RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 November p. 9
  • Jehovha Anoyeuka Basa Ratakaita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anoyeuka Basa Ratakaita
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Haakanganwi Rudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvaungaita Kuti Ufarire Kushanda Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Unodzidzei Kubva Kwavari?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 November p. 9
Zvikamu zviri muvhidhiyo yakanzi “Jehovha Haakanganwi.” Mapikicha: 1. Vhidhiyo iri kungoedzesera kuratidza hama David Hibshman naAubrey Bivens vakapfeka zvikwangwani mumugwagwa uri kuKentucky. Zvikwangwani zvacho zviri kushambadzira hurukuro yaiti “Tarisana Nechokwadi” yakapiwa nahama Joseph Rutherford. 2. Hama Hibshman vari pamwe chete nedzimwe hama dziri muDare Rebazi kuGuatemala. 3. Hama Hibshman vari kutorwa pikicha nedzimwe hama nehanzvadzi pagungano.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoyeuka Basa Ratakaita

Dzimwe nguva kana ukaitira vamwe vanhu chinhu, pamwe pacho havambozvikoshesi kana kuti vanogona kuzokanganwa kuti une zvawakambovaitira. Zvakadii nebasa ratinoitira Jehovha? Mwari wedu anokoshesa basa ratakamuitira uye haamborikanganwi. Kunyange kana utano hwedu husingachatibvumiri kuita zvataimboita kare, haazombofi akatisiya.—VaH 6:10.

ONA VHIDHIYO YAKANZI JEHOVHA HAAKANGANWI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mabasa api akaitwa naHama Hibshman vachishumira Jehovha?

  • Chii chinoratidza kuti Jehovha haana kukanganwa Hama Hibshman pashure pekunge vafirwa nemudzimai wavo uye pavakanga vasingachakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekukura?

  • Nei tichiti basa renguva yakazara rakaitwa naHama Hibshman rakaita kuti vawane mufaro wechokwadi?—Zvi 10:22

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe