RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb09 pp. 142-255
  • Nyika Dzaiumba Yugoslavia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Dzaiumba Yugoslavia
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2009
  • Misoro Midiki
  • PAKUTANGA
  • BHAISIKOPU RAINZI “PHOTO-DRAMA” RAKAITA KUTI VANHU VATANGE KUFARIRA
  • MAPIYONA ANOENDA MUMUNDA
  • ZVAINETSA PAKUPAYONA
  • KUYAMBUKIRA KUMACEDONIA
  • BASA RINORAMBIDZWA
  • KUSARUDZA KUTI NDOTSIGIRA TOLSTOY HERE KANA KUTI JEHOVHA
  • MATAMBUDZIKO OMUHONDO
  • KUTENDESEKA KUSVIKIRA PAKUPEDZISIRA
  • KUTONGERWA RUFU
  • MIEDZO YOKUVIMBIKA
  • KUSATSIGIRWA NOMUTEMO ZVAKAKWANA
  • “VAKACHENJERA SENYOKA”
  • DZIMBA DZOUMAMBO DZAKATANGA KUVAKWA
  • KUGONA KURONGA KUNOITA KUTI VANHU VAKURUDZIRWE
  • KUFAMBIRA MBERI KUNONAKIDZA KUMACEDONIA
  • KUUNGANA TAKABATANA KUGERMANY
  • MAPIYONA OMUYUGOSLAVIA ANOWEDZERA
  • KUBHABHATIDZIRWA MUMINDA YEMUPUNGA
  • KUSHANDISA NOKUCHENJERA RUSUNUNGUKO RWAKAWEDZERA
  • HAMA DZECHIDUKU DZINOTSUNGA
  • GUNGANO REMARUDZI AKAWANDA RINOKURUDZIRA
  • GUTA RINOKOMBWA
  • KUWANA ZVOKUDYA CHAIZVO UYE ZVOKUNAMATA
  • KUSHINGAIRA ASI TICHINGWARIRA
  • MHURI YAKATENDEKA
  • KUSATSIGIRA ZVEMATONGERWO ENYIKA SEVAKRISTU
  • RUYAMURO RUNOSVIKA
  • RWENDO RWUSINGAKANGANWIKI!
  • PAKAPERA HONDO
  • KUDANANA SEHAMA MUNGUVA YEHONDO
  • SHOKO RETARIRO RINONYARADZA
  • VASHANDI VANOZVIPIRA
  • “NDINI HERE NDASVIKA NHASI NDIRI MUPENYU, KANA KUTI NDIRI KUROTA!”
  • HOFISI YEBAZI ITSVA NEDZIMBA DZOUMAMBO
  • BASA ROUMAMBO RINOFAMBIRA MBERI
  • KURAMBIDZWA KUPINZA MABHUKU MUNYIKA
  • DZIMBA DZOUMAMBO DZINOVAKWA
  • SHANDURO YENYIKA ITSVA
  • KUYAMBUKIRA KUMAKEDHONIYA
  • KUPARIDZIRA VANHU VOKUROMA
  • ‘RUYAMURO RUNOSIMBISA’
  • KURWADZA KWOKUKWIRA KWEMITENGO KWAKANYANYA
  • KUSHANDURWA KWEBHAIBHERI
  • KUTAMBUDZIRWA KUNAMATA KUNOTSVIRIRIDZA
  • KUTUNGAMIRIRWA NEMAFUNGIRO AJEHOVHA
  • KUNAMATA TAKABATANA UYE KURAYIRIDZWA
  • KUFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA
  • DZIMBA DZOUMAMBO UYE MAPIYONA
  • MATARE OKUKURUKURA NEZVIPATARA
  • KUITA ZVINOENDERANA NOKUWEDZERA KWEVAPARIDZI
  • REMANGWANA RINE TARIRO
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2009
yb09 pp. 142-255

Nyika Dzaiumba Yugoslavia

NYIKA yaimbonzi Yugoslavia inharaunda ine zvakawanda zvinonakidza zvakasiyana-siyana. Inzvimbo ine tsika dzakasiyana-siyana, mitauro yakawanda, uye zvitendero zvakawanda, nokuti Central neEastern Europe dziri kuchamhembe kwayo, Greece neTurkey kumaodzanyemba, uye Italy kumadokero. Zvisinei, vakawanda pavanonzwa zita rokuti Yugoslavia rinovayeuchidza nezvokurwisana nokukakavadzana. Kubvira pakapondwa Archduke Francis Ferdinand muna 1914 kusvika pakaurayana madzinza munguva pfupi yapfuura, nyika iyi iri muBalkan Peninsula haina kumbova norunyararo. Kurwa kwakaita marudzi omunharaunda iyi achida kuwana rusununguko kwakaita kuti nyika dzaiva pasi pehurumende imwe chete dzizotanga kuzvimiririra. Yugoslavia yakaguma yakamurwa-kamurwa, uye iye zvino pava nenyika dzakazvimiririra dzinoti Bosnia and Herzegovina, Croatia, Macedonia, Montenegro, Serbia, uye Slovenia.

Pasinei nokurwisana uku kwezvematongerwo enyika, kwemadzinza, uye kwezvitendero, pane nhoroondo inonakidza kwazvo yorudo, kubatana uye kuvimbana. Munyika iyi Zvapupu zvaJehovha zvakabudirira kukunda zvinhu zvakaparadza nyika idzi zvakadai sokusarurana uye kuvengana. Chinoita kuti vabatane ivo vachibva kwakasiyana-siyana ndechokuti vanozviisa pasi pehurumende inopfuura dzose, Umambo hwaMwari.

PAKUTANGA

Basa revanhu vaJehovha rakatanga sei munharaunda iyi? Nhoroondo yedu inotangira pamumwe wechiduku aiita basa rokugera musoro ainzi Franz Brand, aibva kuchamhembe kweYugoslavia kunonzi kuVojvodina. Akanga aenda kuAustria kunotsvaka basa. Ari ikoko, akawana chokwadi, achibva adzoka kumusha kwake muna 1925. Akabatana nerimwe boka duku raiverenga nokukurukura zvaiva mumabhuku anoyamura kudzidza Bhaibheri ainzi Studies in the Scriptures, avakanga vapiwa nehama dzavo dzaiva kuUnited States.

Boka racho rakanzwisisa kuti raifanira kuparidza, uye tubhuku tuviri twaitsanangura dzidziso dzeBhaibheri twakashandurwa kuiswa mumutauro wokuSerbia. Zvisinei, tusati twaparadzirwa, boka racho rakashanyirwa neimwe hama yaimbova nechinzvimbo yakanga yapandukira sangano ikatanga rayo yoga. Akanyengetedza vanhu vose kuti vasiyane neVadzidzi veBhaibheri, kusara kwaFranz.

Franz akabva atamira kuMaribor, Slovenia, kwaakanowana basa rokugera vanhu pane imwe shopu. Akaparidzira muridzi weshopu yacho ainzi Richard Tautz, uyo akagamuchira chokwadi. Franz naRichard vaishandisa shopu yavo senzvimbo yokuparidzira, zvokuti vakazenge vava kutonzi vageri vanoita zveBhaibheri. Vanhu vavaigera vainyatsoteerera, pakuti reza dzavo dzaipinza saka vakanga vasingambozununguki kana kutaura vachitya kuchekwa! Mumwe wavaiwanzogera ainzi Ðuro Džamonja aiita zvematongerwo enyika. Mumwe wavaigera ainzi Rudolf Kalle, aiva muridzi weshopu yaigadzira matapureta. Ðuro naRudolf vakakurumidza kufambira mberi uye vakabhabhatidzwa munguva pfupi. Ðuro akasiya zvematongerwo enyika uye akabatsira kutangwa kwesangano repamutemo rainzi The Lighthouse Society of Bible Students in the Kingdom of Yugoslavia. Sangano iri raiita kuti hama dzikwanise kuparidza nokuita misangano dzakasununguka.

BHAISIKOPU RAINZI “PHOTO-DRAMA” RAKAITA KUTI VANHU VATANGE KUFARIRA

Muna 1931 hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yokuSwitzerland yakatuma hama mbiri kuti dzinoratidza bhaisikopu rainzi “The Photo-Drama of Creation” mumaguta makuru muYugoslavia yose. Dzimba dzavaishandisa kuonera bhaisikopu iri dzaizara, uye vanhu vacho vainyatsoteerera pavairiratidzwa naÐuro. “Photo-Drama” rakaita kuti vanhu vatange kufarira chokwadi munyika yose. KuMaribor hama dzakanga dzichiitisa misangano nomutauro wokuSlovenia nechiJerimani. Uye muZagreb nenharaunda dzaiva pedyo, mapoka aiungana kuti akurukure mabhuku akanga ashandurirwa mumutauro wokuCroatia.

Hama dzakazosarudza kutanga kushandurira Nharireyomurindi mumutauro wokuSlovenia newokuCroatia, rinova basa rakanga rakaoma chaizvo kare ikako. Magazini yapedza kushandurwa imwe hanzvadzi yaiitaipa yose ichishandisa kabhoni yaiita kuti pabude magazini 20 panguva. Pave paya, pavakatenga muchina wokudhinda, vakanga vava kubudisa magazini eNharireyomurindi 200 panguva.

Hama nehanzvadzi padzainge dzava nemagazini aya, vaienda nechitima kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzeYugoslavia kunoparidza. Dzimwe nguva, hama dzokuSlovenia dzaihaya rori dzohaya mutyairi asiri Chapupu. Aivaendesa kunzvimbo dzavaida kunoparidza ovamirira zuva rose kusvikira vapedza. Kare ikako vazivisi voUmambo vakanga vasina zvakawanda zvavaimbodzidziswa nezvokuparidza, uye pamwe pacho vakanga vasina nguva yokunyengerera vanhu; asi Jehovha akakomborera basa ravo nokuvabatsira kuwana “vaya vaiva nemafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.”—Mab. 13:48.

Franc Sagmeister anoyeuka kuti, “Mainini vangu Terezija Gradič nomurume wavo Franc ndivo vakandiudza nezvechokwadi muna 1931. Murume wavo ndiye mumwe wevaparidzi vokutanga muSlovenia. Kunyange zvazvo babamunini Franc vaimboshora zvokunamata, vakatanga kudzidza Bhaibheri nechido. Izvozvo zvakandishamisa chaizvo, saka ndakabatana navo pakudzidza Magwaro. Pasinei nokushorwa nevomumhuri mangu, ndaida kuudzawo vamwe zvandakanga ndava kuziva. Mupristi wokuchechi paakaudzwa nezvazvo, akabva andishevedza. Akandiudza kuti ndakanga ndisingabvumirwi kuva neBhaibheri nokuti ndaisarinzwisisa. Ndakaramba kumupa Bhaibheri rangu. Pakazofa baba vangu, mupristi uya akauya kuzotaura neni ndiri mumugwagwa, akagumbukira kuti ndakanga ndisina kubhadhara mari yokuti baba vangu vaitirwe Misa kana kamwe chete zvako. Ndakamuudza kuti, ‘Kana zvichizobatsira baba vangu, ndichabhadhara mari yokuti vaitirwe Misa kane zana kana kutoti chiuru.’

“‘Zvinobatsira, zvinobatsira!’ akadaro mupristi wacho.

Ndakati, “‘Kana vari kudenga, hapana chavachadira Misa, uye kana vari kuhero, haina zvaichavabatsira.’

“‘Ko kana vari kupurigatori?’ akabvunza kudaro mupristi wacho.

“‘Vamupristi,’ ndakadaro, ‘imi munonyatsozviziva kuti ndine pfuma yakawanda. Kana mukandiratidza muBhaibheri kuti mweya womunhu haufi uye unoramba uchirarama kana afa, uye kuti kune hero nepurigatori, uye kuti Mwari Utatu, iye zvino ndinoenda nemi kuhofisi yegweta rangu ndonokusainirai pfuma yangu yose zvayo.”

“Akandidzvokora, akabatidza mudzanga, akaenda.”

MAPIYONA ANOENDA MUMUNDA

Kuma1930, varume nevakadzi vakazvitsaurira vakaita kuti vanhu vazive chokwadi muYugoslavia. Somuenzaniso, kuMaribor, Slovenia, Grete Staudinger naKatarina Konečnik vakanyoresa kuti vaite basa rakazozivikanwa sokuti upiyona hwepazororo uye Karolina Stropnik akazohuitawo pave paya. Kumaodzanyemba kuMostar, taundi guru rokuHerzegovina, mumwe aidzidzisa vanhu kuimba ainzi Alfred Tuček akagamuchira chokwadi akatanga kupayona. Dušan Mikić aiva nemakore 23 aibva kuZagreb, kuCroatia, akawana kabhuku kaiti Where Are the Dead? Akakurumidza kufambira mberi, akabhabhatidzwa, uye akatanga kupayona. Munguva pfupi yaitevera mapiyona aya aizosimbiswa nokusvika kwemamwe aishingaira aibva kuGermany.

Chokwadi pachakanga chava kudzika midzi muYugoslavia, kuGermany chakarambidzwa. Hofisi yebazi yokuSwitzerland yakaronga kutumira kuYugoslavia mapiyona anenge 20 akanga ava noruzivo, akadai saMartin Poetzinger, Alfred Schmidt, Vinko naJosephine Platajs, uye Willi naElisabeth Wilke. Kunyange zvazvo mapiyona aya akazvipira akanga asingagoni kutaura mutauro wokuSlovenia kana wokuSerbia neCroatia, akaparidza noushingi achishandisa makadhi akange akanyorwa mharidzo, akaita kuti vanhu vatange kufambira mberi.

ZVAINETSA PAKUPAYONA

Kushingairira Jehovha uye kuda vanhu kwakabatsira mapiyona kuti akunde zvinetso zvomutauro uye kushaya mari. Kufamba kwaivawo kwakaoma. Dzimwe nguva vaifamba makiromita 40 netsoka mumamiriro okunze akaipa uye munzvimbo dzakaoma kuti vasvike kumisha yaiva kwayo yoga. Imwe hanzvadzi yaiva piyona inoyeuka kuti yaibvisa shangu pavaifamba vachienda mumisha yakasiyana-siyana, kuitira kuti idzichengetedze. Martin Poetzinger, akazova nhengo yeDare Rinodzora, anoyeuka nguva yaaifambira kumaruwa nebhegi rakazara mabhuku, achiparidzira vose vaiteerera.

Dambudziko rechokufambisa rakagadziriswa pakasvika mabhasikoro akanga atengwa neimwe hama yokuSwitzerland ikaapa mapiyona aya akanga akatendeka. Mabhasikoro aya akashandiswa muushumiri kwemakumi emakore.

Kunyange zvazvo vanhu vokuYugoslavia vaizivikanwa nomutsa, vaishora zvechitendero, uye mapiyona edu akatambudzwa zvikuru. Vapristi vaiudza vateveri vavo zvokuita, kunyanya mumisha miduku. Dzimwe nguva, vapristi vacho vaiudza vana vechikoro kuti vatevere mapiyona vachiapotsera nematombo. Vafundisi vakakurudzirawo vakuru vakuru kuti vatambudze mapiyona, vaatorere mabhuku, uye vaasunge.

Mumwe musi achiparidza mune mumwe musha waiva kure wokuCroatia, Willi Wilke akanzwa zhowezhowe raibva panzvimbo yaiungana vanhu vakawanda mumusha wacho. Iye nomudzimai wake, pamwe chete nomumwe piyona ainzi Grete Staudinger, vakanga vari mumusha iwoyo vachigovera kabhuku kainzi Righteous Ruler, kaiva nomufananidzo waJesu Kristu papeji yokutanga. Anoyeuka kuti, “Ndakatya pandakasvika ndokuona boka revanhu vaidya marasha vanenge 20 vaine majeko vakakomba mudzimai wangu. Pedyo neipapo paiva nerimwe boka raipisa tubhuku twedu.”

Mapiyona aya haana kuziva kuti nei vanhuwo zvavo vomumusha uyu vakanga vagumbuka kudaro, uye Hanzvadzi Wilke vakanga vasinganyatsogoni mutauro wacho zvakanaka kuti vavabvunze. Zvisinei, Grete aitsetsenura chiJerimani uye aigona mitauro yomunyika iyoyo. Akaswedera pedyo akabvunza kuti, “Vanababa naanamai, muri kuitei?”

Vose vakapindura panguva imwe chete vachiti, “Hatidi Mambo Peter!”

“Kana nesuwo,” Grete akapindura achidaro.

Vashamiswa, vakanongedzera mufananidzo waiva pakabhuku kaya vachibva vabvunza kuti, “Saka nei muri kumubatsira kutsvaka rutsigiro?”

Grete akabva anzwisisa. Gore rakanga rapera racho, muna 1934, Mambo Alexander I wokuYugoslavia akanga apondwa, uye mwanakomana wake Peter ndiye aifanira kumutsiva pachigaro. Zvisinei, vanhu vomumusha uyu vaida kuzvisarudzira mambo wavaida pane kutongwa namambo aibva kuSerbia. Vanhu vomumusha uyu vakanga vaona sokuti mufananidzo waJesu Kristu waiva waMambo Peter!

Vakabatsirwa kunzwisisa, uye vakazonyatsoparidzirwa nezvaMambo Jesu Kristu. Vamwe vakanga vapisa mabhuku avo vakanga vava kuda matsva. Mapiyona acho akaenda achifara, achinzwa kuti ruoko rwaJehovha rwakanga rwavadzivirira.

Mapiyona aya aifanirawo kuziva tsika dzomunyika idzi. Pavaiparidza mumisha yaiva nevaMuslim vakawanda muBosnia, vaifanira kunyanya kungwarira kuti vasagumbura vanhu vemo. Somuenzaniso, kusanganidzana maziso nomukadzi wechiMuslim akaroorwa kwaigona kutsamwisa murume wake.

Panguva iyoyo, munyika yacho maiva neungano uye mapoka mashomanana zvikuru. Saka vaparidza zuva rose mumusha waiva kure, dzimwe nguva vaishaya pokurara. Sezvo mapiyona acho aiva nemari shoma, aisakwanisa kunobhadhara imba yakanaka kunzvimbo dzairendeswa. Josephine Platajs anoyeuka kuti: “Mune mumwe musha hapana aida kutipa pokurara nokuti vaitya mupristi weRoma. Patakanga tava kuda kubuda mumusha wacho kwakanga kwatosviba. Tava kuenda, takaona mumwe muti mukuru waiva wakadonha mashizha akaoma, ndokubva tarara ipapo. Bhegi raiva nembatya ndoratakaita mutsamiro, uye murume wangu akasungirira bhasikoro pachiziso chegumbo netambo. Patakamuka mangwanani takazoona kuti takanga tarara pedyo netsime, saka takawana mvura yokugeza. Jehovha haana kungotidzivirira asi akatipa zvataida.”

Mapiyona aya akaona kuti Jehovha aivatarisira sei kunyange muzvinhu zviduku. Vainyanya kukoshesa kuzivisa mashoko akanaka, kwete zvakavanakira ivo.

KUYAMBUKIRA KUMACEDONIA

Alfred naFrida Tuček vaiva mapiyona uye vakashandisa mukana wokuparadzira shoko roUmambo pavaifamba vachibva kuSlovenia vachienda kuBulgaria. Mutaundi reStrumica, kuMacedonia, vakaparidzira mumwe muridzi weshopu, Dimitar Jovanovič, vakamusiyira mabhuku. Kwapera mwedzi mumwe chete, vava kudzoka kubva kuBulgaria, vakamushanyirazve. Pavakaziva kuti akanga asina kuverenga mabhuku acho, vakamukumbira kuti aadzose kuitira kuti vaape mumwe munhu aizoakoshesa. Izvi zvakaita kuti Dimitar ade kuziva zvaiva maari. Akateterera kuti vamupe mumwe mukana wokuverenga mabhuku acho. Aaverenga, akaona kuti akanga awana chokwadi, uye akava wokutanga kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha kuMacedonia.

Dimitar akazoparidzirawo mumwe mukoma nomunun’una vainzi Aleksa naKosta Arsov. Pasina nguva muMacedonia makanga mava neZvapupu zvitatu. Vakatanga kuparidza vaine magazini, magiramufomu, uye marekodhi aiva nemharidzo. Mumwe mufundisi weEvangelical Methodist akapiwa imwe yemagazini aya, achibva aipa rimwe jaya romuchechi make raive rakangwara chaizvo rainzi Tušo Carčev. Tušo akanakidzwa nezvaakaverenga uye akanyengetedza mufundisi wacho kuti amupe mamwe magazini. Munguva pfupi Tušo akaziva kuti zvakanga zvisina kukodzera kuti munhu abhadharwe nokuti ari kuparidza mashoko akanaka. Achifara, akaudza mufundisi wacho, uyo akabva arega kumupa mamwezve magazini. Tušo akawana kero yehofisi yebazi yokuMaribor mumagazini aaiva nawo achibva anyora achikumbira kuti atumirwe mamwe. Hofisi yebazi yakanyorera Dimitar, Aleksa, naKosta vachivakumbira kuti vashanyire Tušo. Munguva pfupi pakava neboka.

Muna 1935 hama dzakatamisa hofisi yebazi kubva kuMaribor, Slovenia, kuenda kuguta guru reYugoslavia, Belgrade, kuSerbia. Franz Brand naRudolf Kalle ndivo vakanzi varitarisire.

BASA RINORAMBIDZWA

Uchapupu hwokuti hama dzedu dzaishingaira mazuva iwayo hunooneka mubhurocha rakabudiswa nechechi yeRoma muna 1933. Rakanyatsodonongodza basa reZvapupu rokuparidza, uye chechi yacho yakafanotaurawo kuti basa redu raizomiswa. Apa ndipo pavakazvinyepera!

Nechokuchamhembe kweYugoslavia vafundisi vakashatiriswa nokushingaira kwaiita boka duku remapiyona raiveko. Vakatowedzera kusvotwa pakaramba matare edzimhosva kumisa basa rokuparidza Umambo. Pakupedzisira mumwe mupristi wechechi yeRoma aibva kuSlovenia akava gurukota rinoona nezvomukati menyika. Mumwe wemitemo yaakatanga kugadza waiva wokuparadza Lighthouse Society; uye muna August 1936, basa redu rakabva rarambidzwa nehurumende. Dzimba dzoUmambo dzakavharwa, mabhuku edu ose akatorwa nechisimba. Sezvineiwo ungano dzacho dzakanga dzafanonyeverwa, saka hatina kuzotorerwa zvakawanda. Takatanga kushandisa imba yainzi Kula stražara (Nharireyomurindi) muBelgrade, kuti basa rirambe richienderera mberi, uye misangano yakaramba ichiitirwa mumisha yehama.

Sezvo hurumende yakanga yarambidza basa redu, yakawedzera kuomesa zvinhu kuti imise basa redu rokuparidza. Vaya vaive mubasa renguva yakazara ndivo vainyanya kunzi nangananga navo, zvichiita kuti zvinhu zvinyanye kuomera hama dzedu dzaitaura chiJerimani. Kurambidzwa kwakanga kwaitwa basa redu mune dzimwe nyika dzomuEurope ndiko kwakanga kwaita kuti vakawanda vemapiyona aya vauye kuYugoslavia, uye iye zvino basa racho rakanga rarambidzwawo imomo. Kunyange zvazvo mapiyona acho akasungwa akaiswa mumajeri, haana kumbodzokera shure. Imwe hanzvadzi yakati, “Dzimwe nguva zvakanga zvakaoma kushanyirwa uri mujeri, asi Jehovha haana kumbotisiya. Mumwe musi imwe hama payakauya kuzotiona ndokubva yarambidzwa, yakataura nomurindiri wejeri nenzwi riri pamusoro zvokuti tainzwa zvayaitaura. Kungonzwa inzwi rake chete kwakatikurudzira zvokuti.”

Munguva idzi dzaive dzisina kugadzikana, zvaida ushingi chaihwo kushandura uye kuparadzira kabhuku kainzi Judge Rutherford Uncovers Fifth Column, ako kaifumura zvaiitwa nechechi dzeRoma dzichitsigira hurumende yeNazi. Kakashandurirwa mumitauro yokuSerbia, Croatia, Slovania, uye tubhuku 20 000 twakadhindwa mumutauro mumwe nomumwe. Sezvo kakanga kagara karambidzwa, kakaita kuti mapiyona aibva kune dzimwe nyika adzingwe munyika uye vabudisi vako vatongerwe makore gumi kusvika kugumi namashanu mujeri. Pasinei nokuti zvaiva nengozi, munguva dukuduku vaparidzi vashoma vaive muYugoslavia vakaparadzira tubhuku 60 000.

“Panguva iyoyo vanhu vaida kudzidza chokwadi cheBhaibheri, uye vainakidzwa nokuverenga,” anotsanangura kudaro Lina Babić, akadzidza chokwadi Hondo Yenyika II yava kunopera uye aishamwaridzana zvikuru nehama nehanzvadzi dzakatendeka. Anorondedzera achiti, “Sezvo taifanira kugara takangwarira, ndakasarudza kukopa mabhuku ndichiita zvokunyora mukabhuku kangu. Izvi zvaibatsira kuti kana ndikasechwa, zvaingoita sokuti zvinhu zvangu zvandakanga ndanyora.”

KUSARUDZA KUTI NDOTSIGIRA TOLSTOY HERE KANA KUTI JEHOVHA

Hondo payakanga yava kuda kutanga, imwe yeungano dzakanga dzakakura zvikuru yomuYugoslavia yakava nemapoka maviri. Vamwe vakanga vatanga kutsigira maonero omunyori wokuRussia uye muzivi wezvechitendero ainzi Leo Tolstoy. Kupinda kwakamboita Tolstoy chechi yeRussian Orthodox kwakamuita kuti afunge kuti machechi ose echiKristu aiva masangano ane uori ainyepera kuita zvechiKristu. Dzimwe hama dzakatangawo kuva nemaonero aya okusavimba nemasangano ose ezvitendero uye dzakatanga kusagutsikana nesangano raJehovha. Imwe hama yaitungamirira muungano yeZagreb yakashandisa simba rayo zvisina kunaka ikaita kuti vaparidzi vakawanda vagamuchire maonero aTolstoy. Hama iyi yakafurira vakawanda vomuungano iyi, vanopfuura 60, zvokuti vakasarudza kusiya sangano raJehovha.

Rudolf Kalle paakazvinzwa, akabva angoenda kuZagreb achibva kuBelgrade kuti anoonana neungano yacho yose. Akakurukura chokwadi cheBhaibheri chakanga chabudiswa naJehovha achishandisa boka romuranda akatendeka uye akangwara. (Mat. 24:45-47) Akabva abvunza kuti: “Ndiani akakudzidzisai chokwadi ichi? NdiTolstoy here kana kuti isangano raJehovha?” Achitaura mashoko aJoshua 24:15, Rudolf akakumbira vaya vaida kuramba vari musangano raJehovha kuti vasimudze maoko avo. Vaviri chete ndivo vakasimudza.

“Handikwanisi kutsanangura kurwadziwa kwandakaita,” akadaro Rudolf.

Zvaiita sokuti zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa muungano zvakanga zvaitirwa pasina.

Rudolf akazoita kuti vaviri vacho vakanga vakatendeka vauye kuchikuva ndokubva ati: “Tasara tiri vatatu chete. Ndisu tava kumiririra vanhu vaJehovha muguta rino. Ndinokumbira kuti vamwe mose mubude henyu muno muende. Ndapota tisiyei hedu toga! Tiri kuda kushumira Mwari wedu Jehovha, imi moenda zvenyu monoshumira Tolstoy wenyu. Hatichadi kuramba tichiwadzana nemi.”

Makamboramba makati zii kwechinguvana. Ndokubva vazotanga mumwe achiteverwa nomumwe kusimudza maoko vachiti: “Neniwo ndinoda kushumira Jehovha.” Pakupedzisira, mushumiri weungano iyeye wokupanduka nevamwe vashoma vaimutsigira ndivo vakazobuda. Uyu muedzo wokuvimbika wakasimbisa vashumiri vaJehovha vakatendeka kuti vazotarisana nemimwe miedzo yakanga yakatokura kupfuura iwoyu.

MATAMBUDZIKO OMUHONDO

Musi waApril 6, 1941, mauto eGermany akapinda muYugoslavia. Zvivako zvehofisi yebazi zvakadonherwa nemabhomba paibhombwa Belgrade. Yugoslavia yakakamurwa nemauto eGermany. Kwekanguva kurwa kwaiitika kwakaita kuti hama dzokuBheteri kuSerbia dzisanzwe zvaiitika kuhama dzaiva kuSlovenia, Croatia, uye Macedonia. Dzaive kumaodzanyemba kweMacedonia ndidzo dzaive dzakanyanya kuva kwadzo dzoga zvokuti dzakatozotanga kukurukurwa nadzo hondo yapera.

Hama dzakangoerekana dzava mune mamwe matambudziko adzaive dzisina kujaira. Kudhonzerana kwaiita nyika dzepasi pose dzichirwisana kwakaisa hama dzedu nehanzvadzi pamuedzo wakakura. Kuda kwavo Jehovha nesangano rake uye kutenda kwavo zvakaedzwa.

Hofisi yaiva muBelgrade yakavharwa, uye vokuZagreb, kuCroatia ndivo vakanga vava kuronga kuti hama dziwane mabhuku eBhaibheri. Zvakanga zvava kuda kuti tingwarire zvikuru nokuti vakanga vasisabvisise mafaindi kana kuendesa kujeri asi kuti vakanga vava kuendesa kumisasa yevasungwa kana kuti kutongera rufu.

Pakapinda mauto eGermany ndokukamura Yugoslavia, pakabva pavhurwa misasa yevasungwa. MuCroatia misasa iyi yaishandiswa kuisa vamwe vanhu pavo voga kana kuvauraya, kana vari vemadzinza ane vanhu vashoma kana kuti vasiri vechechi yeRoma uyewo vamwe vezvitendero zvaipikisana nehurumende yacho youdzvinyiriri. MuSerbia, mauto eNazi akavhura misasa yevasungwa nemisasa yechibharo. Hama dzedu dzaipfuura 150 dzaibva kuHungary dzakaiswa mumusasa waiva muBor, kuSerbia, nemhaka yokusava nekwavakarerekera mune zvematongerwo enyika. MuYugoslavia zvakare, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvanzi nazvo nangananga nehurumende yeNazi. Izvi zvakaita kuti basa rokuparidzira rinyanye kuitwa zvisina kurongwa. Vaparidzi vaiudzwa kuti vatakure Bhaibheri nebhuku rimwe chete, uye vaiudzwa zvavaizonotaura kana vasungwa. Vaiita misangano vari mutumapoka uye vakanga vasingazivi kuti mimwe misangano yaiitirwa kupi.

Mabhuku aidhindwa muchivande sezvo zvakanga zvakaoma kuapinza munyika. Hama dzaishanda usiku hwose munzvimbo dzakasiyana-siyana dzichidhinda magazini netubhuku. Dzaishandawo zvakaoma kuti dziwane mari yokudhinda. Kuzivana nevanhu vane mabhizimisi akasiyana-siyana, kwakaita kuti hama dziwane zvinhu zvaidiwa pakudhinda. Hama dzedu dzakanga dzakabatana, dzichiita mudeme mudeme kuti zvokudya zvokunamata zvinopa upenyu zviwanikwe, uku muYugoslavia ruvengo nokufungirana zvichitsviriridza. Mabhuku iwayo aizoendeswa sei kuvaparidzi vakanga vakaita rumwe rumwe mundima yacho?

Stevan Stanković, mumwe mushandi womunjanji ari chizvarwa chomuSerbia, aida chaizvo kubatsira hama pasinei nokuti dzaibva kupi. Kunyange zvake aiziva kuti zvaigona kumupinza muna taisireva, Stevan akatanga kupota achiendesa pachivande mabhuku kuSerbia kwakanga kwakazara mauto achibva nawo kuCroatia. Mumwe musi mapurisa akamuwanikidza aine mabhuku musutukezi. Vakamubvunza kuti mabhuku acho aibvepi. Achitya kupinza hama dzake mumatambudziko akaramba kuvaudza kwaibva mabhuku acho. Mapurisa akamuendesa kujeri kunomubvunzurudza ndokuzomuendesa kumusasa wevasungwa kuJasenovac. Musasa iwoyo waiitwa zvoutsinye zvokuti ndiko kwakabva kwazonofira hama yedu iyi yakatendeka.

Mihovil Balković, imwe hama yaiva yakangwara uye yaive nemazano, yaiita basa roupuramba muCroatia mazuva iwayo aitambudza. Kunyange zvazvo aishanda, aiwana nguva yokushanyira hama achidzikurudzira nokudziendesera mabhuku. “Mumwe musi,” anodaro muzukuru wake, “vakanzwa kuti chitima chavaive chaida kusechwa muguta ravakanga vava kuda kusvika. Saka vakabva vakurumidza kuburuka vasarirwa nechiteshi chimwe chete kuti vasvike muguta iroro. Kunyange zvazvo guta racho rakanga rakafenzwa newaya yeminzwa, vakawana pokupinda napo paive nomunda wemazambiringa. Mabhuku akanga ari mubhegi ravakanga vakaita zvokubereka, uye mudzimwe homwe dziri nechepamusoro dzebhegi racho akaisa rakija (kachasu) nemamwe magirosari. Pavaifamba nomumunda wemazambiringa vachingwarira, vakapfuura nepagomba rinohwanda masoja ndokubva mumwe musoja ati: ‘Mira ipapo! Ndiwe ani?’ Pavakaswedera pedyo mumwe musoja akabvunza kuti, ‘Wakatakurei?’

“‘Mune tufurawa, tubhinzi, nembatatisi,’ vakapindura kudaro.

“Pavakabvunzwa kuti mumabhodhoro maiva nei, vakati, ‘Nhuwidza womboti dzvutu unzwe.’

“Musoja wacho paakangoravira, sekuru Mihovil vakati, ‘Iri ndiro rako mwanangu, iriwo ndiro rangu.’

“Agutsikana nemhinduro yaakapiwa uye nerakija, musoja uya akabva ati, ‘Enda hako mudhara!’

Muzukuru waMihovil akazoti, “Saka mabhuku akasvika pasina dambudziko.”

Mihovil aiva munhu akashinga zvechokwadi. Nzendo dzake dzakamupinza nemudzimwe nzvimbo dzaiva nemauto airwisana. Dzimwe nguva, Mihovil aiti dhuma-dhuma nemauto eCommunist Party; pamwe pacho akasangana nemasoja eFascist Ustašea kana kuti Četnik. Panzvimbo pokutya akatovaparidzira akavatsanangurira tariro yeremangwana iri muBhaibheri. Izvi zvaida kuti ave noushingi nokuti Zvapupu zvaitsvakwa nemaziso matsvuku. Akasungwa kakawanda, akabvunzurudzwa, uye akaiswa mujeri.

Hondo yava kuda kupera, usiku hwaNovember 9, 1944, vanhu vemapato vakapinda mumba maMihovil, vakabvuta mabhuku, ndokuenda naMihovil. Zvinosuwisa kuti haana kuzombodzoka. Zvakazozivikanwa pava paya kuti akadimburwa musoro.

Josip Sabo aiva kamukomana chaiko paaiendesera hama mabhuku nebhasikoro mudunhu reSlavonia kuCroatia. Akanga akagadzira bhokisi repakeriya raaiisira mabhuku oavhara nemichero. Mazuva iwayo, nzira dzose dzaipinda mumisha dzaive nemarodhibhuroko uye dzaichengetedzwa.

“Chii chiri mubhokisi?” masoja aibvunza Josip pose pavaimuona.

“Michero yasekuru vangu,” aipindura, uye masoja aizotora mumwe chete kana miviri. Paaizosvika pedyo nekwaaienda, michero yaivhariridza mabhuku yainge yava mishomanana. Saka Josip aizotora kanzira kaiva kasinganyanyoshandiswi kuitira kuti achengetedze michero yaaiva asara nayo uye mabhuku anokosha aainge akaviga.

KUTENDESEKA KUSVIKIRA PAKUPEDZISIRA

Lestan Fabijan, wekuZagreb aiita basa rokuveza matombo, akadzidza chokwadi naIvan Sever, Franjo Dreven, naFilip Huzek-Gumbazir. Pasina mwedzi mitanhatu vose vakabhabhatidzwa uye vakatanga kuparidzira uye kuita misangano. Manheru aJanuary 15, 1943 boka remasoja rakauya kumba kwaIvan Sever kuti vamusunge pamwe chete naFranjo Dreven uye neimwe hama inonzi Filip Ilić. Vakasecha mumba macho, vakatora mabhuku ose, vakaenda nehama dzacho.

Lestan akanzwa nezvokusungwa uku, saka iye naFilip Huzek-Gumbazir vakaenda kunonyaradza amai vaFranjo nehanzvadzi yake. Masoja acho akanzwa runyerekupe rwekushanya kwacho vakabva vasunga Lestan naFilip. Hama shanu idzi dzakatsanangura dzichishandisa Bhaibheri kuti vaishumira Jehovha chete uye vakaratidza kuti vaiva masoja aKristu. Nemhaka yokuti vakaramba kushandisa zvombo uye kurwa muhondo, vakatongerwa rufu. Vakabva vachengetwa sevasungwa.

Mumwe musi vose vari vashanu vakamutswa usiku vakabviswa hembe, ndokuendeswa musango. Pavaifamba vakapiwa mukana wokuti vanogona kuchinja mwoyo. Kuti avapedze simba, masoja akavakurudzira kufunga nezvemhuri dzavo. Vakataura nezvemudzimai waFilip Huzek-Gumbazir aiva nepamuviri uye vana vake vana. Akapindura achiti ainyatsovimba kuti Jehovha aizovatarisira. Franjo Dreven akanga asina mukadzi nevana, saka vakamubvunza kuti ndiani aizotarisira amai vake nehanzvadzi yake.

Pavakangosvika kwavaienda, masoja akavaudza kuti vamire vasina kupfeka kuchitonhora. Akabva atanga kuvauraya. Akatanga kupfura Filip Huzek-Gumbazir. Masoja akabva abvunza kana paive nevamwe vaida kuchinja mwoyo. Zvisinei, hama dzakaramba dzakatsika madziro. Saka vakabva vauraya Franjo, kukatevera Ivan ndokuzouya Lestan. Pakupedzisira, Filip Ilić aive asara, akakanda mapfumo pasi ndokubatana nemasoja. Akazodzoka kumba kwapera mwedzi mitatu nemhaka yekurwara ndokurondedzera zvakaitika. Upenyu hwaaida kuchengetedza achisiya kunamata akabva arasikirwa nahwo nemhaka yekurwara.

MuSlovenia hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakatambudzwa. Somuenzaniso, Franc Drozg, aiva nemakore 38 uye aiita zvokupfura simbi, akaramba kupinda chisoja. Nemhaka yeizvi, masoja echiNazi akamuuraya musi waJune 8, 1942 kuMaribor. Vamwe vaivapo vakati asati apfurwa muhuro make maiva nechikwangwani chakanyorwa kuti, “Handisi wenyika ino.” (Joh. 17:14) Kutenda kwake kwakasimba kunooneka mutsamba yake yaakanyora kwasara maminitsi mashomanana kuti aurayiwe: “Anodiwa shamwari! Rupert, nhasi ndatongerwa rufu. Usandichema hako. Ndinoti kusimba kwauri nevamwe vose vekumba kwenyu. Tichazoonana muUmambo hwaMwari.”

Vakuru vakuru havana kudzokera shure pakuedza kumisa basa rokuparidzira, asi Jehovha akaratidza kuti ndiMwari woruponeso. Somuenzaniso, mapurisa aiwanzosvikira vanhu vakarivara uye dzimwe nguva aimisa vanhu vakaita mutsetse achitarisa zvitupa zvavo. Vose vavaifungira vaivaendesa kujeri. Pavaidaro, uku mamwe mapurisa ainge achisecha dzimba nemafurati. Hama dzaiwanzoona kudzivirira kunoita Jehovha paidarikwa dzimba dzavo nemapurisa, achifunga kuti dzatosechwa kare. Kanenge kaviri, izvozvo zvakaitika mudzimba dzehama muine mabhuku akawanda, pamwe chete nemichina yokudhinda. Nguva nenguva, vaya vaiparidzira munguva idzodzo dzaiva nengozi vakaona chokwadi chemashoko anokurudzira ari muBhaibheri anoti “Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.”—Jak. 5:11.

KUTONGERWA RUFU

MUNA 1945, Hondo Yenyika II yakapera, ichigumisa kuteurwa kweropa kwakanyanya kwati kwamboitika. Kukurirwa kwakaita Hitler pamwe nevatsigiri vake kwakaita kuti hama dzitarisire kuti dzaizobvumidzwa basa radzo dzoparidzira dzakasununguka. Paiva nechikonzero chokufunga saizvozvo nokuti hurumende itsva yechiKomonisiti yakanga ichangogadzwa yakavimbisa rusununguko rwokubudisa mashoko, rwokutaura, uye rwokunamata.

Zvisinei, muna September 1946, hama 15 nehanzvadzi 3 dzakasungwa. Rudolf Kalle, Dušan Mikić naEdmund Stropnik ndivo vamwe vakasungwa. Vakabvunzurudzwa kwemwedzi mishanu. Vakuru vakuru vacho vakapomera Zvapupu kuti zvaiita zvisingadiwi nevanhu pamwe neHurumende uye kuti zvaiedza kuparadza Yugoslavia. Vakati basa redu raitungamirirwa neUnited States uye vaiti tainyepera kuparidza Umambo hwaMwari isu tichida kuti vanhu vasatevera gutsaruzhinji asi vaite kuti upfumi hudzorwe sezvinodiwa neUnited States. Mumwe mupristi weChechi yeRoma ndiye aitova pamberi kupomera hama dzedu kuti dzaiva vasori veAmerica vaivanda nechechi.

Mudare racho hama dzedu dzakanga dzapomerwa dzakataura noushingi dzichizvidzivirira uye dzakapupura zvakanaka chaizvo nezvaJehovha noUmambo hwake. Imwe hama yechiduku inonzi Vjekoslav Kos yakati: “Pamusoroi vatongi, amai vangu ndivo vakandidzidzisa nezvechitendero ichi, chinodzidzisa zviri muBhaibheri, uye ndainamata Mwari. Pakapinda maJerimani muno nechisimba, akaisa amai vangu mujeri. Hanzvadzi dzangu mbiri nomukoma wangu vaipinda chechi iyoyi pamwe naamai. Vakaendeswa kuDachau, kwavakanopfurwa nokuti vainzi vakomonisiti nemhaka yemanamatiro avaiita. Iye zvino dare rino rava kundipomera kuti ndiri muFascist nokuti ndichiri kupinda chechi iyoyi.” Dare racho rakamusunungura.

Asi vamwe vacho havana kusunungurwa sezvaakaitwa. Vatatu vavo vakatongerwa kuti vaizourayiwa vachiita zvokupfurwa, uye vamwe vose vakapiwa mitongo yaitangira pagore kusvikira kumakore 15. Zvisinei, hama dzedu dziri kune dzimwe nyika hadzina kubvumirana nemitongo iyi yokusaruramisira. Zvapupu zvokuUnited States, Canada, zvitsuwa zvokuBritain, uye Europe zvakanyorera hurumende yokuYugoslavia zviuru zvetsamba zvichitsutsumwa pamusoro pemitongo iyi. Zvakatumirawo zviuru zvemateregiramu. Kunyange vamwe vakuru vakuru vehurumende vakanyora tsamba vachitsigira hama dzedu. Izvi zvakaita kuti vaya vakanga vatongerwa rufu vachinjirwe mitongo yavo kuti ive yemakore 20 mujeri.

Asi kutambudzwa kwacho hakuna kuguma. Kwapera makore maviri, vakuru vakuru vokuSlovenia vakasunga Janez Robas nomudzimai wake, Marija, nezvimwe Zvapupu zvainzi Jože Marolt naFrančiška Verbec nokuti vakanga vari kuparidza. Gwaro remhosva dzavaipomerwa raiti: “ ‘Majehovite’ . . . akapinza basa dzimwe nhengo itsva akadzifurira kuti dzisatsigira utongi hwedu hwegutsaruzhinji uye kuti dzipikisane nemauto.” Vatungamiriri vacho vakapa hama idzi mitongo yaitangira pamakore matatu kusvika kumatanhatu vachishanda zvakaoma, vachivapomera kuti vaida kuvhiringidza mauto enyika.

Muna 1952, vasungwa vose vakasunungurwa, nokuti zvematongerwo enyika zvakanga zvachinja; uye shoko roUmambo rakaramba richiparidzwa. Zvakapikirwa naJehovha zvakazadzika, zvokuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa.”​—⁠Isa. 54:⁠17.

Kunyange zvakadaro, hurumende yakaramba ichiedza kuita kuti hama dzikande mapfumo pasi. Mapepanhau nemaredhiyo nematerevhizheni aivati “vanopenga” uye “vanhu vanonyanyisa vatova pedyo nokurwara nepfungwa.” Mashoko akaipa airamba achibuda munhau uye kutya kugara vakatariswa kwakatanga kuvhiringidza dzimwe hama. Zvapupu zvakatendeka pazvakabudiswa mujeri, vamwe vari muungano vaivaona sevasori. Asi Jehovha akaramba achisimbisa ungano dzacho achishandisa hama dzakavimbika, dzakasimba pakunamata.

Josip Broz Tito paakatanga kutonga pakapera Hondo yeNyika II, zvakava pachena kuti Yugloslavia yaizotongwa pachishandiswa mauto. Vaya vairamba kuita basa rechiuto vainzi vari kupikisa hurumende, pasinei nokuti vari kurirambirei.

MIEDZO YOKUVIMBIKA

Pairwiwa Hondo Yenyika II mumwe mukomana aiva nemakore mapfumbamwe ainzi Ladislav Foro aibva kuCroatia aive pamusangano wakanga wamanikidzwa vanhu vomuguta kupinda pachiparidzwa nomumwe mupristi weChechi yeRoma. Mharidzo yacho yapera, Ladislav akatarira seri kweketeni raiva pachikuva ndokuona mupristi wacho achibvisa hembe dzoupristi. Pasi aiva akapfeka yunifomu yebato rechimurenga rainzi Ustaša, akasunga bhande rokuisa mabara riine girinedhi. Achitora bakatwa rake, mupristi wacho akatasva bhiza raiva panze ndokudanidzira achiti: “Hama dzangu, handei tinotendeutsa vanhu kuti vave vaKristu! Kana paine anenge aramba, munoziva zvamunofanira kuita!”

Ladislav aiziva kuti munhu waMwari aisafanira kuita izvi. Izvozvo zvichangoitika, akatanga kupinda nababamunini vake misangano yaiitwa pachivande neZvapupu. Kunyange izvi zvakatsamwisa vabereki vake, Ladislav akaramba achipinda misangano uye achifambira mberi zvakanaka pakunamata.

Muna 1952 Ladislav paakanzi aite basa rechiuto, akajekesa kuti somuKristu aisapindira mune zvematongerwo enyika. Vakuru vakuru vakamubvunzurudza kakawanda vachiedza kumumanikidza kuti aite mhiko yokupinda muchiuto. Mumwe musi vakamuendesa kumisasa yaiva nevanhu 12 000 vakanga vaunganidzirwa kuti vaite mhiko yacho. Varwi vacho vakamisa Ladislav pamberi pevanhu vose ava vakamutakudza pfuti pabendekete. Akabva aikanda pasi. Varwi vacho vakashandisa gudzanzwi kuudza vanhu vose kuti kana Ladislav akazviitazve, aizopfurwa. Paakaramba kechipiri, vakaenda naye vakanomusundidzira mune rimwe gomba rakacherwa nebhomba raive rakadzika mamita akawanda. Mumwe musoja akanzi amupfure, ndokubva apfura kaviri mugomba racho, vachibva vadzokera kumisasa. Asi mabara acho akapotsa hama iyi!

Usiku ihwohwo, vakuru vakuru vakabudisa Ladislav mugomba racho vakaenda naye kujeri raiva kuSarajevo. Akapiwa tsamba yaiti vamwe vaainamata navo vakanga vabvuma kuita zvimwe zvavaimboramba iye achiorera mujeri pamwe nematsotsi. Vakuru vakuru ava vakataura naye kakawanda nezvenyaya dzakada kudaro. Zvisinei, Ladislav aivapindura achiti: ‘Ndiri kushumira Jehovha nokuda kwomumwe munhu here? Aiwa! Ndiri kuda kufadza munhu here? Aiwa! Ndinoraramiswa nezvinotaurwa nevanhu, zvavanofunga uye zvavanoita here? Aiwa!’

Mafungiro aya okuratidza kutungamirirwa neBhaibheri akabatsira Ladislav kuti arambe akatendeka ari mujeri kusvikira azosunungurwa kwapera makore mana nehafu. Nokufamba kwenguva akazova mutariri wedunhu achitsigirwa nomudzimai wake aive akazvipira waainamata naye, Anica.

KUSATSIGIRWA NOMUTEMO ZVAKAKWANA

Asiyana neSoviet Union muna 1948, Tito akarongazve hurumende ndokupa vanhu rusununguko zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo hurumende yakanga ichiri yegutsaruzhinji, yakanga yava kubvumirawo zvimwe zvitendero.

Hurumende yakati vamiririri veZvapupu zvaJehovha vauye kuzoonana navo uye yakati paitwe gwaro idzva rekodzero nezvinofanira kuitwa, raizoita kuti Zvapupu zvikwanise kuita basa razvo zviri pamutemo. Hama dzakanyora zvadzaiti zvizoiswa mugwaro racho uye musi waSeptember 9, 1953, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo zvakare muYugoslavia.

Dzimwe nyika dzechikomonisiti padzaidzinga hama dzedu, Zvapupu zvokuYugoslavia zvaiva norusununguko rwokuungana mune dzimwe dzimba dzainge dzasarudzwa. Izvi zvakapawo hama dzedu dzokuMacedonia mukana wokuwana mabhuku uye kutaura nehofisi yokuZagreb. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa sesangano riri pamutemo muna 1953, pakapera makore 38 vasati vava kukwanisa kuita ushumiri hwepaimba neimba zviri pamutemo.

Zvinhu zvakaramba zvichinetsa. Nemhaka yokuti hama dzakanga dzisina divi radzaitsigira pane zvematongerwo enyika, vakuru vakuru vaiona basa rokuparidza sokuparadzira mashoko ezvematongerwo enyika. Mapurisa epachivande pamwe nevasori vaiita kuti zviome kuita basa rokuparidza. Hama dzaibatwa dzichiparidza dzaisungwa dzobvisiswa faindi. Mumwe mushumo wakati, “Vanhu vari kuramba vachisungwa uye vachipomerwa mhosva. Izvi zviri kunyanya kuitika kuSlovenia, kune vakawanda vanopinda Roma uye kuri kugara vanhu vaJehovha vachingoongororwa nemapurisa nevasori vawo kuitira kuti vavawanikidze vachidzidza Shoko raMwari. Hama dziri kuratidza kuti dzakatsunga kusakanda mapfumo pasi padzinenge dzichitambudzwa, uye dziri kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”

“VAKACHENJERA SENYOKA”

Hama padzaiparidza kumaruwa okuSlovenia, dzaitanga dzabvunza vanasaimba kana vaiva nemazai okutengesa. Kana mutengo wacho wakanaka, vaparidzi ava vaiatenga kuitira kuti munhu wacho asafungira zvimwe. Kana mazai avaida akwana, paimba yaitevera vaibvunza kana paine huni. Kana zvakakodzera, vaibva vachinja nyaya vokurukura nezveBhaibheri.​—⁠Mat. 10:⁠16.

Munharaunda yokuZagreb, kuCroatia, hama dzaishanda mundima yacho zvakarongeka asi nenzira yaiita kuti vasaonekwa. Imwe nzira yavaishandisa yaiva yokutaura nevanhu vepaimba yechigumi. Somuenzaniso, kana vaparidzi vakanzi vashande imba yokutanga, vaishanyira imba yokutanga, yechi11, yechi21, yechi31, zvichingodaro. Izvi zvakaita kuti vakawanda vasvike pakuziva Jehovha. Zvisinei, nemhaka yokuoma kwaiva kwakaita ushumiri hwepasuo nesuo, vainyanya kuparidza zvisina kurongwa.

KuSerbia hama dzaiungana mumisha yedzimwe hama. Damir Porobić anorondedzera kuti pakapera Hondo Yenyika II misangano yaiitwa sei pamba paambuya vake. Anotsanangura kuti, “Yaipindwa nevanhu vashanu kusvika gumi. Imba yaambuya vangu yakanga iri pakanaka nokuti paiva nemigwagwa miviri yaisvikapo. Izvi zvaiita kuti vanhu vose vauye vagodzokera pasina kufungirwa nevaivaona.”

Veronika Babić akaberekerwa kuCroatia, uye vomumhuri yake vakatanga kudzidza kuma1950. Paakabhabhatidzwa muna 1957, akatamira kuSarajevo, Bosnia pamwe nomurume wake. Milica Radišić, wokunharaunda yeSlavonia, kuCroatia, akabhabhatidzwa muna 1950. Vomumhuri yake vakatamirawo kuBosnia. Mhuri idzi dziri mbiri dzakatanga kuparadzira chokwadi choUmambo muBosnia. Asi vaifanira kuparidza vachingwarira, sezvaiitwa mune dzimwe nzvimbo muYugoslavia. “Takatengeswa kumapurisa,” anodaro Veronika, “uye mabhuku edu akatorwa. Takasungwa, tikabvunzurudzwa, tikatyisidzirwa tichinzi taizoiswa mujeri, uye takabvisiswa faindi. Asi pane zvose izvozvo hapana chakatiodza mwoyo kana kutityisa. Zvakatosimbisa kutenda kwedu muna Jehovha.”

Milica anoyeuka kuti, “Rimwe zuva mumwe murume akauya kuImba yoUmambo akaratidza kufarira. Akagamuchirwa zvakanaka uye akatogara kwekanguva mudzimba dzehama. Aishingaira chaizvo kupindura pamisangano. Asi mwanasikana wedu akazomuona kubasa kwake achipinda misangano yemapurisa epachivande. Takabva taziva kuti akanga atumwa nemapurisa kuzotiongorora. Sezvo zvakanga zvava kuzivikanwa kuti anozivana nemapurisa, akabva arega kuuya.”

DZIMBA DZOUMAMBO DZAKATANGA KUVAKWA

Zvapupu zvaJehovha zvisati zvanyoreswa kuhurumende, yaiva mhosva kuti vaungane mudzimba, saka pavaiungana, vaigona kusungwa. Zvisinei, kunyange pavakanga vapiwa mvumo yokuungana pachena, zvakanga zvakaoma kuwana nzvimbo yokuti vaungane, sezvo vakawanda vakanga vasingafariri Zvapupu zvaJehovha uye vairamba kuti varende zvivako zvavo. Naizvozvo vakasarudza kutenga zvivako zvavaizounganira.

Munguva pfupi hama dzakawana chivako nechepakati peZagreb, Croatia. Vakachichinja chikava Imba yoUmambo yakanaka yaikwana vanhu 160 uye vakawedzera kahofisi kokudhindira mabhuku. Imba iyi yoUmambo yaishandiswawo kuitira magungano eruwa needunhu uye yakashandiswa muna 1957 pakatanga kuitwa gungano reruwa reZvapupu zvomuYugoslavia yose. Kwapera makore akati, hama dzakatenga imwe imba yaiva nechepakati peZagreb mumugwagwa unonzi Kamaufova, yaishandiswa nemhuri yeBheteri kusvikira muna 1998.

Muna 1957 hama dzakatenga chimwe chivako muBelgrade, Serbia, chavaishandisa seImba yoUmambo uyewo sehofisi yebasa repaBheteri. Vadaro, vakatenga imwe imba yaichengeterwa mabhiza muLjubljana, Slovenia, vakaichinja kuti ive Imba yoUmambo. Muna 1963 vakachinja garaji rokuSarajevo kuti rive Imba yoUmambo, yaishandiswa neungano yokutanga muBosnia and Herzegovina. Zvimwe zvivako izvi zvine zvakawanda zvaida kugadziridzwa; asi hama dzakazvipira dzikapa pfuma yadzo, uye Jehovha akavakomborera.

KUGONA KURONGA KUNOITA KUTI VANHU VAKURUDZIRWE

Muna 1960 kwakagadzwa vatariri vanofambira kuti vabatsire uye vakurudzire ungano. Dzimwe hama dzakakumbirwa kuti dzishande sevatariri vanofambira “pakupera kwevhiki.” Hama idzi dzakashandisa mazuva adzakanga dzisingaendi kubasa kuti dzifambe dzichikurudzira hama uye dzichidzibatsira kuti dzibatane mazuva iwayo.

“Kwerinenge gore, ndaifambira ungano pakupera kwevhiki ndiine mudzimai wangu,” anoyeuka kudaro Henrik Kovačić, weDare Rebazi rokuCroatia, “uye ndakazopedzisira ndava mutariri anofambira wenguva yakazara. Hama dzacho dzaiva varombo chaizvo, uye kakawanda taigara munzvimbo dzakanga dzisina mvura yepapombi nezvimbudzi zvomumba. Asi hama dzaionga chaizvo kushanya kwataiita uye dzairatidza rudo nomutsa zvikuru. Vaigara vachitisiyira kuti tirare pamibhedha yavo uye vaitipa zvokudya, kunyange ivo pachavo vaiva nezvishoma. Mune dzimwe ungano, taigara pamisha yakasiyana-siyana, tichiitira kuti tisaremedza munhu mumwe chete.”

Šandor Palfi, ava muDare Rinotarisira Basa muSerbia anoti, “Kushanda somutariri anofambira wokupera kwevhiki kwainakidza chaizvo, kunyange zvazvo kwainge kwakaoma. Hama dzaitimirira nechido. Vaiva varombo, asi vaiita zvose zvavaigona kuti vatipe zvakanakisisa zvavaiva nazvo. Kwavari, kushanya kwomutariri wedunhu yaiva nguva inokosha zvikuru.”

Miloš Knežević aiva mutariri wedunhu uku achitungamirira basa raiitwa pahofisi yebazi yokuYugoslavia. Paitonga vechiKomonisiti kwemakumi emakore, Hama Knežević vakashandiswa chaizvo kugadzirisa mhosva dzakawanda dzaipomerwa hama dzedu.

KUFAMBIRA MBERI KUNONAKIDZA KUMACEDONIA

Muna 1968, rimwe jaya rokuKočani, Macedonia, raienda kukoreji yaiva kuZagreb, parakatanga kuudzwa nezvechokwadi. Paakadzokera kumba, akaudzawo hama dzake neshamwari mashoko akanaka.

Stojan Bogatinov, uyo akatanga kubhabhatidzwa kuKočani, anoyeuka kuti, “Jaya iroro raiva munun’una wangu wekwaamainini. Ndaiva hweta, uye dzimwe nguva taitaura zvechitendero nevandaishanda navo. Mumwe musi tapedza kukurukura, pakabva papinda munhu aipinda Chechi yeOrthodox. Pandaimupa zvokudya, ndakamubvunza kana aigona kundiwanira Bhaibheri kuchechi kwake, nokuti ndaida kudzidza nezvaMwari nomwoyo wose. Akandiudza kuti aizoedza kundiunzira. Munguva pfupi ndakanga ndava neBhaibheri rangu ndoga ‘reTestamende Itsva.’ Ndakafara chaizvo zvokuti ndapedza basa ndakamhanyira kumba kunotanga kuriverenga.

“Ndiri munzira kuenda, ndakashamisika kuona munun’una wangu uya wekwaamainini, akanga adzoka kubva kuZagreb. Akandikoka kumba kwake, asi ndakati ndaisakwanisa nokuti ndaida chaizvo kuenda kumba kunoverenga Bhaibheri rangu. ‘Pane chinhu chandinacho chichakunakidza,’ akadaro munun’una wangu. ‘Ndine mabhuku achakubatsira kunzwisisa Bhaibheri ari kumba.’ Takaenda tose kumba kwake, uye ndakafara kuona kuti aiva neBhaibheri rakazara, mabhurocha, nemamwe magazini eNharireyomurindi mumutauro wokuCroatia. Akandipa mabhuku acho, ndichibva ndatotanga kuaverenga. Pakarepo ndakaziva kuti zvandaiverenga zvinokosha. Hapana Chapupu chaJehovha chandaiziva, asi ndaida kuvaziva.

“Munun’una wangu paakadzokera kuZagreb, ndakaenda naye. Ikoko, mumwe aiva Chapupu ainzi Ivica Pavlaković, akandikoka nomutsa kumba kwake, kwandakanogara kwemazuva matatu. Panguva iyi ndakabvunza mibvunzo yakawanda, uye pose aindipindura achishandisa Bhaibheri, zvinova zvakandinakidza chaizvo. Ndakapinda mumwe musangano weungano ndikakurudzirwa noushamwari hwaiva nehama dzacho.

“Ivica akaenda neni kuBheteri muZagreb, uye ndakabvapo ndichifara uye ndiine mabhuku akawanda. Kwapera mazuva mashomanana ainakidza, ndakadzokera kuKočani nepfuma yezvokunamata yandakanga ndawana. Kwakanga kusina Zvapupu pedyo, saka ndakatanga kugara ndichinyorerana naIvica. Tsamba dzangu dzaiva dzizere mibvunzo, uye aindinyorera achipindura mibvunzo iyi. Zvandairamba ndichidzidza zvakawanda, ndaiudzawo vamwe zvandaidzidza, uye mudzimai wangu nevana vangu vakatanga kuratidza kufarira. Nenguva isipi takanga tabatana pakunamata semhuri, uye takadzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Takafara, uye takatanga kushingaira kuudzawo hama dzedu neshamwari mashoko akanaka; uye vakawanda vaititeerera. Asi kuparidza kwakaita kuti titambudzwe.”

KUUNGANA TAKABATANA KUGERMANY

Kunyange zvazvo hama dzedu dzokuYugoslavia dzakanga dzisiri kure nevamwe sezvakanga zvakaita dziya dzaiva kune dzimwe nyika dzechiKomonisiti, vaiva vashomanana uye vaishuva chaizvo kudiwa nehama dzedu dziri munyika yose. Saka pavakaziva kuti Gungano Remarudzi Akawanda raiti “Rugare Panyika,” rakanga rarongwa kuzoitwa muna 1969, vakumbira mvumo kuhurumende kuti vabude munyika kuti vanoripinda. Imbofungidzira kufara kwavakaita pavakabvumidzwa!

Gungano racho rakaitirwa kune imwe nhandare yakakura yaiva muNuremberg, Germany, umo Hitler, uyo akanga atyisidzira kuti aizotsakatisa Zvapupu zvaJehovha, akamboforesa mauto ake makumi mashomanana emakore akanga adarika. Purogiramu yacho yaiitwa mumitauro yakawanda, uye vakanga vabva kuYugoslavia vakafara chaizvo kuti paizova nepurogiramu dzaizoitwa mumitauro yavo munzvimbo yaiva nemiti yakawanda pedyo nenhandare. Chikuva chakakura ndicho chaiparadzanisa nhandare yemitambo zvokuti hafu yevaipinda gungano racho, vakanga vakagara kune rimwe divi, yainzwa purogiramu yacho mumutauro wokuSerbia nokuCroatia, asi imwe hafu yacho, yaiva kudivi rechikuva, yaiinzwa muchiSlovenia. Purogiramu iyoyo yemazuva masere yakadzamisa zivo uye kutenda kwehama dzacho zvokuti!

Zvitima nemabhazi zvakabva kumativi ose eYugoslavia zvichiunza vaipinda gungano kuGermany. Imwe hama yakaendako ichibva kuCroatia inoyeuka kuti, “Tichifarira kuti taizobatanidzwa nehama dzedu nehanzvadzi, takaisa zvikwangwani mumahwindo echitima chedu tichishambadzira gungano.”

Hama dzakafara chaizvo kuona uye kunzwa Nathan Knorr naFrederick Franz vaibva kudzimbahwe renyika. Mumwe aipinda gungano iri anoyeuka kuti, “Pavakauya kuchikamu chenhandare kwataiva vachizotimhorosa, zvakanga zvakaoma kuti tivanze mufaro wedu.” Zvikomborero zvakawanikwa nehama dzokuYugoslavia zvaipfuura kuzvipira kwavakanga vaita kuti vapinde gungano racho. “Kuti tiende kugungano, zvaida mari yemwedzi miviri,” anodaro Milosija Simić, aibva kuSerbia, “uye zvakanga zvakaoma kuti upiwe mazuva gumi kubasa. Ndakanga ndisina chokwadi kuti pandaizodzoka ndaizowana basa rangu richiripo here, asi ndakanga ndazvipira kuenda. Raizonakidza! Nanhasi, kwapera makore 40, ndinochema misodzi yokufara pandinofunga nezvechiitiko ichocho.” Vakazodzokera kumba vasimbaradzwa kuti vatarisane nematambudziko aiva mberi sezvo vakanga vasangana nehama dzomudzimwe nzvimbo dzokuYugoslavia vakazvionera kubatana kwakaita hama dzomunyika yose.

MAPIYONA OMUYUGOSLAVIA ANOWEDZERA

Mapiyona okuGermany akasvika kuma1930 akanga aita basa rakakura pakuparadzira mashoko akanaka. Iye zvino vaparidzi zvavakanga vawedzera, vanhu vokuYugoslavia vakawanda vakaita basa roupiyona. Somuenzaniso, Slovenia yakanga yagadzirira kutumira mapiyona akanga agara nebasa kunzvimbo dziri kure dzokuYugoslavia kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Mapiyona aya akashinga kukunda dambudziko rokudzidza mitauro mitsva netsika itsva.

Jolanda Kocjančič anoyeuka kuti, “Ndakasvika kuPriština, guta guru rokuKosovo. Kunotaurwa mutauro wokuAlbania newokuSerbia. Kunyange zvazvo ini naMinka Karlovšek takanga tisina mutauro wataiziva pane iyi, takasarudza kutanga kuparidza, uye ndiwo madzidziro atakaita. Paimba yokutanga, takaonana nomwanakomana weimwe chirikadzi yaiziva mutauro wokuCzechoslovakia. Takatanga mharidzo yedu nomutauro wokuSlovenia wakasangana namamwe mashoko ewokuSerbia tichiti, ‘Tingada kutaura nemhuri yenyu nezvemashoko akanaka omuBhaibheri.’

“ ‘Pindai,’ akapindura kudaro, ‘amai vangu vanga vakakumirirai.’

“Patakapinda, amai vacho, Ružica, vakakurumidza kuuya kuzotikwazisa. Vakatsanangura kuti mazuva 14 akanga adarika vakanga vanyengetera kuna Jehovha vachimukumbira kuti atume munhu wokuzovadzidzisa nezvake. Mukoma wake, mumwe weZvapupu zvaJehovha munyika yava kunzi Czech Republic, akanga amuudza kakawanda kuti anyengetere kuna Jehovha kuti abatsirwe. Ružica aiva nechokwadi chokuti kushanya kwatakaita ndiyo yaiva mhinduro yomunyengetero wake. Saka Ružica paaitidzidzisa mutauro wokuSerbia, isu taimudzidzisa chokwadi chomuBhaibheri. Vana vechikoro vairoja pamba pake vakatangawo kudzidza Bhaibheri. Mumwe wavo akatipa duramashoko romutauro wokuAlbania, rakatibatsira kudzidza mutauro iwoyo.”

Zoran Lalović, wokuMontenegro, aiva kakomana paakapiwa Bhaibheri nomumwe piyona kuZagreb, Croatia. Kwapera makore mashanu, muna 1980, mumwe piyona chaiye akasvika achibva kuSerbia akatanga kudzidza naye. “Zvakanga zvakandiomera kucheka ukama neshamwari dzangu dzandaienda nadzo kumadhindindi,” anodaro Zoran, “asi pandakazosiyana nadzo, ndakakurumidza kufambira mberi uye ndakabhabhatidzwa kwapera mwedzi mishomanana kuBelgrade, Serbia. Ndichangobhabhatidzwa, ndakanzi ndipe hurukuro yavose, sezvo paingova nehama shomanana. Takatangawo kuitisa misangano yose muguta rePodgorica.”

KUBHABHATIDZIRWA MUMINDA YEMUPUNGA

“Vanhu pavaive vagadzirira kubhabhatidzwa, ndaivabhabhatidza,” akadaro Stojan Bogatinov, wokuMacedonia. “Pakanga pasina dziva rataigona kushandisa, uye rwizi rweikoko rwaiva ruduku chaizvo. Zvisinei, kwatinogara kune minda yakawanda yemupunga ine migero yemvura. Mimwe yacho yaiva yakadzika uye mvura yacho yakachena zvokuti yaikwanisa kushandiswa pakubhabhatidza. Ndinoyeuka patakatanga kubhabhatidzira mumunda wemupunga. Pataifamba nomumunda wacho tichienda kumugero, mumwe munhu akashevedzera kwandiri achiti, ‘Stojan, zvako wava nevashandi vatsva!’

“ ‘Ehe,’ ndakapindura kudaro, ‘basa rakawanda chaizvo.’ Vakanga vasingazivi kuti taiva vashandi vokukohwa zvokunamata muMacedonia.”

Hama dzokuMacedonia dzakanga dzisinganyanyi kuwana mashoko kuhofisi yebazi, uye vakanga vachiri kufanira kudzidza zvakawanda nezvemaitirwo ezvinhu musangano. Stojan Stojmilov akatanga kupinda misangano kuGermany uye paakadzokera kuMacedonia akafara kuwana Zvapupu kuKočani. Anorondedzera kuti, “Pandakasvika ndikaudza hama maitirwo aiitwa misangano kuGermany, vakabva vandikumbira kuti ndiitise Chidzidzo cheNharireyomurindi uye kuti ndipe hurukuro yavose. Ndakavatsanangurira kuti ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa, asi vakandimanikidza, vachiti ndini ndaitokwanisa kuzviita kupfuura ivo vose. Saka ndakabvuma kuita zvavakanga vakumbira. Ini nomudzimai wangu takazofambira mberi, uye takabhabhatidzwawo muminda yomupunga.”

Veselin Iliev, ava mukuru muKočani, anotsanangura kuti: “Hatina zvakawanda zvataiziva nezvekurongwa kwezvinhu musangano, asi chokwadi taichida.” Nokufamba kwenguva, Jehovha akazoita kuti zvinhu zvigadziriswe. Chimwe chacho chaiva chokuti mabhuku akawanda atange kuwanikwa mumutauro wokuMacedonia, izvo zvakabatsira chaizvo kufambisira mberi chokwadi choUmambo uye kusimbisa ungano.

KUSHANDISA NOKUCHENJERA RUSUNUNGUKO RWAKAWEDZERA

Yugoslavia zvayakanga isingachatongwi neRussia, vanhu vakanga vava norusununguko rwakanga rusingawaniki pasi poutongi hwoudzvinyiriri. Nechokunopera kwema1960, Yugoslavia yakava nyika yechiKomonisiti yokutanga kubvisa mavhiza uye kusanyanya kuomesa kubuda nokupinda munyika. Hama dzedu dzokuchamhembe kweYugoslavia zvadzakanga dzawedzerwa rusununguko rwokufamba, dzakatanga kuendesa mabhuku edu kunyika dzakaganhurana neSoviet Union, kwainge kuchiri kurambidzwa basa rokuparidza.

Kutanga, vakaendesa mabhuku kuYugoslavia achibva kuGermany nemagudzu. Ðuro Landić, ari muDare Rebazi rokuCroatia, anoyeuka kuti imba yavo yaisvikira mabhuku kudzamara pakazoparara Soviet Union. “Motokari dzedu dzemhuri dzaiva nenzvimbo dzokuviga zvinhu nechepasi uye mumadheshibhodhi,” anoyeuka kudaro Ðuro. “Taiziva kuti kana tikabatwa, taigona kutorerwa motokari dzedu uyewo kuenda kujeri, asi kufara kwaiita hama dzedu padzaigamuchira mabhuku acho kwakaita kuti tirambe tichizviita.”

Hanzvadzi Milosija Simić, vaiendesa mabhuku kuBulgaria achibva kuSerbia, vanoyeuka kuti: “Ndakanga ndisingambozivi kuti ndaizonopa ani mabhuku acho, ndaingopiwa kero. Mumwe musi ndakaburuka mubhazi ndikawana imba yacho, asi pakanga pasina munhu. Ndakamboti tendererei ndikadzoka ndava kubva neimwe nzira ndikaedzazve. Pakanga pasati pava nomunhu. Ndakaita izvi kanenge kagumi zuva iroro, ndichingwarira kuitira kuti vanhu vasafungira. Asi handina wandakakwanisa kuwana pamba ipapo. Ichi chakava chikomborero chaicho, nokuti ndakazoziva pava paya kuti kero yacho yakanga isiri iyo.

“Sezvo ndakanga ndashanda zvakaoma ndichikopa nokutaipa mabhuku acho, ndakashaya kuti ndoita sei. Zvakanga zvisingaiti kuti ndingorasa mabhuku acho. Saka ndakasarudza kudzokera nawo kuSerbia kwaaizonoshandiswa zvakanaka. Zvisinei, kunyange ndakanga ndatenga matikiti maviri nerokudzokera, ndaifanira kutenga rimwe rokuti ndisvike kwandainokwirira. Kazhinji pandaisvitsa mabhuku kuhama, dzaibva dzandipa mari yokutenga tikiti. Izvi taizviita nokuti takanga tichingobvumidzwa kupinda nemari shomanana munyika yacho. Ndakaenda pahwindo raitengeswa matikiti ndikanyengetera kuti ndiwane munhu wacho aitengesa ari mukadzi. Ndichingosvika, murume aitengesa akabuda achibva achinjwa nemukadzi. Ndakamukumbira kuti ndimupe mbatya dzataiva tashandisa kuputira mabhuku iye ondipa tikiti. Akabvuma, achibva andipa tikiti rangu.”

Nechokwokutanga kwema1980, hama dzakashandurira mabhuku mumutauro wokuAlbania newokuMacedonia dzichiita zvokunyora nemaoko dzikaatumira kuhofisi duku yaive kuBelgrade. Ikoko Milosija akashandisa tapureta nekabhoni kuti ataipe mapepa masere panguva imwe chete. Raiva basa rakaoma nokuti mashoko acho aiva akaita zvokunyorwa nemaoko uye mutauro wacho akanga asingauzivi.

HAMA DZECHIDUKU DZINOTSUNGA

Kunyange zvazvo mutemo waiti taiva norusununguko rwokunamata, hurumende yaiona sokuti kusatsigira kwedu zvematongerwo enyika kwaizokanganisa kubatana kwevanhu vomuYugoslavia. Izvi zvakaita kuti hama dzitambudzwe. Pairwiwa Hondo Yenyika II, vakawanda vakaratidza kuti vakanga vakatendeka zvokutosvika pakufira kushaya divi rezvematongerwo enyika ravanotsigira. Asi mumakore makumi matatu akatevera, vamwe vacho havana kuzoramba vaine kutenda kwakasimba zvakadaro. Vamwe vaipinda misangano yechiKristu uye vaitsigira basa roUmambo; asi pavainzi vapinde muchiuto, vaitsvaka nzira dzokuzvipembedza nadzo voenda.

Hama dzechiduku dzakaramba kupindira mune zvematongerwo enyika dzaitongerwa makore anosvika gumi mujeri. Vaitogona kupika jeri kakawanda vasati vasvitsa makore 30. Vamwe vakatarisana nemiedzo iyi yokutendeka vakaramba vakatendeka vakanga vachiri vatsva muchokwadi. Iye zvino vakawanda vavo vava hama dzine ruzivo dzinotungamirira muungano.

GUNGANO REMARUDZI AKAWANDA RINOKURUDZIRA

Zvapupu zvaJehovha muYugoslavia zvakanga zvisati zvambowana mufaro unobva pakuva negungano remarudzi akawanda. Fungidzira kufara kwavakaita muna 1991 Dare Rinodzora parakazivisa kuti rimwe remagungano emarudzi akawanda aiti “Vadi Vorusununguko” raizoitirwa muZagreb, kuCroatia!

Zvisinei, paiva nematambudziko. Kubva pakawana Croatia rusununguko kubva kuYugoslavia, zvairatidza sokuti hondo yaizotanga. Kwaizova kuchenjera here kuita gungano munyika iyoyo? Zvaikosha chaizvo kuti hama dzomunyika iyoyo nedzekunze dzinge dzakachengeteka. Hama dzacho dzanyengetera zvakasimba uye dzafunga nezvezvose zvaibatanidzwa, dzakasarudza kuenderera mberi nokugadzirira gungano racho.

Theodore Jaracz, weDare Rinodzora, akaenda kuCroatia kuchine vhiki shomanana kuti gungano riitwe, achiitira kunobatsira kuronga zvinhu. Sezvo zvimwe zvirongwa zvose zvokuungana zvakanga zvaregwa, pfungwa dzevanhu vose dzakanga dzava pane zvaida kuzoitwa muNhandare yeDinamo. Nguva yegungano zvayaiswedera pedyo, zvinhu zvakaramba zvichiipa munyika yacho. Zuva nezuva hama dzedu dzaifunga nezvengozi dzingavapo, dzichizvibvunza dzazvibvunzazve mubvunzo wokuti, Toenderera nokugadzirira here kana kuti torega kuita gungano racho? Hama dzacho dzakaramba dzichiteterera Jehovha mumunyengetero, dzichikumbira kuti adzitungamirire. Zvinoshamisa kuti zvematongerwo enyika zvakatanga kugadzikana, uye vakakwanisa kuita gungano racho kubvira musi waAugust 16 kusvikira 18, 1991.

Zvakaoma kufungidzira kusiyana kwakanga kwaita mamiriro ezvinhu. Nyika dzakapoteredza padzainge dzava kuda kutanga hondo, Zvapupu zvaJehovha muCroatia zvakanga zviri kugamuchira zviuru zvevashanyi vaiuya kugungano remarudzi akawanda re“Vadi Vorusununguko Rwoumwari.”b Vanhu vakawanda vomunyika iyoyo pavaitiza hondo, hama dzedu nehanzvadzi dzaibva kunyika 15 dzakanga dzakaungana murudo uye dzakasununguka. Mapoka akakura akasvika nendege achibva kuUnited States, Canada, nedzimwe nyika dzokuMadokero. Nemhaka yehondo iyi, nhandare yendege yomuZagreb yakanga yakavharwa uye ndege dzaifanira kunomhara kuLjubljana, Slovenia. Vaiuya kuzopinda gungano ava vakazouya kuZagreb nemabhazi. Ushingi hwaiva nehama dzaishanya idzi hwakapa uchapupu hwakanaka chaizvo kuvanhu, uye kuuya kwavakaita kwakakurudzira chaizvo hama dzomunyika iyoyo. Boka rakakura kupfuura ose raiva revanhu vanenge 3 000 vakauya vachibva kuItaly. Kusvika kwavakaita kwakabva kwaita kuti vanhu vawedzere kufara zvokufara zviya.​—⁠1 VaT. 5:⁠19.

Kugamuchira hama shanu dzeDare Rinodzora kwakanyanya kusimbisa kutenda. Nanhasi vakawanda vanoyeuka nomufaro hurukuro dzakapiwa naCarey Barber, Lloyd Barry, Milton Henschel, Theodore Jaracz, naLyman Swingle. Hama idzi hadzina kudzorerwa shure nekuoma kwakanga kwakaita zvinhu, asi sevanhu vakanga vagara nebasa ravo kwemakore vakashinga kupinda munyika yacho kunosimbisa hama dzavo nehurukuro dzaivaka.

Nemhaka yokusagadzikana kwezvematongerwo enyika, vakuru vakuru vaityira kuti hama dzaibva kumativi akasiyana eYugoslavia dzaigona kuzorwisana. Vakatozotura mafemo vaona hama dzichiungana pamwe chete uyewo dzichiratidza kudanana nomwoyo wose. Pakupera kwezuva rimwe nerimwe, mapurisa akaramba achidzikira.

Gungano iri risingakanganwiki rakaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha ihama chaidzo dzinobva munyika yose. Kufunga nezveizvi kwaizobatsira hama dzedu kuramba dzakabatana mumiedzo yavaizotarisana nayo. Mabhazi aitakura vanhu vokuSerbia nevokuMacedonia achivadzosera kumusha kwavo ndiwo akava okupedzisira kubvumirwa kupfuura nepamuganhu weCroatia neSerbia. Hama dzedu dzayambuka zvakanaka, muganhu wacho wakabva wavharwa. Vakawanda vanoti panguva iyi ndipo pakatanga hondo.

Mumwedzi nemakore aitevera, nyika dzaiumba Yugoslavia dzakatanga kusununguka dzichiva nehurumende dzadzo. Kurwisana kwakazoitika kwakakonzera kufa kwemakumi ezviuru uye kutambura kusingatauriki. Hama dzedu dzaizoita sei panguva iyi yaitambudza? Jehovha akakomborera sei basa rokuparidza Umambo rakazoitwa munyika idzi dzakanga dzasununguka? Ngationei.

Nhoroondo yeBosnia and Herzegovina

“Musi waMay 16, 1992, takatsvikinyidzana mune imwe imba tiri vanenge 13 paiputika mabhomba muSarajevo. Mabhomba maviri akawira pachivako chacho. Kunyange zvazvo taibva munyika dzacho dzairwisana dzeCroatia, Serbia neBosnia, takanga takabatana pakunamata kwakachena, asi panze vanhu vokunyika idzodzo vakanga vachitorwisana. Ava mambakwedza, kurwisana kwacho kwati dzikirei takabva pamba pataiva takavanda tichinotsvaka pakachengeteka. Sezvatakanga tamboita usiku hwakanga hwapfuura, takanyengetera kuna Jehovha tichichema, uye akatinzwa.”—Halim Curi.

Sarajevo, nyika ine vanhu vanopfuura 400 000, yakakombwa kwenguva yakareba zvakanga zvisati zvamboitika, uye vakasiyiwa vasingachazivi kana pokutangira. Hama dzedu nehanzvadzi dzaizoita sei nokuvengana kwaiita vanhu vemadzinza nezvitendero zvakasiyana? Tisati tataura kuti vakaita sei, ngatimbotaurai zvishoma nezveBosnia and Herzegovina.

Nyika inonzi Bosnia and Herzegovina iri pakati chaipo peyaimbova Yugoslavia, yakapoteredzwa neCroatia, Serbia neMontenegro. Vanhu vacho vanokoshesa zvoukama netsika dzavo, uye vane mutsa chaizvo. Kana vanhu vashaya zvokuita vanowanzotandara zvavo vachinwa kofi yokuTurkey padzimba dzevavakidzani vavo kana kuti kumaresitorendi. Kunyange zvazvo vakafanana, vanhu vanogara muBosnia vakasangana zvizvarwa zvemo uye zvokuSerbia, nokuCroatia. Vakawanda havanyanyi kukoshesa zvechitendero; asi chitendero ndicho chakaita kuti vanhu vasabatana. Vanhu vokuBosnia vakawanda vaMuslim, asi vokuSerbia vanopinda chechi yeOrthodox yokuSerbia uye vokuCroatia vanopinda Chechi yeRoma.

Kuvenga zvimwe zvitendero uye kuvenga mamwe madzinza kwakatanga muma1990 kwakaguma nomutemo wakaipa chaizvo wokuparadza mamwe madzinza. Mauto aidzinga vanhu mumisha yavo nomumaguta makuru, achisiya mava nevanhu vechechi yavo chete. Izvi zvakaita kuti hama dzedu dziedzwe panyaya yokusatsigira zvematongerwo enyika. MuBosnia, sezvaingoitika mune dzimwe nyika dzaiumba Yugoslavia, vanhu vakawanda vanopinda chechi dzevabereki vavo, uye zita remhuri yavo rinowanzoratidza kuti vanopinda chechi ipi. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka pavanova vashumiri vaJehovha, vangaonekwa sokuti vatengesa mhuri yavo netsika dzavo. Asi hama dzedu dzakadzidza kuti kuvimbika kuna Jehovha kunodzivirira.

GUTA RINOKOMBWA

Sezvataona, hama dzokuYugoslavia dzakabayiwa mwoyo chaizvo norudo uye kubatana kwakaratidzwa pagungano reruwa ra1991 re“Vadi Vorusununguko rwouMwari” rakaitirwa kuZagreb, kuCroatia. Gungano iri ravasingakanganwi rakavasimbisa kuti vatsungirire miedzo yavaizotarisana nayo. Pane imwe nguva, vanhu vokuBosnia, Serbia uye Croatia vaigarisana zvakanaka kuSarajevo. Rimwe uto rakangoerekana rakomba guta racho uye munhu wose akakombwa, kusanganisira hama dzedu. Kunyange zvazvo zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana, hapana aiva nechokwadi kuti vaizoramba vachirwisana kusvikira rini.

“Vanhu vari kufa nenzara,” akadaro mumwe mukuru wokuSarajevo anonzi Halim Curi. “Vanopiwa makirogiramu mashomanana chete efurawa, shuga shomanana, uye hafu yerita remafuta pamwedzi. Pose pane kanzvimbo muguta pari kudyarwa miriwo. Vanhu vari kutema miti muSarajevo kuti vawane huni. Kana miti yapera, vari kubvisa mapuranga ari pauriri mudzimba dzavo vachiabikisa uye nokuadziya. Vanoshandisa chero chinhu chinotsva, kunyange shangu dzinenge dzasakara.”

Guta reSarajevo parakakombwa, Ljiljana Ninković nomurume wake Nenad vakakombwawo uye vakaparadzaniswa nevanasikana vavo vaviri. “Taiva mhuri yaifara tiine vana vedu vaviri, imba yokugara nemotokari,” anodaro Ljiljana. “Zvinhu zvakangoerekana zvachinja.”

Asi kazhinji vakaona kuti Jehovha aivadzivirira. “Imba yedu yakabhombwa kaviri tichangobvapo,” anoenderera achidaro Ljiljana. “Pasinei nematambudziko ataiva nawo, taifadzwa nezvinhu zviduku. Somuenzaniso, tainakidzwa nokuenda kupaki kunotemha mashiza emamwe maruva tichiaita muriwo kuitira kuti tisangodya mupunga wakadaro. Takadzidza kugutsikana nezvatakanga tinazvo uye kusamborerutsa chero chii zvacho chataiva nacho.”

KUWANA ZVOKUDYA CHAIZVO UYE ZVOKUNAMATA

Chimwe chainetsa kuwana yaiva mvura. Kashoma mvura payaibuda mupombi dzaiva mumba. Vanhu vaifanira kufamba makiromita mashanu nomunzvimbo dzaiva nemasoja akavanda kuti vanowana mvura. Payaiwanikwa pacho, vanhu vaimira mumutsetse kwamaawa akawanda vakamirira kuzadza zvigubhu zvavo, vozodzokera kumba vakaremerwa nemvura.

“Patakanzwa kuti mvura yaizobuda mupombi dzomudzimba kwenguva pfupi wakava muedzo chaiwo,” anodaro Halim. “Munhu wose aifanira kugeza, kuwacha, uye kucherera mvura mumidziyo yakawanda sezvaaigona. Ko dai mvura yacho yaizouya nguva dzemisangano? Taizofanira kusarudza kuti toenda kumisangano here kana kuti tosara kumba tichimirira mvura.”

Kunyange zvazvo hama dzaida zvokudya, dzainyanya kukoshesa zvokudya zvokunamata. Pamisangano hama dzaisangowana zvokudya zvokunamata chete asiwo vaiudzwa nezvokuti ndivanaani vakanga vasungwa, vakanga vakuvara, kunyange vakanga vaurayiwa. “Taiva mhuri chaiyo,” anodaro Milutin Pajić, mukuru muungano. “Pataiungana kumisangano, tainge tisingachadi kusiyana. Misangano yapera, kakawanda taigara kwemaawa tichitaura nezvechokwadi.”

Upenyu hwakanga husiri nyore, uye hama dzaigara dzichitya kuti dzichaurayiwa. Kunyange zvakadaro, vaitanga kuita zvine chokuita nokunamata. Hondo payaiparadza nyika, vanhu vaJehovha vaidanana zvikuru uye vainzwa vaswedera pedyo naBaba vavo vokudenga. Vana vakacherechedza kuvimbika kwevabereki vavo, zvikaita kuti ivowo vasazombosiya Jehovha.

Vanhu vomutaundi reBihać, raiva pedyo nomuganhu neCroatia, vakanga vasingakwanisi kubudamo kwemakore anenge mana. Vanhu vakanga vasingagoni kubudamo, uye makanga musingapindiki nezvinhu zvokuyamura. Hama imwe chete yaiva mutaundi iri yainzi Osman Šaćirbegović, inoti, “Zvakanga zvakanyanya kuoma pakatanga hondo. Hazvirevi hazvo kuti mamiriro ezvinhu ndiwo akanga akanyanya kuoma, asi zvinhu zvatakanga tisati tamboita, zviri zvitsva. Chakatishamisa ndechokuti pakangotanga kukandwa mabhomba kutya kwose kwataiita kwakadzikira nokuti hatina kutora nguva tisati taziva kuti haasi magirinedhi ose anouraya. Mamwe acho haatomboputiki.”

Sezvo pasina aiziva kuti vaizoramba vachirwisana kusvikira rini, misha yeBheteri yokuZagreb, muCroatia, uye Vienna, muAustria yakaronga kuchengeta zvinhu zvokuyamura hama paDzimba dzoUmambo uye mumisha yeZvapupu kuSarajevo, Zenica, Tuzla, Mostar, Travnik, uye Bihać. Zvavakaramba vachirwisana, maguta aingoerekana akombwa uye pasisina achabvumidzwa kupinda kana kubudamo. Sezvo vakanga vasingachabvumidzwi kuwana zvinhu, zvavaiva nazvo zvaizokurumidza kupera. Kunyange zvazvo mataundi akawanda okuBosnia akarambidzwa kuwana zvinhu kune dzimwe nyika, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakabatana. Izvi zvakanga zvakasiyana chaizvo nokuvengana kwaiita marudzi nemachechi munyika yacho.

KUSHINGAIRA ASI TICHINGWARIRA

Kunze kwedambudziko rokuwana chouviri zuva nezuva, paiva nengozi yemasoja aiva akavanda muSarajevo yose, aingopfura chero wavada. Mabhomba aiita kunaya achiuraya vanhu. Dzimwe nguva zvaiva nengozi kufamba-famba mumataundi aiva akakombwa. Vanhu vaigara vachingotya. Asi hama dzedu dzakaramba dziine uchenjeri uye dzakashinga, zvokuti hadzina kumborega kuparidza mashoko oUmambo kune vaya vaida kunyaradzwa.

“Pane imwe nguva hondo payaipisa muSarajevo,” anodaro mumwe mukuru, “zviuru zvemabhomba zvakaputika zuva rimwe chete. Mangwanani iwayo oMugovera, hama dzakafonera vakuru dzichibvunza kuti, ‘Nhai tichaitira kupi musangano webasa romumunda?’”

“Ndakaona kuti vanhu vaida chokwadi nomwoyo wose,” inodaro imwe hanzvadzi. “Izvi ndizvo zvakandibatsira kuti nditsungirire uye kuti ndifare mumatambudziko.”

Kwataigara vakawanda vakasvika pakuziva kuti vanoda tariro yomuBhaibheri. Imwe hama yakati: “Vanhu vari kutitsvaka kuti tivabatsire pakunamata, pane kuti isu tivatsvake. Vanongouya kuImba yoUmambo vokumbira kudzidza Bhaibheri.”

Kubatana kwakanga kwakaita vaKristu uko kwaionekwa nomunhu wose, ndiko kwakaita kuti basa redu rokuparidzira ribudirire munguva yehondo. “Hwaiva uchapupu hwakakura,” anodaro Nada Bešker, hanzvadzi yava nemakore akawanda iri piyona chaiye. “Vakawanda vaiona hama dzokuBosnia nedzokuSerbia dzichishanda pamwe chete muushumiri. Uye pavakaona hanzvadzi yokuCroatia neimwe yaimbova muMuslim vachidzidza nomumwe wokuSerbia, zvakavaratidza kuti takanga takasiyana chaizvo nevamwe.”

Kushingaira kwaiita hama dzedu kuchiri kuoneka nanhasi nokuti vakawanda vava kushumira Jehovha iye zvino vakagamuchira chokwadi munguva yehondo. Somuenzaniso, vanhu vomuungano yokuBanja Luka vakapetwa nekaviri, kunyange zvazvo vaparidzi zana vakatamira kune dzimwe ungano.

MHURI YAKATENDEKA

Hama dzedu dzaigara dzakangwarira chaizvo. Kunyange zvakadaro, vamwe vaiwirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” pavaiva panguva nenzvimbo yavakanga vasingafaniri kuva. (Mup. 9:11) Božo Ðorem, aibva kuSerbia, akabhabhatidzwa pane rimwe gungano remarudzi akawanda kuZagreb muna 1991. Adzokera kuSarajevo, akasungwa kakawanda, uye aibatwa zvakaipa chaizvo nemhaka yokusatsigira zvematongerwo enyika. Muna 1994 akatongerwa mwedzi 14 mujeri. Chakanga chakanyanya kumuomera kwaiva kutadza kuva nomudzimai wake Hena, nomwanasikana wake aiva nemakore mashanu, Magdalena.

Božo achangobudiswa mujeri, akawirwa nedambudziko. Mamwe masikati, vari vatatu vakaenda kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri pedyo nepamba pavo. Vari munzira, runyararo rwaivapo rwakavhiringidzwa nokuputika kwakaita bhomba. Hena naMagdalena vakabva vangofira ipapo, uye Božo akazofira muchipatara kwapera chinguva.

KUSATSIGIRA ZVEMATONGERWO ENYIKA SEVAKRISTU

Vanhu zvavakanga vava kungofungirana, vakanga vasingachamboteereri vaya vaiti havana divi ravanotsigira. Ungano yeBanja Luka, yaiva nehama dzechiduku dzakawanda uye mauto aida kudzishandisa muhondo. Vakarohwa nokuti vakaramba vasina divi ravaitsigira.

Osman Šaćirbegović anoyeuka kuti, “Kazhinji mapurisa aitibvunzurudza otiti tiri mbwende nokuti tairamba kudzivirira mhuri dzedu.”

Osman aiwanzoti kumapurisa acho: “Handiti imi munodzivirirwa nepfuti yenyu?”

Mapurisa acho aidavira achiti: “Ehe.”

“Handiti kana mukawana pfuti ine simba kupfuura yamunayo mungatoda kuichinjanisa?

“Ehe.”

“Ko kana mukawana ngoro yehondo, handiti mungaichinjanisa nepfuti hombe?”

“Eheka.”

Osman aizoti: “Handiti zvose izvi munenge muchizviitira kuti mudzivirirwe? Zvino ini ndinodzivirirwa naJehovha, Mwari wemasimba ose, Musiki wezvinhu zvose. Pane angandidzivirira kumupfuura here?” Pfungwa yacho yaibva yajeka, mapurisa acho obva asiyana naye.

RUYAMURO RUNOSVIKA

Kunyange zvazvo hama dzaiva munyika dzakavakidzana nesu dzaiziva kuti Zvapupu zvokuBosnia zvakanga zviri kutambura, kwenguva yakati zvakanga zvisingaiti kuti vauye nezvaidiwa nehama dzavo. Zvadaro, muna October 1993, vakuru vakuru vakati zvaigona kuita kuti vaunze zvokuyamura. Pasinei nengozi dzaivapo, hama dzedu dzakasarudza kushandisa mukana uyu. Musi waOctober 26, marori mashanu akabva kuVienna, Austria, achienda kuBosnia akazara nematani 16 echikafu nehuni. Marori aya aiva akatevedzana aizopfuura sei munzvimbo umo hondo yakanga ichiri kupisa?c

Vari munzira pane pamwe pacho pavakambopinda mutsekwende. Mumwe mutyairi anoyeuka kuti: “Ndakanonoka kumuka mangwanani iwayo, uye ndakazoona kuti ndakanga ndiri kumashure kwemamwe marori aiendesa zvokuyamura. Patakasvika pane imwe rodhibhuroku, marori ose akamiswa mapurisa achiongorora mapepa. Ndakangoerekana ndanzwa pfuti kurira, ndokuzoona kuti mumwe mutyairi asiri Chapupu akanga apfurwa.”

Vatyairi vemarori ndivo chete vaibvumirwa kupinda muSarajevo nemarori avo, saka dzimwe hama dzainge dzavaperekedza dzaifanira kuvamirira dziri kunze kweguta. Asi dziine chinangwa chokukurudzira hama dzomunyika iyoyo, hama idzi dzakatsvaka runhare, dzikafonera vaparidzi vomuSarajevo, dzikapa hurukuro yavose yaikurudzira zvikuru. Kakawanda munguva yehondo, vatariri vanofambira, vashandi vepaBheteri, uye nhengo dzeDare Rinotarisira Basa Munyika yacho vaiisa upenyu hwavo pangozi kuti vabatsire hama dzavo pane zvadzaida uye pakunamata.

Kwemakore anenge mana, hama dzedu dzokuBihać dzakanga dzisingakwanisi kuwana mabhuku. Kunyange zvazvo zvokudya zvaisakwanisa kuyambuka zvichipinda mutaundi racho, hama dzedu dzakakwanisa kuwana zvokudya zvokunamata. Sei? Vakakwanisa kuwana runhare nomuchina wokutumira mashoko unonzi fakisi, zvaiita kuti panguva nenguva vakwanise kuwana Ushumiri Hwedu hwoUmambo uye Nharireyomurindi. Vaikopa magazini acho vopa mhuri imwe neimwe magazini imwe chete. Hondo payakatanga, kwaingova neboka duku revaparidzi vatatu chete vakabhabhatidzwa. Kwaivawo nevaparidzi vasina kubhabhatidzwa 12 vakamirira kwemakore maviri kuti mukana wakakodzera usvike wokuti varatidze kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.

Kuparadzaniswa nevamwe kwemakore akawanda kudaro kwainge kwakaoma zvikuru. “Vanhu vandaidzidza navo Bhaibheri vakanga vasati vamboenda kugungano reruwa kana kushanyirwa nomutariri wedunhu,” anodaro Osman. “Taigara tichitaura nezvenguva yataizonakidzwa nokushamwaridzana nehama dzedu.”

Fungidzira kufara kwakaita hama musi waAugust 11, 1995 motokari mbiri dzakanga dzakanyorwa nemabhii makuru kuti “Zvinhu Zvokuyamura Zvapupu zvaJehovha” padzakasvika kuBihać. Idzi ndidzo dzaiva motokari dzokutanga dzisiri dzehurumende dzakaunza zvokuyamura kubvira pakakombwa guta racho! Uye vakasvika hama padzakanga dzava kuona sokuti hapana chimwe chavachakwanisa kuita kana kufunga.

Vavakidzani vokuBihać vakaona kutarisirana kwaiita hama, zvakadai sokugadzirirana mahwindo ainge apwanyika. Osman anoti, “Izvi zvakashamisa vavakidzani vedu, sezvo vaiziva kuti takanga tisina mari. Zvakapa uchapupu hwakanaka uye vachiri kutotaura nezvazvo.” Iye zvino muBihać mava neungano inoshingaira ine vaparidzi 34 nemapiyona 5.

RWENDO RWUSINGAKANGANWIKI!

Hama dzedu dzaigara dzichingoisa upenyu hwadzo pamutanhiko kuti dziendese mabhuku nezvokudya kumataundi okuBosnia akanga asakadzwa nehondo. Asi rwendo rwomusi waJune 7, 1994 rwaizova rwendo rwakasiyana nedzimwe. Marori matatu akanga akatevedzana aiva akatakura nhengo dzeDare Rinotarisira basa munyika uye vamwe vashandi vakaenda kuZagreb, Croatia, mangwanani iwayo. Chinangwa chavo chaiva chokuendesa zvokuyamura uye kuitisa gungano rezuva chairo rakapfupikiswa, rokutanga mumakore matatu!

Rimwe remagungano aya raiitirwa kuguta reTuzla. Pakatanga hondo, muungano yacho maingova nevaparidzi vakabhabhatidzwa 20. Zvaishamisa chaizvo kuona vanhu vanopfuura 200 vakaunganira kunzwa purogiramu iyi yegungano! Vanhu makumi matatu vakabhabhatidzwa. Iye zvino Tuzla yava neungano nhatu nevaparidzi vanopfuura 300.

KuZenica, hama dzakawana nzvimbo yakakodzera kuitira gungano, asi vakanetseka kuwana dziva rakakodzera kubhabhatidzira. Dzaneta nokutsvaka, dzakazopedzisira dzawana rimwe dhiramu radzaigona kushandisa. Asi chinetso chaive chokuti rainhuwa nokuti rakanga rambochengeterwa hove! Asi izvi hazvina kuodza mwoyo yevaida kubhabhatidzwa, avo vakanga vabvuma kukokwa naJesu kuti vave ‘varedzi vevanhu.’ (Mat. 4:19) Herbert Frenzel, ava muDare Rebazi rokuCroatia, ndiye akapa hurukuro yorubhabhatidzo. “Vaida kubhabhatidzwa vakanga vamirira kwenguva yakareba chaizvo,” anodaro, “zvokuti hapana chaizovatadzisa! Vabhabhatidzwa, vakanzwa sokuti vakanga vakunda!” Iye zvino Zenica ine ungano inoshingaira ine vaparidzi 68.

MuSarajevo purogiramu yacho yaingogona kuitirwa pedyo neimwe mharadzano yairidzirwa pfuti nemasoja akavanda. Hama padzakasvika pagungano pasina chaitika, dzakatarisana nedambudziko rokuwana nzvimbo yokubhabhatidzira uyewo rokuchengetedza mvura yainetsa kuwana. Kuti mvura ikwane vose vaida kubhabhatidzwa, vakamiswa zvichienderana nemazera avo vakatanga kubhabhatidza vaiva nemumhu muduku ndokuzobhabhatidza vaiva nemumhu mukuru!

Musi iwoyo hama dzedu nehanzvadzi dzakafara zvokufara zviya! Havana kurega zvinhu zvinotyisa zvaiitika zvichivatadzisa kuwana mufaro wokunamata pamwe chete. Iye zvino Sarajevo yava neungano nhatu dziri kushingaira.

PAKAPERA HONDO

Pakatanga kubvumidzwa zvinhu kupinda munyika, zvimwe zvinhu zvakatanga kurerukira hama dzedu nehanzvadzi. Zvisinei, madzinza akaramba achiurayana, achimanikidza vanhu kubva munzvimbo dzavaigara. Ivica Arabadžić, mumwe mukuru aiva kuCroatia anoyeuka achimanikidzwa kubva pamusha wemhuri yavo kuBanja Luka. “Mumwe murume akauya nepfuti akatidzinga, achiti yakanga yava imba yake. Iye akanga adzingwa pamba pake kuŠibenik, Croatia, nokuti aiva chizvarwa chokuSerbia. Saka akanga ava kutidzingawo. Mumwe mupurisa wechiuto wandaidzidza naye akapindira akatibatsira. Kunyange zvazvo tisina kukwanisa kuramba tiine imba yedu, takakwanisa kuchinjana imba yedu neimba yomunhu uya wokuSerbia. Zvakanga zvakaoma kusiya musha wedu neungano yakanga yatibatsira kuwana chokwadi, asi hapana zvataikwanisa kuita. Takangotora zvinhu zvishomanana tikananga kuimba yedu ‘itsva’ yokuCroatia. Zvisinei, patakasvika kuŠibenik, mumwe munhu akanga atotamira muimba yedu iyi nokuti akanga aona pasina munhu. Zvino taizoitei? Hama dzedu dzakatigamuchira, uye mumwe mukuru akabvuma kuti tigare muimba yake kwegore kusvikira dambudziko redu reimba iyi ragadziriswa.”

Nanhasi zvematongerwo enyika hazvina kugadzikana, asi chokwadi chiri kubereka zvibereko muBosnia and Herzegovina, kune vanhu vanenge 40 muzana vanozviti vaMuslim. Kubva zvakapera hondo, hama dzedu dzakatanga kuvaka Dzimba dzoUmambo itsva. Imwe iri kuBanja Luka, haisingori nzvimbo yokunamatira yaidiwa. Inoratidza kukunda kwatakaita kumatare. Kwemakore akawanda hama dzedu dzaiedza kuwana mvumo yokuvaka Imba yoUmambo munharaunda iyi yakazara vanhu vanopinda chechi yeOrthodox yokuSerbia. Hondo yapera, kunyange zvazvo hama dzedu dzokuBosnia dzaive dzava kuzivikanwa zviri pamutemo, vakarambidzwa kuvaka Imba yoUmambo kuBanja Luka. Pakupedzisira, pashure pokunge hama idzi dzanyengetera kakawanda uye dzashanda nesimba, dzakawana magwaro aidiwa. Kukunda kwadzakaita apa kwakaita kuti zvizoita nyore kuvaka dzimwe Dzimba dzoUmambo kuBanja Luka.

Rusununguko rwokunamata urwu rwakaita kuti mapiyona chaiwo 32, akawanda acho aibva kune dzimwe nyika, abatsire kwaidiwa vaparidzi. Kushingaira kwavo muushumiri uye kunyatsotevedzera kwavaiita mitemo yesangano kwakava chikomborero chaicho.

KuSarajevo, uko hama dzedu dzaigara dzichinetswa nemasoja akavanda makore mashomanana apfuura, kwava kuitirwa magungano vashanyi vachiuya kubva kunyika dzakasiyana-siyana dzaiumba Yugoslavia. Kunyange zvazvo hondo dzomuzana remakore rakapfuura dzakaparadza nyika iyi ine makomo akazonaka, vanhu vaJehovha vakatonyanya kuwirirana uye “kudanana . . . kwazvo sehama kusina unyengeri.” (1 Pet. 1:22) Mazuva ano, ungano 16 dzine vaparidzi 1 163 muBosnia and Herzegovina dzakabatana dzichirumbidza Mwari wechokwadi, Jehovha.

Nhoroondo Yemazuva Ano yeCroatia

Pashure pokunge Gungano remarudzi akawanda raitwa muZagreb muna 1991, muganhu weCroatia neSerbia wakabva wangovharwa. Migwagwa mikuru nemabhiriji zvaishandiswa zvakaparadzwa kana kuti zvakavharwa nemauto, uye vakawanda vakanga vauya kugungano vachibva kumabvazuva kweCroatia vakatadza kudzokera kumisha yavo. VaKristu vaibva kune dzimwe nzvimbo dzomunyika yacho vakaratidza kuti vaida hama idzi nokudzipa pokugara, kunyange zvazvo ivo vaiva varombo.

KuZagreb, siku nesikati sairini dzairidzwa dzichinyevera vanhu nezvemabhomba. Vanhu vaimhanyira kunovanda, uye vamwe vairamba vakavanda kwevhiki kana kuti kwemwedzi yakawanda. Nemhaka yepaiva nedzimba dzepasi dzepaBheteri, dzakasarudzwa nevakuru vakuru senzvimbo yokuvanda mabhomba. Izvi zvakaita kuti pave nemikana yakanaka yokupupura, uye kunze kwokuwana pokuvanda, vanhu vakabatsirwawo panyaya dzezvokunamata. Somuenzaniso, rimwe zuva sairini dzakarira uye sezvavaigara vachiita, vanhu vakaita chipatapata kuburuka muchitima vachiuya kuzovanda mudzimba dzepasi dzepaBheteri. Munhu wose akamirira achiti zvino zvichafamba sei, mumwe aiva mukuru muungano aishanda paBheteri akabvunza kana vangada kuona masiraidhi egungano remarudzi akawanda raiva raitirwa muZagreb mwedzi mishomanana yakanga yapfuura. Vose vakabvuma uye vakazoonga chaizvo kuti vakanga vaaona.

Nemhaka yokurwisana kwaiitika, kuenda kumisangano kwainge kwakaoma chaizvo uye zvinonzwisa tsitsi kuti Dzimba dzoUmambo dzakaparadzwa nemabara nemagirinedhi. Asi hama dzacho dzaikoshesa zvokudya zvokunamata chaizvo kupfuura zvadzaimboita, uye hama idzi dzinodiwa ‘hadzina kurega kuungana.’ (VaH. 10:25) Somuenzaniso, magirinedhi aiita kunaya paŠibenik kwemwedzi mitanhatu uye zvakaita kuti hama dzisakwanisa kuungana paImba yoUmambo. “Taigara kunze kweguta racho,” anotsanangura kudaro mumwe wevakuru, “saka taiungana pamba pedu kuti tiite chidzidzo chebhuku uye chidzidzo cheNharireyomurindi. Hatina kuregeredza basa rokuparidzira pasinei nemamiriro akanga akaita zvinhu. Taiparidzira kwataigara uyewo mumisha yaiva pedyo. Munhu wose aitiziva seZvapupu zvaJehovha. Vaiziva kuti takasiyana nevamwe.”

KUDANANA SEHAMA MUNGUVA YEHONDO

Hama dzakawanda dzakarasikirwa nemisha yadzo dzakapotera kwevamwe, uye ungano dzaibva dzangoita zvadzaigona kuti dzibatsire. Somuenzaniso, paImba yoUmambo yomuOsijek, Croatia, hama dzakakwazisa noushamwari imwe mhuri itsva yaiva yapukunyuka mumamiriro ezvinhu akaoma chaizvo kuTuzla, Bosnia. Ungano yacho yakafara chaizvo kuziva kuti mudzimai wacho aiva hanzvadzi yavainamata nayo.

Vakuru vakuru vakapa mhuri iyi mvumo yokutamira kune imwe imba, asi yakanga yasakara uye isingambotarisirwi. Hama padzakaona kuipa kwakanga kwakaita imba iyi, dzakabatsira. Mumwe akauya nechitofu, mumwe akauya nehwindo, vamwe dhoo nomubhedha. Vamwe vakauya nezvokuvakisa, vamwe zvokudya nehuni dzokubikisa. Zuva rakatevera racho, rimwe kamuri reimba iyi rakanga rava kugarika. Asi mhuri iyi yaisazokwana kugara muimba iyi munguva yechando. Saka ungano yakanyora pasi zvinhu zvakanga zvichiri kudiwa, uye vaparidzi vakasiyana-siyana vakavapa chero zvavaigona. Kunyange zvazvo ivo pachavo vaiva varombo, vakaunganidza zvose zvaidiwa, kubvira kuzvipunu kusvikira kuzvinhu zvokuvakisa.

Hondo zvayakaramba ichienderera, zvokudya zvakakurumidza kushomeka, uye bazi rakashanda nesimba kuti ritarisire zvaidiwa nehama dzedu pakunamata uye zvadzaida kuti dzirarame. Bazi rakashanda pamwe chete neDare Rinodzora, rikaronga kuti paunganidzwe zvokudya, zvokupfeka, shangu uye mishonga yokurapa. Pakutanga, hama dzomuungano iyoyo ndidzo dzainyanya kubatsira, asi dzakanga dzisingagoni kuita zvakawanda. Izvi pazvaiitika, hama dzokuAustria, Italy, Germany, uye Switzerland dzakapa zvipfeko nemishonga yokurapa zvakawanda, uyewo zvokudya zvokunamata. Marori aisvika siku nesikati, achityairwa nevanhu vakanga vakazvipira vaikoshesa zvaidiwa nehama dzavo dzokuCroatia kupfuura kuchengeteka kwavo ivo. Zvinhu zvaitumirwa kubva pazvaichengeterwa muZagreb zvichiendeswa kuungano dzaishayiwa.

Hama dzokuCroatia dzakanga dzabatsirwa, asi iye zvino dzaigona sei kubatsirawo hama dzavo dzokuBosnia? Marori akanga akazadzwa matani 16 ezvokudya nehuni akananga kumuganhu weBosnia. Izvi zvaiva nengozi, nokuti nyaya dzemauto aiita zvinhu zvisiri pamutemo dzakanga dzakawanda. Kudai vaizosangana nemapoka aya vaigona kurasikirwa nezvinhu zvokuyamura zvavaiva nazvo uye vaigona kuurayiwa.

“Takafamba nomubani raiva nemiti yakawanda,” inodaro imwe hama, “tichipfuura nepamarodhibhuroku akawanda, uye dzimwe nguva nepairwirwa. Pasinei nokuti zvaiva nengozi, takasvika kuTravnik, Bosnia, pasina kana dambudziko. Mumwe musoja akanzwa kuti tasvika akamhanyira kune imwe imba yaiva yakaungana hama dzacho. Akashevedzera achiti, ‘Vanhu venyu vasvika nemarori.’ Fungidzira kufara kwavakaita. Takapinza zvokudya mumba macho, tikangoti taurei navo, uye taifanira kupfuurira norwendo. Pane kumwe kwatakanga tichiri kufanira kuenda.”

Hama dzakawanda dzakanyorera Bheteri yokuZagreb dzichionga rubatsiro rwadzakanga dzawana. “Tinotenda chaizvo nokushanda nesimba kwamunoita kuti tiwane zvokudya zvokunamata zvose nguva dzose,” yakanyora kudaro imwe ungano. “Tinotenda chaizvo nezvimwe zvamakatitumira, hama dzainge dzisina kana chokubata. Tinokutendai zvinobva pasi pemwoyo yedu nezvose zvamakaita uye norudo rwenyu.”

Imwe tsamba yaiti: “Kune hama dzakati wandei dziri vapoteri, uye vamwe havana kana mawaniro avangaita mari. Pavakawana rubatsiro urwu vakaona kuti zvakanga zvakawanda sei, vakasvimha misodzi. Rudo, rupo, uye kusava noudyire kwehama dzavo zvakavashamisa chaizvo uye zvakavakurudzira.”

Panguva iyoyo yakaoma, pakashandwa nesimba kuti hama dzedu dziwane zvokudya zvokunamata zvinosimbisa kutenda. Zvaiva pachena kuti mudzimu waJehovha wakanyatsovabatsira, kwete kuti vangotsungirira nhamo dzinotyisa, asiwo kuti vasimbe pakunamata.—Jak. 1:2-4.

SHOKO RETARIRO RINONYARADZA

Kunyange zvazvo masangano anoyamura vawirwa nenjodzi akabatsira nezvinhu, Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvakapa rubatsiro runonyaradza nokusingaperi. Pane kungomirira kuti hondo ipere vasina zvavari kuita, hama dzedu dzakaita zvose zvadzaigona kuti dziudzewo vamwe mashoko akanaka oUmambo.

KuVukovar, pedyo nomuganhu weSerbia, kwakanga kwaparadzwa zvikuru nehondo, vakawanda vacho, kusanganisira hama dzedu, vaifanira kutiza muguta racho. Zvisinei, pane imwe hanzvadzi yainzi Marija, yakaramba iriko. Hama dzokuCroatia hadzina kukwanisa kuonana naye kana kutaura naye kwemakore mana, asi akaramba achishingaira kuparidza kuvanhu vashomanana vakanga vasara muguta racho. Uye kushingaira kwake kwakakomborerwa zvikuru! Fungidzira kushamisika kwakaita hama dzokuCroatia padzakaona vanhu 20 vaibva kuVukovar vachipinda gungano reruwa ra1996!

Shoko redu retariro rinewo simba rokuchinja mararamiro evanhu. Pakatanga hondo, mumwe murwi wechiduku akakwidziridzwa pasina nguva uye akanga ava muboka reuto repamusoro rokuCroatia. Muna 1994, paakanga akamirira chitima, akapiwa turakiti rinoti Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika? Paaiverenga turakiti racho achinakidzwa naro, akadzidza kuti Satani ndiye anokonzera kurwisana kuri kuitika, haasi Jehovha Mwari. Chokwadi ichi chakamubaya mwoyo. Chimwe chakanga chaita kuti apinde chisoja kuda kutsiva kuurayiwa kwaiva kwaitwa hanzvadzi yake yaiva nemakore 19 nevamwe vaviri vomumhuri make munguva yehondo. Kunyange zvazvo aiva nourongwa hwokuenda kwaigara vaurayi ava, turakiti racho rakaita kuti afungisise. Akatanga kudzidza Bhaibheri, uye pashure pemakore akati akachinja mararamiro ake ndokubhabhatidzwa muna 1997. Akazopedzisira aenda kwaigara vaya vakanga vauraya vomumhuri make. Asi pane kuvatsiva, akafara kuudza vanhu vaida kudzidza nezvengoni dzaMwari mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Kushingaira kwaiita vaparidzi muushumiri, kunyange pairwiwa hondo, kwakaita kuti vaparidzi vawedzere zvikuru muCroatia. Kubva pakatanga hondo muna 1991 kusvikira payakapera muna 1995, mapiyona akawedzera ne132 muzana. Zvidzidzo zveBhaibheri zvakawedzera ne63 muzana, uye vaparidzi vakawedzera ne35 muzana. Chokwadi, hama dzomunyika iyi dzakazivisa Shoko raMwari, uye Jehovha akakomborera basa racho zvikuru.

VASHANDI VANOZVIPIRA

Gungano remarudzi akawanda ra1991 rava kuda kuzoitwa, mamishinari okutanga akadzidziswa kuGiriyedhi, Daniel naHelen Nizan, vokuCanada, vakasvika munyika. Kuwedzera kune ava, vamwe vakaroorana vaibva kunyika dzokuEurope vakanga vadzidza mutauro womunyika ino vakakumbirwa kuti vazoshanda muCroatia.

Vamwe vacho, Heinz naElke Polach, vokuAustria, vakanga vari mapiyona chaiwo kundima yaitaurwa mitauro yokuYugoslavia kuDenmark pavakakumbirwa kuzoshanda kuCroatia muna 1991. Hondo yakatanga pavakatanga basa rokufambira. Dunhu ravo rokutanga raisanganisira kumhenderekedzo kweDalmatia nedzimwe nzvimbo dzokuBosnia, kwose kwairwiwa. “Zvakanga zvakaoma kushanyira Bosnia panguva yehondo,” akadaro Heinz. “Nemhaka yengozi dzacho, taisagona kushandisa motokari yedu, saka taifamba nemabhazi okuti dzimwe nguva aisauya. Taingokwanisa kutakura tumasutukezi tushomanana netapureta.

“Taifanira kufunga nezvedzimwe nzira dzokuita nadzo zvinhu. Pane imwe nguva taibva kuTuzla tichienda kuZenica, masoja achibva amisa bhazi redu. Akatiudza kuti taizozvipinza mungozi kana tikaenderera. Munhu wose aiva mubhazi racho aifanira kuburuka. Asi taiziva kuti hama dzedu dzokuZenica dzainge dzakatimirira, saka takatanga kukumbira kana paine vaigona kutiendesa. Pakupedzisira, mamwe marori epeturu aiva nemapepa akakwana akabvuma kutitakura. Pataifamba takaparidzira mutyairi, uyo akateerera zvikuru.

“Takamanikidzwazve kumira nemhaka yokurwisana kwaiitwa, uye takashandisa nzira dzokudimbudzira. Nzira idzi dzakanga dzakaipa chaizvo, uye kwaiva nesinou. Kazhinji taifanira kumira tichibatsira mamwe marori ainge atadza kufamba nesinou. Pane imwe nguva takaridzirwa pfuti uye taitofanira kutiza munharaunda yacho. Takasvika kuVareš, makiromita anenge 50 kubva kwataienda, uye takatozorara ipapo.

“Mutyairi akanga akarara mberi kwemota, ini naElke takagumbatirana kuitira kuti tidziirwe tiri kumashure. Hakuna kuedza musi iwoyo. Asi mangwana acho takazosvika kuZenica, uye hama dzedu dzakafara chaizvo kutiona! Takanga tatamburira zviripo! Kunyange zvazvo vaiva vasina pombi dzemvura nemagetsi, vakaita zvose zvavaigona kuti vatigamuchire zvakanaka. Vaive varombo, asi pakunamata vaiva vapfumi uye vakaratidza kuti vaida chokwadi nomwoyo wose.”

Kubva pakatanga hondo, mapiyona chaiwo anenge 50 akanzi anoshandira kuCroatia achibva kuAustria, Germany, Italy nedzimwe nyika. Pave paya, sangano raJehovha rakatisimbisa uye kutikurudzira nokutumira mamwe mamishinari. Ava vashumiri venguva yakazara vaishingaira vakabatsira chaizvo mundima uye muungano.

“NDINI HERE NDASVIKA NHASI NDIRI MUPENYU, KANA KUTI NDIRI KUROTA!”

Kusvikira kuma1980, hama dzakanga dzisingagari paBheteri ndidzo dzaishandurira Nharireyomurindi yaibuda kamwe chete pamwedzi mumutauro wokuCroatia kubva muchiJerimani. Asi kubvira muna 1991, boka raiva paBheteri ndiro rakanga rava kushandura. Nokufamba kwenguva, Dare Rinodzora rakavapa mvumo yokutanga kushandura Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Kusvikira panguva iyoyo, vaishandisa shanduro yeBhaibheri yainge yava nemakore 150, yaiva nomutauro wakanga usingachanyanyi kushandiswa uye mashoko akawanda asina kujairika. Boka rokushandura rokuCroatia raitungamirira, richishanda pamwe nemapoka okushandura okuSerbia nokuMacedonia. Mapoka acho ose aibatsirana zvokuti zvaiitwa nevamwe zvaibatsirawo vamwe.

Musi weChishanu, July 23, 1999 uchagara uchiyeukwa neZvapupu zvaJehovha zvokuCroatia, Bosnia and Herzegovina, Montenegro, Serbia, neMacedonia. Pamagungano ose mana eruwa aiti “Shoko raMwari Rouprofita,” Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa mumitauro miviri, wokuCroatia newokuSerbia, uye vateereri vakaudzwa kuti yomutauro wokuMacedonia yakanga ichifambira mberi zvakanaka. Kwemaminitsi mukurukuri akambotadza kuenderera mberi nokuda kweruzha rwevanhu vaiombera maoko. Vanhu vakaita kunge vachabata denga, vamwe nemisodzi nemisodzi. “Mumwe ava nenguva ari mukuru muungano akati, “Ndini here ndasvika nhasi ndiri mupenyu, kana kuti ndiri kurota!” Bhaibheri rakazara rakazobudiswa mumitauro mitatu iyi muna 2006.

Basa reZvapupu zvaJehovha muCroatia uye Bosnia and Herzegovina raitungamirirwa neDare Rinotarisira Basa Munyika, riri pasi pehofisi yebazi yomuAustria kutozosvikira muna 1996. Muna 1996, Dare Rebazi rine hama ina rakanzi ritarisire basa rokuparidza munyika idzodzo, uye zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera urongwa ihwohwo.

HOFISI YEBAZI ITSVA NEDZIMBA DZOUMAMBO

Sezvaiitika kune dzimwe nyika, mhuri yeBheteri yokuZagreb, Croatia, yakatanga kuona kuwedzera kwaiita basa rokuparidza. Mhuri yacho yakawedzera kubva pa10 kusvika ku50. Asi sezvo Musha weBheteri wainge wakangovakirwa mhuri ina kana shanu chete, vaifanira kurenda dzimwe dzimba pedyo neipapo.

Dare Rebazi richangoumbwa, Dare Rinodzora rakavati vatenge nzvimbo yokuzovaka Musha weBheteri mutsva kuZagreb. Vanhu vakazvipira vomunyika iyoyo nevaibva kune dzimwe nyika vakavaka zvivako zvakanaka zvaizobatsira kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi kwemakore akawanda aizotevera. Bazi idzva neImba yoUmambo zvakatsaurirwa musi woMugovera, October 23, 1999, pamwe chete neDzimba dzoUmambo mbiri dzakabatana dzaiva nechepakati peZagreb. Kwakauya vanhu vaibva kunyika 15, kusanganisira Hama Gerrit Lösch veDare Rinodzora, vakapa hurukuro yokutsaurira. Mangwana acho, vanhu 4 886 vakaungana kuti vanzwe purogiramu inonakidza yezvokunamata mune imwe imba yakakura inoitirwa mitambo. Zuva iroro izuva risingakanganwiki kuvanhu vaJehovha vokuCroatia, vamwe vakanga vashumira Jehovha vakatendeka kwemakore 50 kana kupfuura munguva dzakaoma zvikuru!

Purogiramu yokuvaka Dzimba dzoUmambo dzakawanda itsva yakatangwawo. Kusvikira muna 1990, ungano dzakawanda dzaiungana mudzimba dzehama kana kuti mudzimba dzepasi. Somuenzaniso, kwemakore 20 ungano yokuSplit yaiungana mukakamuri kaduku pane imwe imba. Kunyange zvazvo vaingova nezvigaro 50, dzimwe nguva kwaiuya vanhu vaipeta nhamba iyoyo kaviri, zvomanikidza vakawanda kuti vamire panze. Magungano edunhu neeruwa aiitirwa ipapo, uye kwaiuya vanhu 150 kana kudarika. Iye zvino guta reSplit rava neungano ina, dzinoshandisa Dzimba dzoUmambo mbiri dzakanaka. Nemhaka yokuwedzera kwevaparidzi, imwe imba inoitirwa misangano pahotera ndiyo inoitirwa magungano. Dhipatimendi Rokuvaka Dzimba dzoUmambo, rinotarisirwa neRegional Engineering Office kuSelters, Germany, riri kuramba richironga kuvaka Dzimba dzoUmambo dzakanaka.

Vaduku nevakuru vakazvipira kuvaka Dzimba dzoUmambo vakaita basa rakakura. Kusvikira iye zvino, Dzimba dzoUmambo 25 dzakavakwa uye dzimwe 7 dzakagadziridzwa. Izvi zvakaita kuti basa roUmambo riwedzere, zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe.

BASA ROUMAMBO RINOFAMBIRA MBERI

Muna 1991 Croatia payakawana rusununguko, yakaramba ichitevedzera mitemo yaivapo panyaya dzezvitendero kusvikira pazodzikwa mitemo mitsva. Hurumende itsva iyi yaiva nevaipinda Chechi yeRoma vanenge 90 muzana. Saka vafundisi vacho vaiteererwa chaizvo nehurumende. Asi nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvainge zvakambonyoreswa zviri pamutemo uye nokuti hama dzedu dzaizivikanwa nomufambiro wakanaka, musi waOctober 13, 2003, Bazi Rinoona Nezvokutongwa Kwedzimhosva rakazivisa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvanyoreswa zviri pamutemo sesangano rechitendero muCroatia. Vashumiri vaJehovha vakafara chaizvo kuzivikanwa zviri pamutemo muCroatia, pashure pokutambudzwa kwemakore akawanda!

Mukutanga kwema1990, nyika dzose dzaiumba Yugoslavia dzakaita Chikoro Chemapiyona chimwe chete; iye zvino Croatia yava kuita makirasi akati wandei gore roga roga. Muna September 2008, Croatia yakafara kuti yakava nevaparidzi 5 451 vaiva muungano 69. Uye zvainakidza chaizvo kuti vanhu 9 728 vakapinda Chirangaridzo! Zvose izvi zvinoratidza kuti vanhu vanogona kutoramba vachiwedzera.

Kunyange zvazvo vakawanda vasingafariri zvokunamata uye vaine zvinetso zvakawanda, vashumiri vaJehovha vose vari munharaunda ino vatotsunga kuramba vachiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pasinei nokuti Satani akatsamwa angaitei. (Zvak. 12:12) Ruzhinji ruri kukoshesa kutsvaka chouviri kupfuura zvinhu zvose muupenyu. Asi pavanhu ivava pane vaya vari kugomera nokuparara kuri kuita tsika munyika uye vari kuziva kuti vane nzara yezvokunamata. (Ezek. 9:3, 4; Mat. 5:6) Vanhu ava vari kuwanikwa uye kubatsirwa kuti vanamate Mwari wechokwadi bedzi uye kuti vati: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”—Isa. 2:3.

Nhoroondo Yemazuva Ano yeMacedonia

Muzana remakore rokutanga muapostora Pauro akaona mumwe murume muchiratidzo achiti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibatsire.” (Mab. 16:8-10) Achiona kuti Mwari akanga achivaudza kuti vanoparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari mundima iyi yaive isati yamboshandwa, Pauro nevaaiparidzira navo vakabvuma nemwoyo wose chikumbiro chacho, uye chiKristu chakapararira nokukurumidza ikoko. Ko kunamata kwechokwadi kuri kubudirira zvakadini kuMacedonia yemazuva ano, kanzvimbo kaduku kari kuchamhembe kweMakedhoniya yekare?

Hondo yenyika yechipiri yapera, Macedonia yakava chikamu cheYugoslavia chekumaodzanyemba. Yakazowana rusununguko mugore ra1991. Papera makore maviri, muna 1993, Zvapupu zvaJehovha zvakafara chaizvo kuti zvakanga zvanyoreswa zviri pamutemo nehurumende itsva iyi. Izvi zvakaita kuti vakwanise kuvhura hofisi muMacedonia ichitungamirirwa neDare Rebazi rekuAustria. Saka muna 1993 kwakatengwa imba muna Alžirska Street, kuSkopje, uye boka raishandurira mumutauro wokuMacedonia rakabva kuZagreb, Croatia, rakatamira kumusha mutsva weBheteri.

Michael naDina Schieben vakabva kuGermany kuti vazoita basa redunhu, uye Daniel naHelen Nizan, vaibva kuCanada, avo vakanga vachishumira kuSerbia, vakatumirwa kuno kuMacedonia. Dare Rinotarisira Basa Munyika rakarongwa uye Bheteri yakatanga kushanda.

KURAMBIDZWA KUPINZA MABHUKU MUNYIKA

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakanyoreswa pamutemo, zvaiva zvakaoma kuwana mabhuku kubva kunze kwenyika. Kubva muna 1994 kusvika muna 1998, hurumende yakati uwandu hwemagazini aipinzwa munyika huenderane nenhamba yevaparidzi. Izvi zvakaita kuti hama dzitoita mamwe makopi eNharireyomurindi ezvikamu zvaidzidzwa kuti vape vavaidzidza navo Bhaibheri. Hama dzaiwanawo magazini adzaitumirwa kubva kune dzimwe nyika, uye vaishanyira Macedonia vaibvumidzwa kupinda nemagazini mashoma. Pakupedzisira, papera makore tichiendesana nehurumende kumatare, dare repamusoro-soro rakatsigira Zvapupu, zvikapiwa mvumo yokupinza mabhuku akawanda aidiwa nevaparidzi munyika.

Muna August 2000, nhamba yevaparidzi yakasvika 1 024 uye kaiva kekutanga kuti vanhu vanopfuura 1 000 vashume basa rokuparidzira! Magazini akawanda zvaaibudiswa uye vaparidzi vachiwedzera, imba yaiva muna Alžirska Street yakanga isingachakwani mhuri yeBheteri yakanga ichiwedzera. Gore rakatevera racho kwakatengwa dzimba mbiri duku dzaiva pedyo, uye dzakadhirizwa kuti pavakwe zvimwe zvivako zviviri. Ikozvino mhuri yeBheteri yekuMacedonia ine vanhu 34 inoshanda ichigara muzvivako zvitatu zvine zvose zvokushandisa. Vakafara chaizvo kugara naHama Guy Pierce veDare Rinodzora pakatsaurirwa bazi musi waMay 17, 2003.

DZIMBA DZOUMAMBO DZINOVAKWA

Hama nehanzvadzi muMacedonia yose dzakatenda chaizvo chirongwa chokubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzinoshayiwa. Kwakatumirwa hama shanu kuti dzibatsire ungano dzemo kuvaka Dzimba dzoUmambo zvokuti kubva muna 2001 kusvika muna 2007 vakatovaka pfumbamwe. Hama idzi dzaibva kunyika dzakasiyana-siyana, dzaishanda pamwe chete zvakanaka-naka dzakabatana pasina kana kusarurana, zvikaita kuti vayemurwe nevanhu vaiona. Mumwe mutengesi akasvika pane imwe Imba yoUmambo yakanga yapera kuvakwa akaona unyanzvi hwaivapo akabva ati, “Chivako ichi zvechokwadi chakavakwa norudo.”

Boka iri paraivaka imwe Imba yoUmambo itsva mutaundi rekuŠtip, mumwe muvakadzani akanga asina chokwadi kana zvaizobudirira achiona vechiduku vacho vaiita sevasina ruzivo rwokuvaka. Zvisinei, Imba yoUmambo payakapera kuvakwa akabva auya nepurani yake yemba achikumbira kuvakirwa imba yake nehama dziya dzechiduku. Akapedzwa mate mukanwa nebasa rehama idzi zvokuti akati aizodzibhadhara mari yakawanda. Akashamisika paakaudzwa kuti vaivaka Dzimba dzoUmambo, kwete kuti vawane mari, asi kuratidza kuda kwavanoita Mwari nomuvakidzani.

SHANDURO YENYIKA ITSVA

Zvichakadaro, rimwe boka revarume nevakadzi rakazvipira rakanga richiita chipitipiti kushandura Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wokuMacedonia. Kushanda kwavakaita nesimba kwakakomborerwa naJehovha zvokuti mumakore mashanu vakashandura Shanduro yeNyika Itsva yakazara. Hakusi kufara kwakaita hama dzaiva paGungano Reruwa ra2006 rakaitirwa kuSkopje raiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” apo hama Gerrit Lösch veDare Rinodzora vakazivisa kubudiswa kweiyi shanduro itsva yakanaka yeBhaibheri. Kuombera kwacho kwairatidza mufaro uye kwakatora nguva, uye vakawanda vakayerera misodzi nomufaro. Vamwe vakawana Bhaibheri vakatanga kutoriverenga panguva yekudya masikati kuti vanakidzwe neiyi shanduro yeShoko raMwari yakasiyana nedzimwe yomutauro wavo.

Vanhu vakawanda vekuMacedonia vanoremekedza Bhaibheri chaizvo. Somuenzaniso, Orhan, akatanga kudzidza Bhaibheri makore matanhatu apfuura. Kunyange akanga asingagoni kuverenga nokunyora, akabatsirwa kuti agone nehama yaimudzidzisa. Kubva zvaabhabhatidzwa makore matatu apfuura averenga Bhaibheri rose katanhatu!

Kwekanguva kakati Orhan ndiye oga aiva Chapupu mutaundi reResen. Vakawanda vakayemura murume uyu akambenge asingagoni kuverenga, uye vamwe vabereki vakakumbira hama idzi kuti dzidzidze nevana vavo kuti vagogonawo kuverenga saOrhan. Vanhu vakatanga kufarira chokwadi zvikazoita kuti Chidzidzo Chebhuku cheUngano chiitwe vhiki imwe neimwe mutaundi iroro. Mumwe murume aifarira akasvika pakutova muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye Orhan ava mushumiri anoshumira uye piyona wenguva dzose.

KUYAMBUKIRA KUMAKEDHONIYA

Muna July 2004, mumwe murume nomudzimai, mapiyona chaiwo, vakauya kuzobatsira kuparidzira vanhu vanotaura mutauro wokuAlbania avo vanoumba 25 muzana yevagari vomuMacedonia. Hazvina kutora nguva pasati paoneka kuti mhuri iyi yaida kubatsirwa nokuti ndivo vaparidzi chete vaivapo vaifanira kuparidzira vanhu vanopfuura hafu yemiriyoni vanotaura mutauro wokuAlbania. Naizvozvo papera gore imwe mhuri yakatumirwa kubva kuAlbania kuti izovabatsira ndokubva vose vari vana vatanga kukurudzira boka duku revanhu vanomwe vaifarira raiva nechepakati petaundi reKičevo rinova ndiro rine vanhu vakawanda vanotaura chiAlbania. Muchirimo chakatevera boka duku iri rakafara chaizvo kuva nevanhu 61 pahurukuro yeChirangaridzo yakapiwa mumutauro wokuAlbania newokuMacedonia. Kubvira ipapo boka iri rakura kusvika pakuva nevaparidzi vanoshingaira 17, uye vanhu vanouya kumisangano vanowanzosvika kuma30.

Kuti tinyatsoparidzira ndima yose yeMacedonia, Dare Rinodzora rakabvumira kuti paitwe mushandirapamwe unokosha muna April kusvika muna July 2007. Chinangwa chaiva chokuti mashoko akanaka asvike kunzvimbo dzaiva nevanhu vaitaura mutauro wokuAlbania dzisati dzamboparidzirwa.

Hama nehanzvadzi dzinosvika 337 dzaibva kunyika nomwe dzakadirana dzichiuya kuzobatsira. Zvakazofamba sei? Mashoko akanaka akaparidzirwa munzvimbo dzinopfuura 200 muMacedonia yose dzine vanhu vanosvika 400 000 vaiva vasati vambobvira vaparidzirwa. Mabhuku nemabhurocha anopfuura 25 000 uyewo magazini anopfuura 40 000 akagoverwa mumwedzi mina iyi yomushandirapamwe. Maawa anosvika 25 000 akapedzerwa muushumiri uye zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 200 zvakatangwa.

“Vamwe vakadonha misodzi pavakanzwa kwataive tabva uye chakaita kuti tivashanyire,” yakadaro imwe hama. “Vamwe vakayerera misodzi nezvavakaona pavaiverenga muShoko raMwari.”

Vamwe vakashanda pamushandirapamwe uyu vakataura zvakasiyana-siyana vachitenda zvichibva pasi pomwoyo yavo. Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Mumwe mudzidzisi akatiudza kuti: ‘Mwari ngaakukomborerei. Muri kuita zvakazonaka. Zvechokwadi zvamuri kutaura zvinondikurudzira!’”

“Zvakaoma kusiya nzvimbo iyi yatiri kushanda sokunge kuti tiri mamishinari,” akadaro mumwe muparidzi. “Takanyatsoona madiro anoita vanhu chokwadi, uye zvakatirwadza kuonekana nevataidzidza navo Bhaibheri patainge tava kudzokera.”

“Tinozvidemba kuti dai takanga taronga kuti tiuye kwemazuva akawanda nokuti iye zvino tava kunyatsoona madiro anoita vanhu kudzidza Bhaibheri,” yakadaro imwe mhuri.

Achiratidza kuti vakawanda vakanzwa sei, mumwe muparidzi akati: “Semhuri handifungi kuti pane imwe nguva yatakambonakidzwa seizvi.”

Kumakomo pedyo neguta reTetovo, rimwe boka revaparidzi rakaparidzira imwe nzvimbo yaiva isati yamboparidzirwa. Vaviri vakatanga kuparidzira kune dzimba dzaiva kuruboshwe kwemugwagwa uye vamwe vaviri kune rimwe divi. Pavakanga vangoparidzira padzimba nhatu chete, raini rose rakanga rava kutoziva kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuuya. Pasina nguva mashoko acho akapararira nomusha wacho wose, uye boka guru remadzimai raifarira zvekudzidza Bhaibheri rakaunganira hanzvadzi dzacho. Nechokuzasi kwenzira, varume 16 vakanga vakamirirawo vaine shungu dzokudzidziswa nehama. Varidzi vedzimba vakakurumidza kubudisa macheya mana kuti vaparidzi vagare uye mumwe murume akanga achivabikira kofi. Vaparidzi vakapa munhu wose mabhuku uye vakanyatsoshandisa Bhaibheri kutanga kuvatsanangurira chokwadi.

Vakawanda vaibvunza mibvunzo uye vose vainyatsopa nzeve. Vaparidzi vava kudzokera, vazhinji vaiva muraini vaivaoneka. Zvisinei hama dzakashamiswa padzakaona mumwe muchembere achisvika nomudonzvo. Akavanongedzera nawo achiti, “Ndichakurovai nemudonzvo uyu!” Vaparidzi ava vakanga vaitei chakagumbura ambuya ava? Vakabva vati, “Ini ndini wamanyima bhuku asi vamwe vose mavapa! Ndinodawo guru iro reyero,” vakadaro vachinongedzera Bhuku Renhau dzeBhaibheri rakanga rapiwa mumwe muvakidzani wavo. Hama hadzina kuverengera, dzakabva dzangovapa rimwe chete ravanga vasarirwa naro.

KUPARIDZIRA VANHU VOKUROMA

MuMacedonia, mune vanhu vakawanda vechiRoma vanotaura mutauro wokuMacedonia asi mutauro waamai wavo uri musanganiswa wetwumitauro twechiRoma. Guta guru reSkopje, kuMacedonia rinonzi rine vanhu vakawanda vanotaura chiRoma vanosvika 30 000 muEurope yose. Munzvimbo inonzi Šuto Orizari mune dzimba dzoUmambo mbiri dzakavakwa dzakabatana dzinoshandiswa neungano nhatu dzemutauro wechiRoma. Vaparidzi 200 variko vanonakidzwa nendima yavo ine zvibereko, uye muparidzi mumwe chete anotarisirwa kuparidzira vanhu 150—imwe yendima dzakanakisa dziri munyika yacho. Kuratidza kuti vanhu vokuRoma vanofarira chaizvo, 708 vakapinda Chirangaridzo cha2008!

Zvii zviri kuitwa kubatsira vanhu vokuRoma vanozvininipisa uye vane nzara yechokwadi kudzidza nezvezvinangwa zvaMwari mumutauro wavo? Muna 2007 hurukuro inokosha yakashandurirwa mumutauro wechiRoma, uye mumwe mukuru anotaura chiRoma akaikurukura kuvateereri 506. Vaparidzi vemarudzi akasiyana-siyana—vokuRoma, vokuMacedonia, nevokuAlbania—vakafara chaizvo pakabudiswa bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? mumutauro wechiRoma pagungano reruwa ra2007. Kusvika panguva iyoyo vaparidzi vakanga vari kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri mumutauro wavo asi vachishandisa mabhuku omutauro wokuMacedonia. Iye zvino vari kubudirira chaizvo kunyatsosvika mwoyo yevanhu vokuRoma vachishandisa bhurocha raAnodei rechiRoma.

Nhasi vaparidzi 1 277 vari muungano 21 muMacedonia vari kushanda nesimba kutevedzera muenzaniso womuapostora Pauro wemuzana ramakore rokutanga. Kubvuma chokwadi kuri kuitwa nevakawanda vari kuchitsvaka muMacedonia ndiko kuri kuita kuti nhasi titeererewo mashoko okuti “yambukirai kuMakedhoniya.”

Nhoroondo Yemazuva Ano yeSerbia

Serbia, iri pakati chaipo peBalkan Peninsula, inyika ine vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana uye vemarudzi akasiyana-siyana. Muguta reBelgrade makavhurwa hofisi yebazi muna 1935 kuti itarisire ndima dzaimboumba Yugoslavia, zvikaita kuti vaparidzi vawedzere zvikuru. Mazuva ano, hama dziri kuSerbia dziri kubatsira sei nyika itsva idzi dzakaumbwa munharaunda iyoyo?

Kunyange zvazvo miganhu yenyika yaivharwa, kuvengana kwemachechi uye rusaruraganda zvaiwedzera, hama dzaibva kunyika dzakasiyana-siyana dzakanga dzichizvishandira zvadzo murunyararo uye dzakabatana pahofisi iri kuZagreb, Croatia. Nemhaka yerusarura rwakanga rwuchiramba rwuchiwedzera munyika, hama dzedu dzokuSerbia dzaiva paBheteri dzakapedzisira dzamanikidzwa kubuda munyika yacho. Muna 1992, mabhuku omutauro wokuSerbia akatangazve kushandurwa kuBelgrade, Serbia, sezvaakanga amboitwa makore 50 akanga adarika. Zvakazooneka kuti danho iri rakaitwa panguva yakakodzera uye rairatidza uchenjeri.

Sezvo muBosnia maipisa hondo paitoda kuti vanhu vayamurwe nezvekurarama nazvo. Hofisi yebazi yekuAustria yakaratidza rudo nokuronga kuti pave nezvinhu zvinoyamura, uye hama dzaiva kuSerbia ndidzo dzainyatsokwanisa kuendesa zvinhu izvi kunzvimbo dzaiva muBosnia dzaitongwa nevanhu vokuSerbia.

Kunyange zvazvo hondo isina kuzosvika kuSerbia, vagari vomunyika iyoyo vakaonawo nhamo dzaikonzerwa nehondo iyi. Kurambidzwa kutengeserana nedzimwe nyika kwakaita kuti zviome kuwana mabhuku kubva kuGermany, kwaaidhindirwa. Ungano padzaitadza kuwana magazini aidzidzwa panguva iyoyo, hama dzedu dzaingodzidza ekare kusvikira matsva auya. Kunyange zvakadaro, magazini aya aizopedzisira asvika zvokuti havana kana imwe yavasina kuwana.

‘RUYAMURO RUNOSIMBISA’

Daniel Nizan, uyo akapedza kudzidza paGiriyedhi anoti, “Patakasvika muSerbia muna 1991, zvematongerwo enyika zvaiva manyama amire nerongo munyika yacho. Takabayiwa mwoyo nekushingaira kwaiita hama dzacho pasinei nekuoma kwaiva kwakaita zvinhu. Ndiri kuyeuka kushamisika kwatakaita patakaona vanhu vanenge 50 vachisimuka kuti vanobhabhatidzwa pagungano rezuva chairo randakapinda ini nomudzimai wangu. Izvi zvakatikurudzira chaizvo.”

Mhuri yekwaNizan yakabatsira chaizvo mukuvaka hofisi itsva yokuBelgrade. Hofisi yokutanga, yaikwana vanhu gumi, yaiva mumugwagwa unonzi Milorada Mitrovića. Pauriri hwepasi paivawo neImba yeUmambo. Boka rekushandura zvarakaramba richiwedzera, pakanga pava kutodiwa imwe nzvimbo yakakura. Nzvimbo yakazowanikwa uye basa rokuvaka rakatanga. Gore ra1995 rava kuda kunopera mhuri yeBheteri yakatamira kumusha mutsva.

Zvinhu zvakaramba zvichioma, zvikaita kuti vakawanda vafarire chokwadi, uye vaparidzi vaifanira kutarisirwa nenzira yorudo sezvavakanga vari kuwedzera. Mapiyona chaiwo, kureva vashumiri venguva yakazara vakazvipira vaibva kuItaly ndivo vakatarisira izvi. Kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma kudzidza mutauro mutsva netsika itsva munguva yehondo, mapiyona aya akava ‘ruyamuro runosimbisa’ kuhama dziri kuSerbia.—VaK. 4:11.

Mapiyona aibva kune dzimwe nyika akabatsira nenzira dzakawanda, asi chinonyanya kukosha ndechokuti “vaiva noruzivo rwemaitirwo ezvinhu musangano,” akadaro Rainer Scholz, murongi muDare Rinotarisira Nyika yeSerbia. Nhasi ungano 55 dziri muSerbia dziri kutenda chaizvo kubatsirwa kwadzakaitwa nemapiyona chaiwo 70.

KURWADZA KWOKUKWIRA KWEMITENGO KWAKANYANYA

Serbia yakarwadziwa nemamiriro ezvoupfumi aikonzerwa nehondo, zvikuru kukwira kwemitengo kwakanyanya. Mamwe mashoko anoti, “Mumazuva 116 anotangira muna October 1993 kusvika muna January 24, 1994, mitengo yakakwira zvisingatsananguriki (ne500 tiririyoni muzana).” Mira Blagojević akashanda paBheteri kubva muna 1982, anoyeuka kuti paaienda kunotenga muriwo kumusika, aitozadza bhegi nemari.

Imwe hanzvadzi, Gordana Siriški, anotaura kuti amai vake pavakanotora mari yavo yomudyandigere, yaingokwana kutenga tishu rimwe chete. “Zvakaoma ukada kufungidzira kuti vanhu vairarama sei,” akadaro Gordana, “zvose zvavaiva nazvo zvakangoerekana zvisingachabatsiri.” Hama dzedu dzokune dzimwe nyika dzakatibatsira kuwana zvokushandisa kubva kunze kwenyika. Sezvo vanhu vakanga vasingachavimbi nemabhengi nehurumende, vakawanda vakatanga kuvimba naMwari, uye hama dzakava pedyo napedyo chaizvo.

KUSHANDURWA KWEBHAIBHERI

Kwemakore mapoka eshanduro okuYugoslavia aishanda ari pamwe chete pane imwe nzvimbo iri kuZagreb, Croatia. Pakapera hondo boka rimwe nerimwe rakadzokera kunyika kwaro, asi airamba achikurukurirana neboka reshanduro riri muZagreb. Izvi zvakabatsira chaizvo apo boka rekushandura riri kuSerbia rakatanga kushandura Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Vaivavarira kuti ibudiswe pagungano reruwa reZvapupu zvaJehovha muna 1999.

Kunyange zvakadaro, pavaipedzisa kushandura Bhaibheri, nyika yacho yaitogadzirira kurwa. Hapana mubvunzo kuti kubhombwa kwaiitwa kwaizoita kuti vatadze kufonerana, zvichiita kuti vashanduri vaiva kuBelgrade vaomerwe nokutumira zvavainge vashandura kuGermany, kwaiva nomuchina wokudhinda. Musi weChipiri, March 23, kurwisana kwatanga, hama dzakashanda usiku hwose uye dzakakwanisa kutumira zvainge zvashandurwa nemichina kuGermany mangwanani akatevera acho. Kwapera maawa mashomanana, mabhomba akatanga kukandwa uye boka rokushandura rakatizira kune imwe nzvimbo, richifara! Vakafara zvokufara zviya pakabudiswa Bhaibheri kwapera mwedzi mina pagungano reruwa rakaitirwa muBelgrade. Mabhomba paaikandwa magetsi achidzima kakawanda, hama dzakaramba dzichishandura mamwe mabhuku. Zvisinei, kazhinji vaifanira kumbomira vototizira kunzvimbo yavaifunga kuti iri nani. Ichokwadi kuti dzaive nguva dzinotambudza, asi tose taifara kuti taigadzirira vanhu zvokudya zvokunamata zvavaida.”

Tashanda nesimba uye tichikomborerwa naJehovha, muna July 1999 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa mumutauro wokuSerbia. Vakapinda gungano vakanga vasingagoni nokufarira kuti vakanga vava neshanduro iyi mumutauro waamai wavo. Zvadaro, pamagungano a2006, Shanduro yeNyika Itsva yakazara yomutauro wokuSerbia yemaarufabheti echiCyrillic neechiLatin yakabudiswa.

KUTAMBUDZIRWA KUNAMATA KUNOTSVIRIRIDZA

Nemhaka yokuti chechi yeOrthodox kuSerbia ndiyo yakanyanya kukurumbira, vanhu vakawanda vanobva vangofunga kuti kana uri worudzi rwokuSerbia unotova muOrthodox. Vanofunga kuti kana usiri wechechi yeOrthodox, hausi muSerbia. Kunyange zvakadaro, mashoko edu anopa tariro anobva muBhaibheri akagamuchirwa nevakawanda mumakore ekuma1990. Pakapera hondo muna 1999, nhamba yevaparidzi yawedzera nekanoda kupetwa kaviri, ikasvika panhamba yepamusoro 4 026.

Kubudirira mune zvokunamata uku kwakaita kuti vanhu vaJehovha vavengwe nevanhu vechechi yeOrthodox. Chechi yacho yakatoedza kumisa basa redu rechiKristu rokuparidza pavakakurudzira vanhu kuti vave nomweya wokurwira nyika. Vashori ava vakaedza kuodza mwoyo hama dzedu nokudzirwisa uye kutyora mutemo. Somuenzaniso, hama dzedu 21 dzakanga dzichiri mujeri nokuti dzakaramba kutsigira zvematongerwo enyika. Vakawanda vavo vakasunungurwa hondo ichangopera, uye vakatenda Jehovha kuti akanga asimbisa kutenda kwavo munhamo yose iyi.

Musi waApril 9, 2001, Bazi Rinoona Nezvezvinoitika Munyika rakatirambidza kuti tipinze mabhuku edu munyika. Nemhaka yei? Vaiti mabhuku edu aizokanganisa mafungiro evechiduku vaiva munyika. Bhaibheri nderimwe remabhuku akarambidzwa!

Mashoko akaipa aibuda muterevhizheni nemapepanhau pamusoro pebasa redu dzimwe nguva aiita kuti vanasaimba vatirwise. Mumwe piyona chaiye akati: “Pataiparidza pasuo nesuo vaitirova nezvibhakera kana nembama, dzimwe nguva vaititema nematombo.” Uyewo dzimwe Dzimba dzoUmambo dzakaparadzwa. Mazuva ano, hama dzedu dzokuSerbia dzinogona kuungana zviri pamutemo, kunyange zvazvo vachifanira kungwarira.

Hama dzinoramba dzichishingaira kuparidza. Vanoratidza kuti vanhu vaJehovha havangofungiri vamwe zvakaipa uyewo vanoratidza rudo rwechokwadi rwakaita sorwaKristu. Mumakore apfuura vakaronga mishandirapamwe inobudirira yokuparidza, yokuti hama dzinobva kune dzimwe nyika dzokuEurope padzinenge dzisiri kumabasa, dzinoshanda ndima dzisina kupiwa vanhu muSerbia neMontenegro. Asi vachiri kufanira kuita zvakawanda kuti vataure nevanhu vanosvika mamiriyoni matatu vanogara munharaunda idzi.

Iye zvino Bheteri yokuBelgrade zvivako zvitatu zvakavakwa panzvimbo ine maruva nemiti zvakazonaka. Nhengo nhatu dzeDare Rinotarisira Nyika dzinotungamirira basa redu muSerbia nomuMontenegro. Iye zvino zita rokuti Serbia rinotiyeuchidza nezvokushingaira uye kutsunga kwakaita Zvapupu zvaJehovha, nokuti Jehovha akakomborera vanhu vake munzvimbo iyi yaimbenge yasakadzwa nehondo.

Nhoroondo Yemazuva Ano yeKosovo

Kusawirirana kwaiita vanhu vaigara kuSerbia nekuAlbania kuKosovo mumakore ekuma1980, kwakaguma kwaita kuti varwisane muma1990, zvikaguma nokutambura kwakanyanya. Izvi zvakapa hama dzedu nehanzvadzi mukana wokuratidza ‘kudanana kwazvo sehama kusina unyengeri’ kune vavainamata navo vemadzinza ose. (1 Pet. 1:22) Kuwedzera kune izvi, vakateerera murayiro waKristu ‘wokuda vavengi vavo uye kunyengeterera vaya vaivatambudza.’ (Mat. 5:43-48) Asi dzimwe nguva zvaive zvakaoma.

Saliu Abazi, aimbova muMuslim anotaura mutauro wokuAlbania, anotsanangura kuti: “Hama dzakasiya chiMuslim hadziwanzofarirwi nevachiri vaMuslim, uye vomumhuri dzedu vanoguma vafunga kuti tavaramwa nokuti tachinja chechi. Uyewo kazhinji hazvisi nyore kuti vaMuslim vaparidzire vanhu vokuSerbia nemhaka yokuvengana kunoita vanhu vokuAlbania nokuSerbia.”

Kunyange zvakadaro, kumba kwaSaliu kwaiungana vanhu 30 vemadzinza akasiyana-siyana. “Mumakore iwayo,” anoyeuka kudaro Saliu, “misangano yaiitwa mumutauro wokuSerbia, uye mabhuku edu aibva kuBelgrade. Rimwe zuva mapurisa akangoti pfacha pamba pangu. Panguva iyoyo hama dzokuBelgrade dzakanga dzichangounza mabhuku, uye takasvikirwa tichiri kutandara zvedu. Pandakaudza mapurisa kuti vaiva hama dzangu, vakatadza kunzwisisa kuti zvingaita sei kuti vanhu vokuSerbia nevokuAlbania vave hama.” Muna 1998 boka iri revaparidzi rakakwanisa kurenda nzvimbo yavaishandisa seImba yoUmambo muguta guru reKosovo, Priština.

Muchirimo cha1999, vanhu vakatanga kupenga nokurwisa vanhu vasiri vorudzi rwavo uye kutsigira nyika yavo. Saliu anorondedzera kuti, “Muvakidzani wangu akandityisidzira achiti kana ini nomwanakomana wangu tikasapinda muhondo, imba yedu yaizopiswa. Zvematongerwo enyika zvakanga zvava kupengesa vanhu. Nokuti vakanga vasingaremekedzi yaimbova hurumende yeSerbia, pakanga pasina mitemo, uye vanhu vairwisana vachiita madiro.”

Zvematongerwo enyika pazvairamba zvichiipa, zvinhu zvakarambawo zvichiomera vanhu vokuSerbia vaigara muKosovo. Pairwiwa hondo ya1999, zviuru zvevanhu vokuSerbia nevokuAlbania zvakamanikidzwa kutizira kunyika dzaiva pedyo. Madzinza achirwisana kudaro, Saliu akaisa upenyu hwake pangozi paakabvumira hama dzake dzokuSerbia kuti dzitizire kumba kwake.

KUTUNGAMIRIRWA NEMAFUNGIRO AJEHOVHA

“Vanhu vokuSerbia nevokuAlbania vaivengana zvokuti,” inodaro imwe hanzvadzi. “Zvinhu zvatakadzidziswa tichiri vaduku. Kunyange tadzidza chokwadi, zvakanga zvisiri nyore kusiya mafungiro iwayo. Vakawanda vedu taifanira kuchinja zvakawanda kuti tive nemafungiro aJehovha. Nemhaka yoruvengo urwu, kunyange pandaidzidza kuti Jehovha rudo, ndaiva nekatsika kokunyenyeredza imwe hanzvadzi muungano nokungoti yaibva kuSerbia. Zvisinei, pandakaramba ndichidzidza, ndakasvika pakunzwisisa kuti kunyange zvazvo dzidziso dzezvimwe zvitendero dzichiparadzanisa vanhu, chokwadi cheShoko raJehovha chinobatanidza.” Simba reShoko raMwari rinoshandura rakabatsira hanzvadzi iyi kuti ipfeke unhu hutsva here? Hanzvadzi yacho yakati: “Iye zvino ndiri kufara kuva muungano imwe chete nehama dzangu nehanzvadzi dzokuSerbia.”—VaK. 3:7-11; VaH. 4:12.

Kubatana kwechokwadi kwevaKristu kunovasiyanisa nenyika ino izere zvitendero zvisingawirirani. Vanhu pavaisarurana vachipisirana dzimba nokukandirana mabhomba, hama dzedu dzaiva munzira kuenda kuBelgrade, kuSerbia, kugungano reruwa rakaitwa muna July 1998. Vanhu vokuAlbania, Croatia, Macedonia, neRoma vaiva mubhazi rimwe chete vachinyatsowirirana. Dashurie Gashi aienda kugungano reruwa iroro kunobhabhatidzwa, anorondedzera kuti: “Masoja paakamisa bhazi racho, takaona kuti vakashamisika. Kunyange zvazvo vanhu vemadzinza akasiyana venyika idzi vaivengana, isu takanga takabatana sorudzi rumwe chete—tiri vanhu vaJehovha.”

Mumwe mukadzi wechiduku aibva kuRoma akadzidza chokwadi achiri mwana kunanaamainini vake vaigara kune imwe nyika. Dambudziko rokutanga raaifanira kukurira nderokutadza kuverenga nokunyora. Kuda Jehovha kwakaita kuti adzidze kuverenga nokunyora mumakore matatu aakanga achidzidza Bhaibheri. Dambudziko rechipiri raiva rasekuru vake vaaigara navo. “Ndaiita zvokuverevedza kuti ndiende kumisangano,” anodaro. Asi paaidzoka, sekuru vake vaimurova. Anoti: “Ndairoverwa chokwadi, asi ndaisakanda mapfumo pasi. Ndaifunga nezvokutambura kwakaita murume akatendeka Jobho. Ndaida Jehovha zvakasimba, uye ndakanga ndakatsunga kusamborega kudzidza.” Iye zvino ava piyona, uye ari kudzidza Bhaibheri nevasikana vaviri vasingagoni kuverenga nokunyora. Kunyange zvazvo asina kumboenda kuchikoro, anoonga chaizvo kurovedzwa kwaakaitwa neChikoro chaMwari Choushumiri kuti adzidzise vamwe.

Adem Grajçevci aiva muMuslim asati adzidza chokwadi muGermany muna 1993. Zvadaro, muna 1999, akadzokera kwaakaberekerwa kuKosovo, uye sezvinowanzoitika kana munhu achangova Chapupu, aifanira kutsungirira vomumhuri make pavaimufungira zvisizvo uye pavaimushora. Adem anoyeuka kuti: “Pandaidzidza chokwadi, zvakandibatsira chaizvo kuziva kuti Satani ndiye mutongi wenyika uye kuti ndiye ari kukonzera utsinye hwose huri kuitwa.” Baba vaAdem havana kufarira chechi yakanga yava kupindwa nomwanakomana wavo uye vakamuti asarudze kuti anoda Jehovha here kana kuti mhuri yake. Adem akasarudza Jehovha, akaramba achifambira mberi zvakanaka pakunamata, uye iye zvino ava mukuru muungano. Zvinofadza kuti nokufamba kwemakore baba vaAdem vakachinja, uye vava kuremekedza chisarudzo chaAdem.

Mwanakomana waAdem, Adnan, paaiva muduku akanga asingatombofariri zvokunamata. Aiita zvemitambo yokurwisana zvokuti vaikwikwidzana naye vakatomupa zita remadunhurirwa rokuti Muurayi. Asi chokwadi pachakazomubaya mwoyo, akasiya zvose izvozvo. Akafambira mberi zvakanaka ndokubhabhatidzwa. Anoti, “Ndichangobhabhatidzwa, pane zvandaifanira kusarudza. Ndaiva nebasa rakanaka, uye ndakanga ndiri kubudirira chaizvo. Asi pakunamata ndaingoitawo zvokungodaro-daro uye ndakanga ndisina nguva yokuita ushumiri. Ndakasarudza kuti ndaifanira kuchinja, saka ndakasiya basa.” Akatanga kupayona, akagadzwa somushumiri anoshumira, uye pave paya akazokokwa kuti apinde kirasi yokutanga yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri muAlbania. Iye zvino Adnan ava mukuru muungano, uye iye nomudzimai wake Hedije mapiyona chaiwo. Anonzwa sei nezvezvaakasarudza izvi? Anoti: “Hapana chingandifadza kupfuura izvi. Handizvidembi kuti ndakasarudza ushumiri hwenguva yakazara.”

KUNAMATA TAKABATANA UYE KURAYIRIDZWA

Mazuva ano ungano dzose nhanhatu dziri muKosovo dziri kupindira panzvimbo dzokurenda. Dzimwe ungano iduku, dzakadai seimwe iri muguta rePeć, ine vaparidzi 28. Dzimwe ungano hadzikwanisi kuva nehurukuro yavose vhiki yoga yoga, nokuti hama dzakagadzwa ishomanana zvikuru. Kunyange zvakadaro, vanoungana vhiki nevhiki kuti vaite Chidzidzo cheNharireyomurindi nemimwe misangano yeungano, sezvinongoita hama nehanzvadzi dzokuPeć.

Kwemakore, Dare Rinotarisira Basa Munyika yeSerbia raifudza norudo hama dzomuKosovo zvinhu pazvaiva zvakaoma zvikuru. Muna 2000, kuti Dare Rinodzora ribatsire hama dzacho, rakati bazi reAlbania ritungamirire basa rokuparidza muKosovo.

Kusvikira munguva pfupi ichangopfuura, misangano yaiitwa mumutauro wokuSerbia, nokuti Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaiva muKosovo zvaibva kuSerbia, uye hama dzaifara kubatsira vaitaura mutauro wokuAlbania kuti vanzwisise purogiramu yacho. Iye zvino zvasiyana. Hama dzakawanda dziri muKosovo ndedzokuAlbania. Kunze kweungano imwe chete inoshandisa mutauro wokuSerbia, misangano iri kuitwa nomutauro wokuAlbania, uye hama dziri kufara kuturikira hurukuro dzacho kuitira kuti hama dzokuSerbia dzinzwewo. Magungano edunhu neeruwa anoitwa mumitauro yacho iri miviri. Somuenzaniso, purogiramu yose yegungano reruwa ra2008 yakaitwa mumutauro wokuAlbania ichishandurirwa mune wokuSerbia, uye hurukuro dzinokosha dzaipiwa nomutauro wokuSerbia nevakuru vokuKosovo. Imwe hama inotsanangura kuti: “Pasinei nokuvengana kunoita vanhu vari kunze, patinenge tiri matinonamatira, tiri mhuri imwe chete.”

Kunyange zvazvo vakawanda vanogara kuKosovo vari vaMuslim, vanoremekedza Bhaibheri, uye vakawanda vanoda kukurukura zvechitendero. Hama dzokuKosovo dzakafara kuva nevaparidzi 164 muna 2008. Vachivimba zvakazara naJehovha, vakatsunga kuramba vachishanda nesimba kuti vaparidzire ndima yavo yose, vachiudza vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka.

Nhoroondo Yemazuva Ano yeMontenegro

Aka kanyika kanoyevedza kari pamhenderekedzo yegungwa reMediterranean inonzi Adriatic Coast. Montenegro inyika ine zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazonaka iri pakati peAlbania, Kosovo, Serbia, uye Bosnia and Herzegovina. Nyika yacho ine mahombekombe anoyevedza akareba makiromita 293 achitevedza mhenderekedzo yegungwa reAdriatic. Bani reRwizi rwaTara ndiro rakadzika uye rakareba kupfuura mamwe ose muEurope. Dziva reScutari ndiro rakakura kupfuura mamwe ose munyika dzomuBalkan uye ndiro rine nzvimbo dzine shiri dzakawanda pane dzimwe dzose muEurope. Zvose izvozvo zviri mukanyika kaduku zvokuti hameno kuti kanopinda muZimbabwe kangani!

Zvisinei makore ose apfuura nyika iyi yaona nhamo nehondo uye kutambura. Nhamo dzaonekwa nevanhu vomuMontenegro dzakaumbawo tsika dzavo, mafungiro avo nounhu hwavo. Chinhu chakanyanya kusimbisa tsika dzavo kuyemura zvinhu zvakadai soushingi, kuzvipira, kudzikama, kuzvininipisa, uye kuremekedza vamwe. Vakawanda vavo vakashinga vakagamuchira mashoko akanaka oUmambo uye vari kutsigira chokwadi cheBhaibheri vakavimbika.

KUFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA

Pane munhu akapinda gungano ra1991 rakaitirwa kuZagreb, Croatia, angambokanganwa kubatana uye rudo rwaiva nehama dzakanga dzakaungana dzichibva munyika dzose dzaiumba Yugoslavia here? “Sezvo hondo yakanga yava kutanga, zvaiva nengozi kufamba kubva kuMontenegro uchienda kuCroatia,” anoyeuka kudaro Savo Čeprnjić, akanga achangotanga kudzidza Bhaibheri. “Ndakashamiswa kuona mabhazi akawanda kudaro achisvika pagungano pasina dambudziko. Runyararo nokubatana kwaiva kwakaita Zvapupu zvaitoshamisa zvakanyanya. Zuva rokutanga, paiva nemazana emapurisa, asi pavakaona kuti taiva norunyararo, mazuva akatevera vakazenge vava kungouya vari vashomanana chete.”

Hondo isati yatanga, imwe mhuri yaigara ichienda kuMontenegro ichibva kuCroatia kunodzidza Bhaibheri naSavo. Zvino miganhu zvayakanga yavharwa, Savo aizoita sei kuti arambe achidzidza?

“Vaifarira vakanga vadzidza zvakati wandei vaidzidzisawo vamwe,” anotsanangura kudaro Savo. “Imwe hama yakanga yakabhabhatidzwa yaidzidza neni bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Asi sezvo vakanga vasingachakwanisi, mumwe munhu akanga asati abhabhatidzwa akaramba achidzidza neni. Pakasvika 1992, boka raiungana kuti riite Chidzidzo Chebhuku Cheungano neChidzidzo cheNharireyomurindi muguta reHerceg Novi rakanga rawedzera kusvika ku15. Savo, akaramba achifambira mberi kusvikira abhabhatidzwa muna 1993 pamwe chete nomudzimai wake nomwanasikana wavo. Iye zvino kune Imba yoUmambo ine vaparidzi 25 muguta iri rakanaka chaizvo.

Nechekwokutanga kwema1990, boka revaparidzi rakaungana muguta guru rePodgorica. Boka racho rakaramba richikura, uye muna 1997 vakaronga kutenga nzvimbo yokuvaka Imba yoUmambo. Nzvimbo yakatengwa nehama dzacho yaiva nomudhuri wavakasarudza kusaputsa. Asi mumwe mupurisa aigara muimba yepasi yechivako chaiva pedyo akakumbira kuti vaputse mudhuri wacho kuitira imba yake yakanga isingapindi chiedza. Kuti vave noukama hwakanaka nomuvakidzani uyu, hama dzakabvuma kuputsa mudhuri wacho dzikaisa fenzi. Kuva kwavo vavakidzani vakanaka kwakava chikomborero chaicho!

Vamwe vairenda pachivako chacho pavakanetsa hama dzedu, mupurisa uya akavayambira kuti kana vakakanganisa Imba yoUmambo, aizovasungisa. Iye zvino hama dzava neImba yoUmambo yakanaka, neimba inogara mapiyona chaiwo, uye nzvimbo yakakura ine denga yokupakira motokari inogonawo kushandiswa pamagungano.

Zvisinei, hama dzomutaundi reNikšić hadzina kufambirwa zvakanaka nezvinhu. Vakatenga nzvimbo muna 1996, asi vanhu vomunharaunda yacho vakanga vasingadi kuti vavake Imba yoUmambo. Hama dzairinda chivako chacho siku nesikati, vachitya kuti vavakidzani vaizochiputsa. Rimwe zuva mumwe mupristi womutaundi iroro akaunganidza vanhu 200, vakasvika panzvimbo yacho vaine pfuti nematanda. Vakaridzira pfuti dzavo mudenga vakaputsa Imba yoUmambo kusvika pasi chaipo. Mapurisa akangomira akatarisa zvawo.

Hama dzacho padzakatadza kugadzirisa dambudziko racho norunyararo, dzakatsvaka imwe nzvimbo. Kwapera makore mana vakawana chivako chavakagadziridza vakachichinja kuti chive Imba yoUmambo. Pakutanga, zvaiita sokuti vanhu vomunzvimbo yacho vakanga vasina basa nazvo, asi kwapera mwedzi mishomanana, Imba yoUmambo yakatsva zvakangosiya vanhu vaine mibvunzo. Zvisinei, hama dzedu hadzina kukanda mapfumo pasi. Vakatanga kushanda zvakare vakavakazve imba yacho. Kubvira ipapo havana kuzombovazve nezvinetso.

Ungano ina dziri muMontenegro dzinotarisirwa neDare Rinotarisira Basa Munyika. Vaparidzi ava 201 vanofara kuti vari kubatsirwa nemapiyona chaiwo 6 sezvo vaine muparidzi mumwe pavanhu 2 967. Kazhinji vanhu vokuMontenegro vanofunga kuti kunamata inongova tsika isinei nokuverenga Bhaibheri. Asi hama dzedu nehanzvadzi dzokuMontenegro dzinotsungirira kuparidza mashoko akanaka dzakavimbika.

Nhoroondo Yemazuva Ano yeSlovenia

Slovenia yaive pasi peYugoslavia kusvikira yawana rusununguko muna 1991. Payakawana rusununguko, upfumi hwayo hwakatanga kuvandudzika zvishoma nezvishoma, zvokuti muna 2004 Slovenia yakava nhengo yeEuropean Union. Pasinei nokuti iduku kana ichienzaniswa nedzimwe, Slovenia ine nzvimbo dzinoyevedza dzakasiyana-siyana. Munyika iyi mune makomo akakura, madziva ari mumakomo, masango akasvibira, mapako akakura ane mabwe machena, uye nzvimbo inoyevedza yokuvhakachira iri pamhenderekedzo yegungwa. Zvinotorera munhu inoti pfuurei awa kuburuka mumakomo acho anotonhorera kuenda kumiti yemiorivhi neminda yemizambiringa zviri mumahombekombe eAdriatic. Kuwedzera pane izvozvo, nzvimbo dziri muSlovenia dzinoratidza tsika dzemo nekwakabva nevanhu vemo dzinoita kuti unzwe uchida kudziongorora. Zvisinei, kaguta aka hakana kungonaka pakuti kane nzvimbo dzinoyevedza uye dzinoratidza kwakabva nevanhu vemo chete. Slovenia ine vanhu vanozoda zvokunamata kubvira kare nekare.

DZIMBA DZOUMAMBO UYE MAPIYONA

Unofanira kunge uchiri kuyeuka kuti “vageri vanotenda zviri muBhaibheri” vaiparidza nezvechitendero chavo chitsva muguta reMaribor. Kapoka kakapedzisira kavamo kaisanganira pane imwe hotera ine zita rakakodzera yainzi Novi Svet (Nyika Itsva). Nhasi Zvapupu zvomuSlovenia zvinotenda Jehovha nokuda kweDzimba dzoUmambo dzakanaka dzavanopindira misangano kuti vanamate uye varairidzwe. Nokuwedzera kuri kuita vaparidzi, uye kuvandudzika kuri kuita zvinhu kubvira muma1990, pakaumbwa Dare Rokuvaka Romunharaunda. Hama dzaibatsira dzisingabhadharwi dzinosvika zana uye mari yakabva kune dzimwe nyika zvakaita kuti ungano dzipedze kuvaka kana kuti kugadziridza Dzimba dzoUmambo dzinosvika 14 kubvira muna 1995.

Vaparidzi pavaiwedzera, mapiyona aiwedzerawo, kubva pa10 muna 1990 kusvika pa107 muna 2000. Mumwe wemapiyona iwayo akanga ari Anica Kristan, uyo aiita kupenga nezvematongerwo enyika asati awana chokwadi.

Hama nehanzvadzi dzakabva kune dzimwe nyika kuzoshumira dziri muSlovenia dzakakurudzira vamwe kuita basa rokuparidza. Muna 1992 mamishinari okutanga kushandira muno, Franco naDebbie Dagostini vakasvika. Pavakazotumirwa kunoshandira kuAfrica, mamwe mamishinari matsva maviri, Daniel naKarin Friedl vaibva kuAustria, ndivo vakazonzi vazoshandira kuno kuSlovenia. Makore achangopfuura, mamishinari akabva kuGiriyedhi Geoffrey naTonia Powell uye Jochen naMichaela Fischer vakatumirwa kunozve. Ivava nemamwe mapiyona chaiwo anobva kuAustria, Italy, nePoland, vanokurudzira vanhu kuda Jehovha uye vane chido chakakura chokubatsira vanhu.

MATARE OKUKURUKURA NEZVIPATARA

Muna 1994 paBheteri pakava neDhipatimendi Rezvipatara, uye Matare Okukurukura Nezvipatara maviri akagadzwa. Dzimwe hama dzakagadzwa mumatare iwayo dzakakurukura negurukota rezvoutano iro rakazoronga kuti pave nomusangano nevakuru vakuru vezvipatara zvose zvomuSlovenia. Hama dzakatsanangura mashandiro anoita Matare Okukurukura Nezvipatara uye kuti nei Zvapupu zvaJehovha zvisingabvumi kuwedzerwa ropa. Izvi zvakaita kuti vanachiremba vanzwanane nevarwere vasingadi kuwedzerwa ropa uye zvakaita kuti magazini anotaura nezvokurapa abudise nyaya dzinotaura nezvokuvhiyiwa pasingashandiswi ropa.

Muna 1995 vanachiremba vomuSlovenia vakavhiya mwoyo kokutanga vasingashandisi ropa. Mapepanhau, materevhizheni nemaredhiyo akataura nezvokubudirira kwekuvhiya kwacho, chiremba anovhiya neanorarisa wacho vakanyora nyaya younyanzvi nezvazvo. Saka, iye zvino vava kuziva kuti vanogona kurapa vasingawedzeri ropa, uye vanachiremba vakawanda vanoda kuremekedza marapirwo anosarudzwa neZvapupu zvaJehovha.

KUITA ZVINOENDERANA NOKUWEDZERA KWEVAPARIDZI

Pakachinja zvematongerwo enyika muna 1991, Dare Rinodzora rakasarudza kuti hofisi yaifanira kuvhurwa muSlovenia kuti inyatsotarisira basa roUmambo. Chivako chakatengwa pakati peguta guru reSlovenia, Ljubljana. Chivako chacho chakagadziridzwa, uye musi waJuly 1, 1993, mhuri yeBheteri yakatanga kugaramo. Pakutanga, mhuri yacho yaiva nevanhu gumi, asi pakazopera makore gumi vakanga vava 35. Izvi zvakabva zvaita kuti chimwe chivako chaiva pedyo chirendwe chichishandiswa semba yokubikira, yokudyira uye yokuwachira. Pazvaidai, vashandi vepaBheteri vakatanga kugara muzvivako zvaive pedyo kuitira kuti vasiye nzvimbo ingashandiswa sehofisi. Hofisi yokuSlovenia ndiyo yakazoshandiswa sehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muna 1997.

Pakapiwa mvumo neDare Rinodzora yokuti pavakwe hofisi yebazi itsva muSlovenia, hama dzakatanga kutsvaka nzvimbo yakakodzera. Vaongorora nzvimbo dzinenge 40, vakazosarudza imwe iri pedyo neguta reKamnik, riri makiromita 20 kubva kuguta guru, nechomujinga memakomo akanaka. Munguva duku kuongorora kwose kwakaitwa, mvumo yokuvaka ikawanikwa, nzvimbo yacho ikatengwa, vakanyorerana chibvumirano neimwe kambani inovaka, uye hama dzokune dzimwe nyika dzikakokwa kuzoshanda. Zvaiita sokuti basa rava kutanga.

Zvisinei, pazvakangozivikanwa noruzhinji kuti pava kuda kuvakwa, vanhu vaigara pedyo vakabva vatanga kuratidzira vachitsutsumwa nazvo. Pazuva raifanira kutanga basa racho, vanhu vairatidzira vakavhara paipindwa napo munzvimbo yaida kuvakwa. Vakatanga kuratidzira zvikwangwani zvaiva nemashoko okutsutsumwa kwavo. Pashure pemazuva matanhatu, kwava kumasikati, mapurisa 30 akasvika kuzochengetedza vashandi vemenisiparati vakanga vanzi vabvise zvinhu zvakanga zvavhariswa paida kuvakwa; vanhu vacho vairatidzira vakatukirira mapurisa. Pazvakazoitika, basa rokuvaka rakanga ratorongwa kuti rimbomira, saka hapana hama kana vashandi vekambani yokuvaka vaivepo musi iwoyo. Sezvo basa racho rakanga rambomiswa, kushorwa kuya kwakatanga kutonhora, hama dzikatanga kuronga kuti zvinhu zvingaitwa sei pasina kunetsana nevanhu.

Fenzi yakanga yabviswa katatu nevanhu vairatidzira, asi basa racho rakazotangwa pashure pemwedzi mumwe chete rikaenderera mberi pasina kuzovhiringidzwazve. Tingatoti kurwiswa kuya kwakatanga kuchiitwa vanhu vaJehovha kwakazoita kuti pave nechikomborero nokuti nyaya yacho yakatanga kubuda munhau. Nyaya dzinopfuura 150 pamusoro pebasa racho dzakabuda paTV neredhiyo uye mumapepanhau. Basa racho rakapera mumwedzi inenge 11, uye muna August 2005, mhuri yeBheteri yakatamira muzvivako zvitsva.

Kubvira ipapo, vavakidzani vachinja zvachose maonero avanoita hama dzedu. Vakawanda vavo vakashanya kuzoona zvivako zvebazi. Mumwe aimborambidza kuti pasavakwa akazotanga kufarira zvikuru basa racho. Akabvunza kuti ndisu vanaani uye kuti muzvivako zvacho maizoitwei. Paakazoshanya kuzoona zvivako zvacho, akafadzwa kwazvo nokutambirwa nemaoko maviri kwaakaitwa uye kuchena kwakaita nzvimbo yacho. Akaudza hama kuti, “Vavakidzani vari kundibvunza kana ndava mumwe wenyu, saka ndiri kuvapindura kuti, ‘Mashorero andaiita Zvapupu zvaJehovha ndiwo madiro andava kuzviita nokuti vanhu vakanaka.’”

Zuva raifadza musi waAugust 12, 2006, pakauya Hama Theodore Jaracz veDare Rinodzora vakapa hurukuro yokutsaurira paine vanhu 144 vaibva kunyika dzinenge 20. Vakazopa hurukuro kuLjubljana pane mumwe musangano paine vanhu 3 097 vaibva kwakasiyana-siyana muSlovenia, zvose nomuCroatia, Bosnia and Herzegovina.

REMANGWANA RINE TARIRO

Zvapupu zvaJehovha muSlovenia zvinotarisa remangwana nechivimbo chizere chokuti Baba vavo vokudenga vachavatungamirira uye vachavakomborera. Pagungano reruwa ra2004, vakagamuchira nomufaro Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro wokuSlovenia. Iye zvino zvavava kutsigirwa nehofisi yebazi ine zvose uye vazhinji vavo zvavari kupayona, hapana chichavatadzisa kuita basa ravo rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.

MuSlovenia, mune vanhu vakawanda vanopinda chechi yeRoma, mune vazhinji vakaitwa kuti vasatenda kuti kuna Mwari nemhaka yechiKomonisiti. Uyezve vakawanda vakaremerwa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu kana kuti vari kunyengerwa nokunyanya kuda pfuma. Vamwewo vanonyanya kufarira zvemitambo kana kuti zvemafaro. Zvisinei, kuchine vane mwoyo yakarurama vanokwezvwa nezvipikirwa zvaMwari zviri muBhaibheri.

Basa riri kufamba. Muna August 2008, vaparidzi vakasvika 1 935, uye anenge mumwe chete pavaparidzi vana voga voga aipayona. Ndima dzemimwe mitauro dziri kuparidzirwa dzinosanganisira dzevanhu vanotaura mutauro wokuAlbania, wokuChina, wokuCroatia, Chirungu, uye wokuSerbia, kwozotiwo mutauro wemasaini wokuSlovenia. Kusiyana nepakutanga paiparidzwa mashoko akanaka nevanhu vaviri vaigera vanhu, iye zvino muSlovenia mava nemhomho yevaparidzi vanoshingaira vanobva kunyika dzakasiyana-siyana vari kutsvaka vakafanira vane chido chokunamata Mwari wechokwadi, Jehovha.—Mat. 10:11.

Nharaunda yenyika dzeBalkan yaimbonzi Yugoslavia yasangana nenhamo nematambudziko akawanda. Pose apa vanhu vanga vachinetsana nemhaka yokuvenga zvitendero zvevamwe kana kuti rudzi, asi kudanana kunoita vanhu vaJehovha kwaratidza kuti ivo vadzidzi vechokwadi vaKristu uye kwakwidziridza kunamatwa kwaJehovha kwechokwadi kupfuura zvose zvinowanikwa munyika ino. Rudo urwu rwakafanana nerwaMwari rwaita kuti vanhu vakawanda varambe vachigamuchira kunamata kwakachena uye rwabatsira hama dzedu kuti dzirambe dzakashinga, dzakatsunga kushumira Jehovha dzakabatana.—Isa. 2:2-4; Joh. 13:35.

[Mashoko Omuzasi]

a Ustaše raive bato rairwa chimurenga richitsigirwa nechechi yeRoma, richirwira rusununguko rweCroatia. Raizivikanwa noutsinye.

b Nemhaka yekutsviriridza kwaiita zvematongerwo enyika, shoko rokuti “Rwoumwari” rakawedzerwa kuti rijekese kuti hama idzi dzaitsvaka rusununguko rworudzii.

c Ona nyaya inoti: “Kuyamura Mhuri Yedu Yavatendi muBosnia,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 1994, mapeji 23-27.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 165]

Hama dzedu dzakanga dzakabatana, uku muYugoslavia ruvengo nokufungirana zvichitsviriridza

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 173]

‘Ndiri kuda kufadza munhu here? Aiwa! Ndinoraramiswa nezvinotaurwa nevanhu, zvavanofunga uye zvavanoita here? Aiwa!’

[Bhokisi riri papeji 144]

Kusiyana-siyana Kwakaita Vanhu Vomuyaimbova Yugoslavia

Kana ukabvunza boka revanhu nezvokusiyana-siyana kwakaita vanhu vomuyaimbova Yugoslavia, mumwe nomumwe angakupindura zvake oga. Chavanogona kubvumirana nezvacho ndechokuti paiva nemadzinza manomwe ane zvitendero zvakasiyana-siyana uye aitotaura mitauro yakasiyana ine maarufabheti akatosiyana. Madzinza acho anonyanya kusiyaniswa nezvitendero zvawo. Makore anodarika 1 000 apfuura, chiKristudhomu chaiva nemapoka maviri, evaya vaipinda Chechi yeRoma uye vaya vaizviti ndevechitendero cheOrthodox Catholic. Chechi mbiri idzi dzinokamura yaimbova Yugoslavia nepakati chaipo. Vazhinji vanogara kuCroatia nokuSlovenia ndeveRoma, asi vakawanda vokuSerbia nokuMacedonia ndeveOrthodox. MuBosnia mune vanhu vemo vakangosangana-sangana, veIslam, Roma, neOrthodox.

Kusiyana kwakaita zvitendero zvevanhu ndiko kwakaitawo mitauro yavo. Nyika dzakawanda dzaiumba Yugoslavia dzinotaura mutauro wechiSouth Slavic, kunze kweKosovo. Kunyange zvazvo nyika imwe neimwe iine mutauro wayo, pane mashoko akawanda anowanikwa mumitauro yacho yose saka zvinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vokuSerbia, Croatia, Bosnia neMontenegro vanzwisisane. Asi kuKosovo, Macedonia, neSlovenia hazvina kudaro. Kunyange zvazvo pakamboedzwa kubatanidza mitauro yainge yakati fananei zana remakore rechi19 rava kunopera, zvakabva zvakandwa pasi pakaparara Yugoslavia muna 1991. Mumakore gumi akapfuura, nyika dzacho dzose dzakaedza kuratidza kusiyana kwadzakaita nedzimwe nokushandisa mamwe mashoko uye kurega kushandisa mamwe.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 148]

Mugadziri Wemawachi Anoparadzira Chokwadi muSlavonia

Kuma1930, Antun Abramović aifamba mumisha yakawanda yomuCroatia achigadzira mawachi. Pane kamwe kahotera akawana rimwe remabhuku edu. Paakariverenga, zvakamuti dyo pamwoyo akabva angoona kuti chaiva chokwadi. Izvi zvakaita kuti anyorere bazi tsamba achikumbira mamwe mabhuku. Pasina nguva, akava mushumiri waJehovha akazvitsaurira. Zvadaro, paaifamba mumisha yakasiyana-siyana, aisangogadzira mawachi evanhu chete asiwo aivaparidzira. Kuparidza zvisiri pachena seizvi kwaikosha nokuti basa redu rakanga risingabvumidzwi. Pane kamwe kanzvimbo kanonzi Privlaka akasangana nevamwe vanhu vakagamuchira chokwadi nomwoyo wose. Nokufamba kwenguva, pakaumbwa ungano duku. Chokwadi chakazosvika kuVinkovci nenharaunda dzakapoteredza.

Pairwiwa Hondo Yenyika II, Hama Abramović vakabatsira kudhinda mabhuku muchivande aizoparadzirwa muYugoslavia yose. Nemhaka yokushingaira kwavaiita, vaiva mumwe wehama 14 dzakatongerwa kugara mujeri kwenguva refu muna 1947. Pavakabuda mujeri, vakava mutariri anofambira. Vakaramba vachishingaira mubasa raJehovha muupenyu hwavo hwose.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 151]

Muimbisi Anova Piyona

Makore akawanda akapfuura munyika yava kunzi Bosnia and Herzegovina, Alfred Tuček, muimbisi wekwaya yemauto yainzi Royal Guards Orchestra akapiwa mabhuku eBhaibheri nomumwe waaiziva ainzi Fritz Gröger. Nechokunopera kwema1920, Alfred akanyorera kuLighthouse Society, kuMaribor, achiti aida kuva piyona wenguva dzose. Nokufamba kwenguva, ndiye akava piyona wokutanga muYugoslavia. Pasinei nokuti aishanda basa raibhadhara rokuimbisa kwaya yemauto, kuda kwaaiita Jehovha kwakaita kuti arege basa raaishanda uye ‘asatarira zvinhu zviri shure.’ (Ruka 9:62) Mukutanga kwema1930, aifamba nehama dzaiva mapiyona dzaibva kuGermany vachiratidza vanhu “Photo-Drama of Creation.” Akabatsirawo kugadzira makadhi endima okuronga basa rokuparidzira muYugoslavia. Muna 1934 akaroora mumwe wemapiyona okuGermany ainzi Frida. Vakatanga kunopayona kuSarajevo, Bosnia. Basa rokuparidza mashoko akanaka rakazoita kuti vaende kudzimwe nzvimbo dziri muMacedonia, Montenegro, Croatia, uye Serbia. Pakutanga vainyanya kufamba nemabhasikoro, asi pave paya vakanga vava kufamba nechimudhudhudhu. Kunyange zvazvo panguva iyoyo mashoko akanaka akanga asati ava kugamuchirwa nevakawanda uye basa rokuparidza rairambidzwa, vaiziva kuti zvaikosha kuti vaaudze vanhu vakawanda nepavaigona napo.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 155, 156]

Mukurwara Nomuutano

Martin Poetzinger akashumira munyika dzakawanda dzokuCentral Europe ndokubva azonzi atarisire boka remapiyona okuYugoslavia. Panguva iyi ndipo paakaonana naGertrud Mende, mumwe piyona aishingaira wokuGermany waakazoroora. Mapiyona acho aifanira kuvimba naJehovha zvakazara panyaya youtano. Kunyange zvazvo pakanga pasina urongwa hwemasangano anobatsira munhu kana arwara, vaigara vachiwana rubatsiro rwavaida. Dzimwe nguva zvinhu pazvainge zvaoma Jehovha aishandisa vaya vaifarira kuti vavabatsire. Somuenzaniso, Hama Poetzinger pavakarwara zvokuda kufa vari kuZagreb, Hanzvadzi Mende ndivo vakavabatsira.

Gertrud anoyeuka kuti: “Pakati pema1933, Martin akanzi anoshumira kuSarajevo kwandakanzi ndinoshumirawo. Asi zvinhu hazvina kufamba sezvataitarisira. Mamwe manheru Martin akarwara, uye usiku akatanga kupisa muviri zvokuda kusvika 40°C. Mangwanani akatevera pandakaenda kwaaigara kuti ndinoona kuti akanga arara sei, muridzi wepamba paaigara akanga ava kutonetseka nemarwariro ake. Ini nomuridzi wemba uyu takaedza kumurapa zvaiwanzoitwa munzvimbo imomo newaini yakafashaidzwa ine shuga yakawanda. Asi haana kumboita nani. Ndakafonera vanachiremba vakawanda vaiva mubhuku remafoni asi hapana kana mumwe akanga achida kukurumidza kuuya. Vose vaingopa tuzvikonzero.

“Muridzi wemba uya akati ndifonere kuchipatara, saka ndakafonera mukuru wechipatara ndikatsanangura kuti Martin akanga akarara achipisa muviri zvokusvika 40°C. Murume wacho aiva nomwoyo wakanaka zvikuru uye akabva angotumira amburenzi. Martin paakapinzwa muamburenzi, muridzi wemba akanditi, ‘Hauchazombomuonizve.’

“Kuwedzera padambudziko iroro, paiva nerimwe remari. Mari yataingova nayo semapiyona ndeyataiwana pataigovera mabhuku, uye yakanga isingambokwani kuti tiwane chouviri. Takashaya zvokuita, uye takanga tisingazivi kuti kumurapisa kwaizoita marii. Chiremba ainzi Thaler akaongorora Martin achibva ati: ‘Martin ane chirwere chemapapu uye anofanira kuvhiyiwa. Zvichatora nguva kuti anaye.’

“Chiremba Thaler vanofanira kunge vakazviona kuti takanga tisina mari nokuti vakati, ‘Ndinoda kubatsira vanhu vane kutenda kwakaita sokwenyu,’ saka havana kubhadharisa Martin kumuvhiya kwavakaita. Jehovha akatibatsira kuti tikunde dambudziko iri rakanga rakaoma. Nemhaka yechirwere chaMartin, zvaisaita kuti tiende kuSarajevo asi taifanira kudzokera kuGermany.”

[Mufananidzo]

Martin Poetzinger ari kuGermany, muna 1931

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 161, 162]

Kuenda Kubasa Kwakachena, Kudhinda Usiku

LINA BABIĆ

AKABEREKWA MUNA 1925

AKABHABHATIDZWA MUNA 1946

NHOROONDO Akatanga kushanda paBheteri muna 1953, pakanyoreswa basa zviri pamutemo. Akabatsira kudhinda nokutumira magazini nemabhuku. Iye zvino ari kushanda akatendeka paBheteri muZagreb.

HAMA padzakabudiswa mujeri, dzakakurumidza kuronga kubudisa magazini. Asi hama dzacho dzaiva shoma, uye basa raida kuitwa rakanga rakawanda. Pandakaziva kuti ndizvo zvazviri, ndakasarudza kuti ndibatsire, kunyange zvazvo ndaienda kubasa. Saka ndaishanda kubasa kwangu zuva rose, ndodhinda mabhuku kusvikira pakati pousiku.

Panguva iyoyo, bazi rakanga risati rava nenzvimbo yaro pacharo muguta. Saka imwe hama nomudzimai wayo vakanga vakura, Petar naJelena Jelić vakati tidhindire mufurati ravo raiva nekamuri rimwe chete. Imba yacho yaiva isina kumbonyanya kukura. Puranga raiva rakavharwa nomucheka rakanga rakaiswa pamubhedha uye raishandiswa kuisira mapeji ainge adhindwa. Pedyo nomubhedha wacho paive netafura yaiva nomuchina wemaoko wokudhindisa mabhuku. Taidhinda mapeji anenge 800 paawa. Haana hawo kuwanda kana tichienzanisa nemichina yemazuva ano, asi taigutsikana kuti taishanda nesimba uye nemwoyo murefu tokwanisa kudhinda mabhuku aidiwa.

Tainge tichabudisa misodzi pataiona Petar naJelena vachimirira nemwoyo murefu kusvikira tapedza basa uye taunganidza mapepa atainge tadhinda kuitira kuti vakwanise kurara. Vaisambochemachema. Vaitofarira kuti vaitsigira basa roUmambo saizvozvo. Pavaikwanisa, hanzvadzi Jelena nedzimwe hanzvadzi dzechikuru vaiunganidza, vosonanidza, uye vopeta mapepa ainge adhindwa. Zvaitibatsira zvikuru.

Muna 1958 takatenga muchina wokudhinda wemagetsi, saka kudhinda kwakanga kwava nyore. Takatanga tichidhinda magazini 20 muna 1931 asi pakazosvika 1960 takanga tava kudhinda magazini 2 400 mumitauro mitatu—wokuCroatia, wokuSerbia (Cyrillic), newokuSlovenia. Kunyange zvazvo takanga tisingakwanisi kudhinda mabhuku makuru, takadhinda tubhuku twakawanda. Muna 1966 takadhinda akawanda zvatakanga tisati tamboita. Bhuku rainzi Zvinhu Zvisingabvirire Mwari Kureva Nhema Mazviri rakadhindwa neimwe kambani yokudhinda riri tubhuku 12. Zvaireva kuti mumitauro mitatu taifanira kudhinda tubhuku 600 000 kuti tikwanise mabhuku 50 000.

Iye zvino ndinoshanda paBheteri muZagreb. Zvinondifadza pandinofunga nezvekushumira kwandakaita kwemakore ndichiona Jehovha achikomborera basa munyika dzose dzaiumba Yugoslavia.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 176, 177]

“Zvose Zvinogona Kufuma Zvatochinja”

IVICA ZEMLJAN

AKABEREKWA MUNA 1948

AKABHABHATIDZWA MUNA 1961

NHOROONDO Akapika jeri kashanu nokuda kwokusatsigira zvematongerwo enyika. Akazova mutariri wedunhu aibatsira pakupera kwevhiki, uye iye zvino mukuru mune imwe ungano muZagreb.

VABEREKI vangu vaive muchokwadi, uye chokwadi ndicho chataingotaura nezvacho mumba medu. Pandakadaidzwa kuti ndipinde muchiuto, ndakaenda ndokukumbira kuti ndimbotaura. Pandakatsanangura kuti handipindire mune zvematongerwo enyika, ndakaendeswa kudare ndokutongerwa mwedzi mipfumbamwe mujeri. Pandakabudiswa, ndakanga ndakatomirirwa kuti ndipinde muchiuto zvakare. Ndakadzorerwa mudare ndokutongerwa gore rimwe chete mujeri. Pandakabudiswa, ndakanga ndakamirirwa kechitatu kuti ndipinde muchiuto, ndokuendeswa kudare zvakare. Panguva ino ndakatongerwa mwedzi 15 mujeri. Kechina, ndakatongerwa mwedzi 20; uye kechishanu ndakatongerwa makore maviri, saka pamwe chete ndakagara mujeri makore anopfuura matanhatu. Zvose izvi zvakaitika pakati pa1966 na1980.

Ndakatumirwa kuGoli Otok muGungwa reAdriatic kaviri. Chitsuwa chacho chose chaiva nevanhu vakasungirwa zvematongerwo enyika. Ndaibatwa somunhu akasungirwa zvematongerwo enyika. Basa redu raiva “rokufutsira gungwa.” Taitakurira matombo mumabhokisi emapuranga tichibva nawo kune rumwe rutivi rwechitsuwa tichienda nawo kune rumwe toakanda mugungwa. Bhokisi rakazara rairema makirogiramu anopfuura 100. Saka taingoti tikaenda todzoka kuzotora mamwe tichingosweroita basa iroro risina zvaraibatsira.

Kechipiri kandakatumirwa kuGoli Otok, ndakaitwa zvavaiwanzoita munhu achangosungwa, zvokumupfigira make oga kwemwedzi wose. Zvakanga zvakaoma kusiyiwa ndiri ndoga ndoga ndakapfigirwa. Panguva iyoyo ndakanyengetera zvandaive ndisati ndamboita. Ndakanga ndisina Bhaibheri uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Kuiswa mangu ndoga kwakanga kwakandiomera zvechokwadi. Chakangondikurudzira itsamba yandakanyorerwa nevabareki vangu. Zvisinei, ipapo ndipo pandakaona kuti mashoko aPauro ane simba anoti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (2 VaK. 12:​10) Hakusi kufara kwandakaita pandakabudiswa ndokubva ndazowana basa.

Mune rimwe jeri ndakanzi ndiende kuna chiremba anoongorora mafungiro evanhu uyo aive nehasha dzisingaiti, akandituka. Akandipopotera, achinditi ndakanga ndisina kukwana. Haana kumbondipa mukana wokumupindura. Mangwana acho chiremba uyu akandidaidza akati kwandiri nezwi rakanga rachinja zvachose: “Ndakazofunga nezvako, uye ndinofunga kuti hauna kukodzera kuva munzvimbo ino. Ndichakutsvagira rimwe basa kunze kwejeri.” Ndakazoshamiswa kuona achitozviita. Handizivi chakaita kuti achinje, asi zvakandiratidza kuti hatifaniri kumbotya kana kuti kufunga kuti hapachina pokubuda napo. Zvose zvinogona kufuma zvatochinja. Ndinotenda Jehovha nezvose zvakaitika kwandiri zvakandiswededza pedyo naye.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 179]

‘Vanhu Vanobvumirwa Kutaura Nezvenhabvu Here?’

HENRIK KOVAČIĆ

AKABEREKWA MUNA 1944

AKABHABHATIDZWA MUNA 1962

NHOROONDO Muna 1973 aiva mutariri anofambira aibatsira pakupera kwevhiki, uye kubva muna 1974 kusvika muna 1976 akakumbirwa kuti ave mutariri anofambira wenguva yakazara. Iye zvino ava nhengo yeDare Rebazi rokuCroatia.

TAISAMBOZIVA kana taizokwanisa kudzoka kumba tichibva kuushumiri. Mapurisa aiwanzotisunga otibvunzurudza. Vane zvakawanda zvavaitifungira zvisizvo.

Mumwe musi tiri pakamba yemapurisa, ndakaudzwa kuti taingobvumirwa kutaura nezvaMwari tiri panzvimbo dzakanyoreswa nechinangwa ichocho chete, kwete mumigwagwa kana paimba neimba. Sezvakaitwa naNehemiya, ndakabva ndangonyengetera ndichikumbira kuti Jehovha andibatsire kutaura mashoko akakodzera. Ndakabvunza aiferefeta nyaya yacho kuti, “Kuno vanhu vanobvumirwa kutaura nezvenhabvu munhandare chete kana kuti kune dzimwewo nzvimbo here?” Akapindura achiti vanhu vanogona kutaura nezvenhabvu vari munzvimbo chero ipi zvayo. Ndakapindura kuti, “Saka unogonawoka kutaura nezvaMwari chero paunenge uri, kwete muchechi chete kana kuti pane imwe nzvimbo yokunamatira.” Kunyange zvazvo ini neimwe hama yandaiva nayo takabvunzurudzwa kwemaawa mashanu, takazosunungurwa.

Patinofunga nezvemakore 40 atapedzera mubasa iri, ini nomudzimai wangu Ana, hatimbozvidembi kuti dai takaita chimwe chinhu. Tiri vaviri takava neropafadzo yokubatsira vanhu vanoda kusvika 70 kuti vadzidze chokwadi. Mabasa ose atinonzi naJehovha tiite anongopfumisa upenyu hwedu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 195, 196]

Takavimbisa Kuti Taizodzoka

HALIM CURI

AKABEREKWA MUNA 1968

AKABHABHATIDZWA MUNA 1988

NHOROONDO Akabatsira pakuronga uye kupa vanhu vaiva muSarajevo ruyamuro. Ikozvino mukuru muungano, ari muDare Rokukurukura Nezvipatara uye anomiririra Zvapupu zvaJehovha mumatare muBosnia and Herzegovina.

MUNA 1992 guta reSarajevo rakakombwa. Patakanga tisingachatumirwi mabhuku, taidzidza magazini ekare. Hama dzaishandisa tapureta yekare kunyora mamwe magazini ekudzidza. Kunyange kwaiva nevaparidzi 52 chete, vanopfuura 200 vaiuya kumisangano yedu uye taiva nezvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 240.

Muna November 1993, hondo payakanga yava kupisa, takava nemwanasikana wedu Arijana. Zvaiva zvakaoma kurera mwana panguva iyoyo. Taigona kupedza mavhiki akawanda tisina mvura nemagetsi. Taipisa midziyo yomumba nokushaya huni, uye pataienda kumisangano taipfuura nemunzvimbo dzinotyisa. Mauto akavanda aingopfura chero wavaiona, saka taitofanira kumhanya pataiyambuka mimwe migwagwa uye zvainge zvakaivharidzira.

Rimwe zuva pfuti dzakangoerekana dzava kurira ini, mudzimai wangu, mwana wedu, naHama Dražen Radišić pataibva kumisangano tichienda kumba. Takazvambarara mumugwagwa, asi ndakarohwa nebara mudumbu. Marwadzo acho akanga asingaiti. Vakawanda vakaona zvakaitika vachidongorera nepamahwindo avo, uye vamwe vakomana vakashinga kubuda mudzimba vachimhanya kuti vatiendese pakachengeteka. Ndakamhanyiswa kuchipatara, uye vakabva vangosvika vachitaura nyaya yokundiwedzera ropa. Ndakatsanangurira chiremba wacho kuti hana yangu yakanga isingandibvumiri kuwedzerwa ropa. Vakandimanikidza kuti ndifungisise; asi ndakanga ndakatsunga uye ndakangoti chauya chauya. Zvisinei, vakandivhiya kwemaawa maviri nehafu, uye ndakamuka ndisina kumbowedzerwa ropa.

Ndavhiyiwa kudaro, ndaifanira kuzorora, asi zvakanga zvisingaiti nemhaka yehondo. Takasarudza kushanyira mhuri yedu kuAustria. Zvisinei, nzira bedzi yataigona kubuda nayo muSarajevo yaiva yokupinda nomumugero waienda nepasi penhandare yendege. Mugero wacho waiva wakareba mamita 900 uye wakakwirira masendimita 120. Mudzimai wangu akatakura mwana, uye ini ndakaedza kutakura zvinhu. Asi akandibatsira nokuti ndakanga ndabva kuvhiyiwa.

Mafariro atakaita pataigara muAustria chitaurirwa mbare dzokumusana. Patakabva kuSarajevo, takanga tavimbisa hama dzedu noMusiki wedu kuti taizodzoka. Zvakanga zvakaoma chaizvo kusiya mhuri yedu kuAustria, kunyanya amai vangu. Zvisinei, takatsanangura kuti takanga tavimbisa Mwari kuti taizodzokera kuSarajevo kana akatibatsira kuti timbobuda tizorore. Zvakanga zvisingaiti kuti iye zvino tichizoti kuna Mwari: “Makaita makatibatsira kuuya kuno. Tiri kunakidzwa chaizvo, uye tava kuda kugara kuno.” Uyewo, hama dzokuSarajevo dzaida kuti tidzoke. Mudzimai wangu Amra, ainditsigira chaizvo mune zvose izvi.

Saka muna December 1994, takasvika kumugero wokuSarajevo. Panguva ino taive mumugero uyu tichitodzokera muSarajevo. Vanhu pavakationa tichipinda nomumugero, vaibvunza kuti: “Nhaimi muri kuitei? Munhu wose ari kuda kubuda, zvino imi modzoka kuguta rino rakakombwa?” Zvakaoma kutsanangura kufara kwatakaita patakaonanazve nehama dzedu paImba yoUmambo yokuSarajevo. Hatisati tambozvidemba kuti takadzokerei.

[Bhokisi riri papeji 210]

Zvitsuwa zvokuCroatia

Mhenderekedzo yeCroatia yakareba makiromita 1 778 ine zvitsuwa 1 000, zvinenge 50 zvacho zvichigara vanhu. Zvitsuwa zvacho zvakakura zvakasiyana-siyana.

Basa guru revanhu vepazvitsuwa izvi nderokuredza hove, kudyara miti yemiorivhi, kurima mazambiringa uye kushanda mumapindu avo. Kornati National Park, boka rezvitsuwa 140, ine nzvimbo dzakanaka kune vaya vanoda zvokushambira. Vanogara kuKrapanj nokuZlarin vanoita chamunyurududu vachitsvaka zvinhu zvinogara pasi pemvura. Pachitsuwa cheHvar panowanikwa uchi, kagwenzi kanonzi lavender, uye mafuta erosemary. Vanhu vanogara pachitsuwa chisingarimwi chePag vanogadzira chizi vachishandisa mukaka wemakwai anofura makwenzi nouswa zviri ipapo.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza zvose zvavanogona kuti vataure nevanhu vose vanogara ipapo. Vamwe vanongoyambuka bhiriji vosvika pane chimwe chitsuwa, asiwo vamwe vanoshandisa magwa. Mapoka eZvapupu anofarira kuronga mishandirapamwe, vopedza mazuva akati wandei vachiparidza pachitsuwa chacho. Zvisinei, vanomboomerwa nokutaura nevanogara pachitsuwa chacho nokuti vanotaura mamwe mashoko akasiyana neevasingagaripo.

Zvinofadza kuti vanogara pazvitsuwa izvi vari kugamuchira mashoko akanaka, uye chitsuwa cheKorčula chine ungano ine vaparidzi 52. Zvinoomera vakurukuri vanouya kuzopa hurukuro yavose nokuti ungano yacho iri kwayo yoga. Asi zvavanoita zvinobatsira ungano iyi iri kwayo yoga kuti irambe yakabatana nehama dzedu dziri vaKristu dzomunyika yose.—1 Pet. 5:9.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 224]

“Ndakaenda Kujeri Musi Wacho Usati Wasvika”

PAVLINA BOGOEVSKA

AKABEREKWA MUNA 1938

AKABHABHATIDZWA MUNA 1972

NHOROONDO Akatanga kupayona muna 1975 uye ndiye akatanga kuva piyona chaiye kuMacedonia muna 1977. Akabatsira vanhu 80 kudzidza chokwadi.

KAKAWANDA pandaiparidzira, vanhu vaindimhan’arira kumapurisa, ayo aizondiendesa kukamba kwandainobvunzurudzwa, dzimwe nguva kwemaawa chaiwo. Ndaibhadhariswa faindi nguva zhinji. Mudare ndakapomerwa kuti ndaiita zvematongerwo enyika, kuti ndiri mhandu yeHurumende uye kuti ndaiparadzira nhema dzaibva kunyika dzokumadokero. Pane imwe nguva ndakatongerwa mazuva 20 mujeri uye pamwe pacho mazuva 30.

Pandaifanira kutanga kupika mazuva 20 mujeri ndipo pataifanira kuita gungano reruwa. Ndakakumbira dare kuti ndizopika mutongo wangu pane imwe nguva, asi chikumbiro changu chakarambwa, saka ndakasarudza kuenda kujeri pachine mazuva 11. Vakuru vakuru vejeri vakashamisika pavakandiona ndasvika. Havana kuzvitenda kuti pane munhu angada kuenda kujeri nguva yake isati yasvika. Ndakawana mukana wokuparidzira, uye vakandivimbisa kuti vaizoita zvose zvavaigona kuti vanditarisire. Mazuva 11 apera mumwe mukuru wemapurisa akabva auya kujeri kuti aone kana ndaiva ndauya. Fungidzira kushamisika kwaakaita paakaudzwa nevakuru vejeri kuti ndakanga ndatova nemazuva 11 ndavapo. Izvi zvakazoita kuti ndikwanise kunopinda gungano reruwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 232]

‘Vakapa Zvakanakisisa Zvavaiva Nazvo’

ŠANDOR PALFI

AKABEREKWA MUNA 1933

AKABHABHATIDZWA MUNA 1964

NHOROONDO Vomumhuri yake vakadzidza chokwadi vari mumusasa wevasungwa munguva yeHondo yeNyika II. Aiva mutariri anofambira anobatsira pakupera kwevhiki uye iko zvino ari muDare Rinotarisira Basa Munyika yeSerbia.

TAKAMBOTI endeswei kumisasa yevasungwa nokuti mhuri yedu yaiva zvizvarwa zvokuHungary. Zvisinei, ichi chakava chikomborero, nokuti vamwe vomumhuri yedu ndiko kwavakanodzidza chokwadi. Ndichiri kuyaruka, ndakanga ndisinganyanyi kufarira chokwadi. Asi ndakabatsirika chaizvo mhuri yedu payakashanyirwa naFranz Brand. Paakandikumbira kushandura rimwe bhuku kubva mumutauro wokuHungary ndichiisa mune wokuSerbia ndikabvuma, ndakafunga kuti ndaingomubatsirawo zvangu. Pave paya ndakazoona kuti ndaisatombofanira kurishandura; aingoda kuti ndiriverenge. Zano rake rakashanda, nokuti ndakabhabhatidzwa pave paya muna 1964.

Chimwe chakandifadza zvikuru kwaiva kushanda somutariri anofambira. Dzimwe nguva zvakanga zvisiri nyore nokuti hama dzaiva varombo. Kakawanda ini nemhuri yacho yose tairara mukamuri rimwe chete. Asi kwaiva kutamburira zviripo. Zvainakidza chaizvo kuona hama dzichifara, dzichitarisira nechido kushanya kwangu. Vaiita zvose zvavaigona kuti vape zvakanakisisa zvavaiva nazvo. Ndinoonga chaizvo zvavaiita!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 236, 237]

“Vanhu Ava Ndingavawanepi?”

AGRON BASHOTA

AKABEREKWA MUNA 1973

AKABHABHATIDZWA MUNA 2002

NHOROONDO Aiva musoja muUto rokuKosovo Rorusununguko uye iye zvino ava piyona wenguva dzose uye mushumiri anoshumira.

PANDAKAONA zvinhu zvose zvinotyisa zvaiitika pairwiwa hondo, kusanganisira kupondwa kwevana vaduku, ndakati hakuna Mwari. Ndaifunga kuti: ‘Kana ariko, nei asingagadzirisi kutambura kwose kuri kuitika?’ Kutenda kwangu kwakavhiringidzwazve pandakaona vatungamiriri vechitendero chechiMuslim vachitsigira hondo yokurwisa vanhu vokuSerbia. Hondo isati yatanga, ndaiva muMuslim; asi payakazopera, ndakanga ndisingachadaviri kuti kuna Mwari uye ndava musoja muUto reKosovo Rorusununguko. Kunyange zvazvo ndakangova muuto racho kwenguva pfupi, ndairemekedzwa zvikuru uye ndakapiwa mabasa akawanda epamusoro. Izvi zvakaita kuti ndive nehasha uye ndizvikudze nokuti zvose zvandaitaura zvaiitwa.

Zvinosuwisa kuti ndiwo mabatiro andaiita mudzimai wangu. Ndaifunga kuti aifanira kuita zvose zvandaimuudza uye kuita zvandainge ndataura nguva dzose. Mudzimai wangu, Merita, akanga aonana neZvapupu munguva yehondo uye aiva nemamwe mabhuku avo. Rimwe zuva asati arara, akati: “Tora mabhuku aya ugoaverenga. Anotaura nezvaMwari.” Ndakashatirwa kuti aifunga kuti aigona kundidzidzisa nezvaMwari. Kuti asaramba achipopoterwa, Merita akaenda kunorara.

Ndasara ndoga nemabhuku acho, ndakasarudza kuverenga bhurocha raiti Mwari Anodei Kwatiri? Ndapedza ndakazoverenga kabhuku kaiti Nguva Yokuzviisa Kwechokwadi Pasi paMwari. Ndaiva muMuslim, uye ndakashamisika kuti kaitora mamwe mashoko muKoran. Ndapedza ndakaverenga mamwe magazini eNharireyomurindi neMukai! Pava pakati pousiku, ndakapinda muimba yokurara ndikamutsa mudzimai wangu. Ndakamubvunza kuti: “Mabhuku aya wakaapiwa naani? Vanhu ava ndingavawanepi?”

Zvandakanga ndaverenga zvakanga zvandibaya mwoyo, asi mudzimai wangu akanga asina chokwadi kuti ndaizoitei uye aitya. Usiku ihwohwo ndakafonera chimwe Chapupu ndikaudzwa kuti misangano yavo yaiitwa rini nekwayaizoitirwa. Mangwana acho takafumoenda kumusangano wacho. Ndakashamiswa nomutsa wehama dzacho uye kutigamuchira nemaoko maviri kwavakaita! Handina kumbofunga kuti panyika pangava nevanhu vakadaro. Ndakabva ndangoona kuti vakanga vakasiyana nevamwe. Misangano payaiitwa ndakava nomubvunzo uye handina kukwanisa kumirira kuti misangano ipere saka ndakabva ndangosimudza ruoko kuti ndiubvunze. Vakuru vacho vakanga vachitya, sezvo vakanga vasina chokwadi kuti ndaida kutaura nezvei. Vanofanira kunge vakasununguka chaizvo pavakazoona kuti ndaingoda kuziva zvandaifanira kuita kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha!

Ndakatanga kudzidza Bhaibheri musi iwoyo chaiwo. Zvakanga zvisiri nyore kuchinja zvakawanda paunhu hwangu. Ndaifanira kurega kusvuta, uye ndaiziva kuti ndaifanira kugura ukama nevandaimboshamwaridzana navo. Ndichibatsirwa nokunyengetera uye kugara ndichipinda misangano, ndakapfidza mararamiro andaimboita ndikapfeka unhu hutsva. Chokwadi chakachinja chaizvo upenyu hwangu nohwemhuri yangu! Iye zvino ini nomudzimai wangu tava mapiyona enguva dzose, uye muna 2006, ndakagadzwa kuva mushumiri anoshumira. Ndava kukwanisa kubatsira vamwe kunzwisa kuti nei vanhu vachitambura uye kuti Jehovha achagadzirisa sei matambudziko edu ose munguva pfupi iri kuuya.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 249, 250]

“Zvaiita Sokuti Jehovha Aivhara Maziso Avo”

JANEZ NOVAK

AKABEREKWA MUNA 1964

AKABHABHATIDZWA MUNA 1983

NHOROONDO Akapedza makore matatu ari mujeri pamusana pokutenda kwake uye iye zvino ari muDare Rebazi reSlovenia.

MUNA December 1984, vakuru vakuru vemasoja vaigara vachinditi ndiende kuchisoja. Pavakanamira chipepa pasuo rangu chokuti ndinofanira kupinda muchiuto ndokundityisidzira vachiti mapurisa echiuto aizouya kuzonditora, ndakasarudza kuenda kumisasa yemasoja kuti ndinovatsanangurira pandimire panyaya iyi. Hazvina zvazvakabatsira, vakaedza zvose zvavaigona kundimanikidza kuti ndipinde chisoja. Vakandiveura musoro, vakandibvisa hembe dzandaiva ndakapfeka, vakandipa dzechisoja. Pandakaramba yunifomu yacho, vakabva vandibatirana vachindipfekedza, vakabva vaisa chinyoreso muruoko rwangu vakandimanikidza kuti ndisaine gwaro rokupinda chisoja. Ndakatsika madziro.

Ndakarambawo kumhanya kwokusimbisa muviri kwaifumoitwa uye kusaruta mureza. Masoja mana paakanditora akandiendesa kunhandare, akandiudza kuti ndiite zvokusimbisa muviri, ndakaramba kusimudza maoko. Vakaedza kundisimudza maoko kusvikira vaona kuti kwaiva kutamba nenguva. Vakandinongedzera pfuti vachinditi pangu papera. Dzimwe nguva vaiedza kunditsvetera nekofi nemakeke.

Pavakaona kushinga kwandakanga ndakaita, vamwe vavo vakachema. Vamwewo vakashatirwa pandakaramba kusvipira mufananidzo waMarshal Tito wavakanga vakaisa pamberi pangu. Pashure pezvizuva, vakaedza kunditakudza zvombo, ndikaramba. Iyi yakatorwa semhosva yakakura muchiuto, saka ndakanzi ndisabuda mumabharaki kwemwedzi wose. Ndakazopedza mavhiki akati kuti ndiri mujeri kuZagreb, Croatia, ndichimirira kuti nyaya yacho itongwe. Ndairara usiku hwose ndakavhenekerwa nechiedza chitsvuku, uye kuchimbuzi ndaitoenda musi unenge wakafarisa murindiri wejeri.

Ndakazotongerwa kugara mujeri kwemakore matatu ndiri pane chimwe chitsuwa chiri pagungwa reAdriatic chinonzi Goli Otok, kwaiendeswa vainge vapara mhosva dzakakurisa. Vakandiendesa kujeri iri raizivikanwa nenyaya yokurwa kwevasungwa varo, ndakasungwa maoko nokuti ndakaramba kunorwa. Ndava ikoko ndakasangana nezvimwe Zvapupu zvina zvakanga zvasungirwa kusatsigira zvematongerwo enyika.

Tairambidzwa kupinda nemaBhaibheri kana mamwe mabhuku. Zvisinei, maitova nerimwe Bhaibheri. Vanhu vokumba kwedu vakanditumira Nharireyomurindi mubhokisi raiva nepasi panovigika zvinhu. Varindiri havana kumbobvira vaziva kuti taiva nemabhuku uye havana kumboziva kuti taiita misangano yechiKristu. Dzimwe nguva varindiri pavaipinda, mabhuku asiyiwa ari pamberi pavo chaipo, zvaiita sokuti Jehovha aivhara maziso avo.

Pashure pegore ndakachinjirwa kuSlovenia kuti ndinopedzisa kupika jeri ndiri ikoko. Ndakaroora Rahela ndichiri mujeri. Pandakazobudiswa, ndakatanga kupayona nomudzimai wangu, uye kubvira muna 1993 tiri kushanda paBheteri rokuSlovenia.

[Chati/Girafu riri papeji 244, 245]

MAKORE AZVAKAITIKA—Nyika Dzaiumba Yugoslavia

Kuma1920 Rimwe boka duku rinoungana muMaribor, Slovenia, kuti rikurukure Bhaibheri.

Kuma1930 Mapiyona anotaura chiJerimani anotumirwa kuYugoslavia.

1935 Hofisi yebazi inovhurwa muBelgrade, Serbia, kuti itarisire basa.

1940

1941 Uto reGermany rinopinda nechisimba, zvoita kuti vanhu vatambudzwe zvakasimba.

1950

1953 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zviri pamutemo; asi basa repaimba neimba richiri kurambidzwa.

1960

1969 Gungano remarudzi akawanda rakaitirwa munhandare iyi muNuremberg, Germany.

1970

1990

1991 Gungano remarudzi akawanda rokutanga rakaitirwa muZagreb, Croatia. Mamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi anotanga kusvika. Hofisi inovhurwa muSlovenia ichitarisirwa nebazi reAustria. Hondo inotanga.

1993 Zvapupu zvaJehovha zvinonyoreswa zviri pamutemo muMacedonia.

1994 Dare Rokukurukura Nezvipatara rinotangwa muSlovenia.

2000

2003 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zviri pamutemo muCroatia. Bheteri itsva inotsaurirwa muMacedonia.

2004 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki inobudiswa mumutauro wokuSlovenia.

2006 Bazi idzva rinotsaurirwa muSlovenia. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara inobudiswa mumitauro yokuCroatia, Serbia, neMacedonia. Boka rechiChina rinoumbwa muBelgrade, Serbia.

2007 Hurukuro chaiyo inopiwa kokutanga mumutauro weRomany muMacedonia. Bhuku rokutanga mumutauro uyu rinobudiswa.

2010

[Girafu]

(Ona bhuku racho)

Vaparidzi Vose

Mapiyona Ose

14,000

10,500

7,000

3,500

1940 1950 1960 1970 1990 2000 2010

[Mepu dziri papeji 147]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CZECH REPUBLIC

AUSTRIA

VIENNA

SLOVAKIA

BRATISLAVA

HUNGARY

BUDAPEST

ROMANIA

BULGARIA

GREECE

ALBANIA

TIRANË

IONIAN SEA

ITALY

ADRIATIC SEA

YAIMBOVA YUGOSLAVIA

SLOVENIA

LJUBLJANA

Maribor

Kamnik

CROATIA

ZAGREB

SLAVONIA

Osijek

Vukovar

Vinkovci

Privlaka

Jasenovac

Šibenik

Split

DALMATIAN COAST

Goli Otok

Pag

Kornat

Zlarin

Krapanj

Hvar

Korčula

BOSNIA AND HERZEGOVINA

SARAJEVO

Bihać

Banja Luka

Tuzla

Travnik

Zenica

Vareš

Mostar

SERBIA

BELGRADE

VOJVODINA

Bor

MONTENEGRO

PODGORICA

Nikšić

Herceg Novi

Tara

Lake Scutari

KOSOVO

Peć

Priština

MACEDONIA

SKOPJE

Tetovo

Kočani

Štip

Kičevo

Strumica

Resen

Cherechedza kuti: Sangano romubatanidzwa wenyika dzapasi pose rakati “Kosovo yakazivisa kuti yawana rusununguko kubva kuSerbia muna February [2008].” Richiedza kugadzirisa gakava riripo pamusoro pokuti Kosovo yakasununguka zvechokwadi here, sangano iri riri kutsvaka “mazano angabva kuDare Rinotonga Nyika Dzepasi Pose.”

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 142]

[Mufananidzo uri papeji 145]

Franz Brand

[Mifananidzo iri papeji 146]

Rudolf Kalle, aine imwe yetapureta dzake

[Mufananidzo uri papeji 149]

Tichishandisa motokari yataihaya tichiparidzira kuSlovenia

[Mufananidzo uri papeji 154]

Mapiyona ekutanga-tanga akasangana nezvinetso zvakawanda

[Mufananidzo uri papeji 157]

Alfred naFrida Tuček nemabhasikoro avo

[Mufananidzo uri papeji 158]

Rudolf Kalle ari pamberi peBheteri kuBelgrade, Serbia

[Mifananidzo iri papeji 168]

Franc Drozg, netsamba yake yakaita zvokukopwa

[Mufananidzo uri papeji 180]

Kurudyi: Imba yemabhiza yakagadziridzwa ikava Imba yoUmambo, kuLjubljana, Slovenia

[Mufananidzo uri papeji 180]

Nechepasi: Imwe yeDzimba dzoUmambo dzakatanga kuvakwa muZagreb, Croatia

[Mufananidzo uri papeji 182]

Stojan Bogatinov

[Mifananidzo iri papeji 184, 185]

Nechokuseri: Gungano Remarudzi Akawanda ra1969 raiti “Rugare Pasi Pano” rakaitirwa kuNuremberg, Germany; kuruboshwe: chitima chaienda kugungano chichibva kuYugoslavia; kurudyi: Nathan Knorr

[Mufananidzo uri papeji 188]

Ðuro Landić

[Mifananidzo iri papeji 192]

Milton Henschel achitaura, uye kubhabhatidzwa kwakaitwa paGungano Remarudzi Akawanda raiti “Vadi Vorusununguko Rwoumwari” rakaitirwa muZagreb, Croatia, muna 1991

[Mufananidzo uri papeji 197]

Ljiljana nevanasikana vake

[Mifananidzo iri papeji 199]

Austria yaitumira zvokuyamura nemarori

[Mufananidzo uri papeji 200]

Mhuri yokwaÐorem, muna 1991

[Mufananidzo uri papeji 204]

Kubhabhatidzwa mudhiramu raichengeterwa hove kuZenica, 1994

[Mifananidzo iri papeji 209]

Zvinhu zvokuyamura vanhu zvaichengeterwa kuZagreb, Croatia

[Mufananidzo uri papeji 215]

Elke naHeinz Polach

[Mifananidzo iri papeji 216]

Dare Rebazi rokuCroatia, uye hofisi yebazi

[Mufananidzo uri papeji 228]

Kupa vanhu zvokuti vayamurike muBosnia

[Mifananidzo iri papeji 233]

Dare Rinotarisira Nyika yeSerbia, uye musha weBheteri muBelgrade

[Mufananidzo uri papeji 235]

Saliu Abazi

[Mifananidzo iri papeji 243]

Kuparidza muPodgorica; Imba yoUmambo muPodgorica

[Mufananidzo uri papeji 247]

Guta rekare rePiran, Slovenia

[Mufananidzo uri papeji 251]

Yaimbove hofisi yebazi muLjubljana, Slovenia, 2002

[Mufananidzo uri papeji 253]

Hofisi yebazi muKamnik, Slovenia, 2006

[Mufananidzo uri papeji 254]

Dare Rebazi reSlovenia

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe