NYAYA YEKUDZIDZA 26
Rudo Runotibatsira Sei Kuti Tisatya?
“Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi.”—PIS. 118:6.
RWIYO 105 “Mwari Rudo”
ZVICHADZIDZWAa
1. Ndezvipi zvinhu zvinowanzotyiwa nevanhu?
FUNGA zvinhu zvinotevera zvakaitika kune zvimwe Zvapupu zvaJehovha. Nestor nemudzimai wake María, vaida kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.b Kuti vakwanise kuita izvozvo vaifanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo. Asi vaitya kuti vangazotadza kunyatsofara kana vava kurarama nemari shoma. Biniam paakava mumwe weZvapupu zvaJehovha munyika inopikiswa basa redu, akaona kuti sezvo akanga ava mumwe wevanhu vaMwari, aigona kutambudzwa. Izvozvo zvakamutyisa. Asi ainyanya kutya kuti vemumhuri make vaizoita sei pavaizoziva nezvechitendero chake chitsva. Valérie akabatwa chirwere chekenza chainge chakaipa chaizvo, uye akatambura kuti awane chiremba airemekedza zvaaitenda zvinobva muBhaibheri panyaya yeropa. Saka aitya kuti pamwe angafa.
2. Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tikunde kutya kwatinenge tichiita?
2 Wakambotyawo zvinhu izvozvo here? Vakawanda vedu takambozvitya. Kana tikasadzidza kudzora matyiro atinoita, tingangoita zvisarudzo zvakaipa zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Izvozvo ndizvo zvinodiwa naSatani. Anoedzawo kushandisa kutya kwatinoita kuti aite kuti tisateerera mitemo yaJehovha kusanganisira murayiro wekuparidza mashoko akanaka. (Zvak. 12:17) Satani akaipa, ane utsinye uye ane simba. Asi unogona kuzvidzivirira kuti usakanganiswa naye. Ungazviita sei?
3. Chii chichatibatsira kuti tisatya?
3 Kana tiine chokwadi chekuti Jehovha anotida uye kuti acharamba achititsigira, hatizotyi zvinoitwa naSatani. (Pis. 118:6) Semuenzaniso, munyori wePisarema 118 akasangana nemamiriro ezvinhu aishungurudza chaizvo. Aiva nevavengi vakawanda kusanganisira vamwe vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro (mavhesi 9, 10). Dzimwe nguva aimboomerwa chaizvo neupenyu (vhesi 13). Uye akanga amborangwa zvakasimba naJehovha (vhesi 18). Kunyange zvakadaro munyori wepisarema iroro akaimba kuti: “Handizotyi.” Chii chakaita kuti anzwe akachengeteka zvakadaro? Aiziva kuti kunyange zvazvo Jehovha akanga amuranga, Baba vake vekudenga vaimuda chaizvo. Munyori wacho wepisarema aiva nechokwadi chekuti pasinei nezvinhu zvaaisangana nazvo, Mwari wake ane rudo aizogara akagadzirira kumubatsira.—Pis. 118:29.
4. Zvinhu zvipi zvaticharega kutya kana tiine chokwadi chekuti Mwari anotida?
4 Tinofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoda mumwe nemumwe wedu. Izvi zvichatibatsira kuti tisatya zvinhu zvitatu zvinotyiwa nevakawanda zvinoti, (1) kutya kuti tichatadza kuriritira mhuri yedu, (2) kutya vanhu, uye (3) kutya kufa. Vanhu vataurwa mundima yekutanga vakakwanisa kukunda zvinhu zvavaitya nekuti vakava nechokwadi chekuti Mwari anovada.
KUTYA KUTI TINOGONA KUTADZA KURIRITIRA MHURI YEDU
Hama ine mwanakomana wayo iri kuita basa rekubata hove kuti ikwanise kuriritira mhuri yayo (Ona ndima 5)
5. Zvinhu zvipi zvingaita kuti musoro wemhuri anetseke chaizvo? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
5 Musoro wemhuri wechiKristu anokoshesa chaizvo basa rekuriritira mhuri yake. (1 Tim. 5:8) Kana uri musoro wemhuri, zvimwe paipararira chirwere cheCOVID-19, waityira kuti pamwe ungarasikirwa nebasa rako. Ungangodaro wainetseka kuti waizotambura kuti upe mhuri yako zvekudya uye ubhadhare rendi. Ungangodaro waityira kuti kana ukarasikirwa nebasa rako, waizotadza kuwana rimwe. Kana kuti sezvaityirwa naNestor naMaría vambotaurwa nezvavo, ungangodaro waityira kuti haukwanisi kurarama nemari shoma. Satani ari kushandisa zvinhu izvozvo zvinotyiwa nevanhu kuti atadzise vakawanda kushumira Jehovha.
6. Satani anoda kuti tifungei?
6 Satani anoda kuti tifunge kuti Jehovha haana hanya nesu uye kuti haatibatsiri pakuriritira mhuri yedu. Izvi zvingaita kuti tifunge kuti tinofanira kuita chero zvatinokwanisa kuti tichengetedze basa ratiinaro, kunyange zvazvo izvozvo zvichizoita kuti tiite zvinhu zvinopesana neBhaibheri.
7. Jesu akatiudza kutii?
7 Jesu, uyo anoziva Baba kupfuura chero ani zvake akati: “Baba venyu vanoziva zvamunoda musati matombovakumbira.” (Mat. 6:8) Uye Jesu anoziva kuti Jehovha akagadzirira kutipa zvinhu zvinokosha pakurarama. Sezvo tiri vaKristu, tiri mumhuri yaMwari. Tine chokwadi chekuti sezvo Jehovha ari Musoro wemhuri, acharemekedza pfungwa yaakaita kuti inyorwe pana 1 Timoti 5:8.
Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvatinoda pakurarama. Anogona kushandisa hama dzedu kuti atibatsire (Ona ndima 8)d
8. (a) Chii chichatibatsira kuti tisatya kuti tingangozotadza kuchengeta mhuri yedu? (Mateu 6:31-33) (b) Tingatevedzera sei murume nemudzimai vari pamufananidzo vari kupa imwe hanzvadzi zvekudya?
8 Patinova nechokwadi chekuti Jehovha anotida uye kuti anoda mhuri yedu, hazvizotiomeri kutenda kuti tichawana zvinhu zvinokosha pakurarama. (Verenga Mateu 6:31-33.) Jehovha ane rudo uye anoda chaizvo kutipa zvinhu zvatinoda pakurarama. Paakasika nyika, haana kungotipa zvinhu zvinokosha pakurarama chete. Akaitawo kuti panyika pave nezvinhu zvakawanda zvinotifadza chaizvo. (Gen. 2:9) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingava nezvinhu zvinokosha pakurarama asi tichitadza kuwana zvimwewo, zvinenge zvakanaka kuti tiyeuke kuti Jehovha ndiye anenge aita kuti tiwane zvinhu izvozvo. (Mat. 6:11) Tinofanira kuramba tichiyeuka kuti chero chii zvacho chatinosarudza kurasikirwa nacho iye zvino, hapana zviripo kana chichienzaniswa nezvatinopiwa naMwari iye zvino uye zvaachatipa mune ramangwana. Nestor naMaría vakasvika pakuziva izvozvo.—Isa. 65:21, 22.
9. Unodzidzei pana Nestor naMaría?
9 Nestor naMaría vaiva neimba yakanaka nemabasa anobhadhara muColombia. Vakati: “Takafunga kuita kuti upenyu hwedu husava netwakawandawanda towedzera ushumiri hwedu, asi taitya kuti taisazofara kurarama nemari shoma.” Chii chakavabatsira kuti vasatya? Vakafunga nezvezvinhu zvakawanda zvavakanga vapiwa naJehovha achiratidza kuti anovada. Vaine chokwadi chekuti aizoramba achivachengeta, vakasiya mabasa avo aibhadhara. Vakatengesa imba yavo ndokubva vatamira kunzvimbo yaidiwa vaparidzi vakawanda munyika iyoyo. Vanonzwa sei nezvechisarudzo chavo? Nestor anoti: “Tiri kuona kuti mashoko ari pana Mateu 6:33 ndeechokwadi. Hatina kumbobvira tashaya zvinhu zvinodiwa pakurarama uye mufaro wedu wawedzera.”
KUTYA VANHU
10. Nei vanhu vachitya vamwe vanhu?
10 Kubva pakapanduka Adhamu naEvha vanhu vari kuita zvinhu zvinokuvadza vamwe. (Mup. 8:9) Semuenzaniso, vanhu vanoshandisa simba ravo zvisina kunaka, mbavha dzinorwisa vanhu, kuchikoro vamwe vanotsvinyira vamwe uye vanovatyisidzira, uye vamwe vanhu vanotoitira utsinye vamwe vemumhuri mavo. Ndosaka vanhu vachitya vamwe vanhu! Satani anoedza sei kushandisa kutya kwatingaita vanhu?
11-12. Satani anoshandisa sei kutya vanhu kuti atirwise?
11 Satani anoedza kuita kuti tinyanye kutya vanhu zvekuti tinorega kuparidza kana kuita zvimwe zvinhu zvatinonzi naJehovha tiite. Dzichinyengerwa naSatani, dzimwe hurumende dzinorambidza basa redu uye dzinotitambudza. (Ruka 21:12; Zvak. 2:10) Munyika yaSatani vanhu vakawanda vanoparadzira mashoko asiri iwo uye nhema dzakashata chaizvo pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Vanhu vanobvuma nhema idzi vangatitsvinyira kana kutotirwisa. (Mat. 10:36) Nzira idzi dzinoshandiswa naSatani dzinotishamisa here? Kana. Aitodzishandisa panguva yevaKristu vekutanga.—Mab. 5:27, 28, 40.
Kunyange kana vemumhuri vakatipikisa, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anotida (Ona ndima 12-14)e
12 Kutya kupikiswa nehurumende hakusi iko kwega kunoshandiswa naSatani. Vamwe vanhu pavanova Zvapupu vanotya zvinofungwa nevemumhuri mavo kupfuura kutya kwavanoita kurohwa. Vanoda chaizvo hama dzavo uye vanoda kuti dzizive Jehovha uye dzimude. Zvinovarwadza kunzwa hama dzavo dzichishora Mwari wechokwadi uye vanamati vake. Pamwe pacho veukama vaimbopikisa vakazogamuchira chokwadi. Asi ngatitii veukama vanobva varega zvachose kutaura nesu pamusana pezvatinenge tava kutenda. Tichaita sei?
13. Kuva nechokwadi chekuti Mwari anotida kunotibatsira sei patinorambwa nevemumhuri? (Pisarema 27:10)
13 Tinogona kunyaradzwa nemashoko akanaka ari pana Pisarema 27:10. (Verenga.) Patinoyeuka kudiwa kwatinoitwa naJehovha, hatityi kuti chii chichaitika kana vemumhuri medu vakatiramba. Uye tine chivimbo chekuti achatikomborera kana tikaramba tichitsungirira. Jehovha achatipa zvese zvatinoda kuti tirarame, achatibatsira kuti tidzikame uye tifare, uye tiwane zvatinoda pakunamata kupfuura zvingaitwa chero naani zvake! Biniam ambotaurwa akaona kuti izvi ndezvechokwadi.
14. Unodzidzei pane zvakaitwa naBiniam?
14 Biniam akava mumwe weZvapupu zvaJehovha kunyange zvazvo aiziva kuti aizotambudzwa zvakanyanya. Kuziva kuti Jehovha anomuda kwakabatsira Biniam kuti asatya vanhu. Anoti: “Kutambudzwa kwacho kwainge kwakanyanya kupfuura zvandaifunga. Asi kupikiswa nevemumhuri mangu ndiko kwandaitonyanya kutya kupfuura kutambudzwa nehurumende. Ndaitya kuti chisarudzo changu chekuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, chaizogumbura baba vangu uye kuti vemumhuri mangu vaisazondiremekedza.” Asi Biniam aiva nechokwadi chekuti nguva dzese Jehovha anochengeta vaya vaanoda. Biniam anoti: “Ndakafungisisa nezvekuti Jehovha akanga abatsira sei vamwe kuti vatsungirire urombo, kusarurwa, uye kurwiswa nemhomho yevanhu. Ndaiziva kuti kana ndikaramba ndiri kuna Jehovha aizondikomborera. Pandakasungwa kakawanda kunyange kurohwa zvakanyanya, ndakazvionera ndega kuti Jehovha anotibatsira sei patinenge takaomerwa kana tikaramba takatendeka kwaari.” Jehovha akava Baba chaivo kuna Biniam, uye vanhu vake vakaratidza kuti vaiva mhuri chaiyo kwaari.
KUTYA RUFU
15. Nei tichitya rufu?
15 Bhaibheri rinoti rufu muvengi. (1 VaK. 15:25, 26) Tinogona kunetseka patinofunga nezverufu kunyanya patinenge tichirwara kana kurwarirwa zvakanyanya. Nei tichitya rufu? Nekuti Jehovha akatisika tiine chido chekurarama nekusingaperi. (Mup. 3:11) Asi kutya kufa kunogona kutibatsira kuti tichengetedze upenyu hwedu. Semuenzaniso, kunogona kutikurudzira kuti tidye zvine utano uye tiite maekisesaizi, kunoita kuti titsvage kubatsirwa navanachiremba patinenge tichirwara uye kunoita kuti tisaisa upenyu hwedu pangozi.
16. Satani angaedza sei kushandisa kutya kwatinoita rufu?
16 Satani anoziva kuti tinokoshesa upenyu hwedu. Asi anotaura kuti tinogona kusarudza kurasikirwa nezvinhu zvese kunyange neushamwari hwedu naJehovha kuitira kuti tirambe tiri vapenyu. (Job. 2:4, 5) Apa Satani akarasika chaizvo! Asi sezvo ari iye “ane simba rekukonzera rufu,” Satani anoedza kushandisa kutya kwatinoita rufu achiitira kuti tisiye Jehovha. (VaH. 2:14, 15) Dzimwe nguva vanhu vanoshandiswa naSatani vanotityisidzira vachiti vachatiuraya kana tikasasiya zvatinotenda. Patinenge tichirwara zvakanyanya, Satani anogona kutiedza kuti tiite zvinhu zvinopesana nezvatinotenda. Vanachiremba kana kuti veukama vasiri Zvapupu vangatimanikidza kuti tibvume kuisirwa ropa uko kunenge kuri kutyorwa kwemutemo waMwari. Kana kuti mumwe munhu angaedza kutinyengetedza kuti tirapwe nenzira inopesana neMagwaro.
17. Maererano naVaRoma 8:37-39, nei tisingafaniri kutya rufu?
17 Kunyange zvazvo tisingadi kufa, tinoziva kuti Jehovha haazoregi kutida kana tikafa. (Verenga VaRoma 8:37-39.) Shamwari dzaJehovha padzinofa, anoramba achidziyeuka sekunge kuti dzichiri kurarama. (Ruka 20:37, 38) Anoda chaizvo kudzimutsa. (Job. 14:15) Jehovha akabhadhara mutengo wakakura kuitira kuti ‘tive neupenyu husingaperi.’ (Joh. 3:16) Tinoziva kuti Jehovha anotida chaizvo uye ane hanya nesu. Saka pane kusiya Jehovha nekuti tarwara, kana kuti tatyisidzirwa kunzi tichaurayiwa, tinovimba naye kuti atinyaradze, atipe uchenjeri uye atisimbise. Ndizvo chaizvo zvakaitwa naValérie nemurume wake.—Pis. 41:3.
18. Chii chaunogona kudzidza pana Valérie?
18 Valérie paaiva nemakore 35 akabatwa chirwere chekenza chainge chakaipa chaizvo. Ona kuti kuziva kwaanoita kuti Jehovha anomuda kwakamubatsira sei kuti asatya rufu. Valérie anoti: “Pandakabatwa kenza, upenyu hwedu hwakabva hwangochinja. Ndaitofanira kuoparetwa kuti ndirarame. Ndakataura navanachiremba vakawanda asi vakaramba kundiopareta ndisingawedzerwi ropa. Ndaitya, asi ndichifunga nezvemurayiro waMwari, ndakaramba kuwedzerwa ropa. Muupenyu hwangu hwese Jehovha akanga andiratidza kuti anondida chaizvo. Iye zvino ndakanga ndava nemukana wekuratidza kuti ndinomuda. Pese pandaiudzwa mashoko asina kunaka, ndaibva ndatowedzera kuva nechido chekufadza Jehovha, ndokunda Satani. Ndakazooparetwa zvakanaka pasina kuwedzerwa ropa. Kunyange zvazvo ndichiri nematambudziko eutano, Jehovha ari kuramba achitipa zvatinoda. Semuenzaniso, pamusangano wekupera kwevhiki watakaita ndisati ndabatwa kenza, takakurukura nyaya yaiva nemusoro unoti ‘Kumirisana Nematambudziko Emazuva Ano Takashinga.’c Nyaya iyi yakatinyaradza chaizvo. Takaiverenga taiverengazve. Nyaya dzakaita seiyi uye kugara tichiita zvinhu zvakadai sekupinda misangano uye kuparidza, zvakabatsira ini nemurume wangu kuti tirambe takadzikama uye tiite zvisarudzo zvakanaka.”
KUKUNDA ZVESE ZVATINOTYA
19. Chii chava kuda kuitika?
19 Vachibatsirwa naJehovha, vaKristu pasi rese vari kukwanisa kukunda mamiriro ezvinhu akaoma uye vari kubudirira kurwisa Dhiyabhorosi. (1 Pet. 5:8, 9) Iwe unogonawo kuzviita. Munguva pfupi iri kuuya Jehovha achaita kuti Jesu nevaachatonga navo ‘vaputse mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Joh. 3:8) Kana izvozvo zvaitika, vanhu vaMwari avo vachange vachimushumira vari panyika, vachange vasisina ‘chavachatya uye chichavavhundutsa.’ (Isa. 54:14; Mika 4:4) Asi kusvikira nguva iyoyo yasvika, tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tikunde kutya.
20. Chii chichatibatsira kuti tisatya?
20 Tinofanira kuramba tichisimbisa chivimbo chekuti Jehovha anotida uye anochengetedza vashumiri vake. Tichakwanisa kuita izvozvo kana tikafungisisa nezvekuti Jehovha akachengetedza sei vashumiri vake kare, totaura nezvazvo. Uye tinogona kufungawo nezvekutibatsira kwaari kuita kuti titsungirire mamiriro ezvinhu akaoma atiri kusangana nawo. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kukunda kutya!—Pis. 34:4.
RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira
a Kutya kunogona kutidzivirira kuti tisakuvadzwa. Asi dzimwe nguva hazvina kunaka kuti titye. Nei zvakadaro? Satani anogona kuita kuti titye zvakanyanya zvekusvika pakuita chisarudzo chisina kunaka. Saka tinofanira kushanda nesimba kuti tisatya saizvozvo. Chii chichatibatsira? Sezvicharatidzwa munyaya ino, patinova nechokwadi chekuti Jehovha ari kurutivi rwedu uye kuti anotida, tinogona kukunda chero kutya kwatingava nakwo.
b Mamwe mazita akachinjwa.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kuunzira zvekudya hanzvadzi inoshanda nesimba yemuungano mavo.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vabereki vehama yechidiki vanopikisa kunamata kwayo, asi hama yacho ine chivimbo chekuti Mwari ari kuitsigira.