Zvikonzero Zvishanu Zvinoita Kuti Titye Mwari Kwete Vanhu
MURUME wacho wechiduku akashamisika. Pakanga paitika chinhu chaakanga asingambotarisiri. Akanga adzidza chimwe chinhu chitsva paakakurukura neZvapupu zvaJehovha zviviri. Kwemakore, akanga achinetseka kuti nei Mwari achibvumira kutambura, asi zvino akanga apindurirwa mubvunzo wacho zvinonzwisisika kubva muBhaibheri. Aisamboziva kuti Bhaibheri rine mashoko anokosha akawanda uye anofadza.
Maminitsi mashomanana Zvapupu zvacho zvaenda, mumwe mukadzi, muridzi wemba yaaigara akapinda mumba make ndokupopota achibvunza kuti, “Vanhu vaya ndivanaani?”
Ashamisika, murume wacho haana kupindura.
Mukadzi uya akapopota achiti, “Ndinoziva kuti ndivanaani, uye ukavagamuchira futi, unotama pano wotsvaka kumwe kwokugara!”
Akarovera dhoo ndokuenda.
Vateveri Vechokwadi vaKristu Vanoziva Kuti Vachashorwa
Zvakaitika kumurume muduku uyu zvinowanzoitika. Shoko raMwari, Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) VaKristu havawanzofarirwi uyewo kunyange kare vakanga vasingafarirwi. Nei? Muapostora Johani akaudza vamwe vaKristu kuti: “Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yose iri musimba reakaipa.” Satani anonziwo akaita “seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Johani 5:19; 1 Petro 5:8) Satani anoshandisawo kutya vanhu kuti atikunde.
Kunyangewo Jesu Kristu, uyo aiita zvakanaka chaizvo uye asina kumboita chivi, akasekwa nokutambudzwa. Akati: “Vakandivenga pasina chikonzero.” (Johani 15:25) Usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akabatsira vateveri vake kuti vave vakagadzirira achiti: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. Yeukai shoko randakataura kwamuri kuti, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.”—Johani 15:18, 20.
Nemhaka yemashoko iwayo, vakawanda vakatya kutsigira kunamata kwechokwadi. Bhaibheri rinotaura nezvevaya vaitsvaga Jesu pane imwe nguva richiti: “Chokwadi, hapana aitaura pamusoro pake pachena nokuti vaitya vaJudha.” (Johani 7:13; 12:42) Vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vaityisidzira vachiti vaizodzinga chero munhu aitenda muna Kristu musinagogi. Saka, kutya vanhu kwakaita kuti vamwe vasava vaKristu.—Mabasa 5:13.
Zvadaro, pashure pokunge ungano yechiKristu yatangwa, tinoverenga nezvo“kutambudzwa kukuru” kwakamuka paungano yaiva muJerusarema. (Mabasa 8:1) Chokwadi, munzvimbo yose yaitongwa neRoma, vaKristu vaitambudzwa. Varume vaiva nezviremera muRoma vakaudza muapostora Pauro kuti: “Pamusoro pekapoka aka tinozviziva kuti kanoshorwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Chokwadi, vaKristu vechokwadi vaishorwa kwose kwose.
Kunyangewo nhasi, Satani achiri kushandisa kutya vanhu kuti atitadzise kuva vateveri vechokwadi vaKristu. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vanoshorwa kana kusekwa kuchikoro, kubasa, munzvimbo dzavanogara, kana kuti neshamwari dzavo. Vangatya kuti vanhu havazovaremekedzi, shamwari dzavo dzichavasiya, kana kuti vanozonyimwa chouviri. Mune mamwe maruwa, varimi vanotya kuti vavakidzani vangazoramba kuvabatsira pakukohwa kana kuchengetedza zvipfuwo zvavo. Pasinei nezvose izvozvo, vanhu vanosvika mamiriyoni vakatsunga kuvimba naMwari uye kurarama maererano neShoko raMwari, vachitevedzera Jesu Kristu. Naizvozvo, Jehovha akavakomborera.
Nei Tichifanira Kutya Mwari, Kwete Vanhu
Bhaibheri rinotikurudzira kutya Mwari, kwete vanhu. Rinoti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pisarema 111:10) Kutya uku kunoita kuti tidzivise kusafadza akatipa upenyu. Kutya uku kunoenderana zvikuru nokumuda. Zvisinei, nei tichifanira kutya Mwari kwete munhu? Ngatimboongorora zvikonzero zvishanu.
1 Jehovha ndiye Wemasimbaose. Jehovha ane simba zvikuru kupfuura chero munhu upi zvake. Kana tikatya Mwari, tinozviratidza kuti tiri vashumiri veWemasimbaose, nokuti kwaari “marudzi akaita sedonhwe remvura riri mumugomo.” (Isaya 40:15) Nokuti Mwari ndewemasimba ose, ane simba rokukunda ‘chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kurwisa’ vaya vakavimbika kwaari. (Isaya 54:17) Uye sezvo ari iye anosarudza kuti ndiyani akakodzera kuwana upenyu husingaperi, tinenge taratidza kuchenjera kana tikadzidza nezvake toita zvaanoda tisingaregi zvimwe zvinhu zvichititadzisa.—Zvakazarurwa 14:6, 7.
2 Mwari achatibatsira uye achatidzivirira. Pana Zvirevo 29:25, Bhaibheri rinoti: “Kutya munhu ndiko kunounza musungo, asi anovimba naJehovha achadzivirirwa.” Kutya munhu musungo pakuti kunogona kuita kuti tidzokere kumashure tichitadza kuratidza kutenda kwedu kuna Mwari takasununguka. Mwari anotivimbisa kuti ane simba rokutiponesa, anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10.
3 Mwari anoda vaya vanoswedera kwaari. Muapostora Pauro akataura mashoko anobaya mwoyo anoti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 8:37-39) Kana tikadzidza kuvimba uye kuteerera Mwari, tinogona kuona zvazvinoreva kugara tichidiwa naChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa. Uku kuremekedzwa zvikuru!
4 Tinokoshesa zvose zvatakaitirwa naMwari. Jehovha ndiye Musiki wedu, ndiye akaita kuti tive vapenyu. Uyewo, haana kungotipa zvinhu zvinokosha muupenyu asi akatipawo zvinhu zvinoita kuti upenyu hufadze uye hunakidze. Chokwadi, ndiye anopa zvipo zvose zvakanaka. (Jakobho 1:17) Dhavhidhi, murume aive akavimbika aikoshesa mutsa worudo waMwari, akanyora kuti: “Imi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri; . . . Zvava zvizhinji zvokuti handigoni kuzvirondedzera.”—Pisarema 40:5.
5 Vamwe vanotipikisa vanogona kuchinja. Unogona kubatsira vaya vanokupikisa nokuramba zvavanenge vachida asi woramba wakaomerera pakuti unotya Mwari uye unomuda. Chimboona zvakaitwa nehama dzaJesu. Pakutanga, vakanga vasingamutendi, zvokuti vakatoti: “Ava kupenga.” (Mako 3:21; Johani 7:5) Pave paya, Jesu afa uye amutswa, vakawanda vacho vakatanga kumutevera. Vanun’una vaJesu, Jakobho naJudha vakatobatanidzwa pakunyora Magwaro. Paivawo nomutambudzi aishingaira ainzi Sauro, uyo akazova muapostora Pauro. Vamwe vari kutitambudza vanogona kuzoona kuti tine chokwadi chomuBhaibheri nokuti tine ushingi hwokuramba takavimbika.—1 Timoti 1:13.
Somuenzaniso, Aberash, mumwe mukadzi wokuAfrica, ainyengetera kuti awane chokwadi nezvaMwari. Pashure pokunge atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akatanga kupikiswa zvikuru nevomumhuri yake uye vatungamiriri vechitendero. Dzimwe hama dzake, dzakanga dzatangawo kudzidza Bhaibheri, dzakatya vanhu dzikarega kuramba dzichidzidza. Asi akateterera Mwari kuti amupe simba uye ushingi akabva abhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvakaguma nei? Hama dzake sere dzakashingiswa nezvaakanga aita, dzikatanga kudzidza Bhaibheri uye vari kufambira mberi zvakanaka.
Unogona Kukunda Kutya Munhu
Kuti udzivise musungo wokutya munhu, ita zvose zvaunogona kuti usimbise rudo rwako naMwari. Unogona kuita izvi nokudzidza Bhaibheri wofungisisa nezvendima dzakadai saVaHebheru 13:6 inoti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?” Usakanganwa zvikonzero zvinoratidza kuti kutya Mwari kwakanaka uye kuchenjera pane kutya munhu.
Gara uchizivawo kuti unobatsirwa zvikuru kana ukashandisa zvaunodzidza kubva muBhaibheri. Unogona kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo youpenyu. Unogona kuwana uchenjeri hunobatsira hwokuti ukunde matambudziko oupenyu. Unogona kusimbiswa netariro inoshamisa pasinei nemariro ezvinhu ari munyika anovhiringidza. Uye unogona kunyengetera kuna Mwari Wemasimbaose nguva ipi zvayo.
Muapostora Johani akanyora kuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Ino ndiyo nguva yokumira takasimba uye yokufamba tichitya Mwari. Pane kuti kutenda kwako kushayiswe simba nokutya vanhu, unogona kuita zvatinokurudzirwa naMwari kuti tiite, akati: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvirevo 27:11) Chokwadi uku kukomborerwa zvikuru kuita izvi!
Yeuka kuti, hapana munhu anogona kukupa izvo Mwari achapa vaya vanomutya: “Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Hama sere dzaAberash dzakapfuurira kudzidza Bhaibheri dzaona kushinga kwake