kupindura kudaro!”
Chile
Imwe hanzvadzi piyona, iri muSantiago payakaburuka mutekisi mundima yainoparidzira iri pamwoyo chaipo peguta, yakakanganwa faira rayo raiva nemagazini pachigaro chekumashure. Faira racho raiva nemagazini akati wandei uye maivawo neUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaiva hwakanyorwa zita rayo. Izvozvo zvakabatsira mutyairi wetekisi kutsvaka hanzvadzi yacho. Akazoiwana abatsirwa nezvimwe Zvapupu zvaakaona zvichiparidza munzvimbo iyoyo. Paakadzosa faira racho remagazini kuna piyona wacho, raiva risina chinhu kunze kweUshumiri hwoUmambo chete. Magazini akanga asisimo. Akakumbira ruregerero, achitsanangura kuti vanhu vakasiyana-siyana vaakanga atakura vainge vavhura-vhura magazini acho mumwe nomumwe ndokukumbira kana zvaiita kuti atorewo imwe chete. Muzuva rimwe chete magazini acho ose akanga atorwa pasina aiagovera!
Nicaragua
Ernesto aiva kaputeni wemauto epamusorosoro, aigara muguta duku riri pedyo neCaribbean Coast. Piyona chaiye anonzi Jairo, akanga abva kune rimwe divi renyika yacho kuti auye kuzoparidza ikoko, akasangana naErnesto paaiparidza paimba neimba akati aida kudzidza naye Bhaibheri. Kunyange zvazvo uyu aimbova musoja akaramba, Jairo akasimbirira, uye akazobvuma. Pavainge vachikurukura, Jairo akataura kuti baba vake vaimbova mukuru mukuru wemauto airwisana nemauto ehurumende munzvimbo yaiva pedyo asi vakanga vafira muhondo. Ernesto akapfuurira kudzidza uye akatanga kufambira mberi, panguva yose iyi aiva nemashoko aainge akapfimbika achivanzira mudzidzisi wake, asi aaifanira kuzongotaura. Akasuruvara chaizvo, akatsanangurira Jairo kuti ndiye aitungamirira mauto akabata baba vake vari vapenyu uye kuti ndiye akatoita kuti vafe. Ichokwadi kuti Jairo akashamisika, asi akaziva kuti chaiva chokwadi nokuti kudonongodza zvaityisa kwakaitwa naErnesto kwaipindirana nezvaakanga audzwa nemauto aishanda nababa vake. Ernesto akafunga kuti ushamwari hwavo hwaizoperera ipapo. Asi pane kuvenga mudzidzi wake, Jairo akapfuurira kudzidza naye. Ernesto akafambira mberi uye akabhabhatidzwa pamwe chete nemudzimai wake. Iye naJairo vachiri shamwari nanhasi.
Venezuela
Nechokumadokero kwenyika yacho hama dzomuguta reMachiques dzaiparidza munzvimbo inogarwa nezvizvarwa zveko isingawanzoshandwi pedyo nemuganhu neColombia. Munhu wose aiteerera! Ishe wenharaunda yeYukpa akabvumira kuti chirangaridzo chiitwe kekutanga munzvimbo iyi. Vavakidzani uye vepachikoro chemunzvimbo imomo vakapa macheya uye vanhu vanopfuura 200 vaivapo. Pakapera musangano uyu ishe wacho akataura achiremekedza achimiririra musha wose. Akati: “Tinoda kutenda Zvapupu zvaJehovha. Tinovimba kuti muchadzoka zvakare. Munotidzidzisa chokwadi uye makasununguka kudzoka!” Vanhu vanopfuura 50 vari kudzidziswa Bhaibheri vhiki yoga yoga.
ASIA NEMIDDLE EAST
NYIKA 47
VANOGARAMO 4 026 656 360
VAPARIDZI 618 088
VARI KUDZIDZA BHAIBHERI 538 957
Taiwan
Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Ndakafara chaizvo kusangana nehanzvadzi yangu (vanamai vakasiyana), yandakanga ndisati ndamboonana nayo nokuti iyo nemhuri yayo vanogara kure uye kuenda ikoko kwakaoma zvisingaiti. Baba vangu nemhuri yedu yose takafara chaizvo kunzwa kuti hanzvadzi yangu nemhuri yake vaitamburira kuti vatishanyire. Kwavanogara zvakusina Zvapupu, ndaitarisira kuti vaizobvuma mashoko akanaka. Ndakafara chaizvo muroora wangu nemwanasikana wake pavakafarira Bhaibheri! Asi, ndaizovabatsira sei kudzidza nezvezvinangwa zvaJehovha pavaizodzokera kumba kwavo? Ndakazoziva kuti vaiva nekombiyuta uye vaishandisa Indaneti. Ini nomurume wangu takatenga kamera inoshandiswa paIndaneti, uye vadzokera kumba kwavo, takapfuurira kudzidza navo Bhaibheri tichishandisa kamera yacho. Zvakandishamisa kuona kuti kudzidza Bhaibheri saizvozvi kunoshanda chaizvo. Tinogona kuona zvavanoita sezvavanoverenga Bhaibheri ravo nebhuku ratiri kudzidza. Izvi zvinondibatsira kunzwisisa zvandinofanira kuita kuti ndivabatsire. Tinoonga kuti tinogona kushandisa zvinhu izvi zvakagadzirwa nounyanzvi, zvinoita kuti tikwanise kuudza hama dzedu chokwadi. Pasina izvozvo taisazombokwanisa kudzidza navo.”
Nepal
Purnamaya, ane makore 16, anogara mutaundi duku riri muNepal. Babamudiki vake vakamuparidzira, akatanga kudzidza. Iye zvino, kunyange zvazvo kuenda kuungano kuchitora maawa maviri nehafu nebhazi, anopinda misangano nguva dzose kamwe pavhiki. Hazvisi nyore kwaari. Vabereki vake vane maperembudzi, saka varombo chaizvo. Mangwanani-ngwanani, Purnamaya anotsemura matombo okugadzirisa kongiri kuti awane mari yokutsigira mhuri. Anoitawo mabasa epamba akadai sokubika nokuwacha uye anoendawo kuchikoro. Mari yebhazi yokuenda kumisangano yakaenzana nemari inoshandirwa nemunhu zuva rose. Pane dzimwe nguva, vabereki vake vanomukurudzira kuti aende hake kuchechi iri pedyo. Asi Purnamaya anoziva kuti anodzidza nezvaJehovha kuImba yoUmambo chete, saka anoita zvaanokwanisa kuti aende ikoko. Nguva pfupi yapfuura izvi zvakaita kuti atengese wachi yake, yaakanga apiwa nambuya vake. Haangotsinhiri zvakanaka chete pamisangano, asi anoudzawo vanhu vomutaundi rake zvaanenge adzidza. Vanhu vose vanomuziva vanonzwa vachikurudzirwa.
Malaysia
Malaysia payaitongwa neBritain, vashandi vane zviuru vakaendeswa ikoko kunoshanda muminda yemiti inogadziriswa rabha. Vakagariswa mumisha yaiva muminda yacho, uye yakawanda ichiripo. Yakawanda yacho haisvikiki zviri nyore uye haisi pamepu. Veimwe ungano pavaiparidza mundima isina vaparidzi, vakaona mumwe musha uri mumunda wemiti yerabha. Vakomana vaviri vasati vasvika makore 20, vakanga vatotora magazini, vakafarira chaizvo kuparidza kwaiita hama. Vakaenda kuhama dzacho ndokubvunza kana dzaida kutungamirirwa kuenda kune mimwe misha. Vakomana ava vaiziva nzvimbo yacho chaizvo kupfuura hama dzacho. Vakakwira midhudhudhu yavo ndokutungamirira motokari nomunzira dzine madhaka dzemuminda yacho nemigwagwa isina tara. Kubva kune mumwe musha kuenda kune mumwe, vaitora maminiti anosvika ku45. Vakaendesa hama kune mimwe minda yakanga isati yamboshanyirwa neZvapupu. Hama padzaiparidza, vakomana vacho vaikurudzira vanhu vomumusha wacho kuti vatore magazini uye vaaverenge. Vakaendesa hama kumisha mitatu iri kwayo yoga. Kusava noudyire kwevakomana ava kwakabatsira chaizvo kuti vanhu vakanga vasina kumbowana mukana wokunzwa mashoko akanaka vaparidzirwe chaizvo. Pakupera kwevhiki kwacho, vaparidzi 50 veungano iyi vakagovera magazini anopfuura 5 000.
EUROPE
NYIKA 47
VANOGARAMO 733 775 190
VAPARIDZI 1 542 507
VARI KUDZIDZA BHAIBHERI 789 219
Russia
Tatyana ane kenza youropi. Pashure pokunge avhiyiwa zvinotyisa makore mashoma akapfuura, akaiswa muwadhi inenge iine varwere vasisatarisirwi kurarama. Mumwe mupristi weOrthodox akashanyira wadhi yacho kuti varwere vareurure zvivi zvavo vasati vafa. Tatyana akaona mumwe mukadzi muwadhi iyoyo akanga atsunga kupa mupristi wacho mari. Mupristi wacho aenda, Tatyana akabvunza mukadzi wacho kana akanga ava kunzwa zvakanaka. Mukadzi wacho akapindura akasuruvara kuti, “Aiwa, handina kunyange kunzwisisa zvaataura.” Zvadaro Tatyana akaudza mukadzi wacho mashoko akanaka etariro yorumuko. Mukadzi wacho akatenda Tatyana ndokuti, “Iye zvino ndava kunzwa zvakanaka!” Mukuru wepachipatara chacho akanzwa zvakanga zvaitika uye akaudza mupristi wacho kuti asadzoke zvakare. Akabva aisa Tatyana mune imwe wadhi kuiitira kuti ataure nevamwe. Mukuru wacho wepachipatara akabvunzawo kero yepanopindira Zvapupu zvaJehovha misangano. Asati apinda muchipatara, Tatyana akanga akumbira Jehovha kuti amupe simba rokuti apfuurire kuparidzira. Ane chokwadi chokuti Jehovha akapindura munyengetero wake. Mumwedzi iwoyo akashuma maawa anopfuura 100! Kunyange zvazvo urwere hwake hwakomba uye asingachabvi pamba, achiri kushanyirwa nevaaiparidzira panguva yaaigara achienda kuchipatara.
Georgia
Hanzvadzi mbiri dzaiva mapiyona chaiwo kwenguva pfupi dzakatumirwa kunoshanda munharaunda yakanga isina Zvapupu zvaJehovha. Pavakanga vachiongorora ndima yavo itsva, vakarasika. Pavaitamburira kufamba mumazaya echando aisvika mumabvi uye vachiedza kutsvaka nzira yokudzoka kumba, vakadzimara vaneta uye vatonhorwa. Vakazoona makanga matsikwa nomumwe munhu achienda pane imwe imba, vakashevedzera. Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Khatuna akabuda pagedhi, achibva avakoka kuti vapinde mumba maidziya. Vakatenda chaizvo izvozvo. Khatuna paakaziva kuti vaviri vacho vaiva Zvapupu zvaJehovha, akatsanangura kuti panguva yavaifamba muchando varasika, iye nemhuri yake vainge vachinyengetera vachikumbira Mwari kuti avaratidze chokwadi. Pashure pemaminiti mashoma mapiyona acho maviri akasvika pamba pavanaKhatuna. Khatuna akataura kuti chokwadi ikoko kwaiva kupindurwa kwomunyengetero wavo! Iye zvino vanhu vana mumhuri iyi vari kudzidza Bhaibheri, uye vaviri vacho, Khatuna navamwene wake, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa.
Britain
Reston akanga asati ambotanga kudzidza nevanhu Bhaibheri achivaudza zvakananga kuti anoda kudzidza navo, saka akafunga kumbozviedza. Asati agogodza pasuo rokutanga, akanyengetera kwenguva pfupi, achikumbira Jehovha kuti amubatsire kuti ave nemaonero akanaka. Zvadaro akaudza muridzi wemba ainzi Andy kuti aida kudzidza Bhaibheri naye, uye akabva angobvuma. Reston akatsunga kumuunzira bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? gare gare zuva iroro. Ava kuendako nebhazi, Reston akaona kuti mutyairi webhazi racho aiva munhu waaigara achiendesera magazini eNharireyomurindi neMukai. Akurudzirwa nokubvuma kudzidza kwaiva kwaitwa naAndy mangwanani iwayo, akasarudza kuti pavaingosvika kwavaienda aizoudza mutyairi wacho kuti aida kudzidza naye Bhaibheri.
Panguva iyoyo mumwe muchembere aivawo mubhazi racho akaziva kuti Reston aiva Chapupu uye akamukumbira kuti ashanyire shamwari yake yairwara kuti ainyengeterere. Reston akati aizoda kutaura neshamwari yacho uye kumunyaradza nemashoko anobva muBhaibheri. Achishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rimwe chete raaiva naro, akaratidza muchembere wacho kubatsirwa kwaaizoitwa nokudzidza Bhaibheri. Muchembere uyu akati aida kudzidza. Mumwe murume wechiduku akanga akagara kune rimwe divi akateerera zvavaikurukura. Akafarira mifananidzo iri mubhuku racho. Saka Reston akafara kumupa bhuku racho. Pavakasvika kwavaienda, Reston akaudza mutyairi webhazi uya kuti aida kudzidza naye Bhaibheri asingabhadhari. Akashamisika kuti mutyairi wacho akabvuma nomwoyo wose uye akati aiva nemibvunzo yakawanda nezveBhaibheri. Reston akamhanyira kumba kweimwe hama inogara pedyo kuti anowana rimwe bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? akazosvika kumba kwaAndy ava manheru. Andy akatora bhuku racho achifara. Vakatanga kudzidza, uye nokukurumidza Andy akatanga kushandisa zvaaidzidza. Andy nemutyairi webhazi vari kupinda misangano, uye Reston anodzidza Bhaibheri nevanhu 15, vanhu ava akavaudza zvakananga kuti aida kudzidza navo. Iye zvino anova nechokwadi chokuti anogara aine mabhuku aBhaibheri Rinombodzidzisei? akati wandei paanenge achiparidza.
François naMonica nevana vavo vaviri vakadzokera kumotokari yavo mushure mokunge vapedza mangwanani vachiparidza. Zvisinei, mwanasikana wavo ane makore maviri nehafu anonzi Shaé akanga asingadi kukwira motokari asati apa mumwe munhu turakiti rake rokupedzisira. Panguva iyoyo imwe motokari yakatsauka mumugwagwa ikamira uye makabuda vakadzi vaviri. Shaé akapa mumwe wavo turakiti rine musoro unoti Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare uye Monica akatsanangura kuti raitaura nezvei. Mukadzi wacho anonzi Sierra, akaratidza kufarira uye akakoka Monica kumba kwake kuti azodzidza Bhaibheri nevanin’ina vake vaviri vachiri kuyaruka. Pavakadzidza kekutanga, Sierra akakumbira kuti vanakomana vake vaviri vadzidzewo Bhaibheri. Nokufamba kwenguva mwanakomana womukoma waSierra akatanga kudzidzawo. Sierra ainge aripo pazvidzidzo izvi zvose uye aibvunza mibvunzo yakawanda. Pakupedzisira akabvuma kudzidzawo. Zvadaro, murume wake akatanga kudzidzawo. Mushure maizvozvo amai vaSierra nevamwe vomumhuri uye shamwari vakakumbira kudzidzawo Bhaibheri. Kutsunga kwaShaé kugovera turakiti rake rokupedzisira kwakaguma nezvidzidzo zveBhaibheri 11. Vanhu vana pavadzidzi ava vari kupinda misangano nguva dzose.
Italy
Jennifer ari muungano inonzi Milan Russian Congregation. Kanoverengeka akanga ataura pafoni nomumwe mukadzi wokuUkraine anonzi Valentina asi vakanga vasati vamboonana. Rimwe zuva, vakaronga kusangana pachiteshi chechitima chinofamba nepasi pevhu. Valentina akaudza Jennifer kuti aizopfeka bhachi dzvuku kuti amuzive. Jennifer akasvika pachiteshi chacho akaona mumwe mukadzi akanga akapfeka bhachi dzvuku. Zvaiva pachena kuti ane munhu waaitsvaka. Jennifer akaenda kwaari akati, “Makadini, ndimi munonzi Valentina here?” Mukadzi wacho akati hungu, Jennifer ndokuti, “Ini ndini Jennifer.” Asi mukadzi wacho haana kupindura. Avhiringidzika, Jennifer akabvunza kuti, “Handiti makamirira inini?”
Mudzimai wacho akapindura kuti, “kwete.” Zvakaitika ndezvokuti aibva kuUkraine, ainzi Valentina, uye akanga akapfeka bhachi dzvuku; asi akanga akamirira kuti aonane nemumwewo munhu! Jennifer akaseka ndokutsanangura zvakanga zvaitika. Akati aidawo kumuudza pfungwa yomuBhaibheri, yaakanga agadzirira kuudza mumwe Valentina. Valentina uyu akabvuma ndokunyatsoteerera. Pashure akazoratidza Jennifer kapepa kaakanga akanyora mashoko aPisarema 91, achitsanangura kuti aifarira Bhaibheri. Jennifer akatanga kudzidza Bhaibheri naValentina uyu. Zvakadini nomumwe Valentina uya? Pashure, Jennifer akazosangana naye, uye iyewo akatanga kudzidza Bhaibheri.
Romania
Imwe hama yakashanyira mumwe wayaizivana naye ndokukurukura naye nemudzimai wake zviri muBhaibheri. Vakanyanya kufarira zvavakanzwa zvinodzidziswa neBhaibheri nezveukama hwomurume nomudzimai, asi nguva yokuti vakurukure nezveBhaibheri ndiyo yaisawanika. Murume uyu nemudzimai wake vaikoshesa kuva noutano hwakanaka, uye zuva nezuva murume wacho aimhanya makiromita masere. Mushure mokunge hama iyi yaedza asi isingabudiriri kupfuurira kukurukura zviri muBhaibheri, yakasarudza kubvunza murume uya kana zvaiita kuti vamhanye vose. Murume wacho akabvuma achifara. Zvisinei, hama iyi yainge isina kuzvirovedza kumhanya uye yakazoona kuti kuparidza uye panguva imwe chete uchimhanya zvinonetesa! Hama yacho yakati, “Ndakakwanisa kuparidza ndakapfeka mbatya dzokumhanyisa uye ndisina Bhaibheri, ndichitaura mavhesi nomusoro.” Vamhanya kakati kuti, murume uyu nemudzimai wake vakawedzera kufarira uye vakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose. Pari zvino murume uyu muparidzi asina kubhabhatidzwa. Anoshingaira pakuparidza uye akanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri pamwe chete nemwanakomana wake uye mwanasikana wake.
OCEANIA
NYIKA 30
VANOGARAMO 37 545 115
VAPARIDZI 97 329
VARI KUDZIDZA BHAIBHERI 55 266
Australia
Imwe hama piyona, yakanyora kuti, “Mumwe chiremba anonzi Pam akakumbira kuti ndigare ndichimuendesera magazini matsva. Anogara akabatikana chaizvo, uye ndaingomuwana ari pamba kamwe chete pamwedzi mitanhatu, saka ndaigara ndichiisa magazini pasi pedhoo pamwe chete nekatsamba kane ushamwari. Papera mwedzi minomwe ndichiedza kumuona, ndakasiya magazini pamwe chete nekapepa kaimukokera kugungano reruwa raitevera. Ndakasiyawo nhamba dzangu dzefoni asi haana kumbondifonera. Muna November gungano rapera, ndakamushanyirazve ndikaona pasi pedhoo paine katsamba kakanyorwa naPam.
“Pam akanyora kuti anonakidzwa nemagazini acho chaizvo uye kuti anopawo vaanoshanda navo. Ivo vanopawo vanhu vavanorapa muchipatara. Akabva ataurawo kuti akanakidzwa chaizvo ‘nokuungana kuya.’ Akanga averenga kapepa kaimukokera kugungano uye akanga atora mazuva matatu kuti apinde gungano racho. Akatsanangura kuti akanga afotokopa kapepa kacho, akaisa mumabhokisi etsamba evaaishanda navo pamwe nekatsamba kaiti vamufonere kana vaida kuendawo. Pakazopera vhiki, shamwari dzake dzinokwana 16, vose vari vanachiremba, vakarongawo kuti vatore mazuva matatu kubasa kuti vapinde gungano racho. Vanhu vose ava vanofarira vari 17 vakapinda gungano mazuva matatu nemhaka yekapepa kamwe chete kakasiyiwa pasi pedhoo! Iye zvino Pam ari kudzidza nguva dzose bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye akaronga kupota achikurukura neboka revaya vose vakapinda gungano.”
Imwe hama inotsanangura kuti: “Ndichipfuura nepane imwe imba paisabvumirwa Zvapupu, ndakaona mumwe murume nomukadzi vari pavharanda, vakasuruvara uye vachichema. Ndakafunga kuti zvaisaita kuti ndingopfuura nokuti zvaiva pachena kuti vaida kubatsirwa. Saka ndakasvika pavaiva ndikavabvunza kana paiva nechimwe chandaigona kuvaitira. Vakati ndipinde mumba, vakabva vatanga kundiudza zvaivatambudza. Vakanga vasina kuona mwanasikana wavo kwemakore matatu. Mudzimai wacho akanga ava kuda kuvhiyiwa kenza, uye akanga asina chokwadi kana aizorarama. Aitya kuti aisazoona mwanasikana wake zvakare. Mazuva mashoma akanga apfuura, vakanga vateterera pasita wechechi yavo yemweya kuti avabatsire, asi haana kumboita basa nazvo. Ndakakurukura navo pfungwa dzomuMagwaro dzinotaura kuti Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.
“Papera inenge awa, mumwe munhu akagogodza pasuo. Pakutanga ndakafunga kuti ndipasita uya wekuchechi. Zvisinei, pasuo pakanga pakamira mukadzi wechiduku akanga akapfeka zvakanaka chaizvo. Aiva mwanasikana wavo akanga ati nya kwenguva refu! Paisadanwa anonzwa, saka ndakasarudza kuti zvaiva nani kuti ndiende. Asi mwanasikana wacho akandishamisa paakati ndigare nokuti pane zvaaida kuudza vabereki vake. Akatsanangura kuti akanga atanga kunwa uye kushandisa zvisina kunaka madhiragi uye akanga achikanganisa upenyu hwake. Asi kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti adzoke kumba uye kuti aonanezve nevabereki vake. Nguva yakanga ichangopfuura akanga abhabhatidzwa akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Padarika mazuva, pasita wacho akadzoka uye akaudzwa kuti mwanasikana uya akanga adzoka nokuti akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akabuda mumba asina kana chaakataura. Pasita wacho achienda, murume wacho akamushevedza kuti atore tsamba yaiva patafura. Yaiva tsamba yokusiya chechi yacho.
Papua New Guinea
Boka rehama nehanzvadzi 23 rakaenda kunoparidza mundima yaisanyanya kuparidzwa. Rwendo rwacho netsoka, rwakanga rwakaoma, nokuti vaikwira makomo uye vaiyambuka nzizi. Mune mumwe musha, imwe hanzvadzi yakaonana nomufundisi weAnglican. Akafara chaizvo kutsanangurirwa Dhanieri 2:44. Akaudza hanzvadzi yacho kuti, “Kuno takaita semakwai akarasika.” Akatora magazini nemabhurocha uyewo akakumbira Bhaibheri.
Papera mazuva matatu, mune mumwe musha, hanzvadzi mbiri dzakataura nevasikana vaviri avo vakafara kunzwa shoko roUmambo. Baba vavo pavakadzoka kubva kugadheni masikati iwayo, vakavaudza zvavakanga vadzidza muBhaibheri. Baba vavo vakati vaida kuzvinzwira mashoko aya akanaka kwazvo. Vakaronga kuti vaone hama dzacho dzose nehanzvadzi paimba yavaigara. Murume wacho zvaaiva mutungamiriri womumusha imomo akaronga kuti zvokudya zvibikwe zvopiwa hama dzacho. Ava manheru, akasvika akatakura rambi rake, aine vamwe vagari vomumusha. Vakati, “Tashamisika kukuonai, nokuti aka ndekekutanga kuti Zvapupu zvaJehovha zviuye mumusha wedu.” Hama dzacho dzakavaratidza chikonzero chokushanya kwacho pana Mateu 24:14. Dzakavatsanangurira zvikomborero zvoUmambo uye dzakavasiyira mabhuku.
Pazuva rechishanu hama dzacho dziri parwendo rwadzo rurefu, dzakasvika mune mumwe musha kunenge kuma1 masikati. Vagari vomumusha wacho vakafunga kuti hama dzaizorarako, vakatanga kugadzira shedhi yokuti hama dzirare. Asi, hama dzakatsanangura kuti dzaida kutaura nomunhu wose dzobva dzaenda zuva iroro. Vagari vose vomumusha wacho vakaparidzirwa zvakanaka chaizvo, kusanganisira mukuru wavo, uyo akatora mabhuku akabva apa hama makokonati, mabhanana, nemapopo.
Fiji
Kumaruwa, mapiyona anoita ushumiri hwavo achifamba netsoka mumigwagwa ine huruva kana madhaka. Mapiyona enguva dzose anoti Nagamma nemwanasikana wake anonzi Reshma, vakakoka imwe hanzvadzi bofu, inonzi Ushla, kuti iparidzire navo ichipayona kwemwedzi mumwe chete. Vaifamba vakati mumwe uku, mumwe uku, kwemakiromita akawanda mazuva ose. Imwe mhuri yaiva yakagara pavharanda rimwe zuva kuchipisa yakaona hanzvadzi dzacho nhatu dzichinyenyeredza zvimadziva zvemvura mumugwagwa une madhaka. Vakaona hanzvadzi iya bofu, ichitsika muchidziva chemvura, ikazvidira madhaka pagumbo. Dzimwe hanzvadzi dzacho dzakamira kuti dziipukute. Kuda kuziva kwavakunda, baba vemhuri yacho vakashevedza hanzvadzi dzacho. Vakati: “Tinokuonai muri vatatu muchifamba. Muri kuendepi?” Hanzvadzi dzacho dzakatsanangura kuti dzaienda kunodzidzisa mumwe munhu Bhaibheri. Akati kana mashoko avo aikosha zvokuti vaifamba kuenda kure zvakadaro kuti vanoadzidzisa vanhu, iye aida kuanzwawo! Mhuri yacho yakabva yatanga kudzidziswa Bhaibheri.
Guam
Liza, musikana anobva kuPhilippines aiva musikana webasa achigara pamba paaishanda, pachitsuwa cheTinian. Kazhinji Zvapupu zvaJehovha pazvaiparidzira pamba pacho, aiwanzokumbira magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunyange zvazvo aitaura kuti aifarira magazini acho, aiashandisa kubatidza moto.
Pakutanga kwa2007, basa rake rakapera uye sezvo aiva asina pokugara, airara pamhenderekedzo yegungwa. Rimwe zuva akapfuura nepaImba yoUmambo, paiva nehanzvadzi mbiri dzaiva dzakagara hadzo panze paiva nemumvuri. Vakakoka Liza kuti auye kuzodya navo mango, uye akabva auya ndokutanga kudya navo nyaya. Zuva rakatevera paaipfuura nepaImba yoUmambo, hanzvadzi dziya dzakataura naye zvakare, uye pavaikurukura akataura kuti, “Ndinotarisira kuti nerimwe zuva ndichauyawo kuchechi yenyu.” Kunyange zvazvo hanzvadzi dzacho dzakanzwa kunyara nokuti dzainge dzisina kumukoka, dzakamukurudzira kupinda misangano manheru iwayo. Akabvuma, achitarisira kuti Zvapupu zvaizomubatsira kuwana basa.
Liza paaiva mumusangano wacho akabayiwa mwoyo nokutaura kwehama nehanzvadzi zvazviri chaizvo uye kuva kwavo nehanya nevanhu. Izvi zvakaita kuti Liza asvimhe misodzi, nokuti akaziva kuti chikonzero chake chokuuya kumusangano chaiva choudyire. Akayeukawo magazini ose aakanga apisa. Kubvira panguva iyoyo, akatanga kupinda misangano yose uye kudzidza Bhaibheri nguva dzose nokuti rudo rwaakaratidzwa nehama nehanzvadzi rwakabaya mwoyo wake. Akawana basa, akava muparidzi asati abhabhatidzwa, uye akazobhabhatidzwa muna February 2008.
[Mufananidzo uri papeji 45]
Madalena
[Mufananidzo uri papeji 48]
Kudzidza “Nharireyomurindi” vari muigwa rinofambiswa neinjini
[Mufananidzo uri papeji 50]
Hanzvadzi Barker vachimirira kuparidzira vanhu vanenge vachidarika nomugwagwa
[Mufananidzo uri papeji 53]
Purnamaya achitsemura matombo okugadzirisa kongiri kuti atsigire mhuri yake
[Mufananidzo uri papeji 54]
Kuparidzira mukadzi wechiIndia mumunda wemiti inogadziriswa rabha
[Mufananidzo uri papeji 57]
Reston achidzidza naAndy
[Mufananidzo uri papeji 58]
Shaé
[Mufananidzo uri papeji 63]
Nagamma naReshma vachibatsira Ushla