JULY 13-19, 2026
RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?
Dzidzisa Hana Yako Kuita Zvinoenderana Nemafungiro aMwari
“Mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.”—VAG. 6:5.
ZVATICHADZIDZA
Munyaya ino tichadzidza kuti zvii zvatingaita kuti tidzidzise hana yedu kuti itibatsire kuita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aJehovha.
1-2. (a) Jehovha akapa Adhamu naEvha chipo chei? (b) Zvii zvaifanira kuitwa naAdhamu naEvha kuti varatidze kuti vaitenda chipo ichocho?
MHUKA dzinongoita zvinhu maererano nemasikirwo adzakaitwa. Uye michina inongoita zvinhu zvayakagadzirirwa kuti iite. Asi vanhu havana kudaro. Mwari paakasika vanhu, akavapa chipo chekukwanisa kusarudza zvavanoda. VaKristu vechokwadi vanokoshesa chaizvo chipo ichocho. Bhaibheri rinotiudza kuti Adhamu akasikwa nemufananidzo waMwari. (Gen. 1:26, 27) Saka Adhamu naEvha vaiva nerusununguko rwekuzvisarudzira vega zvavaida kuita muupenyu.
2 Jehovha haana kupa Adhamu naEvha mitemo yakawandawanda. Akangovaudza kuti vaite kuti nyika irambe yakanaka, vaizadze nevana vavo uye varemekedze kodzero yake yekuvaudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. (Gen. 1:28; 2:16, 17) Adhamu naEvha vaifanira kuita sei kuti varatidze kuti vaitenda chipo chavakapiwa naJehovha chekuzvisarudzira zvavaida kuita muupenyu? Nezvese zvavakanga vaitirwa, vaifanira kuteerera mitemo yavakapiwa kuti varatidze kuti vaida Jehovha uye vaida kumufadza.—Zvir. 23:15.
3. Adhamu naEvha vakashandisa sei rusununguko rwavakapiwa?
3 Bhaibheri rinotiudza kuti Adhamu naEvha havana kushandisa rusununguko rwavakapiwa zvakanaka asi vakasarudza kusateerera Jehovha. Zvavakaita izvozvo zvinoratidza kuti vakanga vasingadi Jehovha, vaisatenda zvaakanga avaitira uyewo kuti vaingozvifunga. (Gen. 3:1-7) Kutadza kwavakaita kusarudza zvakanaka ndiko kwakaita kuti tive nematambudziko atiri kusangana nawo mazuva ano.—VaR. 5:12.
4. (a) Maererano naVaGaratiya 6:5, mumwe nemumwe wedu anofanira kuitei? (b) Ndechipi chimwe chipo chatakapiwa chatichakurukura nezvacho munyaya ino?
4 Mumwe nemumwe wedu anofanira kutakura mutoro wake. (Verenga VaGaratiya 6:5.) Mutoro iwoyo unosanganisira kuzviitira ega zvisarudzo muupenyu. Asi izvi hazvisi nyore nekuti zuva rega rega tinofanira kuita zvisarudzo zvakawanda. Zvimwe zvacho zviri nyore, asi zvimwe zvacho zvakaoma. Saka zvii zvatingaita kuti tiite zvisarudzo zvinofadza Jehovha? Tinofanira kubvuma kuti tinoda kubatsirwa naJehovha. (Zvir. 16:3; Jer. 10:23) Kunyange Jesu, uyo akanga asina chivi, aiziva kuti aida kubatsirwa naMwari. (VaH. 5:7) Saka kana Jesu, uyo akanga asina chivi aiziva kuti aida kubatsirwa naMwari, ko kuzoti isu vanhu vane chivi? Tinotonyanya kuda kubatsirwa naJehovha. Saka Jehovha ane chimwe chipo chaakatipa kuti chitibatsire kuita zvisarudzo zvakanaka. Akatipa hana. Munyaya ino tichakurukura kuti hana inotibatsira sei kuti tiite zvisarudzo zvakanaka.
CHII CHINONZI HANA?
5. (a) Chii chinonzi hana? (b) Hana inotibatsira sei? (VaRoma 2:14, 15)
5 Hana ipfungwa iri matiri inotibatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Munhu wese ane hana, kunyange vanhu vasingatombozivi mitemo yaMwari. (2 VaK. 4:2) Hana inogona kutiudza kana zvatinofunga kana kuti zvatinoita zvakanaka kana kuti zvakaipa. (Verenga VaRoma 2:14, 15.) Inogona kutiyambira kuti tisaita zvinhu zvatinoziva kuti zvakaipa. (1 Sam. 26:8-11) Uye inogona kutitumawo kuti tiite zvinhu zvatinoziva kuti zvakanaka. Asi kupiwa kwatakaitwa rusununguko rwekusarudza hakurevi kuti nguva dzese tichaita zvisarudzo zvinofadza Jehovha. Hana yedu inofanira kutibatsira kuti tizive kuti zvatiri kuda kusarudza zvakanaka here kana kuti zvakaipa.
6. Nei dzimwe nguva hana yedu ichitadza kutibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka?
6 Asi hapasi pese hana yedu painotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. Tiri vanhu vane chivi, saka dzimwe nguva hana yedu inogona kutirasisa. Inogona kukanganiswa nemakuriro atakaita, tsika dzedu, kana zvido zvakaipa zvatiinazvo. Bhaibheri rinotaura kuti hana inogona kusvika ‘pakusava nesimba,’ ‘pakusvibiswa,’ kana kuita ‘seyakapiswa nesimbi inoisa mucherechedzo.’ Inotogona kusvika ‘pakuipa.’ (1 VaK. 8:12; Tito 1:15; 1 Tim. 4:2; VaH. 10:22) Kana hana yasvika pakadaro, haikwanisi kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Inenge yangofanana newachi yakarasa inenge ichitofanira kugadziriswa kuti ishande zvakanaka. Saka tinotofanira kushanda nesimba kuti hana yedu irambe ichishanda zvakanaka. (1 Pet. 3:16) Tinozviita sei?
ZVATINGAITA KUTI TIDZIDZISE HANA YEDU
7-8. (a) Chii chichatibatsira kudzidzisa hana yedu? (b) Kuziva mafungiro aMwari kunotibatsira sei? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)
7 Tinodzidzisa sei hana yedu? Tinofanira kugara tichiverenga Bhaibheri kuti tidzidze zvinonzi naJehovha zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa. Kana tikadzidza mitemo yaMwari zvinotibatsira kuti tinzwisise mafungiro ake. Asi sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, mitemo ine pamwe painoshanda nepamwewo paisingashandi. Ndosaka zvichikosha kuti tidzidze kutsvaga zvikonzero zvakaita kuti Jehovha aise mitemo iyoyo nekuti izvozvo zvinotibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa mafungiro ake kana kuti maonero ake.—Isa. 55:9.
8 Rwendo rwedu rweupenyu rwakafanana nekufamba mugwenga risina migwagwa kana zvikwangwani zvinotibatsira kuti tione kwatiri kuenda. Asi kana tiine mepu inotiratidza zvinhu zvatinogona kutarisira kuona patinenge tichifamba parwendo rwacho, zvinogona kubatsira chaizvo. Mepu iyoyo inotibatsira kuona kuti hatina kurasika. Parwendo rwedu rweupenyu, chinangwa chedu ndechekufadza Jehovha uye Bhaibheri rakafanana nemepu inotibatsira kuti tizadzise chinangwa ichocho. Kudzidza Bhaibheri kuchatibatsira kuti tizive mafungiro aJehovha uye tiite zvisarudzo zvinoenderana nezvatinenge tadzidza. Izvi zvichaita kuti tizive kuti hatina kurasika uye kuti zvisarudzo zvatiri kuita zvakanaka uye zvinofadza Jehovha.
Mepu inenge iine zvatinogona kutarisira kuona patinenge tiri parwendo inotibatsira kuti tisarasike. Ndizvo zvinoitawo kunzwisisa mafungiro aJehovha. Kunotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka (Ona ndima 8)
9. Chii chimwe chinotibatsira kuti tidzidzise hana yedu? (VaRoma 9:1)
9 Kuti tidzidzise hana yedu kuti ishande zvakanaka, tinodawo kubatsirwa nemweya mutsvene waMwari. (Verenga VaRoma 9:1.) Mweya mutsvene unotibatsira kuti tinzwisise mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana. Unoitawo kuti tive nechido nesimba rekuti tiite zvinhu zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. (VaF. 2:13) Asi zvii zvatinofanira kuita kuti tipiwe mweya mutsvene?
10. Tinofanira kuitei kuti tipiwe mweya mutsvene? (Ruka 11:10, 13)
10 Nyengeterera mweya mutsvene. (Verenga Ruka 11:10, 13.) Tinoziva kuti Jehovha anoda kutipa mweya wake mutsvene. (Joh. 3:34) Anoupa vese vanomuteerera. (Zvir. 1:23; Jak. 1:5) Asi chii chimwe chichatibatsira kuti tidzidzise hana yedu?
11. (a) Ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu chikuru muupenyu? (b) Nei tichifanira kuva nechokwadi chekuti hana yedu yakanyatsodzidziswa uye iri kushanda zvakanaka?
11 Gara uchiedza kufadza Jehovha. (Zvir. 8:34, 35) Ichocho ndicho chinofanira kuva chinangwa chedu chikuru muupenyu. Kana tikagara tichiyeuka kuti tinoda kufadza Jehovha pazvisarudzo zvese zvatinoita muupenyu, zvinotibatsira kuti tidzidzise hana yedu. Kuti hana yedu inyatsoshanda zvakanaka, tinofanira kunge tichiziva mafungiro aJehovha. Asi hatingogumiri ipapo. Tinofanirawo kuita kuti mafungiro aJehovha avewo mafungiro edu, tobva taita zvinhu zvinomufadza. Mazuva ano upenyu hwakaoma, saka zvinokosha kuti tive nehana yakanyatsodzidziswa. Kazhinji tinenge tichifanira kuita zvisarudzo panyaya dzekuti hapana mutemo chaiwo uri muBhaibheri unotiudza zvatinofanira kuita. Tinogona kunge tichida kusarudza kuti tozvivaraidza nezvinhu zvipi, toita basa ripi, todzidza kusvika papi kana kuti toshamwaridzana naani. Saka chii chinogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinofadza Jehovha panyaya dzakadaro?—2 VaK. 1:12.
12. Chii chinogona kuita kuti tizive kuti hana yedu iri kutibatsira here kuita zvisarudzo zvakanaka? (VaEfeso 5:10)
12 Fungisisa zvaunoverenga muShoko raMwari. (Pis. 49:3) Paunoverenga Bhaibheri, tsvaga zvidzidzo zvichakubatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha. (Verenga VaEfeso 5:10.) Izvozvo zvichaita kuti uzive kuti hana yako iri kukubatsira here kuita zvisarudzo zvakanaka paunosangana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. (Zvir. 2:4-9, 11-13) Zvinhu zvaunodzidza muBhaibheri zvichaita kuti urambe uchidzidzisa hana yako kuti ikubatsire kuita zvinodiwa naJehovha.—VaH. 5:14.
13. Chii chatisingafaniri kuita? Taura muenzaniso.
13 Usatanga wasarudza, wozotsvaga zvinotaurwa neBhaibheri zvinotsigira zvawatosarudza. Hatidi kutevedzera zvakaitwa nevaIsraeri vakasara muJudha pashure pekunge Jerusarema raparadzwa muna 607 B.C.E. VaJudha ivavo vakaudza Jeremiya kuti: “Jehovha Mwari wenyu ngaatiudze nzira yatinofanira kufamba nayo uye zvatinofanira kuita.” (Jer. 42:3-6) Asi chokwadi chiripo ndechekuti vakanga vatosarudza kare zvavaida kuita. Pavakaona kuti zvavakaudzwa naJehovha zvakanga zvisingaenderani nezvavakanga vatosarudza, vakabva vaomerera pakuita zvavaida. Izvozvo zvakaita kuti zvinhu zvisatombovafambira zvakanaka. (Jer. 42:19-22; 43:1, 2, 4) Saka tisati taita chisarudzo, tinofanira kutanga tatsvaga kuti mafungiro aJehovha ndeapi toita zvinoenderana naizvozvo.
14. Nei tichifanira kuita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aJehovha?
14 Ita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aJehovha. (Mat. 7:24-29; Jak. 1:23-25) Kana tikaita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aJehovha, tinenge tichibvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene. Uye izvozvo zvinoita kuti Jehovha arambe achitipa mweya wake. (Mab. 5:32) Asi kana tikanzwisisa mafungiro aJehovha tobva taita zvisarudzo zvinopesana nemafungiro iwayo, tinogona ‘kurwadzisa’ mweya waJehovha uye tinenge tichitoramba kutungamirirwa nawo. (VaEf. 4:30; Isa. 63:10; Mab. 7:51) Izvozvo zvinogona kuita kuti Jehovha asatipa mweya wake mutsvene. (Pis. 51:11; 1 VaT. 5:19) Kana Jehovha akasatipa mweya wake mutsvene, zvinhu zvinotiomera nekuti tinotoda kubatsirwa nesimba rake.—VaEf. 3:16.
TINOTSVAGA SEI MAFUNGIRO AJEHOVHA?
15-16. (a) Tinotsvaga sei mafungiro aJehovha? (b) Zvii zvatinodzidza muBhaibheri nezvemafungiro aJehovha zvinogona kubatsira mudzidzi kuti asiye kusvuta?
15 Shandisa mabhuku anobatsira pakutsvakurudza. Tinofanira kutanga tadzidza kuti mafungiro aJehovha ndeapi kuti tizokwanisa kuita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro iwayo. Ngatitii mudzidzi wako weBhaibheri haasi kuda kusiya kusvuta fodya. Anogona kunge achifunga kuti: ‘Bhaibheri hapana parinombotaura nezvefodya, saka ndinoziva sei kuti yakaipa?’ Ungamubatsira sei kuti aone zvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri zvichamubatsira kunzwisisa kuti kusvuta kwakaipa? Unogona kushandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Unogona kuenda pamusoro wenyaya wakanzi “Nyika yaSatani,” wotsvaga kamusoro kakanzi “Fodya Uye Kusvuta.” Ipapo uchaona nyaya yakanzi “Mwari Anoona Sei Kusvuta?” (Ona Nharireyomurindi yaJune 1, 2014.) Mudzidzi uyu paanenge achiverenga nyaya iyoyo, mavhesi api aachawana achamubatsira kuona mafungiro aJehovha panyaya yacho?
16 Ngatimboonai zvinhu 5 zvaachawana munyaya yacho. (1) Hatifaniri kuva varanda kana kupindwa muropa nechinhu chinourayisa. (VaR. 6:16) (2) Tinofanira kusiyana nezvinhu zvese zvinokanganisa muviri wedu. (2 VaK. 7:1) (3) Jehovha anoda kuti timushumire nemwoyo wedu wese nemweya wedu wese nepfungwa dzedu dzese. (Mat. 22:37) (4) Hatifaniri kuita zvinhu zvinokuvadza vamwe. (Mat. 22:39; 1 VaK. 10:24) (5) Jehovha anogona kutipa simba rekuita zvinhu zvakanaka. (VaF. 4:13) Saka kunyange zvazvo Bhaibheri risina parinombotaura nezvekusvuta, zvatinodzidza imomo zvinogona kubatsira mudzidzi wako kuti anzwisise kuti mafungiro aJehovha panyaya iyi ndeapi.
17. Zvapupu zvinenge zvichironga muchato zvingawana kupi mashoko achavabatsira kuti vazive mafungiro aJehovha nezvenyaya yacho?
17 Ko Zvapupu zvaJehovha zvinenge zvichironga muchato zvingawana kupi mashoko achavabatsira kuti vazive mafungiro aJehovha nezvenyaya yacho, vokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka? Vanogonawo kushandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Kana vakaenda pamusoro wenyaya wakanzi “Upenyu Hwemhuri,” pane kamusoro kakanzi “Michato Uye Mabiko.” Pamusoro iwoyo, pane nyaya dzakasiyana-siyana dzinoratidza mafungiro aJehovha nezvenyaya yacho. Ngatimboonai zvimwe zvavanogona kufunga nezvazvo. (1) Zvese zvichaitwa pamuchato wacho zvinofanira kukudza Jehovha. (1 VaK. 10:31, 32) (2) Zvavachapfeka zvinofanira kunge zviine mwero uyewo zvichiremekedzeka. (1 Tim. 2:9; 1 Pet. 3:3, 4) (3) Havafaniri kuita zvinhu zvekuda kushamisira nezvavainazvo sezvinoitwa pamichato yevanhu vasinganamati Jehovha. (Joh. 17:14; Jak. 1:27; 1 Joh. 2:15, 16) (4) Zvese zvichaitwa pamuchato wacho zvinofanira kunge zvakarongeka. (1 VaK. 14:40) (5) Pavanenge vava kupemberera muchato wacho, vanhu havafaniri kufara zvakapfurikidza zvekuti vanopedzisira vadhakwa. (VaG. 5:21) (6) Vanofanira kuronga kuti pave nemunhu achatungamirira zvese zvinenge zvichiitika pamuchato wacho.—Joh. 2:8, 9.
18-19. (a) Nderipi rimwe bhuku rinogona kutibatsira? (b) Ungashandisa sei bhuku iroro kuti uzive mafungiro aJehovha panyaya yemhemberero dzakasiyana-siyana? (Onawo bhokisi rakanzi “Jehovha Anoti Kudii Nezvenyaya Idzi?”)
18 Rimwe bhuku rinogona kutibatsira pakutsvakurudza ibhuku rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu. Mubhuku iri mune nyaya dzakasiyana-siyana uye panyaya imwe neimwe panenge paine mavhesi anenge aripo. Kana ukasarudza nyaya yauri kuda, uchawana mibvunzo nemavhesi zvinogona kukubatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha. Ngatitii muKristu ari kuda kusarudza kuti opemberera here imwe mhemberero. Kana akaenda panyaya yakanzi “Mhemberero,” achawana musoro wakanzi “Mhemberero Dzisingaitwi nevaKristu.”
19 Ngatimboonai zvimwe zvaachawana pamusoro iwoyo. Pane mubvunzo wakanzi: “Zvakaipirei kubatanidzwa mumhemberero dzine chekuita nechitendero chenhema? (1 VaK. 10:21; 2 VaK. 6:14-18; VaEf. 5:10, 11).” Panobva papiwa mienzaniso yemhemberero dzakadaro. Panewo kamusoro kakanzi “Mhemberero dzenyika.” Pakamusoro ikako pane mavhesi anomubatsira kuona mafungiro aJehovha. Kana akanzwisisa mafungiro aJehovha, achakwanisa kusarudza kuti obatanidzwa here pakupemberera mhemberero dzakadai sedziya dzinopemberera kubudirira kwakaita nyika pane zvimwe zvinhu, hondo dzakarwiwa nenyika, kana kuti dziya dzinopa vanhu rukudzo rwunongofanira kupiwa Jehovha chete. Tinotenda chaizvo kuti sangano raJehovha rakatipa mabhuku anotibatsira kuti tidzidzise hana yedu kuti itibatsire kuita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aJehovha.
IVA NECHOKWADI CHEKUTI HANA YAKO YAKANYATSODZIDZISWA
20. Tinoziva sei kuti hana yedu yakanyatsodzidziswa?
20 Tinokoshesa chaizvo chipo chatakapiwa chekukwanisa kusarudza zvatinoda. Asi kuti tinyatsoshandisa chipo ichocho zvakanaka, Jehovha ane chimwewo chipo chaakatipa. Chipo ichocho ihana. Kana hana yedu ikanyatsodzidziswa, ichatibatsira kuita zvisarudzo zvinokudza Jehovha uye zvinoenderana nezvaanoda. Asi kuti tikwanise kuidzidzisa, tinotoda kubatsirwa nemweya mutsvene waJehovha. Saka tinofanira kuramba tichikumbira kuti atipe mweya mutsvene, tobvuma kutungamirirwa nawo. Kunzwisisa mafungiro aJehovha kuchatibatsirawo kuti tidzidzise hana yedu. Dai tikaita zvese zvatinogona kuti tishandise zvipo izvi zvatakapiwa naJehovha. Kana tikaita izvozvo, tichanyatsoona kuti Shoko raMwari rinobatsira.—2 Tim. 3:16, 17; VaH. 4:12.
RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’