RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 January p. 5
  • Simbisa Kutenda Kwaunoita muShoko raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simbisa Kutenda Kwaunoita muShoko raMwari
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Kuverenga Bhaibheri Mazuva Ese Uye Kutsvaga Uchenjeri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Takavimbika Kuna Jehovha Patinoomerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu reZvapupu zvaJehovha Nemutariri Wedunhu ra2025-2026
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 January p. 5
Mapikicha: Hanzvadzi iri kudzidza Bhaibheri. 1. Ari kunyora nguva dzakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri. 2. Ari kuverenga Bhaibheri rekudzidza ‘reShanduro yeNyika Itsva’ pajw.org. 3. Ari kutarisa mepu inoratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri. 4. Anodhirowa pikicha yemupristi mukuru nehembe dzaanopfeka.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Simbisa Kutenda Kwaunoita muShoko raMwari

Shoko raMwari rinogona kuchinja upenyu hwedu. (VaH 4:12) Asi kuti tibatsirwe nezvarinotaura uyewo nemitemo iri mariri, tinofanira kutanga tava nechokwadi chekuti ‘ishoko raMwari.’ (1VaT 2:13) Zvii zvatingaita kuti tisimbise kutenda kwatinoita muBhaibheri?

Verenga Bhaibheri zuva rimwe nerimwe. Paunenge uchiverenga, tsvaga uchapupu hunoratidza kuti Jehovha ndiye Munyori weBhaibheri. Semuenzaniso, ongorora mazano ari mubhuku raZvirevo uye ona kuti anoshanda sei muupenyu hwedu mazuva ano.—Zvi 13:20; 14:30.

Tanga kudzidza nezveimwe nyaya. Tsvaga uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri rakafemerwa. Semuenzaniso, kana uri kushandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, enda pamusoro unoti “Bhaibheri” wozoenda pachikamu chakanzi “Rakafuridzirwa naMwari.” Kuti uwedzere kuva nechokwadi chekuti zvinotaurwa neBhaibheri hazvina kuchinja, verenga mashoko ari muShanduro yeNyika Itsva paMashoko Ekuwedzera A3.

ONA VHIDHIYO INONZI CHII CHINOITA KUTI TITENDE . . . MUSHOKO RAMWARI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvakanyorwa patemberi muKarnak kuEgypt zvinoratidza sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi?

  • Tinozviziva sei kuti mashoko ari muBhaibheri haana kuchinja?

  • Kuwanikwa kweBhaibheri mazuva ano kunoratidza sei kuti iShoko raMwari?—Verenga Isaya 40:8

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe