RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 May pp. 2-7
  • Nei Zvichikosha Kuti Tinzwisise Mafungiro aJehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Zvichikosha Kuti Tinzwisise Mafungiro aJehovha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHII CHINOGONA KUTIBATSIRA KUNZWISISA MAFUNGIRO AJEHOVHA?
  • NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINZWISISE MAFUNGIRO AJEHOVHA?
  • ZVII ZVATINGAITA KUTI TINZWISISE MAFUNGIRO AJEHOVHA?
  • RAMBA UCHIITA ZVISARUDZO ZVINOENDERANA NEMAFUNGIRO AJEHOVHA
  • Dzidzisa Hana Yako Kuita Zvinoenderana Nemafungiro aMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 May pp. 2-7

JULY 6-12, 2026

RWIYO 98 Magwaro Akafemerwa naMwari

Nei Zvichikosha Kuti Tinzwisise Mafungiro aJehovha?

“[Shumirai Mwari] muchishandisa pfungwa dzenyu.”—VAR. 12:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita kuti Bhaibheri ritibatsire kunzwisisa mafungiro aJehovha.

1-2. (a) Bhaibheri rakanyorwa riini? (b) Nei zvinhu zviri muBhaibheri zvichiri kushanda mazuva ano?

BHAIBHERI rakanyorwa kare kare. Mabhuku ekutanga emuBhaibheri ava nemakore anoda kusvika 3 500 anyorwa uye bhuku rekupedzisira remuBhaibheri rava nemakore anoda kusvika 2 000 ranyorwa. Asi mashoko arimo ane simba uye achiri kungoshanda mazuva ano. (VaH. 4:12; 2 Tim. 3:​16, 17) Vanhu vakawanda mazuva ano vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri uye riri kuvabatsira kuti vaite zvisarudzo zvakanaka uye zvinoita kuti vafare.

2 Asi nei zvinhu zviri muBhaibheri zvichiri kushanda mazuva ano? Pane zvikonzero zviviri. Chikonzero chekutanga ndechekuti Jehovha “Mwari mupenyu,” ndiye akarinyora. Ndiye Musiki wedu uye hapana ane uchenjeri hunopfuura hwake. (1 Tim. 4:10; VaR. 16:​26, 27) Chikonzero chechipiri ndechekuti muBhaibheri mune zvidzidzo zvinongoramba zvichishanda pasinei nekuti vanhu vari kurarama panguva ipi. Ndosaka mazano arimo achitibatsira mazuva ano sekungobatsira kwaaiita vanhu vakararama kare.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura zvikonzero zvinoita kuti Jehovha azotipa mitemo. Tichaonawo kuti nei zvichikosha kuti tinzwisise zvikonzero izvozvo. Uyewo tichazoona kuti zvii zvatingaita kuti Bhaibheri ritibatsire kunzwisisa mafungiro aJehovha. Tichazopedzisa nekuona kuti Jesu akabatsira sei vanhu kuti vawedzere kunzwisisa mafungiro aJehovha.

CHII CHINOGONA KUTIBATSIRA KUNZWISISA MAFUNGIRO AJEHOVHA?

4. Chii chinogona kutibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha?

4 MuBhaibheri mune zvinhu zvakawanda zvirimo zvinotibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha. Pamwe pacho tikangotarisa mutemo waakatipa, zviri nyore kuona kuti mafungiro aJehovha ndeapi. (Mat. 22:37) Mimwe mitemo iri muBhaibheri payaipiwa, yaipiwa zvichienderana nenguva yacho kana kuti zvinenge zvichiitika. Asi zvikonzero zvaiita kuti Jehovha ape mitemo iyoyo zvinotibatsira kuziva mafungiro aJehovha uye kuti ndezvipi zvinonyanya kukosha kwaari. Zvikonzero izvozvo hazvimbofa zvakachinja. (Pis. 119:111) Saka kunyange mutemo ukachinja, kana kuti kana pasina mutemo unotaura nezvechimwe chinhu, tinokwanisa kunzwisisa mafungiro aJehovha pane imwe nyaya.—Isa. 40:8.

5. Nei tichiti kuziva mutemo kwakasiyana nekuziva chikonzero chaita kuti mutemo wacho upiwe? (Onawo mifananidzo.)

5 Ngatimbotaurei muenzaniso unoratidza kusiyana kwakaita kuziva mutemo uye kuziva chikonzero chinenge chaita kuti mutemo wacho upiwe. Amai pavanenge vachibika, vanogona kupa mwana wavo mudiki mutemo wekuti asabate poto iri pamoto. Asi chikonzero chinenge chaita kuti vape mutemo iwoyo ndechekuti kana mwana akabata poto iri pamoto anotsva. Kana mwana akanzwisisa chikonzero ichocho, zvichamubatsira kuti asabate zvimwe zvinhu zvese zvinopisa kwese kwaanoenda. Mwana uyu paanenge achikura, inozosvika nguva yekuti anenge ava kufanira kubikawo pamoto. Asi anofanira kuramba achiyeuka kuti akabata poto iri kupisa anotsva. Saka kunyange zvazvo asisiri kufanira kuramba achiudzwa naamai vake kuti asabate poto inopisa, anofanira kuramba achiyeuka chikonzero chaiita kuti amai vake vamupe mutemo iwoyo.

Mifananidzo: Amai vari kubika nemwana wavo mukicheni. 1. Vachirambidza mwana wavo mudiki kuti asabata poto inopisa. 2. Papera makore akawanda mwana wacho akura uye achitobika pamwe chete navo.

Mutemo unogona kuchinja, asi chikonzero chakaita kuti mutemo wacho upiwe hachichinji (Ona ndima 5)


NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINZWISISE MAFUNGIRO AJEHOVHA?

6. (a) Jehovha anoshandisa sei Shoko rake kuti atibatsire kuti tizive zvekuita muupenyu? (b) Jehovha anoratidza sei kuti anovimba nesu?

6 Jehovha anotida, saka anotipa mitemo inotibatsira kuti tisapinde mumatambudziko. (Jak. 2:11) Uyewo anotibatsira kuti tinzwisise mafungiro ake kana kuti zvikonzero zvinoita kuti atipe mitemo iyoyo. Anoshandisa Shoko rake kuti atibatsire kuziva zvekuita muupenyu kunyange kana pasina mutemo chaiwo unotaura zvatinofanira kuita. Kunzwisisa mafungiro aMwari kunotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka muupenyu. Jehovha haana kutipa mutemo pakanhu kese kese katinosangana nako muupenyu. Izvozvo zvinoratidza kuti anovimba nesu. Uyewo akatipa rusununguko rwekuti tisarudze zvatinoda kuita. Saka tinokwanisa kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti tinomuda uye tinoda kumuteerera.—VaG. 5:13.

7. Nei kunzwisisa mafungiro aJehovha kuchikosha? (Onawo mufananidzo.)

7 Kunzwisisa mafungiro aJehovha kunotibatsira sei? Chimbofunga zvinotevera. Mune dzimwe nzvimbo, mumigwagwa munenge muine zvikwangwani zvakanyorwa mitemo inenge ichifanira kutevedzerwa. Zvikwangwani zvakawanda zvacho zvinobatsira mutyairi kuti azive mitemo yaanofanira kutevedzera paanenge achityaira. Zvinogona kunge zvichimuudza kuti anofanira kumhanya zvakadini kana kuti zvichimuudza paanofanira kumira. Kana mutyairi akasateerera mitemo iyoyo, anogona kutosungwa. Asi kune zvimwewo zvikwangwani zvinenge zviri pamugwagwa zvinenge zvichingoudza mutyairi zvinhu zvaanofanira kungwarira. Zvinogona kunge zvichimuudza kuti paari kuda kupfuura napo panowanzoyambuka vana vechikoro kana kuti mhuka. Mutyairi akanaka paanoona zvikwangwani zvakadaro, anofanira kufunga kuti otyaira sei kuti asapinde mutsaona. Kana kuchinaya kana kuti kuine mhute, anobva atochinja matyairiro aanenge achiita. Isuwo patinoverenga Bhaibheri tinoona mitemo inenge ichitiudza zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita. Asi kunyange kana pasina mitemo inotiudza zvatinofanira kuita, tinogona kunzwisisa mafungiro aJehovha uye ndiwo achatibatsira kuti tisaite kana kufunga zvinhu zvinogona kuita kuti tipedzisire tatyora mitemo yaJehovha. Ndosaka kunzwisisa mafungiro aJehovha kuchikosha.

Mota iri kufamba usiku mumugwagwa usina kuti twasu uri mujinga regomo. Yakavheneka mugwagwa wacho uye nechepadivi pane zvikwangwani zvinoratidza zvinhu zvinofanira kungwarirwa nemutyairi.

Zvikwangwani zvakawanda zvemumigwagwa zvinobatsira mutyairi kuti aite zvisarudzo zvakanaka zvichaita kuti asazopinda mutsaona. Isuwo tikanzwisisa mafungiro aJehovha zvichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka (Ona ndima 7)


8. Patinenge tichiverenga Bhaibheri zvii zvatinofanira kutsvaga, uye izvozvo zvichatibatsira kuti tiitei? (VaRoma 12:​1, 2)

8 Nei Jehovha asina kutipa mutemo pakanhu kese katinosangana nako muupenyu? Nekuti anoziva kuti zvakatinakira. Zvinotibatsira kuti tidzidze kunzwisisa mafungiro ake. Patinenge tichiverenga Bhaibheri, tinofanira kutsvaga zvidzidzo zvirimo toona kuti tingazvishandisa sei. Tinogona kuedza kutsvaga kuti nei Jehovha akaita kuti mashoko iwayo anyorwe uye kuti anotibatsira sei. Kana tikaita izvozvo, zvichatibatsira kuti ‘tishandise pfungwa dzedu kuti tinzwisise zvinodiwa naMwari uye zvaanogamuchira.’—Verenga VaRoma 12:​1, 2.a

9. Kurarama tichitevedzera zvinodiwa naJehovha kunotibatsira sei? (VaHebheru 5:​13, 14)

9 Kana tikanzwisisa mafungiro aJehovha torarama tichitevedzera zvaanoda, zvinotibatsira kuti tikure pakunamata. Nei tichidaro? Nekuti kana tikanzwisisa zvinodiwa naMwari uye zvaasingadi, tinoita zvisarudzo zvakanaka uye ushamwari hwedu naye hunowedzera kusimba. (Verenga VaHebheru 5:​13, 14.) Vana vadiki vanowanzoda mitemo yakawanda kuti vazive zvekuita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kazhinji kacho vanoteerera mitemo iyoyo nekuti vanenge vachitya kurangwa. Asi Jehovha haatibati sevana vadiki. Anotibata sevanhu vakuru. Anovimba nesu kuti tichaita zvisarudzo zvinoenderana nezvaanoda uye anofara kana tikaita izvozvo.—Pis. 147:11; Zvir. 23:​15, 26; 27:11.

ZVII ZVATINGAITA KUTI TINZWISISE MAFUNGIRO AJEHOVHA?

10. Zvii zvatingaita kuti tinzwisise mafungiro aJehovha?

10 Patinenge tichiverenga Bhaibheri, tinofanira kutsvaga zvidzidzo zvinotibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana. Tinofanirawo kufunga kuti nei Jehovha akaisa mimwe mitemo. Patinowedzera kunzwisisa zvikonzero zvacho, zvinoitawo kuti tiwedzere kunzwisisa mafungiro aJehovha. Asi kuti tinzwisise mafungiro aJehovha, tinofanira kunyengetera tichimukumbira kuti atibatsire. Tinofanirawo kumbomira tichinyatsofunga kuti zvinhu zvatiri kuverenga zviri kurevei. (Zvir. 2:​10-12) Tinozviita sei izvozvo? Tinogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai sekuti: ‘Nei Mwari akaisa mutemo uyu? Mutemo uyu unondibatsira sei kunzwisisa zvimwe zvinhu zvisingafarirwi naMwari? Nyaya iyi yandiri kuverenga inondidzidzisei uye ndingashandisa sei zvidzidzo izvozvo muupenyu hwangu?’ Kana tikanzwisisa zvikonzero zvakaita kuti Jehovha aise mimwe mitemo uye kana tikawana zvidzidzo kubva panyaya dzatinenge tichiverenga muBhaibheri, zvichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka muupenyu zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha.

11. MuMharidzo Yepagomo, Jesu akatibatsira sei kuti tinzwisise mafungiro aJehovha? (Onawo mifananidzo.)

11 MuMharidzo Yepagomo, Jesu akatiratidza zvatingaita kuti tinzwisise mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana. Ngatimbokurukurei mienzaniso mitatu. Pamuenzaniso mumwe nemumwe, Jesu akatanga nekutaura mutemo. Akabva atsanangura kuti nei Jehovha akaisa mutemo iwoyo. Kana tikanyatsofungisisa zvinhu zvakadzidziswa naJesu, zvichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka mazuva ano.

Jesu akagara pasi pemuti achidzidzisa vadzidzi vake.

MuMharidzo Yepagomo, Jesu akatiratidza zvatingaita kuti tinzwisise mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana (Ona ndima 11)


12. Mateu 5:​21, 22 inotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha? (Onawo mufananidzo.)

12 Verenga Mateu 5:​21, 22. “Usauraya.” Mutemo uyu unotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha? Unotiratidza kuti Jehovha haadi kuti tivenge vamwe. Haadi kuti titaure kana kuita zvinhu zvinoratidza kuti tinovenga vamwe, kunyange kuvafungira zvakaipa. Jesu akaratidza kuti kunyange kana munhu akasauraya, asi ‘oramba akatsamwira mumwe munhu’ kana kutaura zvakaipa nezvemunhu iyeye, anenge ari kutotadza kuita zvinoenderana nechikonzero chakaita kuti mutemo iwoyo upiwe. Uye Jehovha haambofari nazvo. Nei tichidaro? Nekuti zvinhu izvozvo zvaanenge achiita ndizvo zvacho zvinoita kuti munhu azopedzisira auraya mumwe munhu.—1 Joh. 3:15.

13. Tingashandisa sei zviri pana Mateu 5:​21, 22 muupenyu hwedu? (Onawo mufananidzo.)

13 Tingashandisa sei zvatinodzidza pana Mateu 5:​21, 22? Hatifaniri kuchengeta chigumbu kunyange kana mumwe munhu akatibata zvisina kunaka. (Revh. 19:18; Job. 36:13) Nei? Nekuti kana tikadaro, tinopedzisira tava kuvenga munhu iyeye uye izvozvo zvinogona kuita kuti tipedzisire tava kutaura kana kumuitira zvakaipa. (Zvir. 10:12) Semuenzaniso kana tikaramba takatsamwira mumwe munhu, tinogona kutaura zvinhu zvakaipa nezvake kune vamwe vanhu kunyange kutotaura mashoko enhema nezvake, zvekuti vamwe vanhu vanogona kupedzisira vava kumubata zvisina kunaka kana kuti kumuvengawo. (Zvir. 20:19; 25:23) Jesu paakataura nezvenyaya yekuti tisavenga vamwe, kwakanga kusati kwava neindaneti, mafoni kana kuti makombiyuta. Asi zvakadzidziswa naJesu zvinotibatsira kuti tisashandisa mafoni edu kana kuti makombiyuta kutaura zvakaipa nezvevamwe vanhu. Sezvo tisingambodi kuuraya mumwe munhu, hatingambodi kutaura kana kunyora zvinhu zvinoita kuti mumwe munhu apedzisire asisaremekedzwi nevamwe.

Mifananidzo: 1. Mashoko emuBhaibheri ekuti: “Usauraya.” 2. Hanzvadzi mbiri dziri kuita makuhwa. Imwe hanzvadzi iri kuteerera iri padivi ichinetseka nezvavari kutaura.

(Ona ndima 12-13)


14. Mateu 5:​27, 28, inotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha? (Onawo mufananidzo.)

14 Verenga Mateu 5:​27, 28. “Usaita upombwe.” Mutemo uyu unotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha? Jehovha anovenga upombwe, asi haangogumiri ipapo. Haatombodi kuti munhu arambe achifunga zvinhu zvinozoita kuti apedzisire azoita upombwe. Jesu akadzidzisa kuti kana murume akaroora akaramba akatarisa mukadzi asiri wake zvekuti anenge ava kunzwa kuda kurara naye, anenge atoita chivi. Saka kana munhu akapindwa nepfungwa dzekuda kuita upombwe, anofanira kukurumidza kudzibvisa kunyange zvakamuomera. (Mat. 5:​29, 30) Izvi zvinoshandawo kune vaya vasati vapinda muwanano.

15. Tingashandisa sei zvatinodzidza pana Mateu 5:​27, 28? (Onawo mufananidzo.)

15 Tingashandisa sei zvatinodzidza pana Mateu 5:​27, 28? Hatifaniri kuramba tichifunga zvinhu zvisina kuchena. (2 Sam. 11:​2-4; Job. 31:​1-3) Saka muKristu akakura pakunamata, haatombooni zvinhu zvese zvinonyadzisira. Haafungi kuti hapana chakaipa nekuona zvinhu izvozvo chero bedzi usiri kuzviita. Uye haatevedzeri zvinoitwa nevamwe vanhu vari munyika vanofunga kuti pane zvimwe zvinhu zvinonyadzisira zvisina hazvo kunyanya kuipa. Mumazuva aJesu kwakanga kusati kwava nezvinhu zvakadai semafoni, maTV, mafirimu kana kuti mapikicha. Asi zvakadzidziswa naJesu zvinotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha haafariri mapikicha kana mavhidhiyo ezvinhu zvinonyadzisira. Izvi zvinotibatsirawo kunzwisisa kuti anorwadziwa chaizvo vanhu vakatanga kutumirana mapikicha nemavhidhiyo ezvinhu zvinonyadzisira kana kuti vakatanga kutaura kana kutumirana mameseji nezvazvo. Kushandisa mazano aya kunobatsira munhu akaroora kuti arambe akavimbika kune mumwe wake. (Mar. 2:15) Kunobatsirawo vaKristu vese pasinei nekuti vari muwanano here kana kuti havasi, kuti vasamboita zvinhu zvinoita kuti vazopedzisira vaita upombwe.—Zvir. 5:​3-14.

Mifananidzo: 1. Mashoko emuBhaibheri ekuti: “Usaita upombwe.” 2. Hama iri kubvisa imwe application pafoni payo.

(Ona ndima 14-15)


16. Mateu 5:​43, 44, inotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha?(Onawo mufananidzo.)

16 Verenga Mateu 5:​43, 44. “Ida muvakidzani wako.” Mutemo uyu unotidzidzisei nezvemafungiro aJehovha? Unotidzidzisa kuti Jehovha anoda kuti tide vanhu vese. Asi zvinosuwisa kuti vaJudha vakararama panguva yaJesu vaifunga kuti mutemo uyu waingoreva kuti vaifanira kuda vamwe vaJudha chete uyewo kuti hapana chakaipa nekuvenga munhu anokuvengawo. Asi Jesu aiziva kuti iwayo haasiriwo mafungiro aJehovha. Aiziva kuti Baba vake vekudenga vane rudo vanotarisira kuti tide vanhu vese pasinei nekwavanobva kana rudzi rwavo.—Mat. 5:​45-48.

17. Tingashandisa sei zvatinodzidza pana Mateu 5:​43, 44 muupenyu hwedu? (Onawo mufananidzo.)

17 Tingashandisa sei zvatinodzidza pana Mateu 5:​43, 44? Kana tichida muvakidzani, hatizovi nedivi ratinotsigira kana pakaitika hondo uye hatitoendi kuhondo kwacho. (Isa. 2:4; Mika 4:3) Kuda muvakidzani wedu kunotibatsirawo kuti tibate zvakanaka vanhu vanobva kune dzimwe nyika, verudzi rwakasiyana nerwedu kana kuti vane chitendero chakasiyana nechedu. (Mab. 10:​34, 35) Kunoitawo kuti tiregerere vanhu vanenge vatitadzira kana kuti vanenge vatadzira hama kana shamwari dzedu.—Mat. 18:​21, 22; Mako 11:25; Ruka 17:​3, 4.

Mifananidzo: 1. Mashoko emuBhaibheri ekuti: “Ida muvakidzani wako.” 2. Murume nemudzimai vari kuparidzira mumwe murume werumwe rudzi. Vari pamusika uye vari kumuratidza bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara!

(Ona ndima 16-17)


RAMBA UCHIITA ZVISARUDZO ZVINOENDERANA NEMAFUNGIRO AJEHOVHA

18. (a) Tinofanira kuramba tichiitei? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha anotibata sevanhu vakuru kwete sevana vadiki. Anoda kuti tishandise zvidzidzo zvatinowana muBhaibheri kuti zvitibatsire kuita zvisarudzo zvakanaka. (1 VaK. 14:20) Asi patinenge tichiita zvisarudzo, zvinokosha kuti ‘tirambe tichiedza kunzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.’ (VaEf. 5:17) Tinoda kuita zvisarudzo zvakanaka nekuti tinoda Jehovha uye tinoda kumufadza, kwete nekuti tinotya kuti anozotiranga. Munyaya ino tadzidza kuti kunzwisisa mafungiro aJehovha kunotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinomufadza. Munyaya inotevera tichakurukura nezvehana. Hana ndicho chimwe chinhu chatakapiwa naJehovha chinotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinomufadza.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Chii chinogona kutibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha?

  • Nei zvichikosha kuti tinzwisise mafungiro aJehovha?

  • Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakadzidziswa naJesu muMharidzo Yepagomo?

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

a Jehovha haana kutipa mutemo pakanhu kese kese katinosangana nako muupenyu. Saka tinenge tichitofanira kutarisa kuti mavhesi akasiyana-siyana ari muBhaibheri anotii nezvenyaya yacho, toshandisa zvatinodzidza kuti zvitibatsire kuita chisarudzo chakanaka. Jehovha akatisika tichikwanisa kufunga, saka tinofanira kushandisa pfungwa dzedu kuti tiite zvisarudzo zvinomufadza uye zvichaita kuti atikomborere. VaKristu vakawanda vepakutanga vaitofanira kudzidza kuita izvi nemhaka yekuti vasati vava vaKristu, vakanga vakangojaira kutevera mitemo yakawanda yainge yakaiswa nevatungamiriri vezvitendero zvechiJudha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe